RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 2/8 pp. 28-29
  • Kureva Nhema—Kunombopembedzwa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kureva Nhema—Kunombopembedzwa Here?
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinodiwa neBhaibheri Zvakakwirira
  • “Vakangwarira Senyoka”
  • Neiko Kuri Nyore Kwazvo Kureva Nhema?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Chokwadi Pamusoro Pokureva Nhema
    Mukai!—1997
  • Chokwadi Chichiri Kukosha Here?
    Dzimwe Nyaya
  • Kutaura Chokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 2/8 pp. 28-29

Zvinotaura Bhaibheri

Kureva Nhema—Kunombopembedzwa Here?

“KUSARURAMA KUDUKU-DUKU PANE DZIMWE NGUVA KUNOITA KUTI USATSANANGURE ZVAKAWANDISA.”

MASHOKO aya anoratidza manzwiro anoita vanhu vakawanda pamusoro pokureva nhema. Zvikonzero zvavo ndezvokuti kureva nhema hakuna kushata kana kusingakuvadzi munhu. Mafungiro akadaro anotova nezita riri mune zvedzidzo—tsika dzinoenderana nemamiriro ezvinhu, rinoti mutemo waunofanira kutevedzera bedzi ndiwo unowanzonzi mutemo werudo. Nemamwe mashoko, anotsanangura kudaro munyori Diane Komp, “kana vavariro yako yakanaka uye kana chinangwa chako chakanaka pfungwa yokuti wareva nhema . . . haikoshi.”

Maonero akadaro akakurumbira munyika yanhasi. Zvinhu zvinonyadzisa zvinosanganisira nhema dzinotaurwa nevezvematongerwe enyika vakakurumbira nevamwe vatungamiriri venyika zvakakatyamadza nzanga. Vachipesvedzerwa nemhoteredzo iyi, vanhu vakawanda havachina shungu dzokutaura chokwadi. Mune dzimwe nzvimbo kureva nhema kwatova chinhu chiri pamutemo. “Ndinobhadharwa kuti ndireve nhema. Ndinokunda pamakwikwi okutengeserana ndowana mukurumbira wepagore kana ndikareva nhema. . . . Zvinoratidzika sokuti ndicho chinhu chinokosha pakurovedza vatengesi vomuzvitoro kwose,” anonyunyuta kudaro mumwe mabharani wezvokutengesa. Vazhinji vanodavira kuti hapana chinokuvadza chaicho mudzinonzi nhema dzisina chinangwa chokukuvadza. Ichochi ichokwadi here? Pane nguva apo vaKristu vangapembedzwa kureva nhema here?

Zvinodiwa neBhaibheri Zvakakwirira

Bhaibheri rinoshora zvakasimba marudzi ose okureva nhema. “[Mwari] uchaparadza vanoreva nhema,” anodaro munyori wepisarema. (Pisarema 5:6; ona Zvakazarurwa 22:15.) Pana Zvirevo 6:16-19, Bhaibheri rinotaura zvinhu zvinomwe zvinovengwa naJehovha. “Rurimi runoreva nhema” uye “chapupu chinonyengera chinoreva nhema” zvinobatanidzwa sezvikuru pandaza iyi. Nei? Nokuti Jehovha anovenga kukuvadza kunokonzerwa nokureva nhema. Ndicho chimwe chezvikonzero nei Jesu akadana Satani kuti murevi wenhema uye muurayi. Nhema dzake dzakakanda rudzi rwevanhu munhamo norufu.—Genesi 3:4, 5; Johani 8:44; VaRoma 5:12.

Kuti Jehovha anoona sei kureva nhema nenzira yakakomba kunoratidzwa nezvakaitika kuna Ananiasi naSafira. Vaviri ava vakareva nhema kuvaapostora vachiziva havo vachida kuedza kuratidzika sevaipa kupfuura zvavaiita chaizvo. Chiito chavo chakanga chiri choune uye chakanga chakafanorongwa. Saka muapostora Petro akati: “Wanyengera, kwete vanhu asi Mwari.” Nokuita kudaro, vose vakaurawa naMwari.—Mabasa 5:1-10.

Makore akawanda gare gare muapostora Pauro akarayira vaKristu kuti: “Musareverana nhema.” (VaKorose 3:9) Kukurudzira uku kunokosha zvikurukuru muungano yechiKristu. Jesu akati rudo rwune nheyo ndorwaizozivisa vateveri vake vechokwadi. (Johani 13:34, 35) Rudo rwokusanyengera rwakadaro rwunogona kukura chete ndokubudirira mumamiriro ezvinhu okutendeka nokuvimbika kwakakwana. Zvakaoma kuda mumwe munhu kana tisina chivimbo chokuti achatiudza chokwadi nguva dzose.

Kunyange zvazvo kureva nhema kwose kwakashata, dzimwe nhema dzakakomba zvikuru kupfuura dzimwe. Somuenzaniso, mumwe munhu angareva nhema nemhaka yokunyara kana kuti kutya. Mumwe angaita muitiro wakashata wokureva nhema ane chinangwa chokukanganisa kana kuti kukuvadza. Nemhaka yechinangwa chake chokuvenga, murevi wenhema wemaune akadaro ingozi kune vamwe uye anodzingwa muungano kana asingapfidzi. Sezvo nhema dzose dzisingakonzerwi nokuvenga, zvinoda kungwarira kusapa mhaka zvisina kufanira asi kuva nechokwadi chokuti munhu anoziva zvinhu zvose zvinobatanidzwa kana munhu areva nhema. Zvikonzero nemamiriro ezvinhu anoparira zvinofanira kufungwa nezvazvo.—Jakobho 2:13.

“Vakangwarira Senyoka”

Chokwadika, kuva wechokwadi hakurevi kuti tinosungirwa kuburitsa pachena mashoko ose kuna ani zvake anotibvunza nezvawo. “Musapa zvinhu zvitsvene kumbwa, kana kukandira maparera enyu pamberi penguruve, kuti dzirege . . . [ku]tendeuka dzokubvamburai,” akanyevera kudaro Jesu, pana Mateu 7:6. Somuenzaniso, vamwe vanhu vane zvinangwa zvakashata vangasava nekodzero yokuziva zvimwe zvinhu. VaKristu vanonzwisisa kuti vari kurarama munyika ine mhandu. Saka, Jesu akapa zano vadzidzi vake kuti vave “vakangwarira senyoka” vachiramba va“sina mhaka senjiva.” (Mateu 10:16; Johani 15:19) Jesu aive asingangoburitsi pachena chokwadi chakazara nguva dzose, zvikurukuru apo kuburitsa pachena chokwadi chose kwaigona kukuvadzisa vadzidzi vake kana kuti iye pasina chikonzero. Asi, kunyange panguva dzakadaro, haana kureva nhema. Panzvimbo pezvo, akasarudza kusataura kana kuti kuchinja kurukurirano yacho kuti iende napamwe.—Mateu 15:1-6; 21:23-27; Johani 7:3-10.

Varume nevakadzi vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri, vakadai saAbrahama, Isaka, Rakabhi, naDhavhidhi, vakanga vakachenjera uye vachingwarira pakubata nedzaigona kuva mhandu. (Genesi 20:11-13; 26:9; Joshua 2:1-6; 1 Samueri 21:10-14) Bhaibheri rinotaura varume nevakadzi vakadaro sevanamati vakavimbika vairatidza kuteerera muupenyu hwavo. Izvozvo zvinovaita kuti vakodzere kutevedzerwa.—VaRoma 15:4; VaHebheru 11:8-10, 20, 31, 32-39.

Panogona kuva nenguva apo kureva nhema kunoratidzika sokuti kunogovera nzira iri nyore yokubuda nayo. Asi vaKristu nhasi vanofanira kutevedzera nzira yaJesu uye kutevedzera hana yavo yakarovedzwa neBhaibheri pavanotarisana nemamiriro ezvinhu akaoma.—VaHebheru 5:14.

Bhaibheri rinotikurudzira kuva vechokwadi navakatendeseka. Kureva nhema hakuna kururama, uye tinofanira kutevedzera zano reBhaibheri rokuti: “Mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake.” (VaEfeso 4:25) Nokuita kudaro, tichachengeta hana yakanaka, kukudziridza rugare norudo muungano, uye kuramba tichikudza “Mwari wazvokwadi.”—Pisarema 31:5; VaHebheru 13:18.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Ananiasi naSafira vakafa nemhaka yokureva nhema

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe