RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • uw chits. 1 pp. 4-11
  • Kubatana muKunamata—Kunofanira Kurevei Kwauri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatana muKunamata—Kunofanira Kurevei Kwauri?
  • Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mawanirwe Awo
  • Zvinhuiko Zvinobetsera Kukubatana?
  • Dzivisa Pesvedzero Dzinokamuranya
  • Kubatana Mukunamata Munguva Yedu—Zvinorevei?
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Vanamati Vechokwadi Vanoonekwa Nokubatana Kwavo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mhuri yaJehovha Inofarikanya Chinzwano Chinokosha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kubatana kwevaKristu Kunokudza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
uw chits. 1 pp. 4-11

Ganhuro 1

Kubatana muKunamata—Kunofanira Kurevei Kwauri?

1, 2. (a) Ko kubatana kwechokwadi kwokunamata kuri kuparirwa muzuva redu pahwaroi? (b) Ko Bhaibheri rinorondedzera sei chiri kuitika?

KUPOTE nyika yose kune kuenda kunofadza kwokubatana kwokunamata. Kuri kuunganidza vanhu vamarudzi ose nendudzi nemitauro. Kubatana kwavo hakuzati kuri muuyo wokubvumiraniswa zvisinokufanira kupi nokupi kwezvitendero. Hakuzati kuri kuwanwa kupfurikidza nokurega kwavo kutsoropodza miraramire inorwisana neShoko raMwari. Ipapoka chii chinokuparira? Idi rokuti vanhu vomugariro uri wose vari kusvika pakuziva Jehovha saMwari wechokwadi bedzi uye vanodisisa kutsinhiranisa upenyu hwavo nenzira dzake dzakarurama.—Enzanisa Zvakazarurwa 15:3, 4.

2 Ikoku ndiko kuzadzika kwechiporofita chakanyorwa makore ane 2 700 akapfuura nomuporofita Mika. Pakutaura nezve“rutivi rwokupedzisira rwamazuva,” akanyora, kuti: “Marudzi mazhinji achaenda zvamazvirokwazvo ndokuti: ‘Uyai, imi vanhu, uye ngatikwirei kugomo raJehovha nokuimba yaMwari waJakobho; uye iye achatirairidza pamsoro penzira dzake, uye isu tichafamba munzira dzake.’” (Mika 4:1, 2)a Unoona ikoko kuchiitika here?

3, 4. (a) Ko ndokwechokwadi sei kuti “marudzi” ari kutendeukira kuna Jehovha? (b) Mibvunzoi yatinofanira kuzvibvunza timene?

3 Hakuna “marudzi” ose anoenda iwo amene kuimba yomudzimu yaJehovha yokunamatira. Asi vanhu vanobuda mumarudzi akadaro vari kudaro. Zvavanodzidza pamsoro pedonzo rorudo nohunhu hunofadza hwaJehovha Mwari, mwoyo yavo inosundwa zvikurukuru. Mukuzvidukupisa vanotsvaka kuwana izvo Mwari anoda kwavari. Munyengetero wavo wakafanana nowowo waDhavhidhi, munhu wokutenda uyo akati: “Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu, nokuti imi muri Mwari wangu.”—Pisarema 143:10.

4 Ko unozviona umene uri pakati peboka gurusa irero ravanamati vaJehovha here? Ko kudavidza kwako murairidzo unogamuchirwa kunopa ufakazi hwokuti unonzwisisa zvomenemene here kuti Jehovha ndiye manyuko awo? Kutambanukoi yauri ‘kufamba munzira dzake’?

Mawanirwe Awo

5. (a) Ko kubatana kwokunamata pakupedzisira kuchawanwa kusvikira kutambanukoi? (b) Neiko kuri kwokukurumidzira kuva munamati waJehovha zvino, uye tinogona sei kubetsera vamwe kuita ikoku?

5 Donzo raJehovha nderokuti zvisikwa zvose zvakangwara zvive zvinobatana mukunamata—pasina nechimwe chinotsauswa kupfurikidza nohunhema, pasina nechimwe chinotsvangadzira nokuda kwokukundikana kuwana revo chaiyoiyo youpenyu. Haiwa tinopanga sei nokuda kwezuva apo vose vanorarama vacharumbidza Mwari bedzi wechokwadi! (Pisarema 103:19-22) Asika ikoku kusati kwagona kuitika, Jehovha anofanira kubvisa pachisiko chake avo vanoramba Umambo hwake hworudo uye avo vanoomerera pakushatsa upenyu hwavamwe. Mukuwirirana nengoni iye anopa chiziviso chapachine nguva mberi chezvaachaita. Vanhu kunzvimbo iri yose vane banza rokuchinja nzira yavo. Nokudaro muzuva redu rimene iyi udzisiro inokosha iri kuitwa munyika yose: “Ityai Mwari uye mupei mbiri, nokuti nguva yorutongeso runoitwa naye yasvika, naizvozvo namatai Uyo akaita denga napasi negungwa namatsime emvura.” (Zvak. 14:6, 7) Wati wagamuchira kukoka ikoko here? Kana zvakadaro, iropafadzo yako zvino kushanda nesangano raJehovha kubetsera vamwe kuita kudaro.

6. Pashure pokudzidza dzidziso dzapakuvamba dzeBhaibheri, kuendereraizve mberi kwatinofanira kutamburira zvikurusa kuita?

6 Harizati riri donzo raMwari kupinza musangano rake vanhu vanongotaura havo kuti vanodavira Jehovha uye kuti vanoda kurarama muParadhiso asi avo panguva imwe cheteyo vanopfuurira kuronda fariro dzavo vamene dzoudyire. Anoda kuti vanhu vasvike pa“kuziva kwakarurama kuda kwake,” uye ikoku kunofanira kuratidzirwa muupenyu hwavo. (VaK. 1:9, 10) Pashure pokunge vanhu vanonzwisisa vadzidza dzidziso dzapakuvamba dzeBhaibheri, vanoda kuronda kupfuurira kuukuru mumudzimu hwechiKristu. Chishuvo chavo ndechokuda kuziva Jehovha chaizvoizvo, kufadza nokukudziridza kunzwisisa kwavo Shoko rake, uye kurishandisa zvizere zvikuru muupenyu hwavo. Vanotsvaka kuva vakafanana naBaba vavo vokudenga, vachiratidzira mavara avo nokurangarira nhau sezvavanoita. Ikoku kunovasundira kukutsvaka nzira dzokupinda nadzo zvizere sezvingabvira mubasa ravari kuita kuti riitwe mupasi muzuva redu. Ndozvauri kuita here?—VaEf. 5:1; VaH. 5:12–6:3; 1 Tim. 4:15.

7. Ko kubatana kwechokwadi kunobvirira munzirai zvino, uye kunowanwa sei?

7 Bhaibheri rinoratidzira kuti avo vanobatira Jehovha vanofanira kuva vanhu vakabatana. (VaEf. 4:1-3) Uku kubatana kunofanira kuvapo zvino, kunyange zvazvo tichirarama munyika yakakamukana uye tichiri kurwisana nokusakwana kwedu timene. Jesu akanyengetera zvikuru kwazvo kuti vadzidzi vake vose vaizova vamwe, vachiwana kubatana kwechokwadi. Ko ikoku kwaizorevei? Kuti pakutanga ivo vose vaizova noukama hwakanaka naJehovha noMwanakomana wake. Uyewo kuti ivo vaizova vakabatana. (Johane 17:20, 21) Ikoku zvino kuri kuwanwa sezvavanoshandisa murairidzo unowanwa pa“imba” yaJehovha.

Zvinhuiko Zvinobetsera Kukubatana?

8. (a) Chii chatinokudziridza apo isu timene tinoshandisa Bhaibheri kurangarira mhinduro dzemibvunzo inotitapura? (b) Kupfurikidza nokupindura mibvunzo yakarongwa pamsoro apa, kamuranisa zvinhu zvinobetsera kukubatana kwechiKristu.

8 Zvimwe zvezvinhu zvikuru zvinobetsera kukubatana uku zvinoverengwa pasi apa. Zvaunopindura mibvunzo inotevera iyi, funga kuti mumwe nomumwe unotapura sei ukama hwako umene naJehovha uye namaKristu biyedu. Pakurangarira mapfundo aya mukubetserwa namagwaro akarongwa kuchabetsera kukukudziridza kwako mano okufunga nokucherekedza kunotungamirirwa naMwari, ari mavara ayo isu tose tinoda. (Zvir. 5:1, 2; VaF. 1:9-11) Naizvozvo rangarira zvinhu izvi chimwe panguva yakati kuti:

(1) Isu tose tinonamata Jehovha uye tinobvuma maruramiro ake okugadza mupimo pamsoro pechakanaka nechakashata.

Jehovha aizokurangarira sei kudai isu noune taifuratira zano rake pamsoro penhau yairatidzika kuva dukusa kwatiri? (Ruka 16:10; enzanisa Maraki 1:6-8.)

Ko vamwe vanotapurwa here kana isu tisingagaroteerera mirairo yaJehovha? (Enzanisa VaRoma 5:12; Joshua 7:20-26; 1 Madzimambo 14:16.)

(2) Pari pose patinenge tiri munyika, tine Shoko raMwari rokutitungamirira.

Patinoita zvisarudzo, ingozii iripo mukungoita bedzi icho isu “tinorangarira” kuti chakarurama? (Jer. 17:9; Zvir. 14:12)

Kana tisingazivi riri zano rinopiwa neBhaibheri pamsoro penhau yakati kuti, chii chatinofanira kuita? (Zvir. 2:3-5)

(3) Isu tose tinobetserekana neprogiramu imwe cheteyo yokudya kwomudzimu.

Migariroi iripo pakati paavo vasinganzwisisi gadziriro dzaJehovha dzokudya kwomudzimu? (Enzanisa Isaya 1:3; 9:16; 65:14.)

(4) Jesu Kristu, uye hakuno munhu, ndiye Mutungamiriri wedu uye uyo kupfurikidza naye isu tose tinosvika Jehovha mukunamata.

Ko upi noupi wedu ane chikonzero chaichoicho here chokudavira kuti savanhu takakwirira kuna vamwe? (VaR. 3:23, 24; 12:3; Mat. 23:8-10)

(5) Pasinei zvapo nokwatinogara, tinotarira kuUmambo hwaMwari setariro bedzi yavanhu.

Ko ikoku kunotitaviridza sei papesvedzero dzinokamuranya? (Mat. 6:9, 10; Mika 4:3)

(6) Mudzimu mutsvene unoparira muvanamati vaJehovha mavara anokosha kukubatana kwechiKristu.

Ko tinozarurira sei nzira mudzimu waMwari kuti ubereke zvibereko zvawo matiri? (Pis. 1:2; Zvir. 22:4; Zvak. 3:6; Mabasa 5:32)

Ko kuva kwedu nezvibereko zvomudzimu kunopesvedzera sei ukama hwedu naJehovha? Nehama dzedu? (VaG. 5:22, 23)

(7) Isu tose tine mutoro wokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.

Ko kuva kwedu vakabatikana mukupinda mumubato wokuparidza pamwe chete namaKristu biyedu kunopesvedzera sei marangarire atinoita pamsoro pawo? (Enzanisa VaKorose 4:7, 11.)

9. Chii chiri muuyo apo isu tinoshandisa zvomenemene zvokwadi idzi muupenyu hwedu?

9 Kubvuma maidi aya ndichimwe chinhu. Kurarama mutsinhirano nawo kunoda zvakawanda zvikuru. Asi patinoita kudaro, tinoswededzwa pedyo naJehovha. Kusonganirana kwedu navadaviri biyedu kunovawo manyuko enyevenutso. Sokureva kunoita Pisarema 133:1, kuti: “Tarirai! Haiwa kwakanaka sei uye kunofadza sei kuti hama dzigare pamwe chete mukubatana!” Ko iwe pachako hausati wawana manyevenutsire akunogona kuita here kubva munyika, noudyire hwayo hwose, ndokuva pamisangano navamwe vanoda zvomenemene Jehovha?

Dzivisa Pesvedzero Dzinokamuranya

10. Neiko tichidikanirwa kungwarira kudzivisa mudzimu wokuzvimirira?

10 Kuti tigorega kushatsa kubatana ikoko kunokosha, tinofanira kudzivisa pesvedzero dzinokamuranya. Imwe yehurusa iri pakati peidzi ndiwo mudzimu wokuzvimirira. Jehovha anotibetsera kuudzivisa kupfurikidza nokuratidzira muvambi wakwo, Satani Dhiabhorosi. Iye ndiye uyo akanyengedza Evha mukufunga kuti aizobetserwa nokufuratira icho Mwari akanga ataura uye kuita zvisarudzo zvake amene. Adhama akamukumbanira munzira iyeyo yokupanduka. Muuyo wakava ngwavaira kwavari uye nokwatiri. (Gen. 2:16, 17; 3:1-6, 17-19) Tiri kurarama munyika yakanekesheka nomudzimu iwowo wokuzvimirira, naizvozvo hakuzati hakwo kuchifanira kutishamisa kana tichida kudzivisa mudzimu iwoyo matiri timene. Nomutoo worudo Jehovha anotibetsera kuita kudaro nezano kupfurikidza nesangano rake.

11. Chii chicharatidzira kana isu tichigadzirira zvapachokwadi upenyu muNhevedzo Itsva yakarurama yaMwari?

11 Kupfurikidza nesangano irero takadzidza nezvechipikirwa chakaisvonaka chaJehovha chokutsiva mhoteredzo iripoyi namatenga matsva uye nepasi idzva umo “kururama kuchagara” mazviri. (2 Pet. 3:13) Tinofara netariro yokuti nokukurumidza nyika ino yakaipa ichapfuura uye pasi richava rinoshandurwa kuva Paradhiso. Asika muraramire wedu umene unoratidzira kuti tiri kugadzirira zvapachokwadi upenyu munyika umo kururama kuchava mutoo wakapararira here? Bhaibheri rinosanotiudza, kuti: “Musada nyika kana kuti zvimwe zvinhu zviri munyika. Kana munhu upi noupi achida nyika, kuda kwaBaba hakuzati kuri maari.” (1 Johane 2:15) Ichokwadi kuti kune zvinhu zvizhinji zvenyika izvo pasina nomumwe wedu anozvida. Asika hatidi zvikurukuru mativi aya enyika anoshatsa kufarikanya kwedu timene chaikoiko upenyu here? Kana kuti tinodzivisawo here mudzimu wayo—chimiro chayo chokuzvimirira, kuzviitira hanya kwayo kwokunyanyisa? Ko tinokuita muitiro chaiwoiwo here wokuteerera Jehovha uye kumuteerera kunobva pamwoyo, pasinei zvapo nemifungo ipi neipi inopesana nenyama? Muraramire wedu wose—pasinei zvapo nokwatiri, pasinei zvapo nechatiri kuita—unofanira kupupurira kuti kufunga kwedu nevavariro dzedu zvinotungamirirwa naMwari.—Zvir. 3:5, 6.

12. (a) Neiko kuchikosha kubatisisa banza zvino rokudzidza nzira dzaJehovha ndokudzitevera muupenyu hwedu? (b) Ko magwaro akarongwa mundima anorevei kwatiri isu pachedu?

12 Apo nguva yakagadzwa yaMwari inosvika yokuparadza tsika ino yakaipa yezvinhu naavo vose vanoda nzira dzayo, haazati achizononozeka. Iye haazati achizosundira mberi nguva iyoyo kana kuti kuchinja mipimo yake kuti agova naavo vachiri havo kuedza kuomerera kunyika, avo vanongova havo vanoratidzira fariro shoma pamsoro pokudzidza kuda kwaMwari ndokukuita. Ino ndiyo nguva yokuita chiito! (Ruka 13:23, 24; 17:32; 21:34-36) Haiwa kunofadza sei, naizvozvo, kuona “boka guru” ravanhu vanobatisisa iri banza rinokosha, vachitsvakisisa murairidzo uyo Jehovha anogovera kupfurikidza nesangano rake rorudo dzokonokei vofamba vakabatana munzira dzake!

[Mashoko Omuzasi]

a Kunokorwa mashoko kwaMagwaro kuri mubhuku rino kunobva muNew World Translation of the Holy Scriptures, chinyorwa cha 1981.

Kurukurirano Yehwirudzuro

● Chii chiri donzo raJehovha pamsoro pokunamata?

● Pashure pokunge tadzidza dzidziso dzapakuvamba dzeBhaibheri, kuendereraizve mberi kwatinofanira kutsvakisisa kuita?

● Chii chatinogona kuita isu pachedu, kuti zvinhu zvinobatanidza zvatakurukura zvigopesvedzera upenyu hwedu sezvazvinofanira?

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 4]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe