Ungapindura Sei?
Zvakaitikira Kupi?
1. Dombo rakarohwa naMosesi rikabudisira vaIsraeri mvura raiva kupi?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Numeri 20:1-8.
Tenderedza mhinduro yako pamepu.
Kadheshi
Refidhimu
Gomo reSinai (Horebhi)
◼ Mosesi naAroni vakakanganisei, uye vakarangwa sei?
․․․․․
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Numeri 20:9-13; Pisarema 106:32, 33.
ZVOKUKURUKURIRANA:
Unofunga kuti nei Mosesi akagumbukira vaIsraeri? Nei zvichikosha kuti udzore hasha dzako?
Zviri Mumagazini Ino
Pindura mibvunzo iyi, uye nyora ndima dzeBhaibheri dzisipo.
PEJI 13 Dhanieri aizivikanwa kuti aiitei? Dhanieri 6:․․․
PEJI 20 Kuroorana kunofanira kuitwa sei navose? VaHebheru 13:․․․
PEJI 20 Kuchiva pakunenge kwakura kunobereka chii? Jakobho 1:․․․
MAPEJI 7-8 Kutya vanhu kungaita sei? Zvirevo 29:․․
PEJI 7 Benzi rinofamba pai? Muparidzi 2:․․․
Chii Chaunoziva Nezvevaprofita?
Verenga Amosi 7:10-17, wopindura mibvunzo inotevera.
Mupristi Amaziya akapomera Amosi mhosva yei?
Amosi akaratidza unhu hupi huviri paaipindura kunyomba kwaAmaziya?
ZVOKUKURUKURIRANA:
Unofanira kurega kutaura nezvaJehovha nokuti vamwe vanhu vari kukuseka here? Nei?
Mhinduro
1. Kadheshi.
◼ Mosesi akataura asina kufunga, uye iye naAroni havana kutsvenesa Jehovha, saka havana kubvumirwa kupinda muNyika Yakapikirwa.
2. Yokumukira mambo.
3. Kuzvininipisa uye ushingi.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]
Map: Based on maps copyrighted by Pictorial Archive (Near Eastern History) Est. and Survey of Israel