RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 2/8 pp. 22-24
  • Kuveura Ndebvu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuveura Ndebvu
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kurega Kushandisa Maclamshell Ndokushandisa Reza Dzinogona Kuraswa
  • Nhau Yokuchengeta Nokuveura Ndebvu
  • Mashandiro Anoita Ndebvu Dzekatsi
    Mukai!—2015
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Bhuku Raunogona Kuvimba Naro—Chikamu 1
    Mukai!—2011
  • Kunyatsoongorora Bvudzi Rako
    Mukai!—2001
Mukai!—2000
g00 2/8 pp. 22-24

Kuveura Ndebvu

NOMUNYORI WEMUKAI! MUAUSTRALIA

KANA murume achipedza maminiti mashanu pazuva achiveura ndebvu uye oita izvi zuva nezuva kwemakore 50, achave apedza mazuva anotipfuurei 63 oupenyu hwake achibvisa bvudzi pachiso chake! Varume vanonzwa sei nezveichi chinhu chinoitwa zuva nezuva?

Kumwe kuongorora kwakangoitwawo munguva pfupi yapfuura kwakawana mhinduro dzinotevera maererano nokuveura ndebvu: “Handikufariri.” “Ndinokuvenga.” “Chimwe chinhu chinokuvadza muupenyu.” “Chimwe chinhu chinofanira kudziviswa kana uchigona kuzviita.” Kana vamwe varume vachinzwa vasingadi kubvisa bvudzi pachiso chavo, vanoribvisirei? Ngatidzidzei zvishoma nezvokuveura ndebvu. Zvichida tichawana mhinduro.

Kurega Kushandisa Maclamshell Ndokushandisa Reza Dzinogona Kuraswa

Ungafungidzira uchiveura ndebvu neclamshell here? Zino rehove? Zvichida chisvo chakapinza zvikuru? Vanhu vakaratidza unyanzvi mukugadzira zvinhu zvakasiyana-siyana zvokuveura ndebvu nazvo! MuEgipita yekare varume vaiveura ndebvu vachishandisa reza yekopa yaiva yakaita sekatemo. Munguva pfupi yapfuura, muzana remakore rechi18 nerechi19, zvakasvika pakuzivikanwa sezvinovhiya huro zvakagadzirwa, kunyanya muSheffield, England. Kazhinji kacho zvaiva zvakagadzirwa zvakanaka, reza idzi dzaiva nechisvo chinocheka chaipeteka pachinenge chisiri kushandiswa. Zvokuveurisa izvi zvaida kushandiswa nokungwarira zvikuru, uye kudzidza kuzvishandisa pasina mubvunzo kwakaita kuti vakawanda vazvicheke uye vabude ropa. Kune vasina unyanzvi, izvi zvaiva zvakaoma kwazvo. Zvisinei, zana ramakore rechi20 rakaunza zororo.

Muna 1901 mumwe murume aibva kuUnited States ainzi King Camp Gillette akagadzira reza yakachengeteka yaiva nechisvo chinogona kuraswa. Pfungwa yake yakashamisa nyika yose uye pakupedzisira yakatungamirira kukugadzirwa kwereza dzakasiyana-siyana, kusanganisira dzine mibato yesirivha kana yegoridhe. Kufambira mberi munguva ino kunosanganisira reza dzinogona kuraswa zvachose, reza dzine zvisvo zviviri kana zvitatu, uye reza dzine misoro inotsveyama.

Chokwadi, dzisingafaniri kukanganwiwa ireza dzemagetsi, dzakatanga kutengeswa muna 1931. Kushanda kwadzo kwakanaka uye mukurumbira zvakawedzera zvishoma nezvishoma, asi reza ine chisvo chakapinza zvikuru ichiri kudiwa nevanoda kuveura zvakanaka.

Nhau Yokuchengeta Nokuveura Ndebvu

Kubvira makare-kare vanhu vave vachichengeta nokuveura ndebvu. Bhuku rinonzi Everyday Life in Ancient Egypt rinoti vaEgipita vekare, “vaisanyanya kuzivikanwa nebvudzi romuviri uye vaizvirumbidza nokuda kwokuveura ndebvu dzavo dzose, vachishandisa reza dzakanyatsogadzirwa dzavaichengeta muzvikwama zvedehwe zvakachena.” Tsika iyi ingatsanangura chikonzero nei musungwa wechiHebheru Josefa akaveura ndebvu asati aenda pamberi paFarao.—Genesi 41:14.

VaAsiria vaiva rudzi rwaiva nendebvu dzakanaka zvikuru. Nemhaka yokudada kwavaiita nadzo, vaiisa pfungwa dzavo dzose pandebvu dzavo, vachiita kuti dzimonyorotswe-monyorotswe, dzirukwe, nokudzigadzira zvakanaka.

Varume vaIsraeri vekare vaichengeta ndebvu dzakati rebei zvishoma, uye vaishandisa reza kudzichengeta dzakachekererwa. Saka, Mutemo waMwari wairevei pawakarayira varume vaIsraeri kurega ‘kuita matendeure’ kana kuti “kushatsa nhivi” dzendebvu dzavo? Uyu wakanga usiri mutemo wairambidza kuveura kana kuchekerera ndebvu dzomunhu. Asi, wairambidza varume vechiIsraeri kutevedzera miitiro yokunyanyisa yaiitwa nemarudzi akanga akapoteredza echihedheni.a—Revhitiko 19:27; Jeremia 9:25, 26; 25:23; 49:32.

Munzanga yechiGiriki yekare, ndebvu dzaichengetwa navose kusiya kwamachinda, aiwanzoveura ndebvu dzawo dzose. MuRoma tsika yokuveura ndebvu inenge yakatanga muzana ramakore rechipiri B.C.E., uye kwemazana emakore anoverengeka pashure pacho, kuveura ndebvu yakava tsika yezuva nezuva.

Zvisinei, nokuparara kwakaita Umambo hweRoma, ndebvu dzakavamba kukurumbira zvakare, kweanenge makore 1 000 kusvika muhafu yechipiri yezana ramakore rechi17, apo kuveura ndebvu kwakapinda mufashoni. Kuveura ndebvu kwakapfuurira kusvika muzana ramakore rechi18. Asi ipapo, kubva pakati kusvika kunopera kwezana ramakore rechi19, zvinhu zvakavamba kuchinja. Saka, mifananidzo yaC. T. Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society, uye yomumwe muKristu waainamata naye W. E. Van Amburgh inoratidza varume vaviri ava vaine ndebvu dzakanyatsogadzirwa, dzakachekererwa dzaikudzwa uye dzaiva dzakakodzera panguva iyoyo. Zvisinei, mukuvamba kwezana ramakore rechi20 kuveura ndebvu kwakavamba zvakare kukurumbira uye kuchiripo munyika dzakawanda kusvika nanhasi.

Uri mumwe wevarume vane mamiriyoni vanofanira kushandisa reza vari pachionioni zuva rimwe nerimwe here? Kana zvakadaro, pasina mubvunzo unoda kuti zviitwe zvisingarwadzi, zvisingabudisi ropa, uye zvinobudirira sezvinogoneka. Kuti izvozvo zviitike, ungada kufunga nezvezvimwe zvinotaurwa mubhokisi rinoti “Mazano Okuveura Ndebvu Nereza.” Zvichida unotoshandisa zvimwe zvezviri kutaurwa izvi. Chero zviri kuitika—nakidzwa nokuveura ndebvu kwakanaka!

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 1, mapeji 266 uye 1021, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 23]

Mazano Okuveura Ndebvu Nereza

Bhuku rinonzi Men’s Hair rinotaura zvinhu zvinotevera zvinogona kuitwa pakuveura ndebvu kwakanaka uchishandisa reza.b

1. Kupfavisa ndebvu dzako: Nzira chete iripo yokunyatsopfavisa bvudzi kushandisa mvura yakawanda inopisa. Kana zvichiita, veura ndebvu uchangobva kugeza, sezvo izvi zvichipa nguva yakawanda yokuti mvura ipfavise ndebvu dzacho.

2. Kushandisa mishonga inozorwa usati waveura: Sipo dzose dzakasiyana-siyana, malather, makirimu, uye magel anoita zvinhu zvitatu zvinokosha. (1) Anopfigira mwando mundebvu, (2) anoita kuti dzirambe dzakatwasuka, uye (3) anoita kuti ganda ritsvedze kuti reza ifambe zviri nyore. Sarudza mushonga unonyatsoshanda kwauri. A!, wati waedza kushandisa mushonga webvudzi here? Wakagadzirwawo kuti upfavise bvudzi.

3. Kushandisa reza yakanaka zvakanaka: Reza yakanaka ireza yakapinza. Reza dzakagomara dzinogona kukuvadza ganda rako. Veura uchitevera kunoenda ndebvu padzinokura. Unogona kunyatsoveura uchidzokera kwadzinobva padzinokura, asi zvinogona kucheka ndebvu dziri muganda zvoita kuti dzikure dzichibuda nomuganda risiri iro pane kuti dzibude nepadzinofanira kubuda napo. Maererano nemamwe mabhuku, kuveura zvachero—kwevarume nevakadzi—kunogona kukonzera kutapukirwa noutachiona zvichiita kuti vave nemburwa.

4. Zvinodzivirira ganda kana wapedza kuveura: Nguva imwe neimwe yaunoveura ndebvu, unobvisa rimwe ganda duku duku, zvichisiya ganda rako riri pachena. Saka, zvinokosha kuti ugeze chiso chako nemvura yakachena kusvika chanyatsochena—shandisa mvura inodziya pakutanga, wozoshandisa inotonhora kuti uvhare maburi uye kuchengeta mwando uri muganda. Kana uchida, unogona kuzora mafuta anoshandiswa kana wapedza kuveura ndebvu kuti uchengetedze ganda rako uye unzwe uchifefeterwa.

[Mashoko Omuzasi]

b Nyaya ino inotaura kuveura ndebvu kwevarume. Munyika dzakawanda vakadzi vanoveurawo dzimwe nhengo dzemiviri yavo, saka vanogonawo kuwana kuti zviri kutaurwa pano zvinogona kushanda kwavari.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24]

Ndebvu Chii?

Ndebvu ibvudzi rinokura pachiso. Rinogadzirwa nekeratin uye mamwe mapurotini akafanana nayo. Keratin ipurotini yakaita kunge shinda, ine sarufa inogadzirwa nomuviri womunhu nowemhuka uye ndiyo inonyanya kushandiswa pakugadzira bvudzi, nzara, minhenga, tsoka, uye nyanga. Pabvudzi rose riri pamuviri womunhu, ndebvu ndidzo dzakanyanya kuomarara, dzakaoma kucheka sezvakaita tambo yekopa yakakora zvakafanana. Kune dzinenge 25 000 dziri pachiso chomurume, uye dzinokura neinenge hafu yemirimita pamaawa 24 oga oga.

[Kwazvakatorwa]

Men: A Pictorial Archive from Nineteenth-Century Sources/ Dover Publications, Inc.

[Mifananidzo iri papeji 24]

Kuchengeta ndebvu nokudziveura kwave kuchiitika munhau yose

MuAsiria

MuEgipita

MuRoma

[Kwazvakatorwa]

Museo Egizio di Torino

Photographs taken by courtesy of the British Museum

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe