Kuba Vanhu—Pane Mhinduro Here?
“KUBIWA kwavanhu kwanyanya zvisina mwero munyika yose, uye nzanga yose inofanira kurwisa chitema ichi,” akadaro mutungamiriri wehurumende yeChechnya paaivimbisa kupedza nhamo iyi kubva muruwa rwaanotonga rweRussia rwunobiwa vanhu vakawanda.
Kupedza kubiwa kwavanhu? Vavariro yacho inokudzwa, asi mubvunzo ndewokuti, Sei?
Zviri Kuedza Kuitwa
Zviremera zvemuColombia zvakagadza vashandi vepachivande 2 000, vachuchisi 24, uye kunyange mutsinhanisi chaiye anorwisa kubiwa kwavanhu kuti zvirwise kubiwa kwavanhu. MuRio de Janeiro, Brazil, kuratidzira kutsutsumwa nezvekubiwa kwavanhu vanoverengeka muguta kwakaunganidza vanhu vanenge 100 000 vaifora. MuBrazil nemuColombia, mapoka echiuto akadzorerawo nokuba hama dzevanoba vanhu. Uye vamwe muPhilippines vakatanga kuisa mutemo mumaoko avo—vakauraya vanoba vanhu!
Zviremera zvemuGuatemala zvakatanga kutongera rufu kune vanoba vanhu, uye purezidhendi wacho akakurudzira vechiuto kuti vamise dambudziko rokubiwa kwavanhu. MuItaly hurumende yakatanga matanho akasimba okudzivisa kubiwa kwavanhu, nokuita kuti kubhadharwa kworudzikinuro kusabvumirwa nomutemo uye kutora mari nezvinhu kudzivisa hama kubhadhara rudzikinuro. Vakuru vakuru vemuItaly vanoti izvi zvakaita kuti pave nenhamba yakaderera yokubiwa kwavanhu. Zvisinei, vanotsoropodza vanoti somugumisiro, mhuri dzinoedza kupedza nhau dzacho pachivande uye izvi zvinoita kuti nhamba yapamutemo yokubiwa kwavanhu iderere. Makambani okuchengetedza zvinhu akazvimirira anofungidzira kuti nhamba yokubiwa kwavanhu muItaly chaizvoizvo yakatopetwa nekaviri kubva muma1980.
Pfungwa Dzakawanda-wanda—Mhinduro Shoma
Kumhuri dzakawanda dzevanobiwa, chinhu chimwe chete chinoita sokuti ndiyo mhinduro inoshanda—kubvisira vadiwa vavo mari nokukurumidza sezvinobvira. Asi nyanzvi dzinonyevera kuti kana mari yorudzikinuro yakawanda zvikuru uye ikabhadharwa nokukurumidza zvikuru, vakaba munhu vangafunga kuti mhuri iyi hainetsi uye vangadzokazve kechipiri. Kana kuti vangakumbira imwe mari yorudzikinuro vasati vasunungura munhu wavakaba.
Dzimwe mhuri dzakabvisa mari yakawanda yorudzikinuro uye dzakazongoona kuti munhu akabiwa wacho akanga atofa kare. Saka nyanzvi dzinoti munhu haafaniri kubvisa rudzikinuro kana kuedza kutaurirana rudzikinuro pasati pava nouchapupu hwokuti munhu akabiwa wacho mupenyu. Uchapupu hwakadaro hunogona kuva mhinduro iyo munhu akabiwa anogona kupa iye oga kumubvunzo wakati. Dzimwe mhuri dzinokumbira mufananidzo wemunhu akabiwa akabata pepanhau richangobva kubuda.
Zvakadini nezviito zvokununura? Kazhinji zvine njodzi huru. “Makumi manomwe nevapfumbamwe muzana vevanhu vakabiwa vanourayiwa mukuedza kununura muLatin America,” anodaro Brian Jenkins, nyanzvi munyaya dzokubiwa kwavanhu. Zvisinei, dzimwe nguva kuedza kununura kunobudirira.
Saka hazvishamisi kuti mhinduro dzakawanda dzinonyanya kutsigira kudzivisa kubiwa. Hazvisi zviremera zvehurumende chete zvakabatikana mukuedza kudzivisa kubiwa kwavanhu. Mapepanhau anodzidzisa vanhu kuti vangadzivisa sei kubiwa, kuti vangasvetuka sei kubva mumota inenge ichifamba, uye kukurira vanoba vanhu pakutaura nokufunga. Vanodzidzisa unyanzvi hwokuzvidzivirira vanopa zvidzidzo zvokuzvidzivirira kana wava kubiwa. Makambani anotengesa zvigadzirwa zviduku-duku zvinoita $570 000, zvinogona kuiswa mumazino evana kubatsira mapurisa kuronda vana kana vakabiwa. Nokuda kwevanokwanisa kudzitenga, vagadziri vemotokari vanogadzira motokari “dzinodzivisa kubiwa kwomunhu” dzine zvinhu zvinokanda utsi hunobudisa misodzi, dzine pokubudisa napo miromo yepfuti, mawindo asingapindi mbumburu, mavhiri emota asingachekeki, uye zvinhu zvinomwaya mafuta.
Vamwe vane mari vanoona sokuti vanochengetedza vanhu ndiyo mhinduro. Zvisinei, maererano nemamiriro ezvinhu muMexico, nyanzvi yokuchengetedzwa kwezvinhu Francisco Gomez Lerma inoti: ‘Vanochengeta vanhu havabatsiri nokuti vanoita kuti uonekwe uye vanogona kuva nerimwe nevanoba vanhu.’
Dambudziko rokubiwa kwavanhu rakaoma zvikuru uye chinorikonzera chikuru zvikuru zvokuti hapana icho vanhu vanogona kuita chinoita sechingaripedza. Saka, ipapoka, hakuna mhinduro chaiyo here?
Mhinduro Iripo
Magazini ino yakadzokorora kakawanda mhinduro chete iripo kumatambudziko akadaro anotarisana navanhu. Mhinduro iyoyo ndiyo iyo Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, akataura paakadzidzisa vateveri vake kunyengetera kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.”—Mateu 6:10.
Zvakajeka kuti tinoda hurumende yenyika yakarurama kuti idzore zvinhu zvinoitika kuvanhu vazhinji papasi—hungu, Umambo hwaMwari uhwo Jesu akataura nezvahwo. Sezvo vanhu vasina kugona kuunza hurumende yakadaro, takachenjera kana tikatarisa kuMusiki wedu, Jehovha Mwari. Shoko rake, Bhaibheri, rinotaura kuti akaronga kuita chinhu ichi.—Pisarema 83:18.
Muprofita Dhanieri akanyora chinangwa chaJehovha kuti: “Namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, . . . huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.” (Dhanieri 2:44) Bhaibheri rinotsanangura kuti iyi hurumende yaMwari ichatora sei matanho akatevedzana kubvisa utsotsi hwose, kusanganisira kuba vanhu.
Kudzidza Kwakanaka Kunodiwa
Pasina mubvunzo unobvuma kuti kudzidzisa vanhu tsika dzakanaka kunodiwa kuti dambudziko rokubiwa kwavanhu ripere. Somuenzaniso, funga nezvezvingaitika kudai nzanga yavanhu vose yaizoteerera zvinokurudzirwa neBhaibheri zvokuti: “Mararamire enyu ngaave okusada mari, muchigutsikana nezvinhu zvinenge zviripo.” (VaHebheru 13:5) “Musambova nechikwereti nomunhu upi noupi, kunze kwokudanana.”—VaRoma 13:8.
Unogona kufanoona zvichava zvakaita upenyu nokurangarira purogiramu yokudzidzisa iri kuitiswa neZvapupu zvaJehovha munyika dzinopfuura 230 mupasi rose. Purogiramu iyi yave ichichinja zvikuru vanhu vakawanda vaimbova vanokara kana kuti matsotsi ane ngozi. Mumwe aimboba vanhu akati: “Pashure penguva yakati, ndakaona kuti kuti ndifadze Mwari ndaifanira kubvisa unhu hwangu hwekare ndokupfeka unhu hutsva—hwakanaka hwakafanana nohwaKristu Jesu.”
Asi, kunyange purogiramu yokudzidza yakanaka haizochinji matsotsi ose, pamwe haitochinji akawanda acho. Chii chichaitika kune vanoramba kuchinja?
Kubviswa Kwevanoita Zvakaipa
Vanoita zvakaipa namaune havazodzorwi noUmambo hwaMwari. Bhaibheri rinoti: “Hamuzivi here kuti vanhu vasina kururama havazogari nhaka yeumambo hwaMwari? Musatsauswa. Zvifeve, . . . kana vanhu vanokara, . . . kana makororo havazogari nhaka yeumambo hwaMwari.” (1 VaKorinde 6:9, 10) “Vakarurama vachagara panyika. . . . Asi vakaipa vachaparadzwa panyika.”—Zvirevo 2:21, 22.
Maererano noMutemo waMwari munguva dzakare, munhu aiba vanhu asingapfidzi aifanira kuurayiwa. (Dheuteronomio 24:7) Vanhu vanokara, vakadai sevanoba vanhu, havazovi nenzvimbo muUmambo hwaMwari. Matsotsi anhasi anganzvenga ruramisiro inoitwa navanhu, asi havazokwanisi kunzvenga ruramisiro inoitwa naMwari. Vanhu vapi navapi vanoita zvakaipa vachatofanira kuchinja nzira dzavo kana vachizorarama mukutonga kwakarurama kunoitwa noUmambo hwaJehovha.
Zviri pachena kuti kana mamiriro ezvinhu anoita kuti pave noutsotsi aripo, utsotsi hucharamba huripo. Saka, Umambo hwaMwari hahuzobvumidzi izvozvo, nokuti Bhaibheri rinopikira kuti: “Ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose,” kusanganisira vanhu vose vanoita zvakaipa. Uprofita hweBhaibheri hunopfuurira kuti Umambo hwaMwari hucharamba huripo kusvika kunguva dzisingazivikanwi. (Dhanieri 2:44) Chimbofungidzira kuchinja kuchavapo!
Nyika Itsva Yokururama
Funga nezvehumwe uprofita huri muBhaibheri. Ndihwo hunotsanangura zvakaisvonaka zvikuru ramangwana namashoko aya: “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.”—Isaya 65:21, 22.
Umambo hwaMwari huchachinja pasi rose. Vapenyu vose vachava noupenyu zvakakwana, vachivandudza mano avo nokuita basa rinogutsa uye kutandara kwakanaka. Mamiriro ezvinhu munyika yose achava akanaka zvokuti hapana achazombofa akafunga zvokuba muvakidzani wake. Kuchengeteka kuchava kwakakwana. (Mika 4:4) Saka, Umambo hwaMwari huchava hwapedza kubiwa kwavanhu kubva pakutambudza kwakunoita nyika yose nhasi kukuva nhauwo zvayo zvokuti hapana anozombofunga nezvakwo zvakare.—Isaya 65:17.
[Mufananidzo uri papeji 26]
“Hakuna ungazovatyisa.”—Mika 4:4