KURARAMA KWECHIKRISTU
Kuzvipira Kuna Mwari, Kana Kuti Kusimbisa Muviri
Kusimbisa muviri kunobatsira here? Ehe, asi chinonyanya kukosha kuita zvinhu zvinosimbisa ukama hwedu naJehovha. (1Ti 4:8) Saka vaKristu vanofanira kuva nemaonero ari pakati nepakati panyaya yemitambo.
ONA VHIDHIYO INONZI ZVAUNOFANIRA KUZIVA NEZVEMITAMBO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
1. Mitambo inogona kutibatsira kuva neunyanzvi hupi?
2. Zvinhu zvipi zvitatu zvinotibatsira kuziva kuti mutambo watinoda wakanaka here kana kuti kwete?
3. Pisarema 11:5 inotibatsira sei pakusarudza mitambo yatingada kutamba kana kuona?
4. VaFiripi 2:3 naZvirevo 16:18 inotibatsira sei patinenge tichitamba mitambo?
5. VaFiripi 1:10 inotibatsira sei kuti tisapedzera nguva yakawanda pamitambo?