RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 1/8 pp. 24-25
  • Kuba Vanhu—Zvinhu Zvikuru Zvinokukonzera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuba Vanhu—Zvinhu Zvikuru Zvinokukonzera
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Matambudziko Okuchengetedzwa Kwomutemo
  • Urombo Uye Kusaruramisira Kwavanhu
  • Kukara Uye Kushayikwa Kworudo
  • Kuba Vanhu—Pane Mhinduro Here?
    Mukai!—2000
  • Kuba Vanhu—Bhizimisi Rinotyisa
    Mukai!—2000
  • Kuba Vanhu—Bhizimisi Riri Munyika Yose
    Mukai!—2000
  • Mari Ndiyo Mudzi Wezvinhu Zvese Zvakaipa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 1/8 pp. 24-25

Kuba Vanhu—Zvinhu Zvikuru Zvinokukonzera

KUBIWA kwavanhu kwava dambudziko ramazuva ano. Asi ndizvo zvakaitawo kuponda, kubata chibharo, kuba, kushinha navana, uye kunyange kuuraya vanhu vedzinza rimwe chete. Nei upenyu hwava nengozi zvikuru zvakadaro zvokuti vanhu vava kutya kunyange kubuda mudzimba dzavo usiku?

Zvinhu zvikuru zvinokonzera dambudziko iri miitiro yechitsotsi, kusanganisira kubiwa kwavanhu, zvakabatana nezvikanganiso zvakanyatsodzika midzi munzanga yavanhu. Wanga uchiziva here kuti makore 2 000 akapfuura Bhaibheri rakafanotaura nezvenguva dzine ngozi dzakadai? Tapota cherechedza zvakafanotaurwa pana 2 Timoti 3:2-5.

“Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nemhaka yokudada, vanoda zvinofadza panzvimbo pokuda Mwari, vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari asi vachiva venhema kusimba rakwo.”

Zvichida unobvuma kuti mashoko aya akanyorwa kare kare anonyatsotsanangura mamiriro akaita zvinhu nhasi. Munguva yatiri kurarama zvikanganiso zvavanhu zvawedzera zvikuru kwazvo. Zvinokosha kuti kutsanangurwa kuri pamusoro apa kwezvinoitwa navanhu zvinonzwisa urombo kunosumwa neBhaibheri namashoko okuti: “Pamazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika.” (2 Timoti 3:1) Ngationgororei zvitatu chete zvezvikanganiso zvikuru zvenzanga zvinokonzera kubiwa kwavanhu kwose kwose.

Matambudziko Okuchengetedzwa Kwomutemo

“Kutongwa zvakusingakurumidzi kuuya pamusoro pebasa rakaipa, mwoyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa.”—Muparidzi 8:11.

Mapurisa akawanda haana zvokushandisa zvinoita kuti akunde miitiro yechitsotsi iri kuwanda zvikuru. Saka munyika dzakawanda, kuba vanhu utsotsi hunobhadhara. Muna 1996, pavose vakaba vanhu muColombia vashomanana chete vane 2 muzana ndivo vakatongwa. MuMexico, mari inopfuura $7 600 000 000 yakabhadharwa sorudzikinuro muna 1997. Vamwe vanoba vanhu muPhilippines vakatobvuma kubhadharwa rudzikinuro namacheki.

Mukuwedzera, uori mumasangano echipurisa nechiuto anochengetedza mutemo dzimwe nguva kwakaita kuti kurwisa utsotsi kuome. Vakuru vakuru vamasangano okurwisa kuba vanhu muMexico, muColombia, nomune dzimwe nyika dzaimbova dzeSoviet vakapomerwa mhaka yokuba vanhu. Mumagazini inonzi Asiaweek, purezidhendi weDare reHurumende yePhilippines, Blas Ople, anoti nhamba yapamutemo inoratidza kuti 52 muzana yokuba vanhu muPhilippines inosanganisira mapurisa namauto kana kuti vaimbova mapurisa kana kuti mauto. Mumwe anetsa anoba vanhu kuMexico anonzi akanga akadzivirirwa “navakuru vekanzuru, vakuru venyika, uye vakuru vamapurisa navachuchisi vaaipa chioko muhomwe.”

Urombo Uye Kusaruramisira Kwavanhu

“Ndakadzokazve, ndikaona kumanikidzwa kwose kunoitwa pasi pezuva; tarira, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishayiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba.”—Muparidzi 4:1.

Nhasi vanhu vakawanda vari mumamiriro ezvinhu akaoma ezvemari nokugarisana kwavanhu, uye kakawanda ndivo vanoba vanhu. Saka munyika mune musiyano uri kunyanya kukura pakati pavapfumi navarombo uye mikana yokuwana nayo mari nenzira dzakanaka iri kuva mishoma, kuba vanhu kunoramba kuri muedzo. Chero bedzi paine kumanikidza, kuba vanhu kuchava nzira yokutsiva nayo uye yokuita kuti vanhu vafunge nezvechinonzi dambudziko rakaoma.

Kukara Uye Kushayikwa Kworudo

“Kuda mari ndiwo mudzi wemarudzi ose ezvinhu zvakaipa.” (1 Timoti 6:10) “Nemhaka yokuwedzera kwokusateerera mutemo rudo rwevakawanda zvikuru ruchatonhora.”—Mateu 24:12.

Munhau yose kuda mari kwakaita kuti vanhu vaite zvisakaitwa. Uye zvichida hapana humwe utsotsi hunoita kuti vanhu vatambudzike, varwadziwe, vaodzwe mwoyo sezvinoita kuba vanhu. Kuvakawanda kukara—kuda mari—kunovaita kuti vaitire munhu wavasingazivi utsinye nokumutambudza ndokuisa mhuri yake panguva yakaoma kwamavhiki, mwedzi, uye pane dzimwe nguva makore.

Zvakajeka kuti chimwe chinhu chakaipa zvikuru nenzanga inokoshesa mari ndokutsikirira pasi tsika dzakanaka dzavanhu. Pasina mubvunzo, mamiriro ezvinhu akadai anoita kuti miitiro yose youtsotsi iwande zvikuru, kusanganisira kuba vanhu.

Izvi zvinoreva here kuti tiri munguva inonzi neBhaibheri “mazuva okupedzisira”? Kana zvakadaro, izvi zvicharevei nokuda kwepasi nokwatiri? Pane chichagadzirisa matambudziko akaipa ari kuonekwa navanhu, kusanganisira kubiwa kwavanhu here?

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24]

Hachisi Chinhu Chitsva

Mutemo waMosesi waitongera rufu vanhu vaiba vanhu kare somuzana ramakore rechi15 B.C.E. (Dheuteronomio 24:7) Julius Caesar akabiwa nokuda kworudzikinuro muzana ramakore rokutanga, sezvakaitwawo Richard I, Lionhearted, mambo weEngland, muzana remakore rechi12 C.E. Rudzikinuro rukuru rwati rwambobhadharwa aiva matani 24 endarama nesirivha ayo vaIncas vakapa kumukundi wekuSpain Francisco Pizarro kuti ishe wavo Atahuallpa asunungurwe muna 1533. Zvisinei vakamuba vacho vakamuuraya vachiita zvokumusungirira.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Pasinei nezvinoshandiswa nemapurisa, kubiwa kwavanhu kwakapararira

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe