Ungapindura Sei?
Zvakaitika Kupi?
1. Pauro naTimoti vakasangana kutaundi ripi?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Mabasa 16:1-3.
Tenderedza mhinduro yako pamepu.
Ristra
Ikoniyumu
Dhebhe
◼ Baba vaTimoti vaiva vorudzi rupi? Ko amai vake?
․․․․․
◼ Amai vaTimoti vainzi ani?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga 2 Timoti 1:5.
․․․․․
◼ Amai vaTimoti vakamudzidzisa chii, uye nei?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga 2 Timoti 3:15.
․․․․․
ZVOKUKURUKURIRANA:
Ungava sei saTimoti?
Unozivei Nezvevaprofita?
Verenga bhuku raJona. Zvadaro pindura mibvunzo inotevera.
2. ․․․․․
Mwari akatuma Jona kuti aende kuguta ripi?
3. ․․․․․
Jona akaudza vanhu vomuguta racho mashoko okuti chii? Vanhu vacho vakaitei?
ZVOKUKURUKURIRANA:
Nei Jona akatsamwa? Aifanira here kutsamwa? Nei uchidaro?
Zviri Mumagazini Ino
Pindura mibvunzo iyi, uye nyora ndima dzeBhaibheri dzisipo.
PEJI 14 Ndiani muridzi wenyika nezvose zviri mairi? Pisarema 24:․․․
PEJI 17 Munhu wose ane nyota anogona kuwanei? Zvakazarurwa 22:․․․
PEJI 5 Unofanira kuitei neimwe mari yako? 1 VaKorinde 16:․․․
PEJI 5 Kana ukakwereta mari, unova chii? Zvirevo 22:․․․
PEJI 27 Nei usingafaniri kushamwaridzana nomunhu wose wose? Pisarema 26:․․․
Mhinduro
1. MuRistra yokuAsia Minor.
◼ Baba vake vaiva muGiriki. Amai vake vaiva muJudha.
◼ Yunisi.
◼ “Zvinyorwa zvitsvene,” kureva Magwaro eBhaibheri echiHebheru, nokuti vaida kuti ave munamati waMwari wechokwadi, Jehovha.
2. Ninivhi.—Jona 1:1, 2.
3. Kutonga kwaMwari guta racho. Vanhu vacho, kusanganisira mambo wacho, vakapfidza.—Jona 1:2; 3:2-9.