RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 3/15 p. 10
  • Mazano Okutibatsira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mazano Okutibatsira
  • Mukai!—2015
  • Mashoko Akafanana
  • “Munhu Awana Uchenjeri Une Mufaro”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Uchenjeri Hwechokwadi Huri Kushevedzera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Kuba Vanhu—Pane Mhinduro Here?
    Mukai!—2000
  • Kuba Vanhu—Bhizimisi Rinotyisa
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Mukai!—2015
g 3/15 p. 10
Matsotsi akamira murima ari kuda kubira mukadzi

Mazano Okutibatsira

‘Upfumi hwomunhu hunogona kudzikinura mweya wake, asi murombo haana chaangatya kutorerwa.’—ZVIREVO 13:8; Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi.

KUVA mupfumi kune zvakwakanakira asi dzimwe nguva kune ngozi kunyanya mumazuva ano okupedzisira. (2 Timoti 3:1-5) Mune dzimwe nyika vapfumi kusanganisira vashanyi vanoratidza sevane mari ndivo vanonyanya kunangwa nembavha, kana nevaya vanoba vanhu vachiitira kuti vazopiwa mari kuti vavasunungure.

Rimwe pepanhau richitaura nezveimwe nyika iri kusimukira rakati: “Ugororo pachishandiswa zvombo, kubiridzira nekubiwa kwevanhu zviri kuita kuti vapfumi nevarombo vavengane. Maresitorendi ari kuchengetedzwa nevanhu vanenge vakapakata zvombo; dzimba dzevapfumi dziri kupoteredzwa newaya dzinobaya, magetsi anojekesa panze usiku, makamera uye vanhu vanorinda.” Zvataurwa izvi zviri kwose kwose panyika.

Asi Bhaibheri rinoti: “Murombo haana chaangatya kutorerwa.” Kuziva izvi kungakubatsira sei? Kana uchigara kana kuti uri kuenda kunzvimbo inozivikanwa kuti ine matsotsi, usaita zvinhu zvinoita kuti vanhu vafunge kuti une mari. Iva nechokwadi chokuti zvauchapfeka nezvauchatakura hazvikwezvi mbavha. Zvirevo 22:3 inoti: ‘Munhu ane njere anoona dambudziko, asi vasina zivo vanongoramba vachienda vosangana nenjodzi.’

Mazano ari muBhaibheri anoratidza kuti Musiki wedu ane hanya nesu uye anoda kuti tigare takachengeteka. Ndokusaka Muparidzi 7:12 ichiti, “uchenjeri hunodzivirira” nokuti ‘hunochengetedza vanahwo vari vapenyu.’

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe