RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 2/8 pp. 25-27
  • Kuyera Matenga—Kare uye Zvino

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuyera Matenga—Kare uye Zvino
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutsvaka Zvinhu Mudenga
  • Machati Enyeredzi Ekare
  • “Denga Rakazara Nyeredzi rechiKristu”
  • Mepu Dzinochinja
  • Nhasi Namangwana
  • Nyeredzi Nomunhu—Pane Batano Here?
    Mukai!—1994
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Chinoshamisa Kwazvo, Bva Chakaisvonaka Kwazvo
    Mukai!—1996
Mukai!—2000
g00 2/8 pp. 25-27

Kuyera Matenga—Kare uye Zvino

NOMUNYORI WEMUKAI! MUNETHERLANDS

KUONA nyeredzi dzinoita sedzakamwayiwa padenga rakasvibirira, kwave kuchiwanzoita kuti munhu ashamiswe kwazvo, uye munhau yose zvave zvichiita kuti ayemure Musiki worunako rwakadaro. Kare kare, mumwe mudetembi akati: “Kudenga-denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari; uye denga rinoratidza basa ramaoko ake.” (Pisarema 19:1) Zvisinei, vakaongorora zvakaita denga usiku munguva yekare vakaona zvinopfuura runako chete.

Kutsvaka Zvinhu Mudenga

Munguva yakapfuura vanoongorora nyeredzi vakaona kuti boka rose renyeredzi raiita seraifamba zvakarongeka. Kunyange zvazvo nyeredzi dzaifamba mudenga dzichibva kumabvazuva dzichienda kumadokero, imwe neimwe haina kuchinja nzvimbo yayo.a Namamwe mashoko, usiku hwoga hwoga mapoka mamwe chete iwayo enyeredzi aioneka. Sezvo munhu aida kuronga nyeredzi idzodzo dzisingaverengeki, akadziisa mumapoka. Nekakufungidzira, mapoka aya aiva akafanana nemhuka, vanhu, kana kuti zvinhu zvisina upenyu. Nenzira iyi muitiro wokuona nyeredzi dzakarongwa samapoka enyeredzi wakatanga.

Mamwe emapoka enyeredzi atinoziva nhasi akatanga kurondedzerwa muBhabhironi rekare. Pakati pawo pane mapoka enyeredzi 12 anomiririra zviratidzo zvenyeredzi dziri mudenga. Aya aiita—uye achiri kuita—basa rakakura mukuongororwa kwenyeredzi, kushopera kunofungidzirwa kuti kunopesvedzerwa nenyeredzi mumararamiro avanhu. Kunyange zvakadaro, kutsvaka kuziva zvichaitika mangwana kubva kunyeredzi kunoshorwa neBhaibheri. (Dheuteronomio 18:10-12) Asi, vanamati vaJehovha Mwari vaiziva nezvekuvapo kwemapoka enyeredzi. Somuenzaniso, bhuku reBhaibheri raJobho rinotaura nezvaJehovha saano“ita nyeredzi dzeArkturo, nedzeOrioni, nedzeChimutanhatu.”—Jobho 9:9.

Mazita emapoka enyeredzi akawanda atinoziva nhasi anobva mungano dzechiGiriki. Mazita akadai saCepheus, Cassiopeia, Andromeda, uye Hercules achiri kuwanika pamachati enyeredzi anhasi.

Machati Enyeredzi Ekare

Munenge mu150 C.E., muongorori wenyeredzi wechiGiriki Ptolemy akabudisa nyaya pfupi yoruzivo rwezvinhu zvomudenga rwomunguva yake. Nyaya pfupi iyi, yaiva nomusoro wokuti Almagest, ine ndaza yamapoka 48 enyeredzi. Machati nemabhuku emepu anoratidza zvakaita denga akazonyorwa mazana amakore Ptolemy asisipo aiwanzoratidza mapoka 48 enyeredzi mamwe chete iwayo. Kutaura zvazviri, kusvika munenge muzana ramakore rechi16, nhamba yamapoka enyeredzi haina kuchinja.b Gare gare, mamwe mapoka 40 enyeredzi akawedzerwa. Muna 1922 International Astronomical Union yakagamuchira zvapamutemo ndaza yemapoka 88 enyeredzi aya.

Kunze kwemapoka enyeredzi, zvakanyorwa naPtolemy zvinobatanidza ndaza yenyeredzi dzinopfuura chiuru, namashoko pamusoro pokujeka kwadzo nenzvimbo dzadzo mudenga. Ptolemy haangotauri nezvenzvimbo yenyeredzi dziri muchadenga asi anowedzera mamwe mashoko. Somuenzaniso, nyeredzi imwe iri muboka renyeredzi reUrsa Major, kana kuti Great Bear, inorondedzerwa se“nyeredzi iri panotangira muswe,” uye nzvimbo yecomet inotaurwa seiri “kuruboshwe rweibvi rokurudyi reAndromeda.” Saka, “muongorori wose wenyeredzi akanaka,” rinodaro rimwe bhuku, “aifanira kuziva zvidzidzo zvake zvomuchadenga!”

Zvisinei, nei mapoka enyeredzi akawanda ekare ari kudivi redenga rokuchamhembe? Imhaka yokuti muitiro wokuona nyeredzi dziri pamwe chete semapoka enyeredzi wakatangira kunharaunda yeMediterranean, kunooneka divi redenga rokuchamhembe, anotsanangura kudaro mumwe anogadzira mepu yomudenga. Pava paya, munhu paakazotanga kuongorora divi redenga rokumaodzanyemba, kwakazowanwa mapoka matsva enyeredzi. Mamwe emapoka matsva aya enyeredzi ane mazita akadai sookuti Chemical Furnace, Pendulum Clock, Microscope, uye Telescope.

“Denga Rakazara Nyeredzi rechiKristu”

Muna 1627, nyanzvi yokuGermany Julius Schiller akabudisa bhuku remepu dzenyeredzi raiva nomusoro unoti Coelum Stellatum Christianum (Denga Rakazara Nyeredzi rechiKristu). Akafunga kuti yakanga yava nguva yokubvisa zvinhu zvechihedheni mumatenga. Saka, akaronga kubvisa zvinhu zvechihedheni mudenga ndokuzvitsiva nezvinhu zviri muBhaibheri. Bhuku rinonzi The Mapping of the Heavens rinotsanangura kuti akapatsanura “divi ramatenga rokuchamhembe kuva reTestamende Itsva uye divi ramatenga rokumaodzanyemba kuva reTestamende Yekare.” “Divi rokumaodzanyemba raSchiller rakachinjwa kuva nhau dzakatevedzana dzeTestamende Yekare—Jobho anotora nzvimbo yomuIndia uye Peacock neCentaur zvinochinjwa kuva Abrahama naIsaka.” KuDivi roKuchamhembe, “Cassiopeia inova Mariya Magadharini, Perseus inova St. Paul, nepo zviratidzo gumi nezviviri zveNyeredzi zvinotsiviwa zviri nyore navaapostora gumi navaviri.”

Boka renyeredzi rimwe chete duku ndiro rakasara pakuchinja uku. Rakanga riri Columba (Njiva), iro rinofungidzirwa kuti raifananidzira njiva yakatumwa naNoa kunoona kana nyika yaoma.

Mepu Dzinochinja

Nokufamba kwenguva, zvakanga zvakaita machati enyeredzi zvakachinja. Muzana ramakore rechi17, telescope yave kushandiswa, pakava nokudiwa kwemachati airatidza nzvimbo dzakanyatsorurama dzenyeredzi. Uyewo, kushongedzwa kwakanyanyisa kwaiita kuti machati okutanga asanzwisisike kwakaderera uye pakupedzisira kwakanyangarika. Nhasi, mabhuku emepu dzenyeredzi akawanda kwazvo anongova nenyeredzi dzoga, mapoka enyeredzi pamwe chete nemapoka enyeredzi ari pamwe chete, makwara machena, uye zvimwe zvinhu zvinofadza munhu anoongorora denga usiku.

Pakati pezana ramakore rechi19, mabhuku akanga aine mashoko akawanda kwazvo akavamba kunyorwa. Mumwe wevakatanga kuita izvi aiva muongorori wenyeredzi wokuGermany Friedrich Wilhelm Argelander. Pamwe chete nevaimubatsira vanoverengeka, akavamba basa guru rokunyora bhuku renyeredzi dziri kudivi redenga rokuchamhembe. Vachishandisa telescope, vakawana nyeredzi dzinenge 325 000 uye vakayera nzvimbo nokujeka kwenyeredzi yoga yoga. Sezvo nzvimbo yokuongorora yavaishandira yaiva muGermany muguta reBonn, bhuku racho rakasvika pakuzivikanwa seBonner Durchmusterung (Kuongorora Kwose Kwakaitwa muBonn). Rakabudiswa muna 1863. Argelander afa, basa rake rakapfuuridzirwa nomumwe wevaimubetsera. Akayera nyeredzi dzokudivi redenga rokumaodzanyemba ndokubudisa bhuku rake rainzi Südliche Bonner Durchmusterung (Kuongorora Kwose Kwakaitwa Kumaodzanyemba muBonn). Kuongorora kwokupedzisira kwakabudiswa muna 1930. Kwaitwa kuCordoba, Argentina. Nanhasi mabhuku aya achiri kukosheswa.

Nhasi Namangwana

Basa raArgelander nereakamutsiva rakateverwa nemabhuku anotova nani. Zvisinei, mumakore achangobva kupfuura, matelescope okuonesa zviri muchadenga ava kushandiswa, mabasa okugadzira mepu aisambofungidzirwa akakwanisa kuitwa. Nokubetsera kweHubble Space Telescope, vanoongorora nyeredzi zvino vakanyora bhuku rine nyeredzi dzinenge mamiriyoni 15!

Kumwe kubudirira kuchangobva kuitwa mukuyera matenga ndiko kubudiswa kwemabhuku matsva maviri neEuropean Space Agency. Aya akanyorwa pachishandiswa kuongorora kwakaitwa netelescope yokuonesa zviri muchadenga yeHipparcos satellite. Kururama kwemabhuku aya hakusati kwaenzaniswa. Pachishandiswa mabhuku aya, mabhuku emepu dzenyeredzi matsva akadhindwa. Rimwe racho ibhuku remepu rinobatanidza zvakawanda riri mumavhoriyamu matatu rinonzi Millennium Star Atlas.

Musoro iwoyo ungayeuchidza varavi veBhaibheri nezveMakore Ane Chiuru, kana kuti Kutonga kwaKristu Kwamakore Ane Chiuru kune rugare, kunotaurwa muBhaibheri. (Zvakazarurwa 20:4) Pasina mubvunzo, munguva iyoyo vanhu vachadzidza zvakawanda nezvechadenga chinoshamisa, icho kunyange mabhuku emepu dzenyeredzi makuru anhasi anogona kutaura zvishomanene zvacho chete.

[Mashoko Omuzasi]

a Zvaisazivikanwa navanhu vekare ndezvokuti kufamba kunooneka kwenyeredzi uku kunokonzerwa nokutenderera kunoita nyika. Nechikonzero chimwe chete, zuva rinoita sokunge rinobuda nokunyura.

b Mapoka 48 enyeredzi aya aizivikanwa muMesopotamia, Mediterranean nomuEurope. Gare gare, akanga ava kuzivikanwawo nevakatamira kuNorth America nokuAustralia. Zvisinei, vamwe vanhu, vakadai sovokuChina navechiIndia vokuNorth America, vaiziva rimwe divi rakasiyana redenga.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Chati Yenyeredzi yaApian, 1540

[Kwazvakatorwa]

By permission of the British Library (Maps C.6.d.5.: Apian’s Star Chart)

[Mufananidzo uri papeji 26]

Divi Redenga Rokumaodzanyemba sokuyerwa kwarwakaitwa muzana ramakore rechi19

[Kwazvakatorwa]

© 1998 Visual Language

[Mufananidzo uri papeji 27]

Boka renyeredzi reOrioni sokuoneka kwarinoita muchati yenyeredzi yevaongorori vamazuva ano

[Kwazvakatorwa]

Background on pages 25-7: Courtesy of ROE/Anglo-Australian Observatory, photograph by David Malin

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe