Zvinotaura Bhaibheri
VaKristu Vanofanira Kuparidzira Vamwe Here?
ZVICHIDA wakarerwa uchiudzwa kuti chitendero hachifaniri kukurukurwa musiri mumhuri kana muchechi, kana kuti ndizvo zvinotaurwa netsika dzokwenyu. Somugumisiro, ungagumbuka kana mumwe munhu akangoerekana auya kumba kwako akabata Bhaibheri. Kune vamwe, maonero aya akakonzerwa nezviito zvechisimba munhoroondo yechitendero chaiitwa mukunyengedzera kwokuti vechitendero vaitsvaka kuponesa upenyu.
Nhoroondo dzemarudzi akawanda dzinotaura nezvokutendeutswa kwevanhu vakawanda, kwete nokuti vaida Kristu, asi, nokutya kuurayiwa. Vanhu vakawanda vakahwanda, vakasiya musha nenyika, uye vamwe vakatofa—vamwe vachipiswa pamatanda—pane kuti vatendeukire kuchitendero chevaivatambudza.
Magwaro akafuridzirwa eBhaibheri haatsigiri kumanikidzwa kutendeuka kwakadaro. Saka izvozvo zvinoreva kuti munhu haafaniri kuudza vamwe zvitendero zvaanodavira here? Bhaibheri pacharo rinopindura.
Kudzidzisa Nesimba
Kutanga, funga nezvomuenzaniso wakasiyiwa naJesu Kristu. Akanga ari mudzidzisi mukuru akashandura upenyu hwevateereri vake. (Johani 13:13, 15) MuMharidzo yepaGomo, kudzidzisa kwake kwakanga kwakapfava asi kuine simba. Zvakaitika ndezvokuti vateereri vake “[v]akashamiswa nemadzidzisire ake; nokuti akanga achivadzidzisa somunhu ane simba.” (Mateu 7:28, 29) Makore 2 000 zvino apfuura, uye upenyu hwevanhu huchiri kushandurwa pavanoongorora dzidziso dzake. Achisimbisa maonero aya, Purofesa Hans Dieter Betz akataura kuti “kushandura kwakakonzerwa neMharidzo yepaGomo kunopfuura zvikuru chiJudha nechiKristu, kana kunyange tsika dzokuMadokero.”
Nguva duku asati akwira kudenga, Jesu akapa murayiro waisimbisira kuti pashure porufu rwake basa rokudzidzisa raakanga atanga raizopfuurira uye kunyange kubudirira. (Johani 14:12) Akarayira vadzidzi vake kuenda kuvanhu vemarudzi ose, “[va]chivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose” zvaakanga arayira. Chinangwa chikuru chebasa iri chakajekeswa apo, mumashoko mamwe iwayo, Jesu akati: ‘Naizvozvo endai muite vadzidzi.’—Mateu 28:19, 20; Mabasa 1:8.
Fungawo zvekare muenzaniso womuapostora Pauro. Atendeukira kuchiKristu, akanga asinganyari nokuudza vamwe kutenda kwake kutsva kwaakanga awana. (Mabasa 9:17-19, 22) Yakanga iri tsika yaPauro kutaura mumasinagogi uye kutendisa “nezvakanyorwa kuti zvakanga zvakafanira kuti Kristu atambure uye kuti amuke kubva kuvakafa.” Nounyanzvi “akataurirana navo achishandisa Magwaro” kuitira kuti ‘anyengetedze vaJudha nevaGiriki.’ Maererano nerimwe duramazwi, shoko rechiGiriki rinoshandiswa kuti “nyengetedza” rinoreva “kuchinja pfungwa pachishandiswa zvikonzero kana kuti kufunga zvakanaka.” Zvakaguma nokunyengetedza kwaPauro ndezvokuti “akanyengetedza boka guru revanhu akavatendeudzira kune kumwe kufunga.”—Mabasa 15:3; 17:1-4, 17; 18:4; 19:26.
Kumanikidza Kana Kuti Kunyengetedza—Ndechipi?
Munguva dzazvino, shoko rechiRungu rinoshandurwa kuti “kutendeutsa” rave richishandiswa kureva kumanikidza munhu kutendeuka neimwe nzira yakati. Bhaibheri haritsigiri muitiro wakadaro. Asi, rinodzidzisa kuti vanhu vakasikwa vaine rusununguko, vaine mukana uye mutoro wokusarudza kuti vachararama sei upenyu hwavo. Izvi zvinosanganisira chisarudzo chokuti munhu anganamata sei Mwari.—Dheuteronomio 30:19, 20; Joshua 24:15.
Jesu akaremekedza kodzero iyi yakapiwa naMwari nokusashandisa simba rake guru nechiremera kuti amanikidze mumwe munhu kubvuma zvaaitaura. (Johani 6:66-69) Akakurudzira vateereri vake nokushandisa kufunga kune musoro, mienzaniso, uye mibvunzo inoratidza mafungiro, zvose achizviitira kusvika mwoyo yevanhu. (Mateu 13:34; 22:41-46; Ruka 10:36) Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti varemekedze vamwe zvakadaro.—Mateu 10:14.
Zvakajeka kuti Pauro akatevedzera muenzaniso waJesu muushumiri hwake. Nepo akanyengetedza vateereri vake nokufunga achishandisa Magwaro zvinonzwisisika, Pauro akaremekedza manzwiro nemaonero evamwe. (Mabasa 17:22, 23, 32) Ainzwisisa kuti kunofanira kuva kuda Mwari naKristu kunotiita kuti tishingairire kushumira Musiki wedu. (Johani 3:16; 21:15-17) Saka chisarudzo chedu tinochiita tiri toga.
Chisarudzo Chomunhu Pachake
Pakuita zvisarudzo zvikuru muupenyu, zvakadai somusha wokutenga, kwokushandira, uye marererwo evana, vanhu vane pfungwa havaiti kudaro nokungofungira ipapo. Vanogona kutsvaka zvimwe zvavanokwanisa kuita, vofungisisa zvavanenge vawana uye, zvichida, vobvunza mazano. Vanotozosarudza kana vaita zvinhu izvi.
Chisarudzo chokuti tinofanira kunamata Mwari sei chinoda nguva yedu huru uye kushingaira kupfuura chimwe chisarudzo chipi nechipi muupenyu. Chichachinja mararamiro atichaita iye zvino, uye zvinotokosha zvikuru, chichava nechokuita netariro yedu youpenyu husingaperi munguva yemberi. Izvi zvainzwisiswa zvakajeka nevaKristu vomuzana remakore rokutanga muBheriya. Kunyange zvazvo mashoko akanaka akatsanangurwa kwavari nomuapostora Pauro pachake, ivo vakaramba vachinzvera Magwaro nomazvo zuva nezuva kuti vaone kuti zvavakanga vari kudzidziswa ndezvechokwadi here. Somugumisiro, “vakawanda vavo vakava vatendi.”—Mabasa 17:11, 12.
Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zvinopfuurira kuita basa rokudzidzisa nokuita vadzidzi rakarongwa naJesu. (Mateu 24:14) Zvinoremekedza kodzero yevamwe yokuva nezvitendero zvavo. Asi kana yave nhau yokuudza vamwe zvazvinodavira, zvinotevera muenzaniso uri muBhaibheri. Hungu, zvinoshandisa kurangarira kwechokwadi kubva muMagwaro mune razvinoti basa rokuponesa upenyu.—Johani 17:3; 1 Timoti 4:16.