RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 5/8 pp. 26-29
  • Kuchinjwa Kwakaitwa Upenyu Hwangu Nokukuvara

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuchinjwa Kwakaitwa Upenyu Hwangu Nokukuvara
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuora Mwoyo
  • Zvainge Zvakaoma Kurapwa
  • Mafungiro Akanaka
  • Dzimwe Yamuro Dzinosimbisa
  • Kushumira Vamwe Kunoderedza Kutambura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Hatisati Tiri Vezvamashiripiti Kana Kuti vaMwari
    Mukai!—1994
  • Ndinoonga Tsigiro Isingagumi yaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kunyange Ndaiva Bofu, Maziso Angu Akasvinudzwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 5/8 pp. 26-29

Kuchinjwa Kwakaitwa Upenyu Hwangu Nokukuvara

YAKATAURWA NASTANLEY OMBEVA

Muna 1982, ndakarohwa nemotokari yaimhanya zvikuru. Ndakarapwa uye nenguva isipi ndakanga ndoita mabasa angu ezuva nezuva, pasinei nokurwadziwa nguva nenguva nokuti ndakanga ndakuvara muzongoza nechepakati pomutsipa nechipfuva. Zvisinei, makore 15 pava paya, ndakatarisana nezvaiedza kutenda kwangu kwazvo muupenyu hwangu.

NDISATI ndapinda mutsaona napashure pacho, ndaiva nesimba rakawanda. Ndaiva nepurogiramu yakanaka yokurovedza muviri yaisanganisira kumhanya makiromita aiva pakati pe10 kusvika 13 pakupera kwevhiki, ndaitamba squash, uye ndaiita basa rakaoma remaoko. Ndakabatsira kuvaka Dzimba dzoUmambo dzeZvapupu zvaJehovha uyewo Imba yeMagungano huru muNairobi, muKenya, matinogara.

Zvadaro, muna 1997, marwadzo angu omuchipfuva akava enguva dzose uye akawedzera zvikuru. Ongororo yechipatara yakaratidza kuti rimwe pfupa rangu rokumusana rakanga rabva panzvimbo yaro uye rakanga richidzvanyirira muzongoza wangu. Izvi zvakakonzerwa netsaona yandambotaura.

Utano hwangu husati hwaderera, ndakanga ndawana basa rokutengesa. Basa racho raipa mhuri yangu inishuwarenzi yokurapwa. Tarisiro dzangu munyika yezvebhizimisi yaiita seyakajeka. Asi nechepakati pa1998, ndakava nechiveve kwazvo chaibvira pachipfuva changu kusvika kumakumbo. Utano hwangu hwaiderera zuva nezuva.

Isiri nguva refu pashure pacho, basa rangu rakapera kusanganisira zvandaizowaniswa. Vanasikana vangu vaviri, Sylvia naWilhelmina, panguva iyoyo mumwe aiva nemakore 13 uye mumwe 10. Basa rangu zvarakanga rapera, taifanira kurarama nezvaiuya kumba nomudzimai wangu, Joyce, pakupera kwemwedzi. Tava mumamiriro ezvinhu matsva, takachinja upenyu hwedu nokusatenga zvisingakoshi. Takakwanisa kuwana zvokurarama nazvo.

Kuora Mwoyo

Ndinofanira kubvuma kuti pandakatanga kunzwisisa mamiriro angu ezvinhu, ndakaora mwoyo, ndakatanga kungogara ndichifunga nezvoupenyu hwangu, uye ndisingachatani kutsamwa. Dzimwe nguva, ndaitsamwa uye ndaiva ndisina ushamwari, ndisingabvumirani nevamwe kunyange nezvinhu zvidukuduku. Nguva dzose ndaiva pedyo nokuora mwoyo. Hapana asina kunetseka mumhuri. Mudzimai wangu nevanasikana vedu vakatarisana nemamwewo mamiriro ezvinhu avakanga vasati vamboona.

Panguva iyoyo, ndaifunga kuti zvandaiita zvakanga zvakafanira. Uremu hwangu hwakaramba huchiwedzera. Ndakanetseka zvikuru nomudumbu uye kunzwa kuda kunorasa mvura nguva dzose. Kakawanda, ndainyara kwazvo. Ndaiwanzova mukona yangu ndoga, maziso angu akazara nemisodzi. Pane nguva yandaitsamwa chaizvo zvaigona kutosetsa. Ndaizviziva kuti ndakanga ndisiri kuita zvakanaka pamamiriro angu ezvinhu.

Zvandaiva mukuru muungano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha, ndaiwanzopa zano vamwe vangu vechiKristu kuti vasambopomera Jehovha pakutambura kupi nokupi. Asi, ndakawana ndava kuzvibvunza—kwete kamwe chete bedzi kuti—‘Nei Jehovha akabvumira zvinhu zvakadai kuitika kwandiri?’ Kunyange zvazvo ndakanga ndashandisa magwaro akadai sa1 VaKorinde 10:13 kusimbisa nokukurudzira vamwe, ndakafunga kuti zvandakanga ndasangana nazvo zvaive zvisingatsungiririki!

Zvainge Zvakaoma Kurapwa

Kuwana kurapwa kwakanaka kwaive kwakaoma. Ndaishanyira vanachiremba vatatu vanoziva marapiro akasiyana-siyana pazuva rimwe. Kunyaradzwa kwacho, kana kwaivapo, kwaiva kwenguva pfupi zvikuru. Ndakaona vanachiremba vanoverengeka, kusanganisira chiremba wemapfupa anenge atyoka uye chiremba wetsinga. Vose vakabvumirana chinhu chimwe chete chokuti: Kuvhiya kwaidiwa kuderedza marwadzo uye kubvisa pfupa romusana rakanga rabva panzvimbo yaro. Pamusana pezvandaitenda zvinobva muBhaibheri, ndakatsanangura zvakajeka kunyanzvi idzi dzokurapa kuti handifaniri kuisirwa ropa nyange zvodini.—Mabasa 15:28, 29.

Chiremba wokutanga wokuvhiya akataura kuti aizondivhiya nokubamura musana wangu. Ndakatsanangurirwa kuti maitiro acho aigona kuva nenjodzi yakati. Asi, muvhiyi uyu akanga asingagoni kutaura nokusimbisa kuti ropa raisazoshandiswa. Handina kudzokera kwaari.

Wechipiri akataura kuti aizosvika kumuzongoza nepamutsipa wangu. Kuita saizvozvo kwakandityisa. Kunyange zvazvo akanga abvumirana nokuramba kwangu kuisirwa ropa, aida kuti ndivhiyiwe nokukurumidza ndokutaura zvimwe zvishomanana zvaibatanidzwa. Ndakamusiya zvakare.

Zvisinei, ndakakwanisa kuwana chiremba anoshandira pamwe nokubatsira kweZvapupu zvaJehovha zvaishanda muDare Rokubata Nechipatara. Maitiro acho akataurwa nachiremba wechitatu akanga akafanana neakataurwa nachiremba wechipiri; aisanganisira kuvhiya nepamutsipa. Akatsanangura kuti njodzi dzaizova shoma.

Kuratidzwa kwakajeka kwemavhiyirwo andaizoitwa kwakandityisa. Kuziva kuti kuvhiya kwakadaro kwaifanira kuzoitwa nomunhengo dzisina kusimba dzomuviri dzakadai somwoyo nemapapu ndiko kwakanyanya kundityisa. Ndaizopona here pakuvhiya uku? Zvechokwadi, pfungwa dzokuora mwoyo idzodzo hadzina kunditadzisa kutya.

Musi waNovember 25, 1998, ndakavhiyiwa zvinobudirira kwemaawa mana pachipatara cheNairobi. Kuvhiya kwacho kwaisanganisirawo kubviswa kwechidimbu chepfupa rangu romuhudyu. Pfupa racho rakagadzirwa ndokuiswa pakanga pakakuvara rakabatanidzwa nesimbi. Izvi zvakabatsira. Asi hazvina kupedza zvinetso zvangu zvose. Ndaisagona kufamba zvakanaka. Ndichiri kutambura nechiveve chinongopfuurira.

Mafungiro Akanaka

Sezvandambotaura, ndakanga ndapedza nguva yakawanda chaizvo ndichinetseka uye kuora mwoyo pamusana pemamiriro angu ezvinhu asina kunaka. Ndingataurawo kuti vashandi vakawanda vokuchipatara vairumbidza kudzikama kwangu uye tariro. Nei vaidaro? Nokuti vaikwanisa kuona kuti kunyange zvazvo ndairwadziwa chaizvo, ndaingotaura navo nezvokutenda kwangu muna Mwari.

Kunyange zvazvo nguva nenguva ndaitsamwa uye kuva nehasha nemamiriro ezvinhu andaiva maari, ndaingotsamira pana Jehovha. Nguva yose ainditsigira pazvose zvandaisangana nazvo—zvikuru, zvokuti ndainzwa kunyara dzimwe nguva. Ndakasarudza zvakasimba kuverenga uye kufungisisa magwaro andaiziva kuti anondinyaradza mumamiriro angu ezvinhu. Mamwe awo ndeaya:

Zvakazarurwa 21:4, inoti: “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo.” Kufunga nezvechipikirwa cheBhaibheri chenyika itsva iyo ichange isisina misodzi nemarwadzo zvachose kwakandinyaradza zvechokwadi.

VaHebheru 6:10, inoti: “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” Kunyange zvazvo muviri wangu wakanga wava kuita basa zvishoma, ndaiziva kuti Jehovha aikoshesa zvandaiita mukumushumira.

Jakobho 1:13, inoti: “Paanenge achiedzwa, munhu ngaarege kuti: ‘Ndiri kuedzwa naMwari.’ Nokuti Mwari haangaedzwi nezvinhu zvakaipa kana iye pachake haaedzi munhu.” Ichokwadi chaicho! Kunyange zvazvo Jehovha akabvumira kutambura kwangu, chokwadi haasi iye akakukonzera.

VaFiripi 4:6, 7, inoti: “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.” Munyengetero wakandibatsira kuti ndive norugare rwepfungwa rwandaida kwazvo, uchindigonesa kubata nemamiriro angu ezvinhu zvinonzwisisika zvikuru.

Ndakanga ndashandisa magwaro aya kukurudzira vamwe vaiva vakaora mwoyo—uye chokwadi akavabatsira! Kunyange zvakadaro, ndakasvika pakuziva kuti panguva iyoyo ndakanga ndisinganzwisisi zvaaireva. Ndaifanira kurwara saizvozvi kuti ndinzwisise kuzvininipisa uye kudzidza kutsamira pana Jehovha zvizere.

Dzimwe Yamuro Dzinosimbisa

Vakawanda vanotaura nezvoukama hwedu hwechiKristu sembiru nechitsigiso panguva dzakaoma. Asi, zviri nyore kwazvo sei kungorerutsa hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu! Chokwadi, vangava nepavanoperera pakubatsira kwavo, asi nguva dzose vakagadzirira kutibatsira. Izvi zvaiva zvechokwadi kwandiri. Zvakanga zvisingaiti kutadza kuvaona pedyo nomubhedha wangu womuchipatara, dzimwe nguva mangwanani-ngwanani chaiwo. Vaitozvipira kubhadhara mari yokurapwa kwangu. Mwoyo wangu unoonga chaizvo vaya vakandinzwira urombo pakutambudzika kwangu ndokuuya kuzobatsira.

Muungano yedu, Zvapupu zvinoziva kuti iye zvino handichagoni kuita zvakawanda. Pari zvino ndiri kushumira somutariri anotungamirira uye ndinoshanda neboka revakuru vechiKristu vanotsigira chaizvo. Handina kumborega kuva wenguva dzose mubasa rokuparidza. Panguva yangu yokutambura zvikuru, ndakabatsira vanhu vaviri kusvika pakutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha. Mumwe wacho pari zvino ari kushumira somushumiri anoshumira mune imwe ungano yeZvapupu zvaJehovha iri muNairobi.

Ndichiri kutadza kuwana mashoko okutenda mudzimai wangu, uyo akanditsigira mudambudziko rangu rose. Akatsungirira kutsamwa kwangu, kuchinja-chinja unhu kwangu, kusafunga kwangu, uye zvinondiodza mwoyo. Pose pandaichema uye ndichirwadziwa, aindisimbisa ondinyaradza. Simba rake uye kutsunga kwake munguva yenhamo zvinoramba zvichindishamisa. Akaratidza kuva ‘shamwari yechokwadi nguva dzose.’—Zvirevo 17:17.

Vanasikana vedu vakadzidza kubata nemamiriro angu ezvinhu. Vanoita zvavanokwanisa kundibatsira. Vanonzwisisa zvandinoda uye vanondibatsira nokukurumidza, vachiona kuti zvinhu zvose zvakandinakira amai vavo pavanenge vasipo. Sylvia ave ari “mudonzvo” wangu, achindibatsira kufamba pamusha pose pandinenge ndisisina simba.

Zvakadini naMina, muduku wacho? Chokwadi, ndinoyeuka imwe nguva pandakatadza kumuka ndadonha mumba. Ndiye chete aiva pamba. Achishandisa simba rake rose, akandisimudza ndokundisesedza achienda neni kukamuri rangu. Nanhasi haazivi kuti akazvigona sei. Chiito chimwe chete ichocho choushingi hachidzimiki mupfungwa dzangu.

Kurarama nokukuvara uku ndeimwe hondo yakaomesesa yandati ndarwa muupenyu hwangu. Ichiri hondo yandiri kurwisa. Hakuna chimwe chinhu chaedza upenyu hwangu nokutenda seizvi. Ndadzidza zvakawanda zvine chokuita nokuzvininipisa, kuva anonzwisisa, uye kunzwira tsitsi. Kuvimba zvizere naJehovha kwandibatsira kutsungirira nokubudirira pachinetso ichi.

Ndava kuziva chokwadi chemashoko omuapostora Pauro anoti: “Tine pfuma iyi mumidziyo yevhu, kuti simba rinopfuura romuzvarirwo rive raMwari kwete rinobva matiri.” (2 VaKorinde 4:7) Ndinonyaradzwa kwazvo nechipikirwa chaMwari che“matenga matsva nepasi idzva” zvichauya. (2 Petro 3:13) Ndinonyengetera kuti Jehovha acharamba akanditakura kuenda kunyika itsva iyoyo, nokuti ndichiri asina simba uye zvishoma zvandinogona kuita nesimba rangu ndoga.

[Mifananidzo iri papeji 28]

Kuita mabasa echiKristu nemhuri yangu kwandibatsira kutsungirira

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe