RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 10/8 p. 31
  • Mvuu Yakanunura!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mvuu Yakanunura!
  • Mukai!—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Ona Mvuu Ine Simba!
    Mukai!—2003
  • Nairobi National Park—Nzvimbo Inofamba Mhuka Dzakasununguka
    Mukai!—2003
Mukai!—1994
g94 10/8 p. 31

Mvuu Yakanunura!

ICHIREMA anodokuva matani mana, mvuu ndiyo mhuka mhenyu hurusa yechipiri yapanyika. Shaya dzayo dzakasimba dzinogona kuvhuna igwa mukuruma kumwe. Nokudaro, boka ravanhu kuHwange National Park, Zimbabwe, rakashamiswa zvikuru apo ivo vakaona mvuu ichiita nenzira yakavaoorora nenzira yechienzi—kutaura hedu zvishomanene.

Varume vacho, apo vaiva pedyo nedhamu, vakaona mhara mbiri dzichirondwa chaizvo nemhumhi pfumbamwe. Dzisingawani nzira yokupukunyuka nayo, mhara dzakapinda mumvura. Mhumhi dzakanyanyaira nomumhenderekedzo yemvura, dzichikarira uko mhara sezvingabvira dzaizobudira.

Pakupedzisira, imwe mhara yakanga yaneta yakavamba kushambira ichienda kumahombekombe ari kure, isingazivi kuti mhumhi dzakanga dziriko dzakamirira. Zvisinei, apo mhara yakasvika pedyo nenyika varume vakaona mvuu iri pedyopo ichishambira yakananga mhara. Pakuisvika, inoshuma kudaro magazini inonzi African Wildlife, mvuu yaka“idzora ndokuigombedzera nokuitibvura kunyoro kuti ishambire ichienda kuno rumwe rutivi.” Mhara yakabvuma. Mvuu yakatevera, ichiitibvura panhambo nenhambo apo mhara yairatidza zviratidzo zvokusaterama.

Sezvo mhara yakasvika mugumo wemvura, varume vakaona mvuu ichisaidzira mhara zvinyoro asi nesimba kumahombekombe. Mhara yakadzedzereka zvishoma, ipapo yakarega ndokumira ichidedera. Nokukurumidza, mhara yakavamba kufamba ichibva mumvura. Mvuu yakatevera kutozosvikira zvose zvisisaoneki.

Chii chakaitika kune imwe mhara? Varume vacho vanoshuma kuti mhumhi “dzakanga dzave dzichipa ngwariro kwazvo mukuona kununura zvokuti imwe mhara yakanga yapukunyuka isingacherekedzwi.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe