RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 11/8 pp. 11-14
  • Hondo Yekurwisa Zvinodhaka Inogona Kuhwinwa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hondo Yekurwisa Zvinodhaka Inogona Kuhwinwa Here?
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kurwisa Kuwanikwa Kwazvo
  • Kudiwa Kwezvinodhaka Kunogona Kuderedzwa Here?
  • Zvakaitwa neZvapupu zvaJehovha
  • Tariro Yechokwadi ine Zvainoreva
  • Kubva Pakuva Mutengesi Wezvinodhaka Kuenda Pakuva Muvaki
  • Chichapedza Dambudziko Renyika Yese Chinoshanda
  • Unoda Kubetserwa Here?
  • Matapurirwe Aunoitwa Nezvinodhaka Zvisingabvumirwe
    Mukai!—1999
  • Upenyu Hwakakanganiswa, Upenyu Hwakaparara
    Mukai!—1999
  • Zvinodhaka—Nei Vanhu Vachizvishandisa Zvisina Kufanira?
    Mukai!—2001
  • Nyika Yapindwa Muropa Nezvinodhaka
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 11/8 pp. 11-14

Hondo Yekurwisa Zvinodhaka Inogona Kuhwinwa Here?

KUHWINA hondo yekurwisa zvinodhaka ivavariro inorumbidzwa, asi hachisi chinhu chiri nyore. Injini mbiri dzine simba dziri kufambisa chitima chezvinodhaka zvisingabvumirwe—kuwanikwa nekudiwa kwazvo. Kwerinoda kusvika zana remakore, hurumende nemapurisa vave vachisimbirira pakuderedza kuwanikwa kwazvo. Zvavaifungidzira zvakanga zviri nyore: Kana pasina zvinodhaka, hapana vanopindwa muropa.

Kurwisa Kuwanikwa Kwazvo

Nechinangwa ichi, zvikwata zvemapurisa zvinoona nezvezvinodhaka zvakabata zvinodhaka zvakawanda, uye kushandira pamwe kwenyika yese kwakaita kuti vanotengesa zvinodhaka vane mukurumbira vasungwe. Asi chokwadi chinorwadza ndechekuti chero zvazvo mapurisa anoziva basa angamanikidza vamwe vanotengesa zvinodhaka kuti vatamire kumwe, vatsvake mimwe misika, kana kuti vanyanyongwarira, hazviite kuti varege. “Hatizombofa takakwanisa kukwikwidzana nevanotengesa zvinodhaka chero bedzi vachiwana mari isingaganhurirwi uye isu tichifanira kurwa hondo dzebhajeti,” yakadaro imwe nyanzvi yezvinodhaka.

Joe de la Rosa, mumwe mukuru mukuru anoona nezvekudzivirirwa kweutsotsi weGibraltar Police Force, akaudza Mukai! nezvedambudziko rekudzora kutengeswa kwezvinodhaka pakati peAfrica neIberian Peninsula. “Muna 1997 takabata makirogiramu anoda kusvika 400 enhonje dzecannabis,” akadaro. “Yakawanda yacho chaizvoizvo yakanga isina kubatwa kune vanotengesa zvinodhaka, yakawanwa ichiyangarara mugungwa kana kuti yasairirwa mumahombekombe. Izvozvo zvinokupa pfungwa yekuwanda kwakaita zvinodhaka zvinoyambutswa Mugero weGibraltar gore rega rega. Zvatinobata zvinongova zvishoma zvinoratidza kuti kune zvizhinji. Vanotakura zvinhu vanogarofamba vachibva kuAfrica vachienda kuSpain vane magwa anomhanya kwazvo anogona kusiya evanhu vecustoms seakamira. Uye kana vakanyumwa kuti vava mungozi yekusungwa, vanongokanda zvinodhaka zvacho mugungwa, saka tinoshaiwa uchapupu hwekuvapomera mhaka.”

Mapurisa anotarisanawo nematambudziko akafanana mune dzimwe nyika. Vafambi vanongooneka sevanhuwo zvavo, ndege dzinotakura zvinhu zvakareruka, ngarava dzakagadzirirwa kutakura zvinhu, uye kunyange ngarava dzinofamba nepasi pemvura zvinopinza zviri kunze kwemutemo zvinodhaka zvichiyambutswa makungwa kana kuti mumiganhu iri nyore. Mamwe mashoko eSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose akawana kuti “inenge 75 kubva muzana yemishonga inotumirwa munyika yese inofanira kuongororwa kuitira kuderedza kuita mari nokutengesa zvinodhaka.” Panguva ino, kuongorora kwacho zvimwe hakupfuuri 30 kubva muzana nokuda kwecocaine—uye kushoma kwazvo nokuda kwezvimwe zvinodhaka.

Saka nei hurumende dzisingarwisi panotangira dambudziko racho ndokuparadza zvirimwa zvese zvecannabis, maopium poppy, uye makwenzi ecoca? Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose rakakurudzira danho iroro nguva pfupi yapfuura, asi harisi nyore. Cannabis inogona kurimwa mubindu rinenge chero ripi zvaro. Imwe nharaunda inonyanya kurimwa coca muAndes iri muruwa runorondedzerwa se“isingadzorwi nehurumende.” Zvakangofananawo nezviri munharaunda dziri kure dzeAfghanistan neBurma, idzo dziri mizinda inogadzirwa opium neheroin.

Kuti vatonyanya kuomesa zvinhu, vanotengesa zvinodhaka vanogona kuchinjira zviri nyore kune zvinodhaka zvakashandurwa, izvo zviri kunyanya kudiwa. Uye marabhoratori asingazivikanwi anogona kugadzira zvinodhaka zvinogadzirwa izvi kunenge chero kupi zvakwo munyika.

Mapurisa anonyatsoziva basa nemitongo yejeri yakaomarara zvinogona kuderedza kutengeswa kwezvinodhaka here? Kune vatengesi vezvinodhaka zvisingabvumirwe vakawandisa, vakapindwa muropa vakawanda, uye mapurisa mashomanene ekuita kuti mutoo iwoyo ushande. Somuenzaniso, United States, ine vanhu vanoda kusvika mamiriyoni maviri mujeri—vakawanda vacho nemhosva dzezvinodhaka. Asi kutya jeri hakuna kuita kuti vanhu varege kushandisa zvinodhaka. Munyika dzakawanda dzichiri kusimukira umo kutengeswa kwezvinodhaka kuri kubudirira, mapurisa mashoma uye asingabhadharwi zvakanaka hapana zvaanogona kuita kuti abvise dambudziko racho.

Kudiwa Kwezvinodhaka Kunogona Kuderedzwa Here?

Kana kuedza kwese kudzora kuwanikwa kwezvinodhaka kwaratidza kuti hakushandi, zvakadii nekuderedza kudiwa kwazvo? “Hondo yekurwisa zvinodhaka zvechokwadi ihondo yemwoyo nepfungwa, uye kwete nhauwo zvayo ingapedzwa nemapurisa nematare uye majeri,” inodaro magazini yeTime.

Joe de la Rosa, ane mashoko ataurwa pakutanga, anodavirawo zvakafanana kuti dzidzo ndiyo nzira chete yekurwisa nayo zvinodhaka zvisingabvumirwe. “Kupindwa muropa nezvinodhaka idambudziko renzanga yese rakatangwa nenzanga, saka tinofanira kuchinja nzanga kana kuti zvimwe kuchinja mafungiro anoita vanhu,” anodaro. “Tiri kuedza kubatanidza zvikoro, vabereki, uye vadzidzisi kuitira kuti vese vazive kuti pane ngozi, kuti zvinodhaka zvinowanika, uye kuti zvinogona kukuvadza vana vavo.”

Zvakaitwa neZvapupu zvaJehovha

Kwemakore akawanda Zvapupu zvaJehovha zvave zvichibatanidzwa mukudzidzisa vanhu zvinobudirira kuti vadzivise zvinodhaka. Zvakagadzirira mashoko akagadzirirwa kubetsera vabereki kudzidzisa vana vavo nezvengozi yezvinodhaka.a Uyewo, ushumiri hwazvo hwabetsera kuchinja vanoshandisa nevanotengesa zvinodhaka.

Ana, ataurwa munyaya yapfuura, akaudzwa nezveZvapupu zvaJehovha nemhaka yekuti mukoma wake akanga anzwa nezvekubudirira kwazvo mukubetsera vakapindwa muropa nezvinodhaka. Ana akanga asinganyanyi kufarira Bhaibheri, asi akangoenda asingadi kune rimwe gungano raiitwa neZvapupu. Ikoko akaona mumwe murume aimbozivikanwa kwazvo nekutengesa zvinodhaka zvisingabvumirwe asi akanga achinja zvachose chitarisiko chake nemararamiro ake. “Ndakafunga kuti kana akagona kuchinja, neni ndaigonawo,” anodaro Ana. “Kuchinja kwake kwakandigutsa kuti ndinofanira kubvuma kudzidziswa Bhaibheri.

“Kubvira pachidzidzo changu chekutanga cheBhaibheri chaicho, ndakasarudza kugara pamba, ndaiziva kuti kana ndikabva pamba, ndaizosangana nevamwe vanoshandisa zvinodhaka ndikatangazve kushandisa zvinodhaka. Ndaive ndagara ndichiziva kuti zvinodhaka zvakashata uye kuti Mwari aisabvumira muitiro uyu. Ndakanga ndaonawo kuti zvinodhaka zvinokuvadza sei vanhu uye kuti ndakanga ndakuvadza mhuri yangu pachangu zvakadini. Asi ndaida simba remudzimu kuti ndisunungurwe mujeri rezvinodhaka mandaiva. Zvakanga zvakaoma kuti zvibude muropa. Kwenguva yakati ndaingorara zuva rose apo kunzwa kuda zvinodhaka kwakanga kuchipera. Asi zvakanga zvakafanira.”

Tariro Yechokwadi ine Zvainoreva

Murume waAna, Pedro, ataurwawo munyaya yapfuura, akaregawo zvakafanana. “Rimwe zuva ndichisvuta hashish mumba memukoma wangu, ndakaona rimwe bhuku rine musoro wakandifadza,” anoyeuka kudaro Pedro. “Raive nemusoro unoti Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi. Ndakaenda naro kumba, ndakarirava, uye ndakaongorora magwaro acho. Ndakava nechokwadi chekuti ndakanga ndawana chokwadi.

“Kurava Bhaibheri nekuudza vamwe nezvezvandakanga ndichidzidza zvakandiita kuti ndinzwe zviri nani uye zvakaderedza havi yangu yezvinodhaka. Ndakasarudza kusapfuurira nezvandakanga ndaronga zvekuba nepfuti pagaraji rinotengesa peturo. Imwe shamwari yakanga ichidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye nenguva isipi ndakatanga kutevera muenzaniso wayo. Mumwedzi mipfumbamwe ndakachinja mararamiro angu ndokubhabhatidzwa. Munguva iyi, dzaimbova shamwari dzangu dzakawanda dzaindipa zvinodhaka, asi ndaikurumidza kutanga kuvaudza nezveBhaibheri. Vamwe vakanzwa. Mumwe akatokurira kupindwa muropa kwake.

“Kuti usiye muitiro wezvinodhaka, unofanira kuva netariro. Bhaibheri rakandipa tariro iyoyo, rakaita kuti ndione zvinoreva upenyu hwangu, uye rakandiratidza zvakajeka zvinofungwa naMwari nezvezvinodhaka nechisimba. Ndakaona kuti ndainzwa zviri nani pandaidzidza nezveWamasimba Ose—uye pakanga pasina migumisiro yakaipa. Pava paya, kusonganira nevanhu vanorarama upenyu hwakachena pamisangano yeZvapupu zvaJehovha kwakandibetsera kupfuurira nenzira iyi.”

Kubva Pakuva Mutengesi Wezvinodhaka Kuenda Pakuva Muvaki

José, mutengesi wezvinodhaka ataurwa munyaya yapfuura, iye zvino ava muvaki zvakare. Haana kuzviwana zviri nyore kusiya bhizimisi rake raibhadhara. “Zvinodhaka zvinoita kuti uwane mari yakawanda,” anobvuma kudaro, “asi haisi nzira yakanaka yekuwana nayo mari. Ndinoona vana vaduku vaine pfuti nemota dzemberi. Mhuri dzinoputsika, utsotsi hunopararira mumigwagwa, uye vakapindwa muropa nezvinodhaka vakawanda vanoputsa mahwindo emota vachiba, kuba muzvitoro, kana kuti kubira vanhu kuti vawane mari yezvinodhaka. Vakawanda vanotanga nehashish, voenderera mberi kusvika pakushandisa piritsi rinonzi mafaro kana kuti mamwe mapiritsi, uye zvadaro vanoedza cocaine kana kuti kunyange heroin. Ndinoona kuti ndakabatanidzwa mukuita kuti vakawanda vatange muitiro uyu.

“Sezvandaidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, ndakaramba ndichingogutswa kuti kubatanidzwa kwangu nezvinodhaka kwakanga kwakaipa. Ndaida kuva nehana yakachena, uye mudzimai wangu, uyo akanga achidzidzawo, aidawo izvozvo. Chokwadi, zvakaoma kusiya bhizimisi rezvinodhaka. Ndakatsanangurira vandaitengesera nevainditengesera kuti ndakanga ndava kudzidza Bhaibheri uye kuti ndakanga ndarega kutengesa zvinodhaka. Pakutanga, havana kudavira zvandakataura, uye vamwe nazvino havandidaviri. Kunyange zvakadaro, ndakarega anenge makore maviri apfuura, uye handisati ndambodemba chero kamwe.

“Gore rose rapfuura, ndave ndichishanda semuvaki, iro riri basa rangu. Zvino pamwedzi ndinowana kota yezvandaigona kuwana pazuva rimwe chete. Asi iyi ndiyo nzira yeupenyu iri nani, uye ndinonzwa ndichifara.”

Chichapedza Dambudziko Renyika Yese Chinoshanda

Vatengesi vashomanene vane ushingi vakarega kutengesa zvinodhaka. Uye nzira dzakasiyana-siyana dzekuchinja dzabetsera zviuru zvevanodzishandisa kuti zvikurire kupindwa muropa kwazvo. Asi, sezvinobvumwa neWorld Drug Report kuti, “kune vanga vachishandisa zvinodhaka kwenguva yakareba, kurega zvachose kashoma, handizvo zvinogaroitika.” Zvinosuruvarisa kuti, panochinja mumwe chete wevakapindwa muropa, vatsva vanoverengeka vanopindwa muropa. Kuwanikwa nekudiwa kwazvo kunoramba kuchiwedzera.

Kana hondo yekurwisa zvinodhaka ichizohwinwa, panofanira kuva nechinopedza dambudziko renyika yese nemhaka yekuti dambudziko racho rinotova munyika yese. Nezveizvi Boka Rinoona Nezvezvinodhaka reSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose rinoti: “Nepo kushandiswa zvisina kufanira kwezvinodhaka, kutengeswa kwezvinodhaka neutsotsi hwakabatanidzwa nedambudziko rezvinodhaka zvainzwisiswa munyika dzakawanda sechimwe chinhu chikuru chinoita kuti kuchengeteka kuve pangozi, vakawanda vakanga vasinganyatsozivi nezvechokwadi chekuti zvinodhaka zvisingabvumirwi zvaiva dambudziko renyika yese rakanga risingachagoni kugadziriswa nekuedza kwenyika imwe pachayo.”

Asi hurumende dzenyika dzichaisa misoro pamwe kuti dzipedze dambudziko iri renyika yese here? Kusvika panguva ino migumisiro yacho yave ichinetesa. Zvisinei, Bhaibheri rinotaura nezvehurumende yekudenga iyo ichakurira miganhu yenyika sechinogadzikisa chaicho. Bhaibheri rinotivimbisa kuti Umambo hwaMwari, hunotongwa naJesu Kristu, huchagara “nokusingaperi-peri.” (Zvakazarurwa 11:15) Saka, muUmambo hwaMwari, dzidzo yaMwari ichaita kuti pave nechokwadi chekuti kudiwa kwezvinodhaka kuchanyangarika. (Isaya 54:13) Uye matambudziko epfungwa nenzanga ayo ari kunyanya kukuchidzira kushandiswa zvisina kufanira kwezvinodhaka achapera nekusingaperi.—Pisarema 55:22; 72:12; Mika 4:4.

Unoda Kubetserwa Here?

Kunyange zvino, tariro muUmambo hwaMwari huri mumaoko aKristu iri kuita kuti vanhu varambe zvinodhaka. Kana uchida mamwe mashoko, tapota onana neZvapupu zvaJehovha zvemunharaunda yako.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona chitsauko 34 chebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, chine musoro unoti “Hurambirei Mirimo?,” rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 11]

Vachisungirwa zvinodhaka

[Kwazvakatorwa]

K. Sklute/SuperStock

[Mufananidzo uri papeji 12]

Pedro nemudzimai wake, Ana, vachidzidza Bhaibheri nevana vavo

[Mufananidzo uri papeji 13]

Pedro achiisa muchina unobetsera kuchengetedza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe