RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 10/8 pp. 25-29
  • Zvombo Zvisiri Pachena—Dambudziko Racho Nderechokwadi Zvakadini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvombo Zvisiri Pachena—Dambudziko Racho Nderechokwadi Zvakadini?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuedza Kurambidza Kushandiswa Kwezvombo Zvoutachiona
  • Zvipingamupinyi Zvinosangana Nemagandanga
  • Mashoko Asingafadzi
  • Kugadzira Zvirwere
  • “Zvinhu Zvinotyisa Zvingangoitika”
    Mukai!—2002
  • Kutarisana Nokutyisa Kwougandanga
    Mukai!—2001
  • Kutsvaka Mhinduro Dzacho
    Mukai!—2002
  • Kutyisidzira Kwenyukireya Hakusati Kwambopera
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 10/8 pp. 25-29

Zvombo Zvisiri Pachena—Dambudziko Racho Nderechokwadi Zvakadini?

KUEDZA kuuraya pachishandiswa zvirwere muhondo hakusi chinhu chitsva. Muzana remakore rechi14, kumabvazuva kweEurope, zvitunha zvevanhu vakanga vafa nedenda zvakakandwa muguta rakanga rakakombwa nemauto. Muchimwe chiitiko makore 400 pashure peizvi, vakuru vakuru vokuBritain vakapa nemaune magumbeze akanga aine utachiona hwechibhokisi kumaIndia okuAmerica pamusangano wokuunza runyararo panguva yeHondo yeFrance nemaIndia. Izvi zvakakonzera kufa kwevanhu vakawanda, zvichizoita kuti maIndia akande zvombo pasi. Zvisinei, hazvina kuzivikanwa kuti utachiona hunokwanisa kuparira zvirwere zvinotapukira kutozosvikira pakunopera kwezana remakore rechi19. Kuziva izvi kwakaita kuti zvive pachena kuti zvirwere zvinokwanisa kushandiswa sezvombo.

Chokwadi, kufambira mberi mune zvesayenzi uye kugadzira mishonga kwakaita kuti pave nemishonga yokurapa uye yokudzivirira. Iyi yakabudirira zvikuru mukurapa uye kudzivirira zvirwere. Asi, pasinei nokufambira mberi uku, zvirwere zvinotapukira zvichiri muvengi mukuru, zvichiuraya vanhu vanodarika mamiriyoni 17 gore rimwe nerimwe—vanenge vanhu 50 000 zuva nezuva. Unyengeri huripo hunotyisa zvikuru: Nepo varume nevakadzi vane njere dzakapinza vari mubishi rokurwisa zvirwere muvanhu, vamwe vari mubishi rokuparadza vanhu vachishandisa zvirwere.

Kuedza Kurambidza Kushandiswa Kwezvombo Zvoutachiona

Kwemakore anodarika 25, United States, uye yaimbova Soviet Union nedzimwe nyika dzinoverengeka dzakaedza nomwoyo wose kugadzira zvombo zvoutachiona. Asi muna 1972, nyika idzi dzakabvumirana kurambidza kushandiswa kwezvombo izvi. Zvisinei, dzimwe nyika dzakaramba dzichigadzira uye kutsvaka mamwe mashoko muchivande, dzichiunganidza mirwi yezvombo zvoutachiona zvinouraya, pamwe chete nenzira dzokuzvikanda nadzo.

Chii chakaita kuti nyika idzi dzizobvumirana kurambidza kushandiswa kwezvombo zvakadaro? Maererano nokufunga kwemakore okuma1970, utachiona, kunyange zvazvo huchikwanisa kuuraya vanhu vazhinji, hahusi chinhu chakanaka chokushandisa muhondo. Chimwe chikonzero ndechokuti hahukurumidzi kushanda—zvinotora nguva kuti zviratidzo zvioneke. Chimwe chikonzero ndechokuti kushanda kwahwo zvakanaka kunoenderana nokufamba kwemhepo uye mamiriro okunze. Uyezve, nyika dzakaona kuti kana imwe nyika ikarwisa nezvombo zvoutachiona, iri kurwiswa yacho inokwanisa kudzorera nezvombo zvoutachiona kana zvenyukireya. Pakupedzisira, vanhu vazhinji vakaona kuti zvakashata chaizvo kushandisa zvombo zvoutachiona nemaune nechinangwa chokukuvadza kana kuuraya vamwe vanhu.

Hapana kana chimwe chete chezvikonzero izvi chinokwanisa kudzivisa vanhu vane ruvengo rwakakura uye vari kuda kuita zvinhu zvakaipa zvikuru. Kune vaya vakatsunga kuuraya vanhu pasina kusarura, zvombo zvoutachiona ndizvo chaizvo zvinoita kushandisa. Zvombo zvoutachiona zvinokwanisa kugadzirwa uye kutumirwa kwazvinofanira kuenda pachivande. Munhu wacho anokwanisa kusazivikanwa, uye kana munhu wacho achizivikanwa, zvakaoma kuedza kurwisa chikwata chemagandanga chine zvikwata munyika dzakawanda. Uyezve, utachiona hunoshandiswa chinyararire, husingaoneki, husingakurumidzi kushanda, uye hunouraya hunokwanisa kukanganisa vanhu vose nokuvhunduka chete. Kurwisa zvirimwa kana zvipfuwo kunogona kuparira kushomeka kwezvokudya uye kuparadza upfumi hwenyika.

Chimwe chinoita kuti vanhu vade kushandisa zvombo zvoutachiona ndechokuti zvakachipa kugadzira. Kumwe kuongorora kwakaenzanisa mari inodiwa pakuuraya pachishandiswa zvombo zvakasiyana-siyana vanhu vasina nzira yokuzvidzivirira nayo munzvimbo yakakura kiromita imwe chete. Mari inodiwa pachishandiswa zvombo zvagara zviripo yakanzi iU.S.$2 000 [Z$110 000], zvombo zvenyukireya iU.S.$800 [Z$44 000], zvombo zvegasi rinouraya iU.S.$600 [Z$33 000], uye zvombo zvoutachiona iU.S.$1 [Z$55].

Zvipingamupinyi Zvinosangana Nemagandanga

Mishumo inobudiswa nevezvenhau inoti zvimwe zvikwata zvemagandanga zvakaedza kushandisa zvombo zvoutachiona. Asi, pane musiyano mukuru zvikuru pakati pokuedza kushandisa zvombo zvoutachiona uye kuzvishandisa zvinobudirira.

Kuti zvibudirire, gandanga kana kuti chikwata chemagandanga chinofanira kukurira chimwe chipingamupinyi chikuru muruzivo rwokugadzira zvombo. Chokutanga, gandanga rinofanira kuwana rudzi rwakaipisisa rwoutachiona hunokonzera chirwere. Chechipiri, rinofanira kuziva mabatiro uye machengeterwo outachiona hwacho zvakanaka uye zvisina ngozi. Chechitatu, rinofanira kuziva nzira yokugadzira utachiona hwakawanda. Utachiona hushoma hunokwanisa kuparadza munda wose une zvirimwa, danga rezvipfuwo, kana kuti guta rine vanhu, kana zviri zvokunzi utachiona hwacho hwaiswa panzvimbo yacho chaiyo. Zvisinei, utachiona hahurarami kwenguva refu husiri murabhoritari. Chokwadi ndechokuti chikamu chiduku chete choutachiona chichasvika kwachiri kunzi chiende, naizvozvo utachiona huzhinji hunofanira kutumirwa kuti pave nedambudziko guru.

Handizvo zvoga. Gandanga rinofanira kuziva nzira yokuchengeta nayo utachiona huri hupenyu uye hwakasimba panguva yahunenge huchiendeswa kune imwe nzvimbo husati hwaregedzerwa. Chokupedzisira, rinofanira kuziva nzira yokubudisa nayo utachiona zvinobudirira. Izvi zvinosanganisira kuva nechokwadi chokuti utachiona hwakakura zvakakwana, hwakawanda zvakakwana nokuda kwenzvimbo yahuchaiswa, uye kuti hwakasimba zvakakwana kuti hutapukire vanhu vakawanda. Zvakatora makore anodarika gumi kuti chikwata chenyanzvi dzakadzidzira basa mukugadzirwa kwezvombo zvoutachiona zveUnited States kuti vakwanise kugadzira michina yokukanda nayo zvombo zvoutachiona. Kana utachiona hwangova mumhepo chete, hunenge hwava pazuva uye hunokwanisa kutonhorwa kana kupiswa, zvinogona kuita kuti hufe. Naizvozvo, kushandisa utachiona sechombo kunoda ruzivo rwakakura zvikuru rwezvinokwanisa kuitwa noutachiona kana huri mumhepo.

Tichifunga nezvezvipingamupinyi zvinobatanidzwa pakugadzira, hazvishamisi kuti nei ari magandanga mashoma akaedza kushandisa utachiona. Uyezve, kuedza uku kwakauraya vanhu vashoma chete. Kasiri kare, tsamba dzaiva noutachiona hwechigwadara muUnited States dzakauraya vanhu vashanu. Izvi hazvina kunaka, asi vanhu vakafa vashoma pane vangadai vakafa dai pakashandiswa bhomba duku kana kuti kunyange chivhorovhoro. Vanoongorora vakaona kuti kubvira muna 1975, pa96 kubva muzana yokurwisa kwakaitwa pasi pose pachishandiswa zvombo zvemakemikari kana kuti zvoutachiona, vanhu vasingapfuuri vatatu vaifa kana kukuvara.

Ichiziva matambudziko anobatanidzwa mukukanda chombo chine utachiona, British American Security Information Council yakati: “Kunyange zvazvo hurumende dzichityisidzirwa kakawanda nemagandanga anoti anokwanisa kushandisa zvombo zvoutachiona uye zvemakemikari, nyanzvi zhinji dzinoziva kuti njodzi dzakadaro dzinouraya vanhu vakawanda, kunyange dzichikwanisa kuitika, dzine mukana muduku zvikuru wokuitika.” Asi nepo mukana wacho ungava muduku, zvinoguma zvaitika kana pakarwiswa kudaro zvinotyisa zvikuru.

Mashoko Asingafadzi

Kusvika pari zvino, tataura nezvemashoko ari nani: Zvipingamupinyi zviripo uye zvakaitika kare zvinoratidza kuti zvingasaita kushandisa zvombo zvoutachiona zvichiuraya vanhu vazhinji. Mashoko asingafadzi, tichiataura zviri nyore, ndeaya: Zvakaitika kare handizvo zvatinofanira kuvimba nazvo kuti zvitiudze zvichaitika mune remangwana. Kunyange zvazvo kurwisa kwakaitika kare kwakakundikana, zvichaitika mune remangwana zvinokwanisa kubudirira.

Pane kutya kuripo. Magandanga akawanda anenge akatsunga kuuraya vanhu vakawanda zvikuru. Ruzivo rwemagandanga rwokugadzira zvombo ruri kuramba ruchiwanda, uyewo zvimwe zvikwata zvemagandanga zvine mari uye michina yakangofanana neyedzimwe hurumende.

Vanamazvikokota vanoita sevasina basa nokuti hurumende dzinokwanisa kupa magandanga zvombo zvoutachiona. Mumwe muongorori akati: “Hurumende, kunyange dziya dzine utsinye zvikuru, uye dzinonyanyisa hadzisi kuzopa zvombo izvi kumagandanga ayo dzisingazokwanisi kudzora; hurumende dzingatova pamuedzo wokuda kutanga kushandisa zvombo zvacho idzo pachadzo, asi zvinoita sokuti dzingazvishandisa kutyisidzira pane kutanga hondo chaiyo.” Asi chinonetsa vanamazvikokota ndechokuti masayendisiti akadzidzira basa zvikuru anokwanisa kupinzwa basa nemagandanga achipiwa mazakwatira emari.

Kugadzira Zvirwere

Kufambira mberi muruzivo rwezvinhu zvipenyu kuri kukonzerawo kunetseka. Nechekare masayendisiti anoziva kuchinja utachiona huripo kuti agadzire humwe hwakanyanya kuipa asi huri nyore kuchengeta. Anokwanisa kuchinja majini outachiona husingakuvadzi kuti hugadzire muchetura. Zvinhu zvipenyu zvinokwanisa kuchinjwa kuti zvisaoneka nemichina inoshandiswa pakutsvaka utachiona. Uyezve, utachiona hunogona kuitwa kuti husaparadzwe nemishonga yokuiuraya, inodzivirira, uye yokurapa. Somuenzaniso, masayendisiti akatiza kubva kuyaimbova Soviet Union anoti akakwanisa kugadzira denda risingakwanisi kuurayiwa nemishonga 16.

Kumwe kufambira mberi muruzivo rwokushandisa zvinhu zvipenyu kunotarisirwa kuti kuchaita kuti zvimwe zvinhu zvikwanise kuitwa. Masayendisiti anokwanisa kuchinja majini ezvinhu zvipenyu kuti agadzire patsva nokunatsurudza zvimwe zvombo—zvakaipa zvikuru, zvakaoma zvikuru, uye zviri nyore kugadzira nokukanda. Zvinogona kugadzirwa nenzira inoita kuti zvazvinokonzera zvifanozivikanwa uye kudzorwa. Utachiona hunokwanisa kugadzirwa kuti hufe pashure penguva yakati kuti—hunouraya hwobva hwanyangarika.

Zvimwe zvombo zvakaomarara zvisiri pachena zvingangogadzirwa munguva pfupi iri mberi. Somuenzaniso, zvimwe zvombo zvinokwanisa kuitwa kuti zvikanganise gadziriro yomuviri yokudzivirira zvirwere—pane kuti munhu abatwe nechirwere chimwe chete, munhu anokwanisa kubatwa nezvirwere zvakawanda. Kana utachiona hwakaipa zvakadaro seAIDS hukawanika, ndiani angaziva kuti ndihwo chaihwo kana kuti hwakagadzirwa pachichinjwa majini outachiona murabhoritari yomuvengi?

Kufambira mberi muruzivo rwokugadzira zvinhu kwakachinja pfungwa dzevari muchiuto. Mumwe mukuru mukuru wemauto omumvura eUnited States akanyora kuti: “Vanhu vanogadzira zvombo vachangotanga kuona zvingakwanisa kuitwa noutachiona. Zvinovhundutsa kuziva kuti kufambira mberi kwakakura kuchiri mberi pane kwakaitika kare.”

[Bhokisi riri papeji 26]

Hondo Yezvombo Zvoutachiona Chii?

Mashoko okuti “hondo yezvombo zvoutachiona” anoreva kuparadzirwa kwemaune kwezvirwere muvanhu, mhuka kana kuti zvirimwa. Zvirwere zvinovapo apo vanhu vanotapukirwa noutachiona. Utachiona uhwu hunoberekana (humwe huchigadzira muchetura), uye nokufamba kwenguva zviratidzo zvechirwere zvinotanga kuoneka. Zvimwe zvombo zvoutachiona zvinoita kuti munhu asakwanisa kuita chinhu, zvimwe zvinouraya. Humwewo hunokwanisa kushandiswa kuparadza zvirimwa.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 28, 29]

Mashoko Echokwadi Maererano Nezvombo Zvoutachiona

Chigwadara: Chirwere chinotapukira chinokonzerwa noutachiona hunopupuruka. Zviratidzo zvokutanga zvokuti munhu afema chigwadara zvingaita sokuti munhu ari kuda kuita dzihwa. Pashure pemazuva anoverengeka, zviratidzo zvinowedzera kwava kutadza kufema zvakanaka uye kuvhunduka. Rudzi rwechigwadara urwu kazhinji runouraya.

Kuvanhu vanosangana nechigwadara, kutapukirwa kunokwanisa kudziviswa nokunwa mishonga inodzivirira. Kukurumidza kurapwa kwakakosha; kunonoka kunoita kuti kupora kuome.

Kashoma chaizvo kuti munhu ane utachiona hwechigwadara atapurire mumwe munhu uye zvingasatoitika.

Muhafu yechipiri yezana remakore rechi20, chigwadara chakagadzirwa kuti chishandiswe sechombo nenyika dzinoverengeka, kusanganisira United States neyaimbova Soviet Union. Nhamba yenyika dzinofungidzirwa kuti dzine zvombo zvoutachiona dzakawedzera kubva pa10 muna 1989 kusvika ku17 muna 1995. Hazvinyatsozivikanwi kuti ingani dzenyika idzi dziri kushanda nechigwadara. Maererano nezvimwe zvakawanikwa nehurumende yeUnited States, kubudiswa kwemakirogiramu 100 outachiona hwechigwadara muguta guru kunokwanisa kuuraya vanhu vakawanda sezvinoitwa nebhomba rehaidhirojeni.

Botulism: Chirwere chinoomesa marunda chinokonzerwa noutachiona hunogadzira muchetura. Zviratidzo zvokuti zvokudya zvanga zvine utachiona uhu zvinosanganisira kuona zvinhu zviri zviviri zviviri kana kuona madzerere, kurembera hwidibiro dzemaziso, kutadza kutaura zvinonzwika, kunetseka pakumedza, uye kuoma mukanwa. Kupera simba mumarunda kunotangira pamapfudzi zvichidzika. Kuoma marunda okufema nawo kunogona kuuraya. Utachiona uhu haukwanisi kutapurirwa kune mumwe munhu.

Mumwe mushonga unodzivirira kukuvadzwa nechepfu yacho, kana ukakurumidza kupiwa, unoderedza kukuvadza kunokwanisa kuitika kwava kuderedza mukana wokufa.

Chepfu iyi inonyanya kudiwa pakushandiswa sechombo kwete nokungoti ndiyo chepfu yakaipisisa inozivikanwa asiwo nokuti hainetsi kugadzira nokutakura. Zvekare, vaya vanenge vatapukirwa vanoda nguva huru vachitarisirwa zvakasimbarara. Nyika dzinoverengeka dzinofungidzirwa kuti dziri kugadzira chepfu iyi kuti ishandiswe sechombo.

Denda: Chirwere chinotapukira zvikuru chinokonzerwa noutachiona. Zviratidzo zvokutanga zvokuti munhu atapukirwa zvinosanganisira kupisa muviri, kutemwa nomusoro, kupera simba, uye kukosora. Kuvhunduka kunotevera, uye kana pakasakurumidza kupiwa mishonga, munhu wacho anotofa.

Chirwere ichi chinotapukira vamwe nomumate.

Muzana remakore rechi14, mumakore mashanu chete denda rakauraya vanhu vanenge mamiriyoni 13 muChina uye mamiriyoni 20 kusvika ku30 muEurope.

Muma1950 nema1960, United States neyaimbova Soviet Union dzakagadzira nzira dzokuparadzira utachiona hwedenda. Zviuru zvemasayendisiti zvinofungidzirwa kuti zvakashanda kuita kuti denda rive chombo.

Chibhokisi: Chirwere chinotapukira zvikuru chinokonzerwa noutachiona. Zviratidzo zvokutanga zvinosanganisira kupisa muviri zvikuru, kurukutika, kutemwa nomusoro nokurwadziwa nomusana. Gare gare, mapundu anooneka anobva azara urwa. Mumwe chete pavatatu vanotapukirwa anofa.

Chibhokisi chakaparadzwa pasi pose muna 1977. Kungobaya majekiseni okudzivirira chibhokisi kwakapera pakati pema1970. Hazvizivikanwi kuti vangani vachiri kukwanisa kurwisa utachiona uhwu pavanhu vakabayiwa panguva iyoyo. Hapana mushonga wakaonekwa kuti unokwanisa kurapa chibhokisi.

Chirwere chacho chinotapukira kubva pamunhu kuenda pane mumwe mumate. Zvipfeko kana machira okufuka ane utachiona anokwanisawo kuhuparadzira.

Kuvambira muna 1980, Soviet Union yakatanga chirongwa chinobudirira chokugadzira chibhokisi chakawanda uye kuita kuti chikwanise kutumirwa nezvombo zvinokandwa. Pakaedzwawo kugadzira chibhokisi chinokurumidza kupararira uye chinotapukira nyore.

[Mufananidzo]

Utachiona hwechigwadara uye humwe utachiona

[Kwazvakatorwa]

Kwazvakabva: U.S. Centers for Disease Control and Prevention, Johns Hopkins Center for Civilian Biodefense Studies.

Munhu ane chigwadara: CDC, Atlanta, Ga.; utachiona hwechigwadara: ©Dr. Gary Gaugler, Photo Researchers; utachiona hwebotulism: CDC/Courtesy of Larry Stauffer, Oregon State Public Health Laboratory

Utachiona hwedenda: Copyright Dennis Kunkel Microscopy, Inc.; utachiona hwechibhokisi: ©Meckes, Gelderblom, Eye of Science, Photo Researchers; munhu ane chibhokisi: CDC/NIP/Barbara Rice

[Mufananidzo uri papeji 27]

Kasiri kare, tsamba dzaiva noutachiona hwechigwadara dzakakonzera kutya kukuru

[Kwazvakatorwa]

AP Photo/Axel Seidemann

[Mufananidzo uri papeji 27]

Zvombo zvemakemikari/zvoutachiona zvakaparadzwa pashure peGulf War

[Kwazvakatorwa]

AP Photo/MOD

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe