RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 10/8 pp. 18-22
  • Vanhu Vanotsvaka Mafaro—Nei Vachida Mitambo Ine Ngozi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu Vanotsvaka Mafaro—Nei Vachida Mitambo Ine Ngozi?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhuka Dzinourayiwa
  • Chiitiko Chikuru
  • Kurwa Nemabhuru
  • Kumhanya Kwemabhuru
  • Kutamba Noupenyu
  • Nei Vachizviita?
  • Maonero echiKristu
  • Mitambo Inofadza Inotyisa Ndinofanira Kuzvipinza Mungozi Here?
    Mukai!—1994
  • “Mitambo Yokunyanyisa”—Unofanira Kuzviisa Pangozi Here?
    Mukai!—2000
  • Chidzidzo Kubva Munhau Yezvaiitika Kare muRoma
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Kuzvipira Kuna Mwari, Kana Kuti Kusimbisa Muviri
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 10/8 pp. 18-22

Vanhu Vanotsvaka Mafaro—Nei Vachida Mitambo Ine Ngozi?

MUNHANDARE yeRoma yekare, chita chevanhu vari kufara—vose pamwe chete vari 50 000—vakanga vamirira zvakanga zvichizoitika. Havi yavo yakanga yasimba chose sezvo kushambadzira kwakaitwa kwakataura kuti zvakanga zvoda kuitwa zvakanga zviri “zvinhu zvinofadza chaizvo zvokuti munhu haafaniri kushayikwa ikoko.”

Kunyange zvazvo kuitwa kwemashiripiti, kutamba kwomunhu mumwe achiimba, uye mitambo ine nyambo zvaidiwa nevanhu vakawanda, mitambo yaiitirwa munhandare yakanga yakasiyana chaizvo neizvi. Kurwadza kwezvigaro uye nhamo dzomunhu zvose zvaikurumidza kukanganwika nezvaifadza kwazvo zvaiitwa pamberi pevaoni.

Iye zvino kwaiuya vaimbi, vachiteverwa nomupristi akashonga nguo dzake. Zvadaro vatakuri vezvinonhuwirira vaitungamirira zvidhori zvaimirira vanamwari uye vanamwarikadzi, zvakasimudzwa mudenga kuti vose vaone. Izvi zvaiita kuti zviitiko zvacho zviratidzike sezvakanga zvichifarirwa navanamwari.

Mhuka Dzinourayiwa

Iye zvino zvinhu zvikuru zvinonakidza zvakanga zvoda kutanga. Chokutanga, shiri dzinonzi mhou uye mhuka dzinonzi twiza, idzo vanhu vashoma chete vaivamo vakanga vamboona, dzaizarurirwa munhandare dzisina pokubuda napo. Vavhimi vakawanda vaiva nounyanzvi vaine uta nemiseve vaizouraya mhuka idzi dzisina kwokutizira, kusvika dzapera, zvichinakidza vanhu vakanga vachida mafaro.

Mhomho yevanhu vaikuza yaizoona kurwisana kwenzou mbiri huru kusvika imwe yadzo yafa, dzakanga dzakaiswa miseve yesimbi yakatesvera panyanga dzacho. Vanhu vanorova maoko zvine ruzha apo imwe yemhuka dzacho dzine simba inowira pasi mujecha razara ropa. Chiitiko ichi changoita kuti vaoni vave nehavi yokuona chiitiko chikuru chava kuda kuuya.

Chiitiko Chikuru

Gurumwandira revanhu vari kuda zvinofadza rinosimuka apo varwi vanopinda munhandare, uku vanhu vachiombera uye kuridza miridzo. Vamwe vane mapakatwa uye nhovo uye ngowani dzesimbi kana kuti vaine mapanga, uye vamwe vane zvombo zviduku uye vane mbatya dzisina kunyanya kusimba. Vanorwisana, kusvikira mumwe kana kuti vose vari vaviri vafa uku vari kuona vachikuza. Mishumo inoratidza kuti pane chimwe chiitiko mhuka 5 000 dzakaurayiwa mumazuva 100. Pane chimwe chiitiko varwi 10 000 vakaurayiwa. Asi kunyange zvakadaro, vanhu vaidaidzira kuti vamwe vaunzwe.

Matsotsi uye vanhu vakanga vapambwa muhondo ndivo vainyanya kurwiswa pamitambo iyi. Zvisinei, rimwe bhuku rinoti “ava havafaniri kuonekwa sevarwi vaya vaiva nounyanzvi vakanga vadzidzira basa iri rokurwa nezvombo, vachiwana mari yakawanda zvikuru, uye vakanga vasiri matsotsi akanga atongerwa rufu.” Mune dzimwe nzvimbo varwi vaipinda zvikoro kuti vadzidzire unyanzvi hwokurwa. Bvudzi richimira kuti nyandu, vainakidzwa nomutambo wokuurayana. Kuda kurwa rimwe zuva chakanga chiri chinhu chavaida zvikuru. “Murwi aibudirira ndouya aikwanisa kurwa ka50 asati arega basa iri,” rinodaro rimwe bhuku.

Kurwa Nemabhuru

Mazuva ano tava kurarama mumireniyamu itsva. Asi zviri pachena kuti hapana chakabvisa kuda kwevanhu vakawanda kuona mitambo ine ngozi, kunyanya iya inoratidza kutamba noupenyu. Somuenzaniso, kurwa nemabhuru kwave kwakakurumbira zvikuru kuSouth America nokuMexico kwemazana emakore. Mazuva ano kwakapararira kuLatin America, Portugal, neSpain.

Zvinonzi kune nhandare dzinosvika 200 muMexico uye dzinodarika 400 muSpain. Imwe nhandare muMexico inogara vanhu 50 000. Nhandare zhinji dzacho dzinozara nevanhu vanouya kuzoona varume vachiratidza ushingi hwavo pavanorwa nemabhuru anenge achimhanya kuzovatunga. Kuratidza kutya kupi nokupi kwomunhu wacho kunogumbura mhomho yevanhu vanenge vachimusveeredza.

Iye zvino varwi vechikadzi vava nyanzvi pakurwa nemabhuru, vachiwana mamiriyoni emadhora nokuda kwokuuraya mabhuru. Mumwe mukadzi anorwa nemabhuru akabvunzurudzwa paterevhizheni akataura kuti hapana chinhu chinomufadza sokuva munhandare achirwa nebhuru rinenge richida kumutunga, kunyange zvazvo paine mukana wokuti chero nguva anokwanisa kutungwa naro akafa.

Kumhanya Kwemabhuru

“Pane mitsara mina yevanhu paresitorendi inonzi Sixto’s mumugwagwa unonzi Pamplona’s Calle Estafeta, uye ruzha rwacho rwakakwirira,” wakadaro mumwe mushumo. “Mitauro irimo yakasiyana-siyana—Basque, Castilian, Catalan, nechiRungu.” Mapoka evanhu anoungana pachine nguva kuti aone chiitiko chacho. Mabhuru anochengetwa nokuda kwokurwa munhandare anogara mumatanga ari inenge kiromita kubva kunhandare.

Mangwanani omusi unorwiwa, masuwo ematanga acho anonzi bheu, pobudiswa mabhuru matanhatu, nerimwe rokuwedzera, acharwa manheru iwayo. Mugwagwa wacho une zvivako kumativi, uye zvinhu zvokuvhara nzira zvinovhara nzira dzinoenda kumativi. Izvi zvinoita kuti pave nenzira imwe chete yokuti mabhuru amhanye akananga kunhandare, zvinoatorera maminitsi maviri kana zvinhu zvose zvikafamba zvakanaka.

Kare, vamwe varume vasina basa nengozi yakanga iripo, vaiedza kumhanya kuti vasiye mabhuru acho. Gore negore vamwe vachiri kuzviedza. Nokufamba kwenguva chakava chiitiko chinoitwa pasi pose. Vazhinji vakakuvadzwa zvakaipisisa nemabhuru acho, uye vamwe vakatungwa vakafa. “Kana uchifunga kuti unokwanisa kuasiya,” akadaro mumwe mumhanyi, “uri kuita chikanganiso chikuru.” Mumakore 20, maererano neSpanish Red Cross, paiva “neavhareji yomunhu mumwe anotungwa zuva rimwe nerimwe.” Vamwe 20 kusvika ku25 vakarapwawo vakuvara zuva nezuva.

Nei vanhu vachida mutambo une ngozi uyu? Mumwe mumhanyi akapindura achiti: “Masekondi iwayo aunenge uine mabhuru, uchimhanya nawo, uchinzwa hwema hwawo, uchinzwa kurira kwemahwanda awo, uye uchiona nyanga dzawo dziri pedyo newe chaizvo—ndizvo zvinenge zvichidiwa [pakumhanya] kwacho.” Vamhanyi vanopiwa manyawi nevanhu vanenge vachikuza. Pane vamwe vachagumbuka here kana vakasaona mumwe munhu achitungwa kusvika afa kana kuti mumhanyi achikandwa nepapfudzi rebhuru rinorema makirogiramu 600? Kuti zvingadaro here kuti vamwe vacho vanenge vachida kuona ropa kufanana nezvakanga zvichida kuonekwa nevanhu vokuRoma munhandare dzavo?

Kutamba Noupenyu

Panewo vamwe vanoda kutamba noupenyu mune dzimwe nzira. Kune vanhu vanoshandisa midhudhudhu vanotamba noupenyu kana kukuvara zvakaipisisa vanosvetuka motokari dzinodarika 50 dziri parutivi neparutivi kana kuti vanosvetuka mabhazi makuru kana kuti kusvetuka mupata wakafara. Mumwe musvetuki akadaro akataura kuti akatyoka mapfupa 37 mumuviri make uye akanga ari pakoma kwemazuva 30. Akati: “Kutyoka mapfupa kana maoko hakuchisina zvakunoreva kwandiri iye zvino. . . . Ndakavhiyiwa mapfupa kanokwana ka12. Ndipo pavanokuvhiya vokuisa simbi kana kuti zvipikiri. Ndinofunga kuti ndine zvipikiri makumi matatu nezvishanu kana kuti makumi mana mumuviri mangu, kuti mapfupa arambe akabatana. Kazhinji ndinenge ndiri muchipatara.” Pane imwe nguva apo akanga akuvara achidzidzira, izvo zvakamutadzisa kusvetuka motokari dzakawanda, vanhu vakamusveeredza vachiratidza kutsutsumwa kwavo.

Vanhu vakawanda vanotsvaka mafaro vanobatanidzwa mumitambo ine ngozi, kusanganisira kutamba noupenyu kwakadai sokukwira madziro ezvivako zvine nhurikidzwa dzakawanda pasina zvinhu zvinodzivirira, kutsvedza pachando chiri mumakomo akareba mamita 6 000, kusvetuka mabhiriji makuru, kusvetuka nemaparashuti wakabereka mumwe munhu kumusana, kana kukwira makomo ane chando pasina chaunacho kusiya kwekapadza kokucheresa nako pokubata. “Ndinotarisira kurasikirwa neshamwari nhatu kana ina gore negore,” akadaro mumwe anokwira makomo echando. Iyi ndiyo mimwe yemitambo isingakoshesi upenyu inoitwa inofarirwa nevazhinji pasi pano. “Mukana wokuwirwa nenjodzi ndiwo unoita kuti mitambo yokutamba noupenyu ikwezve zvikuru,” akadaro mumwe munyori.

“Kunyange mitambo iya ine ngozi zvikuru iri kukurumbira,” yakadaro magazini inonzi U.S.News & World Report. “Kusvetuka kubva mundege, apo vanhu vane unyanzvi vanoshandisa maparashuti vanoita zvidavado zvakasiyana-siyana pamapuranga vari mumhepo mamita 4 000 kubva pasi, kwakanga kusipo muna 1990; iye zvino kwava nezviuru zvevanhu vanokufarira. Uye mumwe mutambo wokusvetuka unonzi BASE (Buildings, Antennas, Spans, and Earth) wakazivikanwa zviri pamutemo muna 1980, iye zvino unokwezva mazana evanhu, vanosvetuka nemaparashuti—kazhinji kacho zvisiri pamutemo uye manheru—kubva pazvinhu zvakadai semichina yeredhiyo nemabhiriji. Mutambo uyu wakatouraya vanhu vakawanda. “Hapana vanhu vakawanda vanokuvara mumutambo wokusvetuka unonzi BASE,” akadaro mumwe anosvetuka ava nenguva achiita izvi. “Unorarama kana kuti unofa.”

Kukwira matombo ari mumakomo ane mawere usina chaunacho kusiya kwepokuisa maoko nemakumbo kuri kufarirwa nezviuru zvevanhu. Kunyange materevhizheni nemagazini anoshambadza zvinhu kubvira pamarori kusvika kumishonga yokunyaradza musoro anoratidza vanhu vanokwira pamawere ari parefu-refu vakabatirira zvine ngozi nekatambo katete-tete. Zvinonzi muna 1989 vanhu 50 000 muUnited States vakashinga kubatanidzwa mumutambo uyu; munguva pfupi ichangopfuura vanhu vanosvika hafu yemiriyoni vava kufarira kuuraya vanhu kwaunoita. Pasi pose nhamba dzacho dziri kuramba dzichiwedzera.

MuUnited States, “nhamba iri kuwedzera yevakomana nevasikana vari kuurayiwa kana kuremadzwa nokutamba mitambo mitsva ine ngozi,” yakadaro magazini inonzi Family Circle. “Kutamba nemotokari”—kubuda nepawindo remotokari inenge ichimhanya somuseve kwava kumira padenga rayo kana kumira pamusoro pekireni iri kufamba kana chitima chepasi pevhu chiri kumhanya—kwakauraya vechiduku vakawanda.

Kunyange gomo refu refu zvikuru reMount Everest rava kubatanidzwa zvisina kumboitika kare. Vanhu vanokwira vanobhadhara mari inosvika U.S.$65 000 [Z$3 575 000] kuti vaendeswe pamusoro paro nokudzoswa. Kubvira muna 1953, vanhu vanodarika 700 vakasvika panhongonya paro. Vazhinji havana kukwanisa kudzoka. Mimwe mitumbi ichiri pamusoro pegomo iri. “Vanhu vava kuita makwikwi okuti vave ndivo vaduku zvikuru, vakuru zvikuru, uye vanokurumidza zvikuru kukwira Mount Everest,” akanyora kudaro mumwe mutapi wenhau. “Kusiyana nomumwe mutambo upi noupi,” mumwe akanyora kudaro, “kukwira makomo kunoda kuti vatambi vacho vagadzirire kufa.” Ko munhu anofanira kuzvikanda mukanwa meshumba kuti aratidze kuti akashinga here? “Kushinga hazvirevi kuita zvinhu zvakapusa,” akanyevera kudaro mumwe agara nebasa rokukwira makomo. Chimwe che“zvinhu zvakapusa” zvaakataura “kukwira Mount Everest kunoitwa nevanhu vasina unyanzvi hwokukwira makomo.”

Izvi ndizvo chaizvo zviri kuitika. Uwandu uye ngozi dziripo pamitambo inouraya iri kupararira pasi pose zvokuti vanhu ndivo vava mumashure pakufunga mimwe mitsva. Mumwe chiremba wendangariro anofungidzira kuti mitambo ine ngozi zvikuru, apo vatambi vanenge vakaisa gumbo rimwe chete muguva, “ichava chinhu chinodiwa zvikuru muzana remakore rechi21.”

Nei Vachizviita?

Vazhinji vanoita mitambo iyi vanopa chikonzero chokuti vanenge vachida kutiza kufinhikana kwavo. Vafinhikana nemabasa avo, vamwe vakaasiya uye vakatanga zvirongwa zvitsva mumitambo ine ngozi zvikuru. “Ndakatanga kusvetuka ndichida kunakidzwa, kuti ndikanganwe nhamo dzangu ndotanga upenyu hutsva,” akadaro mumwe. “Ndaisvetuka ndonzwa sokuti handina kana chinetso chimwe chete.” “Iye inyanzvi yakasvetuka kanokwana ka456, kusanganisira kusvetuka kubva paYosemite’s El Capitan, San Francisco Bay Bridge, uye yakasvetukawo motokari inofambiswa netambo inokwira nokudzika nevanhu mudenga yakakwirira zvikuru pasi pose yokuFrance,” yakadaro imwe magazini.

Mumwe anobatanidzwa mumitambo ine ngozi zvikuru akati: “Nguva inomira kufamba. Unenge usisina basa nezviri kuitika munyika.” Mumwe akati: “Zvatinoita kuti tinakidzwe [izvo vamwe vanoitira kuti vawane mari], vanhu vazhinji havangambozviiti kunyange dai waizovanongedza nepfuti mumisoro yavo.” Magazini yeNewsweek yakati: “Vose vanoda kuzvifadza zvisina mukare akamboona.”

Vamwe vanachiremba vakatsvakurudza chinoita kuti vanhu vade kutsvaka mafaro. Mumwe anoti vanotsvaka mafaro vanonzi vari muchikwata chinonzi T. ‘Bhii rokuti T rinomirira shoko rechiRungu rokuzvifadza—kuita zvinhu zvine ngozi, kutsvaka kuzvifadza, kutsvaka mafaro, kutsvaka chinhu chinovatekenyedza.’ Anoti: “Kune vamwe vanhu vanoda kurarama vakachengeteka muupenyu hwavo—vane mitemo, vane tsika. Chikwata chinonzi T chinoramba zvose izvozvo. Vanogadzira hwavo upenyu.” Anoti kuongorora uku kwakaratidza kuti vanhu vari muchikwata chinonzi T vane mukana wakapetwa kaviri wokuita tsaona dzemotokari pane vamwe. “Tsaona ndidzo dzinokonzera kufa kwakanyanya kwevachiri kuyaruka, kazhinji nemhaka yokuti vanoisa upenyu hwavo pangozi kuti vanakidzwe chete.”

Masayendisiti uye vanachiremba vendangariro vanobvuma kuti munhu haaberekwi achifarira mitambo ine ngozi. Chokwadi chokuti vazhinji vakakuvadzwa zvakaipisisa, uye pavakanga vanaya kubva muchipatara vakatanga zvekare mitambo yakadaro, chinoratidza kuti pane chimwe chinhu chisina kururama nemafungiro avo. Asi, kazhinji ava vanenge vari vanhu vakachenjera zvikuru.

Vanamazvikokota havana chokwadi pamusoro pokuti chii chinoita kuti vanoda mafaro vade kurasikirwa noupenyu kana kuda kuzviremadza. Vanoti mhinduro yacho ingava iri muuropi hwavo. “Haukwanisi kuita kuti varege kutsvaka mafaro,” vanodaro, “asi unoedza kuita kuti vasaita mitambo ine ngozi zvikuru. Unoedza kuita kuti vasaise upenyu hwevamwe vanhu pangozi.”

Maonero echiKristu

VaKristu vanoona upenyu sechipo chinokosha chinobva kuna Jehovha Mwari. Apo mumwe munhu anoisa upenyu hwake pangozi nemaune kuti aratidze kuti akashinga—kuti murume—kana kuti kuda kufadza vanhu vanenge vachiona kana kuda kuti iye anakidzwe, ari kuratidza kuti anozvidza chipo chakaisvonaka choupenyu chatakapiwa naMwari. Jesu zvechokwadi akaratidza kukoshesa zvikuru upenyu hwake uye haana kuda kuhuisa pangozi zvisina kufanira. Akaramba kuedza Mwari.—Mateu 4:5-7.

Saizvozvowo vaKrsitu vane mutoro wokuratidza kuremekedza upenyu. “Pane imwe nguva ndakambokwira pamawere edombo refu ndikazoona ndisingachakwanisi kuenda mberi kana kudzoka shure,” akanyora kudaro mumwe muKristu. “Nanhasi ndichiri kudedera kana ndikafunga kuti ndakapotsa ndasiya nyemba. Uku ndiko kunonzi kutambisa chipo chaiko kwandingadai ndakaita!”

‘Kwandinogara,’ akanyora kudaro mumwe muKristu achiri kuyaruka, ‘vechiduku vanoita mitambo yakawanda ine ngozi. Nguva dzose vanenge vachingoedza kundiita kuti ndibatane navo. Zvisinei, munhau kazhinji ndinonzwa nezvevanhu vanofa kana kuti vanokuvara zvakaipisisa nemhaka yemitambo inonzi nevana ava inonakidza. Ndinoziva kuti zvaizova zvisina kuchenjera kuti ndiise upenyu hwandakapiwa naJehovha Mwari pangozi, kuti ndingonakidzwa kwekanguva kaduku.’ Dai iwewo ukava nepfungwa dzakanaka zvikuru dzakadai.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 19]

© Reuters NewMedia Inc./CORBIS

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 22]

Steve Vidler/SuperStock

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe