Ganhuro 3
Mwari Wechokwadi Ndiani?
APO unotarira kudenga pausiku hwakajeka, haushamiswi here nokuona nyeredzi dzakawanda kwazvo? Unoti dzakavapo sei? Uye zvakadiniko nezvezvinhu zvipenyu zviri pasi pano—maruva akaisvonaka, shiri nenziyo dzadzo dzinofadza, whale dzine simba idzo dzinosvetuka mugungwa? Ndaza yacho inopfuurira. Kwose ikoku kwaisagona kuva kwakaitika netsaona. Hakushamisi kuti vakawanda vanobvumirana namashoko okutanga eBhaibheri, anoti: “Pakutanga Mwari wakasika denga nenyika”!—Genesi 1:1.
2 Rudzi rwomunhu rwakakamurwa zvikuru panhau yaMwari. Vamwe vanofunga kuti Mwari isimba risiri munhu. Mamiriyoni anonamata madzitateguru akafa, achidavira kuti Mwari ari kure zvikuru zvokusagona kusvikwa. Asi Bhaibheri rinozivisa kuti Mwari wechokwadi munhu chaiyeiye uyo anoratidza fariro youshamwari matiri savanhu vamwe navamwe. Ndokusaka richitikurudzira ku“tsvaka Mwari,” richiti: “Haasati ari kure nomumwe nomumwe wedu.”—Mabasa 17:27, NW.
3 Mwari anotarisika sei? Vashomanene vavabatiri vake vakaona zviono zvokuvapo kwake kune mbiri. Muna izvozvi akazvifananidza amene saagere pachigaro choumambo, kupenya kunotyisa kuchibva kwaari. Zvisinei, avo vakaona zviono zvakadaro havana kutongorondedzera chiso chakajeka. (Dhanieri 7:9, 10; Zvakazarurwa 4:2, 3) Ikoko imhaka yokuti “Mwari Mudzimu”; haana muviri wenyama. (Johane 4:24, NW) Kutaura idi, hakubviri kuita mufananidzo womuviri wakarurama woMusiki wedu, nokuti “hakuno munhu wakatongoona Mwari.” (Johane 1:18; Eksodho 33:20) Bva, Bhaibheri rinotidzidzisa zvakawanda pamusoro paMwari.
MWARI WECHOKWADI ANE ZITA
4 MuBhaibheri, Mwari wechokwadi anoziviswa nokutaura kwakadai sa“Mwari Wamasimba ose,” “Wokumusoro-soro,” “Musiki Mukuru,” “Murayiridzi Mukuru,” “Changamire Ishe,” uye “Mambo asingagumi.” (Genesi 17:1; Pisarema 50:14; Muparidzi 12:1, NW; Isaya 30:20, NW; Mabasa 4:24, NW; 1 Timotio 1:17, NW) Kufungisisa mazita okuremekedza akadaro kunogona kutibetsera kukura mukuziva Mwari.
5 Zvisinei, Mwari ane zita rakasiyana rinooneka kanodokusvika 7 000 muMagwaro echiHebheru oga—kazhinji kazhinji zvikuru kupfuura ripi neripi ramazita ake okuremekedza. Makore 1 900 apfuura, vaJudha vakarega nenzira yokutenda mashura kududza zita roumwari. ChiHebheru cheBhaibheri chakanyorwa chisina mavhawero. Nokudaro, hakuna nzira yokuva nayo vakarurama pamusoro pokuti Mosesi, Dhavhidhi, kana kuti vamwe vomunguva dzakare vakadudza sei makonzonendi mana (יהוה) ayo anoumba zita roumwari. Dzimwe nyanzvi dzinokarakadza kuti zita raMwari ringave raidudzwa sa“Yawe,” asi hadzigoni kuva nechokwadi. Kududza kwechiShona kwokuti “Jehovha” kwave kuchishandiswa kwamazana amakore, uye kwakaenzana nako mumitauro yakawanda kunogamuchirwa zvikuru nhasi.—Ona Eksodho 6:3 uye Isaya 26:4 muHoly Bible in Union Shona.
CHIKONZERO NEI UCHIFANIRA KUSHANDISA ZITA RAMWARI
6 Zita rakasiyana raMwari, Jehovha, rinobatira kumusiyanisa navamwe vamwari vose. Ndokusaka zita iroro richioneka kazhinji kazhinji kwazvo zviuru muBhaibheri, zvikurukuru murugwaro rwaro rwechiHebheru. Vashanduri vakawanda vanokundikana kushandisa zita roumwari, asi Pisarema 83:18 inotaura zvakajeka, kuti: “Imi mune zita rinonzi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro kumusoro kwapasi pose.” Naizvozvo kwakafanira kuti tishandise zita raMwari pachake apo tinotaura nezvake.
7 Zita rokuti Jehovha chimiro chechiito chechiHebheru chinoreva kuti “kuva.” Nokudaro, zita raMwari rinoreva kuti “Iye Anoparira Kuva.” Jehovha Mwari nomutoo iwoyo anozvizivisa amene soMuiti Wechinangwa Mukuru. Iye nguva dzose anoparira zvinangwa zvake kuva chinhu chaichoicho. Mwari wechokwadi bedzi anogona nenzira yakarurama kuva neiri zita, nokuti vanhu havagoni kutongova nechokwadi chokuti gadziriro dzavo dzichabudirira. (Jakobho 4:13, 14) Jehovha oga anogona kuti: “Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; . . . richiendika pane zvandakaritumira.”—Isaya 55:11.
8 Madziteteguru echiHebheru Abrahama, Isaka, uye Jakobho mumwe nomumwe “akadana zita raJehovha,” asi havana kuziva revo yakazara yezita roumwari. (Genesi 21:33; 26:25; 32:9; Eksodho 6:3, NW) Apo Jehovha gare gare akazivisa chinangwa chake chokununura vazukuru vavo, vaIsraeri, muuranda muEgipita ndokuvapa “nyika inoyerera mukaka nouchi,” ichochi chingave chakaratidzika kuva chisingabviri. (Eksodho 3:17) Kunyanguvezvo, Mwari akasimbisa revo isingaperi yezita rake kupfurikidza nokuudza muporofita wake Mosesi, kuti: “Undoti kuvana vaIsraeri: Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbrahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, wakandituma kwamuri; ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose.”—Eksodho 3:15.
9 Mosesi akakumbira Farao, mambo weEgipita, kurega vaIsraeri vachienda kundonamata Jehovha murenje. Asi Farao, uyo iye amene airangarirwa samwari uye uyo ainamata vamwe vamwari veEgipita, akapindura, kuti: “Jehovha ndiye aniko, kuti nditeerere inzwi rake, kuti nditendere vaIsraeri kuenda? Handimuzivi iye Jehovha, neni handingatenderi vaIsraeri kuenda.”—Eksodho 5:1, 2.
10 Jehovha panguva iyeyo akaita chiito chinofambira mberi kuti aite chinangwa chake, achiita mutsinhirano nerevo yezita rake. Akaunza matenda gumi pavaEgipita vakare. Denda rokupedzisira rakauraya dangwe riri rose reEgipita, kubatanidza mwanakomana waFarao anodada. Ipapo vaEgipita vakadisa kuti Israeri aende. Zvisinei, vamwe vaEgipita vakaororwa kwazvo nesimba raJehovha zvokuti vakakumbanira vaIsraeri mukubuda muEgipita.—Eksodho 12:35-38.
11 Farao aiva nechisimbwa nehondo yake, yaiva nengoro dzayo dzehondo 600, akatanga kutevera kundotapazve varanda vake. Sezvo vaEgipita vakaswedera pedyo, Mwari akakamura nenzira yenenji Gungwa Dzvuku zvokuti vaIsraeri vaigona kuyambuka panyika yakaoma. Apo vateveri vakapinda pasi pegungwa, Jehovha “akanyudza makumbo engoro dzavo, dzikatambudzika pakufamba.” Varwi veEgipita vakadanidzira, kuti: “Ngatitize pamberi pavaIsraeri, nokuti Jehovha unovarwira ivo, asi unorwa navaEgipita.” Asi kwakanga kwava kunyanyononoka. Masvingo makuru emvura akakoromoka a“kafukidza ngoro, navatasvi vamabhiza, nehondo yose yaFarao.” (Eksodho 14:22-25, 28) Jehovha nokudaro akazviitira amene zita guru, uye chiitiko ichocho hachina kukanganwiwa kusvikira kuzuva rino.—Joshua 2:9-11.
12 Zita iro Mwari akazviitira amene rine revo huru nokuda kwedu nhasi. Zita rake, Jehovha, rinomira sevimbiso yokuti zvose izvo akaita donzo achaparira kuitika. Ikoko kunobatanidza kuita chinangwa chake chapakuvamba chokuti pasi redu rive paradhiso. (Genesi 1:28; 2:8) Nechinangwa ichocho, Mwari achaparadza vashori vose vouchangamire hwake nhasi, nokuti iye akati: “Vachaziva kuti ndini Jehovha.” (Ezekieri 38:23) Ipapo Mwari achazadzika chipikirwa chake chokununura vanamati vake ndokupinda munyika itsva yokururama.—2 Petro 3:13.
13 Vose vanoda nyasha dzaMwari vanofanira kudzidza kudana zita rake mukutenda. Bhaibheri rinopikira, kuti: “Munhu ari wose anodana pazita raJehovha achaponeswa.” (VaRoma 10:13, NW) Hungu, zita rokuti Jehovha rine revo huru. Kudana Jehovha saMwari wako noMununuri kunogona kukutungamirira kumufarwa usingagumi.
MAVARA AMWARI WECHOKWADI
14 Kufundwa kwokununurwa kwaIsraeri muEgipita kunosimbisa mavara makuru mana ana Mwari akadzikama zvakakwana. Kubata kwake naFarao kwakazivisa simba rake rinotyisa. (Eksodho 9:16) Nzira younyanzvi iyo Mwari akabata nayo mamiriro iwayo akaoma ezvinhu yakaratidza uchenjeri hwake husingaenzaniswi. (VaRoma 11:33) Akazivisa ruramisiro yake mukuranga vashori vaiva nechisimbwa navadzvinyiriri vavanhu vake. (Dheuteronomio 32:4) Vara gurusa raMwari rudo. Jehovha akaratidza rudo rwakatanhamara kupfurikidza nokuzadzika chipikirwa chake pamusoro pavazukuru vaAbrahama. (Dheuteronomio 7:8) Akaratidzawo rudo kupfurikidza nokubvumira vamwe vaEgipita kurega vamwari venhema ndokubetserwa zvikuru nokutsigira kwavo Mwari wechokwadi bedzi.
15 Sezvaunorava Bhaibheri, uchacherekedza kuti rudo ivara guru raMwari, uye anoruratidzira munzira dzakawanda. Somuenzaniso, akava Musiki uye akatanga kugoverana mufaro woupenyu nezvisikwa zvomudzimu bedzi nemhaka yorudo. Mazana iwayo amamiriyoini engirozi anoda Mwari ndokumurumbidza. (Jobho 38:4, 7; Dhanieri 7:10) Mwari akaratidzawo rudo mukusika pasi nokurigadzirira nokuda kwokuvapo kunofadza kwavanhu.—Genesi 1:1, 26-28; Pisarema 115:16.
16 Tinobetserwa norudo rwaMwari munzira dzakawanda zvikuru zvokusagona kududza. Kutanga, Mwari akaita nenzira yorudo miviri yedu nenzira inoshamisa zvakadaro zvokuti tinogona kufarikanya upenyu. (Pisarema 139:14) Rudo rwake runoratidzwa mukuti anogovera “mvura yokudenga, nenguva dzezviyo zvizhinji, achizadza mwoyo [yedu] nezvokudya nomufaro.” (Mabasa 14:17) Mwari anoto“budisira vakaipa navakanaka zuva ravo, nemvura vanoinisira vakarurama navasakarurama.” (Mateo 5:45) Rudo runosundawo Musiki wedu kutibetsera kuziva Mwari ndokumubatira nomufaro savanamati vake. Zvirokwazvo, “Mwari rudo.” (1 Johane 4:8) Asi kune zvakawanda zvikuru kuunhu hwake.
“MWARI UZERE NYASHA NENGONI”
17 Pashure pokunge vaIsraeri vayambuka Gungwa Dzvuku, vakanga vachingoda kuziva Mwari zviri nani. Mosesi akanzwa uku kuda ndokunyengetera, kuti: “Kana ndakawana nyasha pamberi penyu, chindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuzivei, ndiwane nyasha pamberi penyu.” (Eksodho 33:13) Mosesi akasvika pakuziva Mwari zviri nani pakunzwa ziviso yaMwari amene: “Jehovha, Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi, unochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, unovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi usingapembedzi munhu une mhosva.” (Eksodho 34:6, 7) Mwari anodzikamisa rudo rwake neruramisiro, asingadziviriri vatadzi vamaune pamigumisiro yechakaipa chavo.
18 Seizvo Mosesi akaziva, Jehovha anoratidza ngoni. Munhu ane ngoni ane tsitsi paavo vanotambura uye anoedza kuvaunzira sununguko. Nokudaro Mwari akaratidza tsitsi nokuda kworudzi rwomunhu kupfurikidza nokuita gadziriro yesununguko yechigarire mukutambura, chirwere, uye rufu. (Zvakazarurwa 21:3-5) Vanamati vaMwari vangatambura ngwavaira nemhaka yemamiriro ezvinhu munyika ino yakaipa, kana kuti vangaita nenzira yokusachenjera ndokusangana nenhamo. Asi kana vakatendeukira nokuzvininipisa kuna Jehovha nokuda kworubatsiro, achavanyaradza ndokuvabetsera. Neiko? Nemhaka yokuti anoratidza nenzira yengoni tsitsi nokuda kwavanamati vake.—Pisarema 86:15; 1 Petro 5:6, 7.
19 Vanhu vakawanda vane chiremera vanobata vamwe nehasha. Mukupesana, Jehovha ane ngoni sei kuvabatiri vake vanozvininipisa! Kunyange zvazvo ari chiremera chakakwirira zvikurusa muchisiko chose, anoratidza mutsa wakatanhamara kuna vose kurudzi rwose rwomunhu. (Pisarema 8:3, 4; Ruka 6:35) Jehovha anewo nyasha kuvanhu vamwe navamwe, achipindura teterero dzavo dzakananga dzenyasha. (Eksodho 22:26, 27; Ruka 18:13, 14) Chokwadika, Mwari haasungirwi kuratidza nyasha kana kuti ngoni kumunhu upi noupi. (Eksodho 33:19) Naizvozvo, tinofanira kuratidzira kuonga kukuru ngoni dzaMwari nenyasha.—Pisarema 145:1, 8.
ANONONOKA KUTSAMWA, HAASARURI, UYE AKARURAMA
20 Jehovha anononoka kutsamwa. Bva, ikoku hakurevi kuti haaiti chiito, nokuti akaita saizvozvo mukuparadza Farao aiva nechisimbwa nehondo yake muGungwa Dzvuku. Jehovha haasaruriwo. Nokudaro, vanhu vake vainzwirwa nyasha, vaIsraeri, pakupedzisira vakarasikirwa nenyasha dzake nemhaka yokuita kwavo zvakaipa nguva dzose. Mwari anogamuchira savanamati vake vanhu vanobva mumarudzi ose, asi bedzi avo vanowirirana nenzira dzake dzakarurama.—Mabasa 10:34, 35.
21 Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinosimbisa ukoshi hwokudzidza pamusoro po“kururama” kwaMwari. Rinotiudza kuti zvisikwa zvokudenga zvinoimba, zvichiti: “[Jehovha, NW], Mwari wamasimba ose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nenzira dzenyu dzakarurama, ndedzazvokwadi. Ndianiko ungarega kutya nokukudza zita renyu, [Jehovha, NW]? Nokuti imi moga muri mutsvene; nokuti marudzi ose achauya, achinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa.” (Zvakazarurwa 15:2-4) Tinoratidza kutya Jehovha kwakanaka, kana kuti kumuremekedza, kupfurikidza nokuwirirana neizvo anotaura kuti zvakarurama. Ikoku kunoitwa kuti kuve kuri nyore zvikuru kupfurikidza nokuzviyeuchidza timene uchenjeri hwaMwari norudo. Mirayiro yake yose iri nokuda kwenakirwo yedu.—Isaya 48:17, 18.
“JEHOVHA MWARI WEDU . . . MUMWE”
22 VaEgipita vakare vainamata vamwari vakawanda, asi Jehovha ndi“Mwari anorayira kuzvipira kwakakwana.” (Eksodho 20:5, NW) Mosesi akayeuchidza vaIsraeri kuti “Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.” (Dheuteronomio 6:4) Jesu Kristu akadzokorora mashoko iwayo. (Marko 12:28, 29) Naizvozvo, avo vanogamuchira Bhaibheri seShoko raMwari havanamati Utatu hwakaumbwa navanhu vatatu kana kuti vamwari muno mumwe. Kutaura idi, shoko rokuti “Utatu” harimbowaniki muBhaibheri. Mwari wechokwadi Munhu mumwe, akaparadzana naJesu Kristu. (Johane 14:28; 1 VaKorinte 15:28) Mudzimu mutsvene waMwari hausi munhu. Iwo isimba rinoshanda raJehovha, rinoshandiswa noWamasimba ose kuita zvinangwa zvake.—Genesi 1:2; Mabasa 2:1-4, 32, 33; 2 Petro 1:20, 21.
23 Apo unorangarira kuti Jehovha anoshamisa sei, haubvumi here kuti akafanirwa nokunamata kwako? Sezvaunofunda Shoko rake, Bhaibheri, uchasvika pakumuziva zviri nani uye uchaziva zvaanoda kwauri nokuda kwegarikano yako isingagumi nomufarwa. (Mateo 5:3, 6) Mukuwedzera, kuda kwako Mwari kuchakura. Ikoko kwakakodzera, nokuti Jesu akati: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose uye nendangariro yako yose uye nesimba rako rose.” (Marko 12:30, NW) Sezvinooneka, Jesu aiva norudo rwakadaro nokuda kwaMwari. Asi chii chinozivisa Bhaibheri pamusoro paJesu Kristu? Nderipi riri basa rake muchinangwa chaJehovha?
EDZA ZIVO YAKO
Nderipi riri zita raMwari, uye rinoshandiswa kazhinji kazhinji sei muBhaibheri?
Nei uchifanira kushandisa zita raMwari?
Mavarai aJehovha Mwari anokufadza zvikuru?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. Nei vakawanda vachibvumirana namashoko okutanga eBhaibheri?
2. Chii chinotaura Bhaibheri pamusoro paMwari, uye rinotikurudzira kuitei?
3. Nei kusingabviri kuita mufananidzo waMwari?
4. Ndaapi ari mamwe mazita okuremekedza ane revo anoshandiswa kuna Mwari muBhaibheri?
5. Nderipi riri zita raMwari, uye rinooneka kazhinji kazhinji sei muMagwaro echiHebheru?
6. Pisarema 83:18 inotaurei pamusoro paJehovha, uye nei tichifanira kushandisa zita rake?
7. Revo yezita raJehovha inotidzidzisei pamusoro paMwari?
8. Chinangwai icho Jehovha akazivisa kupfurikidza naMosesi?
9. Farao akarangarira sei Jehovha?
10. MuEgipita yakare, chiitoi chakaita Jehovha kuti azadzike chinangwa chake chaibatanidza vaIsraeri?
11. Chishamisoi icho Jehovha akaita paGungwa Dzvuku, uye vavengi vake vakamanikidzwa kubvumei?
12, 13. (a) Zita raMwari rine revoi nokuda kwedu nhasi? (b) Vanhu vanoda kudzidzei nokukurumidza, uye nei?
14. Mavarai makuru aMwari anosimbisa Bhaibheri?
15, 16. Mwari akaratidza rudo munzirai?
17. Tinodzidzei pamusoro paMwari pana Eksodho 34:6, 7?
18. Jehovha akabvumikisa sei kuva ane ngoni?
19. Nei tichigona kutaura kuti Mwari ane nyasha?
20. Chii chinoratidza kuti Jehovha ari zvose zviri zviviri anononoka kutsamwa naasingasaruri?
21. (a) Zvakazarurwa 15:2-4 anotidzidzisei pamusoro paMwari? (b) Chii chichakuita kuve nyore zvikuru kuti tiite chinotaura Mwari kuti chakarurama?
22. Nei avo vanogamuchira Bhaibheri vasinganamati Utatu?
23. (a) Kuda kwako Mwari kuchakura sei? (b) Chii chakataura Jesu pamusoro pokuda Mwari, uye tinofanira kudzidzei pamusoro paKristu?
[Mufananidzo uri papeji 29]
Unosanoziva sei Musiki wechisiko chose?