Zvinotaura Bhaibheri
Kubatana kwechiKristu Kunoda Kuti Vafanane Pazvose Here?
KUNENGE kuti zvitendero zvinozivikanwa nokusabatana nhasi. Kunyange muchechi imwe chete, vanhu vangava nezvavanotenda zvakasiyana panyaya dzedzidziso nomufambiro. Mumwe munyori anozvitaura seizvi: “Zvakatooma kuwana vanhu vaviri vanotenda muna Mwari mumwe chete. Zvinoita sokuti munhu mumwe nomumwe ane dzidziso yake.”
Kusiyana neizvi nokure, muapostora Pauro akarayira vaKristu vomuzana rokutanga remakore achiti “mutaure muchibvumirana” uye mu“nyatsobatanidzwe mupfungwa imwe nomunzira imwe yokufunga.” (1 VaKorinde 1:10) Nhasi vamwe vanotsoropodza kurayira kwaPauro. ‘Vanhu vakasiyana,’ vanodaro, ‘uye hazvina kunaka kusimbirira kuti vaKristu vose vafunge uye vaite zvakafanana.’ Asi Pauro aikurudzira kuita zvakafanana semarobhoti pasina kufunga here? Bhaibheri rinotendera here kuti munhu mumwe ave akasununguka kuita zvaanoda?
Kubatana, Hakurevi Kufanana
Mune imwe yetsamba dzake, Pauro akakurudzira vaKristu kushumira Mwari “nesimba r[avo] rokufunga.” (VaRoma 12:1) Saka zviri pachena kuti akanga asingaedzi kuita kuti nhengo dzeungano yeKorinde dzive zvidhori zvisingafungi. Asi nei akavaudza kuti va“nyatsobatanidzwe mupfungwa imwe nomunzira imwe yokufunga”? Pauro akapa zano iri nokuti ungano yeKorinde yakanga iri kuva nedambudziko rakakura. Makanga mava nemapoka, zvokuti vamwe vakanga vave kuona Aporosi somutungamiriri wavo asi vamwe vachida Pauro kana kuti Petro kana kuti vachiti ndevaKristu bedzi. Kusabatana kwakadaro yakanga isiri nyaya duku nokuti kwaiisa rugare rweungano mungozi.
Pauro aida kuti vaKorinde va‘chengete kuva pamwe mumudzimu muchisungo chinobatanidza chorugare’ sezvaakazorayira vaKristu vaiva kuEfeso. (VaEfeso 4:3) Akanga ari kukurudzira hama kutevera Jesu Kristu dzakabatana, kwete kupatsanurana mumapoka asina kubatana, kana masekete. Nenzira iyi vaizova norugare pakuita chinangwa chimwe chete chinotsinhirana. (Johani 17:22) Saka zano raPauro kuvaKorinde rakabatsira kuti vagadzirise mafungiro avo ndokusimudzira kubatana, kwete kuti vave vakafanana.—2 VaKorinde 13:9, 11.
Kubatana kunokoshawo panyaya dzedzidziso. Vanotevera tsoka dzaJesu vanoziva kuti kunongova no“kutenda kumwe,” sezvakuna “Mwari mumwe uye Baba.” (VaEfeso 4:1-6) Saka vaKristu vanova nechokwadi chokuti zvavanotenda zvinoenderana nechokwadi icho Mwari akazivisa muShoko rake nezvake uye nezvezvinangwa zvake. Vakabatana mune zvavanotenda kuti Mwari ndiani uye zvaanoda. Vanoraramawo maererano nenhungamiro yakajeka iri muShoko raMwari. (1 VaKorinde 6:9-11) Izvi zvinoita kuti varambe vakabatana, mune zvavanotenda uye mutsika.
Kana Paine Kusawirirana
Zvisinei, izvi hazvirevi kuti muKristu mumwe nomumwe anoudzwa mafungiro uye zvaanofanira kuita muzviitiko zvose zvoupenyu. Zvinhu zvizhinji ndezvokuzvisarudzira. Chimbofunga muenzaniso uyu. VaKristu vanoverengeka vomuzana remakore rokutanga vakanga vasina chokwadi kuti vaifanira kudya nyama yainge yabva kutemberi yezvidhori. Vamwe vaifunga zvakasimba kuti kudya nyama yakadaro kwaireva kunamata kwenhema, asi vamwe vaifunga kuti kwakanga kwabva nyama yacho kwakanga kusina basa. Mukutarisira nyaya iyi yaida kuchenjerera, Pauro haana kuisa mutemo waizoudza vaKristu zvokuita. Asi akabvuma kuti vanhu vangasarudza zvakasiyana-siyana panyaya yacho.a—1 VaKorinde 8:4-13
Nhasi vaKristu vangasarudza zvakasiyana nezvingasarudzwa nevamwe vaKristu panyaya dzebasa, utano, nhandaro, kana kuti zvimwewo zvingada kuzvisarudzira. Kusiyana kwakadaro kungavhiringidza vamwe. Vangafunga kuti kusiyana mumaonero kungaita kuti pave nokusawirirana kana mapoka muungano. Zvisinei, zvinhu zvakadaro zvinotarisirwa. Somuenzaniso: Vanoimba nziyo havana madhodhodho akawanda okushandisa, asi mikana yokuita nziyo dzinonakidza haiperi. Saizvozvowo, vaKristu vanosarudza zvinhu zvinoenderana nenhungamiro yaMwari. Zvisinei, vane mukana worusununguko rwakati pavanenge vachizvisarudzira zvimwe zvinhu.
Zvingakwanisika sei kuchengetedza kubatana kwechiKristu asi tichiremekedza zvisarudzo zvomumwe nomumwe? Chinokosha rudo. Kuda Mwari kunoita kuti titeerere mitemo yake nokuzvidira. (1 Johani 5:3) Kuda vamwe kunoita kuti tiremekedze kodzero dzevamwe dzokuzvisarudzira nehana yavo panyaya dzavo voga. (VaRoma 14:3, 4; VaGaratiya 5:13) Pauro akatiitira muenzaniso wakanaka pana izvozvi paakateerera chiremera chedare rinodzora romuzana remakore rokutanga panyaya yaiva nechokuita nedzidziso. (Mateu 24:45-47; Mabasa 15:1, 2) Asi akakurudzirawo munhu wose kuremekedza hana dzevamwe vaKristu munyaya dzatakasiyirwa kuti tizvisarudzire.—1 VaKorinde 10:25-33.
Zviri pachena kuti hapana anofanira kutongeswa nokuti asarudza kuita zvinoenderana nehana yake zvisingapesani nenhungamiro yeBhaibheri. (Jakobho 4:12) Asiwo vaKristu vakavimbika havazoomereri pakodzero dzavo asi zvichikuvadza hana dzevamwe kana kuti rugare rweungano ruchivhiringidzwa. Uyewo havafaniri kutaura kuti vane rusununguko rwokuita chimwe chinhu chinorambidzwa zviri pachena neShoko raMwari. (VaRoma 15:1; 2 Petro 2:1, 19) Kuda Mwari kunofanira kuita kuti tigadzirise hana yedu kuti ipindirane nezvinodiwa naMwari. Izvi zvichabva zvaitawo kuti isu tirambe takabatana nevamwe vedu vatinonamata navo.—VaHebheru 5:14.
[Mashoko Omuzasi]
a Somuenzaniso, zvinokwanisika kuti vamwe vaimbonamata zvidhori vasati vava vaKristu vaisagona kusiyanisa kudya nyama yacho nokubatana mukunamata chaiko. Chimwe chinhu chaikoshawo kwaiva kuti vaKristu vasina kusimba vaigona kusanzwisisa vogumburwa.