Ungapindura Sei?
ZVAKAITIKIRA KUPI?
1. Izvi zvakaitika pagomo ripi?
Tenderedza mhinduro yako pamepu.
Gomo reHemoni
Gomo reKameri
Gomo reGerizimu
Gomo reMoriya
◆ Chii chakazovakwa pagomo iri?
․․․․․
◆ Nei Abrahamu akaedza kubayira Isaka?
․․․․․
◆ Isaka akanga achiri mwana muduku here panguva yacho?
․․․․․
◼ Kukurukurirana: Nei uchifunga kuti Isaka akabvuma zvaidiwa nababa vake? Jesu akanga akafanana naIsaka pakudii?
ZVAKAITIKA RINI?
Tara mutsetse unobva pana mambo uchienda pagore raakatanga kutonga.
1037 B.C.E. 977 936 716 659 607
NDINI ANI?
5. Ndakaendeswa kuBhabhironi ndiri nhapwa asi ndakadzokera kuJerusarema, kwandakapedzisa kutonga samambo.
NDINI ANI?
6. Ndakanyora chikamu cheBhaibheri kuBhabhironi vaRoma pavaitonga Jerusarema.
ZVIRI MUMAGAZINI INO
Pindura mibvunzo iyi, uye nyora ndima yeBhaibheri isipo.
Peji 4 Kusiyana kupi kumwe chete kuripo pakutonga kunoitwa naMwari sokurondedzerwa kwakunoitwa muBhaibheri nenjodzi dzinongoitika dzoga? (Genesisi 18:․․․)
Peji 5 Zvakaipa here kubvunza kuti nei Mwari achibvumira kutambura? (Habhakuki 1:․․․)
Peji 19 Kana uri kurwisa tsika yokuita bonhora nei usingafaniri kunyanya kuzvipa mhosva kana ukamboriitazve? (Pisarema 103:․․․)
Peji 25 Chii chaishandiswa sechiratidzo chokubvumirana kwaisafanira kuputswa? (Numeri 18:․․․)
Peji 29 Chii chinoitika kupfungwa dzomunhu parufu? (Pisarema 146:․․․)
MHINDURO
1. Gomo reMoriya.
◆ Temberi yaSoromoni.
◆ Akateerera murayiro waJehovha.
◆ Kwete.
2. 1037 B.C.E.
3. 659 B.C.E.
4. 936 B.C.E.
5. Manase.
6. Petro.