RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 10/8 pp. 30-31
  • Kutsvaka Mhinduro Dzacho

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsvaka Mhinduro Dzacho
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zviri Mberi
  • Zvombo Zvisiri Pachena—Dambudziko Racho Nderechokwadi Zvakadini?
    Mukai!—2002
  • Hondo Yenyukireya—Inogona Kudzivisika Here?
    Mukai!—2004
  • “Zvinhu Zvinotyisa Zvingangoitika”
    Mukai!—2002
  • Zana Remakore Rokurwisana
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 10/8 pp. 30-31

Kutsvaka Mhinduro Dzacho

KUVAMBIRA muna 1972 nyika dzinodarika zana dzakasaina chibvumirano chepasi pose chinorambidza kuvandudza, kugadzira, uye kuchengeta zvombo zvoutachiona. Chibvumirano ichi, chakanzi Biological and Toxin Weapons Convention (BTWC), ndicho chakanga chiri chokutanga kurambidza kushandiswa kwezvombo zvorudzi rumwe chete. Chisina kuitwa nechibvumirano ichi chakanga chiri chokuti hachina kutaura kuti inzira ipi yaizoshandiswa kuona kuti nyika dzakanga dziri kuteerera mitemo yacho.

Zvakaoma kuziva kana nyika dzisiri kugadzira zvombo zvoutachiona, sezvo nzira dzinoshandiswa uye ruzivo runoshandiswa kuita kuti pave norunyararo dziridzo dzinoshandiswa pakugadzira zvombo zvoutachiona. Izvi zvinoita kuti zvive nyore kuviga zvombo zvoutachiona munzvimbo dzazvinogadzirirwa uye mumarabhoritari anoita sokuti ari kushandiswa nokuda kwokuvandudza upenyu hwevanhu.

Kuti chinetso chokuziva zviri kuitika chipere, muna 1995 nhengo dzenyika dzakasiyana-siyana dzakatanga kutaurirana nezvechibvumirano chokuti nyika dzose dzaizoita zvakataurwa. Kwemakore anodarika matanhatu, dzakakurukura zvinhu chaizvo zvingaitwa kuitira kuti nyika dziteerere chisungo cheBTWC. Musi waDecember 7, 2001, musangano wemavhiki matatu wakapindwa nenyika 144 dzakanga dziripo muna 1972 wakaguma nokukakavadzana. Dambudziko rakanga riri rokuti United States haina kubvumirana nezvakataurwa kunzi zviitwe kuti pave nechokwadi chokuti chibvumirano cheBTWC chakanga chiri kuteererwa. Kubvumira vanhu vokunze kuti vaongorore zvinhu zvayo zvechiuto uye maindasitiri, yakadaro United States, kwaizoita kuti tsori dzisore.

Zviri Mberi

Ruzivo maererano nezvinhu zvipenyu rune zvakanaka uye zvakaipa zvarunokwanisa kuwanisa. Rumwe ruzivo rukuru—kugadzira simbi, kugadzira zvinoputika, kugadzira injini dzemotokari, ruzivo rwezvendege, zvemagetsi emichina—zvose zvakakwanisa kuwanikwa paine chinangwa chokuunza runyararo uyewo hondo. Izvi ndizvo zvichaitikawo noruzivo maererano nezvinhu zvipenyu here? Vazhinji vanoti mhinduro yomubvunzo iwoyo ndeyokuti hungu.

Mushumo wakabudiswa muna 1999 neU.S. Commission on National Security wakati: “Vanhu uyewo mapoka evanhu . . . vachawana simba, uye vazhinji vachange vava kukwanisa kuwana zvinhu zvinoparadza. . . . Pachange pava nevanhu kana zvikwata zvevanhu vanenge vava kuita zvavanoda, kazhinji kacho vaine zvikonzero zvechitendero, zvavanodavira zvisina musoro, kana kuti ruvengo runofashaira semvura. Iye zvino magandanga anokwanisa kushandisa ruzivo rwaiva rwenyika hombe bedzi kuti atyisidzire kuparadza vanhu vakawanda.”

Nepo tisingazivi hedu zvichaitika munguva pfupi iri mberi, tinoziva zviri kufungwa naMwari maererano nevanhu. Bhaibheri rinopikira kuti nguva ichauya apo vanhu pasi pano “vachagara zvakanaka, [pasina] ungavatyisa.” (Ezekieri 34:28) Kuti uwane mashoko akawanda nezvechipikirwa ichocho chinonyaradza, ona Zvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara kana kuti nyora tsamba kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.

[Mufananidzo uri papeji 30]

Vanotsvakurudza vari kugadzira nzira dzokuti chigwadara chisave nesimba

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo kubva kuSandia National Laboratories

[Mufananidzo uri papeji 30]

Bioweapons Conference, November 19, 2001, Switzerland

[Kwazvakatorwa]

AP Photo/Donald Stampfli

[Mifananidzo iri papeji 31]

Bhaibheri rinopikira kuti nguva ichauya apo vose “vachagara zvakanaka”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe