Usiku Hunofanira Kuyeukwa
Tapota Tiri Kukukoka—Musi Wechina April 9, 2009
Usiku hwaakanga asati afa, Jesu Kristu akatanga Chirangaridzo chorufu rwake, achishandisa waini nechingwa chisina mbiriso sezviratidzo. Jesu akarayira kuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”—Ruka 22:19.
Zvapupu zvaJehovha zvinokukoka noushamwari kuti ubatane nazvo pakuteerera Jesu nokuvapo pachiitiko ichi chinoitwa gore negore. Tapota bvunza Zvapupu zvaJehovha zvekwaunogara kuti zvikuudze zuva, nguva nenzvimbo ichaitirwa musangano uyu.