Kodzero Yomurwere Yokusarudza
YAKANYORWA NEMUNYORI WEMUKAI! KUITALY
◼ Zvapupu zvaJehovha zvinoramba kuwedzerwa ropa. Vanoramba nemhaka yemirayiro iri muBhaibheri, uye wokutanga-tanga wacho unoti: “Nyama bedzi ine mweya wayo—iro ropa rayo—musaidya.” VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakaudzwa kuti: “Murambe muchirega . . . ropa.”—Genesisi 9:4; Mabasa 15:29; Revhitiko 17:14.
Mutaundi rokuItaly rinonzi Monterenzio, vadzidzi vokusekondari vakanzi vanyore rondedzero yaitaura nezvokukosha kwekupa vamwe ropa. Pavadzidzi ivavo paiva nemumwe weZvapupu zvaJehovha anonzi Benedetta uyo akanyora zvinotevera:
“Zvinonyatsozivikanwa kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoramba kuwedzerwa ropa nokuti vanoomerera pane zvinotaurwa neBhaibheri, asi izvozvo hazvirevi kuti havabvumi kumwe kurapa. Kutaura zvazviri, Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa utano hwazvo. Ivo nevana vavo vanoedza kutsvaka kurapa kwakanakisisa kunenge kuripo. Vanoda chaizvo kushanda pamwe navanachiremba chero bedzi zvavanotenda zvichizoremekedzwa.”
Benedetta akabva awedzera kuti: “Murwere mumwe nemumwe ane kodzero yokusarudza kurapwa kwaanoona kuti kwakamunakira, ane kodzero yokuremekedzwa uye kodzero yokuziva kuti kurapwa kwaachaita kwakaipirei uye kuti kwakanakirei.”
Bazi reAVIS (Association of Italian Blood Donors) rokuMonterenzio rakapa mubayiro kuvadzidzi vakanyatsonyora zvaibva pamwoyo yavo nezvenyaya yacho. Magazini inonzi Monterenzio Vivace yakati: “Benedetta Barbi akanyanya kurumbidzwa nokuda kwerondedzero yake yaitaura pfungwa dzakasiyana nedzevoruzhinji kunyange nedzeAVIS, asi mudzidzi wacho akanyora zvaanotenda nenzira iri pakati nepakati uye achiratidza kuremekedza.”
Kunyange zvazvo maonero anoitwa nyaya yeropa neZvapupu zvaJehovha “akasiyana neevoruzhinji,” iye zvino vanachiremba vakawanda vava kuona zvazvakanakira. Maonero anoita Zvapupu nyaya yacho ndiwo akanyanya kuita kuti patange kutsvakwa dzimwe nzira dzinoderedza kurasika kweropa pakuvhiya. Izvi zvakaita kuti Zvapupu pamwe nevasiri Zvapupu vabatsirwe. Asi, chikonzero chikuru chinoita kuti Zvapupu zvirambe ropa chinobva muBhaibheri, sezvataurwa kwokutanga.
Zvapupu zvaJehovha pazvichasvika pamba penyu munguva inotevera, wadii kuvabvunza nezvemaonero anoita Musiki nyaya yeropa? Vachada chaizvo kukurukura newe nezvenyaya iyi, vachidaro “noruremekedzo rukuru.”—1 Petro 3:15.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 30]
MAMWE MASHOKO
Norubatsiro rwedzimwe nyanzvi, DVD rinonzi Transfusion Alternatives rinoongorora zvokurapa, zvemitemo, uye zvetsika zvine chokuita nedzimwe nzira dzokurapa dzinotsiva yokuisirwa ropa. Inowanika kuZvapupu zvaJehovha.