RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 10/8 pp. 23-24
  • “Zvinhu Zvinotyisa Zvingangoitika”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Zvinhu Zvinotyisa Zvingangoitika”
  • Mukai!—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Zvombo Zvisiri Pachena—Dambudziko Racho Nderechokwadi Zvakadini?
    Mukai!—2002
  • Vhairasi Inouraya Inorovanya Zaire
    Mukai!—1996
  • Hondo Yemakore Nemakore Yokurwira Utano Hwakanaka
    Mukai!—2004
  • Kupararira Kwezvirwere—Zvii Zvaungaita?
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 10/8 pp. 23-24

“Zvinhu Zvinotyisa Zvingangoitika”

FUNGIDZIRA zvinotevera zvichiitika. Chinyararire, magandanga anoisa utachiona hunokonzera chibhokisi panzvimbo nhatu dzezvitoro muUnited States. Utachiona hwacho hunotapukira vatengi vasiri kuzviziva. Nokukurumidza—kwangoti pfuurei vhiki imwe chete—vanachiremba vanoona kuti chirwere chabata vanhu 20. Mumazuva anotevera, utachiona hwacho hunopararira kune vamwe. Vanhu vanorohwa nehana. Mhirizhonga inomuka. Hapana vanachiremba, manesi, uye zvipatara zvakakwana zvokupedza dambudziko racho. Nzvimbo dzokupinda nokubuda kwevanhu munyika dzinovharwa. Upfumi hwenyika hunoparara. Mazuva 21 pashure pokuiswa kwoutachiona, chirwere chacho chapararira kumaruwa makuru 25 uye dzimwe nyika 10. Kuzosvika panguva ino, vanhu 16 000 vatapukirwa uye vamwe 1 000 vafa. Vanachiremba vanofungidzira kuti mumamwe mavhiki matatu, nhamba yevanhu vachange vatapukirwa ichange yava 300 000. Mumwe chete pavatatu voga voga achafa.

Iyi haisi nyaya yakabuda mubhaisikopu kwete. Chirongwa chakaitwa pachishandiswa kombiyuta, pachifungidzirwa zvingaitika kana utachiona hwakadaro hukashandiswa. Chirongwa chacho, chakaitwa nechikwata chavanamazvikokota vakakurumbira muna June 2001.

Kune vakawanda, kufungidzira zvinhu zvinotyisa zvakadaro kwakava nezvakunoreva pashure pezvakaitika musi waSeptember 11, 2001. Kurwiswa kwakaitwa World Trade Center muNew York City uye Pentagon muWashington, D.C., kwakaratidza zvinoshamisa kuti kune vamwe vanhu vane utsinye vane ruvengo vanoda kuuraya vanhu vakawanda. Uyezve, kurwisa uku kwakaratidza kuti United States, uyewo dzimwe nyika dzose zvadzo, dzinokwanisa kurwiswa zvakadaro. Tiri kurarama munyika umo magandanga akashinga anokwanisa, munguva pfupi, kutsvaira zviuru zvevanhu.

Nokukurumidza pashure pokurwiswa kwakaitika musi waSeptember 11, vezvematongerwe enyika muUnited States uye vanobudisa nhau vakatanga kutumirwa tsamba dzakanga dziine utachiona hwechigwadara, utachiona hunouraya. Vanhu vakatya. Kuwedzera kutya kwakadaro, vanobudisa nhau pamwe chete navanamazvikokota vakatanga kutaura kuti magandanga aigona kurwisa achishandisa utachiona hwakaipa zvikuru kudarika chigwadara—somuenzaniso achishandisa denda kana kuti chibhokisi. Zvichida dzimwe “nyika dzine umbimbindoga” dzakanga dziri kutogadzira zvinhu izvi zvakawandisa mumarabhoritari asingazivikanwi kuti ari kupi. Ona zvimwe zvakabudiswa munguva pfupi ichangopfuura:

“World Medical Association inoziva kuti kuwedzera kuri kuita kushandiswa kwezvombo zvoutachiona kunokwanisa kushandiswa kuparadzira zvirwere zvinouraya pasi pose. Nyika dzose dzinokwanisa kuwirwa nedambudziko iri. Kushandiswa kwezvinhu zvakadai sechibhokisi, denda kana chigwadara kunogona kuva kune ngozi zvikuru kana toreva nezvezvirwere zvinokwanisa kuvapo uye kufa kunokonzerwa nokuvhunduka kwevanhu.”—American Medical Association.

“Kusiyana nemabhomba kana gasi rinouraya, zvombo zvoutachiona zvinonetsa kuona: nguva inopedzwa noutachiona uhwu huchiberekana chirwere chisati chabuda inoita kuti ngwavaira yacho ikure zvishoma nezvishoma uye zvisingaoneki. Pakutanga vanhu vashoma vanoenda kuzvipatara. Zviratidzo zvavanenge vanazvo zvingavhiringidza vanachiremba kana kuti zvinogona kunge zvakafanana nezvezvimwe zvirwere zvinozivikanwa. Panozosvika nguva yokuti vanachiremba vanoziva zviri kuitika, maguta ose anenge atapukirwa.”—Magazini inonzi Scientific American.

“Kana utachiona hwechibhokisi hukashandiswa nhasi, vagari vepasi pano vazhinji vanenge vasingakwanisi kuzvidzivirira, uye kana tichifunga kuti chirwere chacho chinouraya vanhu 30 kubva muzana vanotapukirwa, vanhu vangangosvika mabhiriyoni maviri vanogona kufa.”—Magazini inonzi Foreign Affairs.

‘Nyika dzose dziri pangozi. Maguta ose anogona kutapukirwa. Vanhu mabhiriyoni maviri vangangofa.’ Aya mashoko anovhundutsa. Asi, pane mukana wakakura zvakadini wokuti chinhu chinotyisa zvakadaro chingaitika? Vanamazvikokota vari kufunga nezvomubvunzo uyu. Nyaya inotevera ichakubatsira kunzwisisa dzimwe nyaya dzinobatanidzwa.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Mauto anoenda kunzvimbo “yaiswa” utachiona

[Kwazvakatorwa]

DoD photo by Cpl. Branden P. O’Brien, U.S. Marine Corps

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe