Rudzi Rwokudyidzana Kwenyika Dzepasi Pose Ruchakubatsira
“Kana kudyidzana kwenyika dzepasi pose kuchizobudirira, kunofanira kubudirira kuvapfumi nevarombo zvakafanana. Kunofanira kupa kodzero kufanana nezvakunoita upfumi. Kunofanira kupa ruramisiro munzanga uye kuenzana kufanana nezvakunoita kubudirira mune zvemari uye kukurukurirana kwakavandudzwa.”—KOFI ANNAN, MUNYORI MUKURU WESANGANO ROMUBATANIDZWA WENYIKA DZEPASI POSE.
SEZVAKATAURWA naKofi Annan, kudyidzana kwenyika dzepasi pose kunonyatsobudirira chaizvo kwaizoita kuti upenyu hwevanhu vose vepasi pano huve nani. Asi zvatakaona mumakore achangobva kudarika aya zvakasiyana chaizvo neizvi. Kodzero dzevanhu uye kuenzana munzanga kwakasaririra mumashure chaizvo kana toenzanisa noruzivo rwokugadzira zvinhu uye kuwana upfumi.
Dambudziko guru nderokuti kudyidzana kwenyika dzepasi pose kunodzorwa nechido chokuita mari. Kuda kuita purofiti hakuna basa zvakanyanya nevarombo kana kuti zvinodiwa nepasi redu mune remangwana. “Upfumi hwenyika husina mitemo inodzora huri mumaoko emakambani makuru anokoshesa mari chete hahuna kugadzikana uye huri kuita kuti vanhu vave varombo chaizvo,” anodaro Dr. David C. Korten.
Hurumende dzepasi pano dzichakwanisa kuita kuti upfumi hwenyika yose hudzorwe zvinonakira munhu wose here? Izvi zvinoita sezvisingabviri. Kusvika pari zvino, hurumende dzakaona kuti zvakaoma kugadzirisa zvinetso zvepasi pano—hungave utsotsi hwenyika yose, kudziya kwepasi, kana kuti urombo hwenyika yose. “Kushandira pamwe kunodiwa kuti tivake nyika iri nani,” vanodaro vaAnnan, “asi munyika yanhasi iri kudyidzana, zvinodiwa kuti nyika yakadaro ivepo zviduku kwazvo zvokusabatsira.”
Zvinodiwa kuti zvinetso zvenyika yose zvigadziriswe handizvo chete zvinodiwa. Commission on Global Governancea inoti nyika inoda tsika dzokutevedzera. “Pasina tsika dzepasi pose,” mushumo wavo unodaro, “kukakavadzana uye kusawirirana kwenyika kuchawedzera; pasina utungamiriri, kunyange masangano akarongwa zvakanaka chaizvo achakundikana.”
Vakati ndedzipi tsika dzepasi pose dzinofanira kuvapo? “Vanhu vanofanira kubata vamwe maererano nokubatwa kwavanoda kuitwa ivo,” mushumo wacho wakadaro. Jesu Kristu, mutungamiriri mukuru pane vose vati vamborarama panyika, akadzidzisa izvi makore zviuru zviviri apfuura. (Mateu 7:12) Asi dzidziso iyi ichiri kushanda sezvayaiita kareko. Nyika inoshandisa dzidziso iyoyo yaizova inobatsira munhu wose pasina mubvunzo. Izvozvo zvichafa zvakaitika here?
Mushonga Wepasi Pose Worumwe Rudzi
Bhaibheri rinofanotaura kuti munguva pfupi iri kutevera, hurumende yepasi pose ichabatanidza vanhu vose pakuti hapana anenge aine udyire pane kunzi ane mari kana ruzivo ndiye mukuru. Ichabudirira nokuti ine simba uye zvinhu zvinodiwa kuti zvinhu zvinake nokuda kwevanhu vose. Jesu Kristu pachake akataura nezvehurumende iyi paakadzidzisa vateveri vake kunyengeterera ‘Umambo hwaMwari kuti huuye uye kuti kuda kwaMwari kuitwe pasi pano.’—Mateu 6:10.
Umambo hwaMwari, hurumende yokudenga iri mumaoko aJesu Kristu, ichaita kuti tsika itsva dzepasi pose dziteverwe, kungofanana neizvo Jesu akadzidzisa paakanga ari pasi pano. Kuda Mwari uye muvakidzani ndiyo ichange iri mirayiro inotungamirira. (Mateu 22:37-39) Uprofita hwakawanda huri muBhaibheri hunotaura zvichaitwa nehurumende itsva iyi. Maererano noMutongi wayo, Jesu Kristu, Bhaibheri rinopikira kuti: “Uchatongera varombo nokururama, uchatambira vanyoro venyika mhaka dzavo.” (Isaya 11:4) Vapfumi nevane simba havasati vachizobata vasina mari zvisina kunaka. Jesu ‘achanzwira tsitsi murombo nomushayiwi. Ucharwira unomanikidzwa.’—Pisarema 72:13, 14.
Zvinetso maererano nezvakatipoteredza zvichagadziriswa nokukurumidza. Panzvimbo pokuparadza masango, “sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva.” (Isaya 35:1) Pane kuva nokuperevedza kwezvokudya, “kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pemakomo.”—Pisarema 72:16.
Umambo hwaMwari hunobatanidza vanhu vemarudzi ose. ‘Ndichavaunganidza murugare, kufanana nemakwai muchirugu,’ Mwari anopikira kudaro. ‘Ndichavavigira mutauro wakachena, kuti vose vandishumire pamwe chete.’ (Mika 2:12; Zefania 3:9) “Mutauro wakachena” uyu, unosanganisira tsika uye zvechitendero zvakafanana, uri kubatanidza vanhu kunyange iye zvino.
Nemhaka yezvokufambisa zvepasi pose, Zvapupu zvaJehovha nguva nenguva zvinova nekokorodzano dzemarudzi, idzo dzinosimbisa kubatana kwemarudzi akasiyana-siyana, nyika uye madzinza. Kokorodzano idzi uchapupu hwechokwadi hwokuti mwoyo nepfungwa zvinokwanisa kubatanidzwa, panzvimbo poruzivo rwokugadzira zvinhu uye zvokutengeserana. (Ona bhokisi riri munyaya ino.) Imwe nyanzvi munyaya dzezvechitendero yokuSpain iyo yakapinda kokorodzano dzakadaro yakanyora kuti: ‘Ndakanzwa ndakurudzirwa, kwete chete nehurukuro dzinobva muMagwaro asiwo nokubatana kuri pavanhu ava, tsika dzavo dzakanaka zvikuru, uye unhu hwavo hwakaisvonaka.’
Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisawo zvimwe zvinhu zvinounzwa nokudyidzana kwenyika dzepasi pose kuti zviite basa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Somuenzaniso, Mukai! inoshandurirwa mumitauro inopfuura 80 nevashanduri vakawanda vachishandisa makombiyuta uye tsamba dzinotumirwa nemakombiyuta. Zvinhu zvakadaro zvinobatsira Zvapupu zvaJehovha kuita kuti purogiramu yazvo yokudzidzisa Bhaibheri iitwe pasi pose zvechokwadi. Zviri pachena kuti zvokushandisa zvinowanikwa kubva pakudyidzana kwenyika dzepasi pose zvinogona kushandiswa kuvaka uye kuputsa.
Saizvozvowo, pane kuparira zvinetso, sezvave zvichiitwa nokudyidzana kwenyika dzevanhu vepasi pose, hurumende yepasi pose yakaiswa naMwari ichapa mhinduro. Tine zvikonzero zvose zvokuva nechivimbo nehurumende iyi yokudenga. “Ndiri kuita nyika itsva,” Mwari anopikira kudaro. “Zvinhu zvekare hazvingarangarirwi. Farai mufare nokusingaperi mune zvandiri kusika.” (Isaya 65:17, 18, TEV) “Nyika itsva” yaMwari ichabatsira vanhu pasi pose zvechokwadi.
[Mashoko Omuzasi]
a Komisheni iyi, inoumbwa nevatungamiriri venyika 28 vakakurumbira, yakanyora mushumo wakareba muna 1995, unonzi “Our Global Neighbourhood,” umo vaitaura zvavanofunga kuti utungamiriri huve nani.
[Bhokisi riri papeji 28]
VAKABATANIDZWA ASI VAKAKAMUKANA
Kunyange zvazvo ruzivo rwokugadzira zvinhu rwakaita kuti nyika ive duku, kukamukana kwakaramba kuripo. Materevhizheni, nhare dzinotakurika, uye Indaneti zvakaratidza kuti zvinobatsira kuita kuti vanhu vakurukurirane asi kwete kuvabatanidza. Kudyidzana mune zvemari uye kurega kurwisana kwemasimba makuru enyika kwakaderedza nhamba yehondo pakati peNyika, asi hondo dzevagari vomunyika imwe chete dzinoramba dzichiuraya uye kuremadza mazana ezviuru zvevanhu gore negore.
Nemhaka yei? Nokuti kuvengana kwemarudzi uye zvitendero—chinova chinhu chinokonzera hondo idzi—hachisi kuratidza kuti chichapera. Uye mabhizimisi epasi pose uye masangano ematsotsi anova nechokwadi chokuti zvombo zvakachipa zvinowanika kuti vari kurwisana varambe vachirwa. Kubatana kwechokwadi hakukwanisi kuunzwa nokugadzira zvinhu zvitsva. Uye kuwedzera kwemari pamusika hakuiti kuti vanhu vave neruramisiro.
Mune dzimwe nzira kudyidzana mune zvemari kunogona kuita kuti pave nokusabatana. Kana kuderera kwemari kukatevera kuwanda kwayanga yaita, varombo vanogona kushandiswa nevezvematongerwe enyika vanenge vachida kuti zvavanoda zviitwe. Mhinduro yacho ndeipi? “Hurumende dzenyika imwe neimwe uye dzepasi pose dzinofanira kugadzirwa patsva—dziine vavariro yokuita kuti vanhu vabudirire uye vaenzane,” unodaro mushumo unonzi Human Development Report 1999. Izvi ndizvo chaizvo zvichaitwa noUmambo hwaMwari.
[Mifananidzo iri papeji 29]
Purogiramu yokudzidza Bhaibheri pasi pose yeZvapupu zvaJehovha yakabatsira kubatanidza vanhu vemarudzi ose