RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 5/8 pp. 23-25
  • Ona Mvuu Ine Simba!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ona Mvuu Ine Simba!
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kurarama Mumvura
  • Kushama Nyai Kunoorora asi Kuchityisa
  • Mvuu Icharamba Iripo Here?
  • Mvuu Yakanunura!
    Mukai!—1994
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2003
  • Mhuka Dzinorumbidza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Nairobi National Park—Nzvimbo Inofamba Mhuka Dzakasununguka
    Mukai!—2003
Mukai!—2003
g03 5/8 pp. 23-25

Ona Mvuu Ine Simba!

NOMUNYORI WEMUKAI! MUKENYA

DZIVA guru riri munzvimbo yakakura yeMasai Mara Game Reserve kuKenya rinozadzwa nemwaranzi yezuva rakajeka rava kuvira. Zuva sezvarinopinda muna amai varo, pamusoro pemvura yacho panooneka ruvara rwakaisvonaka rwakaita ndarama kubva pazuva riri kuteya. Mamita mashomanana kubva ipapa, mapoka embizi neemvumba anosvika padziva racho achifamba zvishoma nezvishoma. Nenguva isipi, uye dzarohwa nehana, mhuka dzacho dzinomira, maziso adzo akati ndee pachinhu chihombe chinoratidzika sezidombo riri kuyangarara pedyo nemhenderekedzo yedziva racho. Rabvongodza mvura noruzha, “zidombo” riya rinonyura zvokusaoneka. Mhuka dziri kufura idzi dzichangobva kuona mhuka inotyisa yomumvura—mvuu.

Mvuu inowanika mumadziva, munzizi, uye mumadhamu makuru okumabvazuva kweAfrica, uye inongodarikwa nenzou chete pakukura. Kana yanyatsokura, mvuu ingareba mamita mana yova nomutsipa wakareba mita imwe nehafu. Uremu hwayo hungasvika matani anenge mana. Shoko rokuti “Bhehemoti,” (NW) rinotaurwa mubhuku reBhaibheri raJobho rinowanzoshandiswa kureva mvuu. Hazvishamisi kuti Bhaibheri rinorondedzera chisikwa chikuru ichi sechine mapfupa akaita se“ndarira dzine mhango,” uye rinofananidza iwaya ne“mazariro amatare.”—Jobho 40:15-18.

Mvuu ine ganda gobvu, risina mvere, uye inoratidzika sezibukanana, mvuu ine muviri wakaita kunge dhiramu, dai yaizokwikwidzawo mumakwikwi orunako yaisazobudirira kwazvo. Makumbo emvuu mapfupi, zvichiita kuti munhu ashamisike kuti anogona sei kutakura mutumbi wakakura kudaro. Asi usashora simba remakumbo mapfupi iwayo akasimba. Isiri mumvura mvuu inogona kumhanya kudarika munhu. Mumvura yave ichizivikanwa kuti inodarika igwa kana kunyange chikepe cheinjini.

Kurarama Mumvura

Mvuu imhuka dzinoshamwaridzana, dzichiwanzogara mumapoka adzinenge dziri 10 kusvika ku15 anotungamirirwa nomukono, kunyange zvazvo mapoka makuru adzinenge dziri kuma150 akaonekwa. Dzinogara pose mumvura nepanyika uye dzinobuda mumvura—zvikurukuru usiku—kuti dzifure uswa hwakasvibira hunowanika mumhenderekedzo. Kazhinji, hadziendi kure nemvura. Zvisinei, mumwaka wokusanaya, dzimwe mvuu dzave dzichizivikanwa kuti dzinofamba makiromita anosvika gumi dzichitsvaka zvokudya.

Hazvina kujeka kuti mvuu dzinoratidzana sei miganhu yadzo. Muitiro unoshamisa wokuparadzira ndove yadzo nomuswe vamwe vanofunga kuti inzira yokukwezva mvuu hadzi kana kuti yokutyisidzira muvengi. Pakurwiswa, dzinokuma sebhiza, uye dzinodzvova pakurwa. Ruzha rwadzo pakufema runonzwika zvikuru kunyange mhuka dzacho dziri mumvura. Mukono unenge uchitungamirira unonzwika nokukuma uchiti MUH-Muh-muh.

Mvuu inopedza zuva rayo rose isina kunyudza muviri wose kana kuti yakanyura yose mumvura, uye muviri wayo mukuru unonyatsokodzera izvi. Kunyange zvazvo isinganyatsogoni kushambira sezvinoita dzimwe mhuka dzinogarawo zvose mumvura nokunze sezvainoita, mvuu inogona kuva pasi pemvura kwemaminitsi 15! Mhuno dzayo, maziso, nenzeve zvinogona kuva pamusoro pemvura zvakaenzana, zvichigonesa mhuka yacho kuvanza muviri wayo wose mumvura. Pasi pemvura ndipo panoitira mvuu mabasa ayo ose—kusanganisira kudanana uye kuberekesana.

Pashure pokuva nezamu kwemwedzi inenge misere, mwana mumwe chete anoberekerwa mumvura isina kudzika. Inoyamwisa mumvura inosvika mumabvi kana kuti panyika yakaoma. Nokusimba kwayo, mvuu inokoshesa basa rayo somubereki, ichitarisira mwana wayo nounyoro hunoshamisa. Zvechokwadi, kuona mwana wemvuu ari pamusana paamai vake vari kuyangarara zvinonakidza. Chokwadi, mhuka iyi inoratidzika senyoro inorwa zvinotyisa pakangowana chinoedza kubvisa mwana iyeye pamusana wayo!

Ganda remvuu rakanyatsokodzera upenyu hwemvura. Kuchinja kunonyatsooneka kunova pachena mhuka yacho painongobuda mumvura kuenda panyika. Masero ari pasi peganda rayo anobudisa mvura ine munyu wakawanda uye yakatsvukuruka. Uchiona nechokure, ruvara rwacho runoita kuti mhuka yacho iratidzike seiri kubuda ropa. Zvisinei, mvura yacho, inodzivirira ganda rayo mumvura nepanyika yakaoma. Munzanga dzekare dzevanhu vomuAfrica, ganda remvuu raichekwa kuitwa tambo ronyikwa mumafuta. Zvadaro tambo dzacho dzaimonwa dzoomeswa kuitwa chamboko chaityisa chaishandiswa pakurwirana ivhu.a Grzimek’s Animal Life Encyclopedia inoti pashure pokusukutwa—muitiro unotora makore angasvika matanhatu—ganda remvuu “rinenge raomarara sedombo uye rakobvumara masendimita anenge mana nehafu.”

Kushama Nyai Kunoorora asi Kuchityisa

Chokwadi muromo ndicho chinhu chinoorora kwazvo pamvuu. Panyika yakaoma mhuka yacho inoshandisa muromo wayo unovhurika hafu yemita kufura pedyo nemvura. Asi, muromo wacho hausi wokungodyisa chete. Mvuu painoshamisa shaya dzayo kusvika madhigirii 150, kunenge kusiri kungoshama nyai asi chiratidzo chokutsamwa. Kuzvidzivirira kunoita kuti irwise zvakasimba vavengi. Muromo ukashama unoratidza mazino makuru ezasi. Zvombo izvi zvokuzvidzivirira nazvo zvingareba masendimita 30 kubva pamatadza.

Muromo wemvuu une ngozi kwete kudzimwe mvuu chete asiwo kuvanhu. Zvose zvakaedzwa nevanhu kuti vagarisane nemvuu zvakashaya basa. Mhuka yacho inogona kurwisa isina kudenhwa vapi nevapi vanoda kunyanya kuva pedyo nayo. Uyezve, kana mvuu ikaita ronda, inotonyanya kuva nehasha uye nokudaro inogona kukuvadza chaizvo wose anosvika pedyo nayo. Kunyange zvikepe zvakabheurwa nemazishaya emvuu yakatsamwa.

Kana iri panze pemvura mvuu inenge ingori nehasha sezvainoita mumvura. Somuenzaniso, zvine ngozi kwazvo kuva pakati pemvuu iri kufura nemvura. Zvechokwadi, mune dzimwe nzvimbo dzeAfrica, vanhu vomunharaunda vakarwiswa vasingafungiri nemvuu dzakaona nzira yadzo yokudzokera mumvura yavharwa. Mhuka yacho inotyisa vanhu nezvikara uye inofanira kubatwa nokungwarira chaizvo noruremekedzo.

Mvuu Icharamba Iripo Here?

Painenge ichifura panze, mvuu inenge iri yoga inogona kurwiswa nyore neshumba. Asi, munhu ndiye ari kuratidza kuva muvengi mukuru wemvuu. “Vanhu vaderedza kwazvo uwandu hwemvuu uye kukura kwenzvimbo yadzinogara,” inodaro World Book Encyclopedia. “Vavhimi vakauraya dzinoverengeka, uye varimi vakaita minda nzvimbo dzakawanda dzaimbogarwa nemvuu.”

Zvechokwadi, kuvhiringidza kunoita vanhu nzvimbo dzinogara mvuu kwamanikidza mhuka yacho kugara munzvimbo duku, nokudaro zvichivhiringidza kufamba kwayo yakasununguka uye maberekero ayo. Zvinofadza ndezvokuti, pakutonga kwoUmambo hwaMwari, Musiki anopikira kudzorera ukama hwakadzikama hwemhuka nevanhu, kuitira kuti pasave nomunhu ‘anokuvadza kana kuparadza’ munyika ichadzorerwa kuva Paradhiso.—Isaya 11:9.

[Mashoko Omuzasi]

a Zita rechiSwahili—kiboko—rinoreva kuti “chamboko.”

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]

Elizabeth DeLaney/Index Stock Photography

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe