RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 11/8 pp. 8-10
  • Upenyu Hwakakanganiswa, Upenyu Hwakaparara

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu Hwakakanganiswa, Upenyu Hwakaparara
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Kunzvenga Chokwadi”
  • “Kunyura Muzvinodhaka”
  • Kubva Pakuva Muvaki Kuenda Pakuva Mutengesi Wezvinodhaka
  • Mari Yako Neupenyu Hwako!
  • Hondo Yekurwisa Zvinodhaka Inogona Kuhwinwa Here?
    Mukai!—1999
  • Matapurirwe Aunoitwa Nezvinodhaka Zvisingabvumirwe
    Mukai!—1999
  • Zvinodhaka—Zvinoshandiswa Navanaani?
    Mukai!—2001
  • Zvinodhaka—Nei Vanhu Vachizvishandisa Zvisina Kufanira?
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 11/8 pp. 8-10

Upenyu Hwakakanganiswa, Upenyu Hwakaparara

“ZVINODHAKA zvakafanana nesando huru,” anotaura kudaro Dr. Eric Nestler. Zvechokwadi, kungodzvuta kamwe chete makemikoro aya akafanana nesando huru kunogona kuuraya. “Somuenzaniso, cocaine inosvutwa, yave ichizivikanwa kuti inouraya vanhu pavanongotanga kuisvuta,” rinotsanangura kudaro bhuku rinonzi Drugs in America.

Zvinodhaka zvitsva zvinoita zvekugadzirwa zvinogona kuvawo nengozi. “Vaduku vasingatani kunyengerwa vanotenga zvinodhaka papati ye‘dhindindi’ havambozivi kuti musanganiswa wemakemikoro uchakuvadza pfungwa dzavo,” yakanyevera kudaro World Drug Report yeSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose. Zvisinei, kuvaduku vakawanda, kudzika kwacho kusvikira pakunyatsopindwa muropa nezvinodhaka kunoitwa zvishoma nezvishoma, sezvinoratidzwa nemienzaniso inotevera.

“Kunzvenga Chokwadi”

Pedro,a mumwe wevana vapfumbamwe, akaberekerwa munharaunda yaiva nechisimba iri muguta reCórdoba, muSpain. Kukura kwake kwainzwisa urombo nemhaka yekuti baba vake vaiva chidhakwa. Pedro paakanga ava nemakore 14, muzukuru wake akamudzidzisa kusvuta hashish. Pasina mwedzi, akanga atopindwa muropa.

“Kushandisa zvinodhaka kwaiva kuvaraidza nguva,” Pedro anotsanangura kudaro, “kunzvenga chokwadi, uye nzira yekuti uve nhengo yechikwata. Ndava nemakore 15, ndakatanga kuwedzera LSD nemaamphetamine pamusoro pehashish. LSD yaiva chinodhaka chandainyanya kuda, uye kuti ndiwane mari yekuchitenga, apo neapo ndakatanga kutengesa zvinodhaka zvisingabvumirwe. Ndainyanya kutengesa hashish. Pane imwe nguva, ndawanzisa LSD, ndakatadza kurara usiku hwese, uye ndakanzwa sekunge ndakanga ndava kupenga. Chiitiko chacho chakandityisa. Ndakafunga kuti kana ndikapfuurira kushandisa zvinodhaka, zvimwe ndaizoguma ndava mujeri kana kuti ndafa. Asi kuda kwangu zvinodhaka kwakabvisa kutya uku. Ndakanyatsopindwa muropa neLSD uye ndaida chinodhaka chacho chakawanda kuti ndinzwe ndakadhakwa. Pasinei zvapo nemigumisiro inotyisa yaizotevera, ndaisagona kurega. Ndaisaziva kuti ndozvirega sei.

“LSD yaidhura, saka ndakadzidza nzira yekuba nayo muzvitoro zvinotengesa zvishongo zvemabwe anokosha, kubvutira vashanyi vaibva kune dzimwe nyika mabhegi, uye kuba mawachi nezvikwama zvevapfuuri. Pandakasvika makore 17, ndakanga ndatova mutengesi wezvinodhaka aizivikanwa munzvimbo yandaigara mutaundi yacho, uye pane dzimwe nguva ndaiitawo zvekuba ndichishandisa zvombo. Mukurumbira wangu munharaunda yedu setsotsi rinoshandisa chisimba wakaita kuti ndipiwe zita remadunhurirwa rekuti el torcido, rinoreva kuti ‘munhu ane pfungwa dzakamonyana.’

“Paunosanganisa zvinodhaka nedoro, unhu hwako hunochinja, kakawanda uchiita zvechisimba. Uye chido chekuwana zvinodhaka zvakawanda chinosimba kwazvo zvekuti chinonyatsodzora hana yako. Upenyu hunova makata nemateru, uye unorarama uchitongwa nezvinodhaka.”

“Kunyura Muzvinodhaka”

Ana mudzimai waPedro, akakurira muSpain mumhuri yakanaka. Paakasvika makore 14, Ana akasangana nevamwe vakomana vashomanene vanobva pachikoro chiri pedyo vaisvuta hashish. Pakutanga, unhu hwavo hwaasina kujaira hauna kumufadza. Asi mumwe wevakomana vacho akakwezva mumwe weshamwarisikana dzaAna ainzi Rosa. Akaita kuti Rosa agutsikane kuti kuputa hashish kwaisakuvadza uye kuti aizonakirwa nayo. Saka Rosa akaedza chinodhaka chacho uye adaro akapa Ana mudzanga wacho.

“Zvakaita kuti ndinzwe zvakanaka, uye pasina mavhiki akawanda, ndakanga ndava kusvuta hashish zuva nezuva,” anodaro Ana. “Ndaiziva kuti zvakanga zvisina kunaka, saka hapana chandakaudza vabereki vangu. Papfuura mwedzi kana kuti kudarika, hashish yakanga isingachaiti kuti ndinzwe ndakadhakwa, saka ndakatanga kushandisa maamphetamine pamwe chete nekusvuta hashish.

“Nenguva isipi ini neshamwari dzangu takanga tatonyura muzvinodhaka. Taitaura nezveaigona kushandisa zvinodhaka zvakawanda asingamborwari uye ainyatsonakirwa nekudhakwa pane vose. Zvishoma nezvishoma, ndakatanga kurarama upenyu hwangu ndega, uye ndakanga ndava kuenda kuchikoro zveapo neapo. Hashish nemaamphetamine zvakanga zvisingachandigutsi, saka ndakatanga kuzvibaya jekiseni rezvinobva mumorphine zvandaiwana kubva kuzvitoro zvakasiyana-siyana zvinotengesa mishonga. Munguva yezhizha taienda kukonzati yaiitirwa panze yenziyo dzine ruzha, kwazvaiva nyore nguva dzese kuwana zvinodhaka zvakadai seLSD.

“Rimwe zuva amai vangu vakandiwanikidza ndichisvuta hashish. Vabereki vangu vakaedza zvese zvavaigona kuti vandidzivirire. Vakandiudza nezvengozi yezvinodhaka, uye vakandiratidza rudo rwavo nekuva nehanya. Asi ndakaona kutamburira kwavo sezvinhu zvinodzongonyedza zvandisingadi muupenyu hwangu. Pandakanga ndava nemakore 16, ndakasarudza kubva pamba. Ndakabatana neboka revaduku raifamba muSpain yese richitengesa cheni dzemuhuro dzakagadzirwa nemaoko uye raishandisa zvinodhaka. Mwedzi miviri pava paya, ndakasungwa nemapurisa muMálaga.

“Mapurisa paakandiendesa kune vabereki vangu, vakandigamuchira nemaoko maviri, uye ndakanyara nokuda kwezvandakanga ndaita. Baba vangu vakanga vachichema—chimwe chinhu chandakanga ndisati ndambovaona vachiita. Ndakazvidemba nemhaka yekuvarwadzisa, asi kuzvidemba kwacho kwakanga kusiri kukuru zvakakwana zvekuita kuti ndirege zvinodhaka. Ndakapfuurira kushandisa zvinodhaka mazuva ose. Pandainge ndisina kudhakwa, pane dzimwe nguva ndaifunga nezvengozi dzacho—asi kwete kwenguva yakareba.”

Kubva Pakuva Muvaki Kuenda Pakuva Mutengesi Wezvinodhaka

José, murume ane mhuri ane ushamwari, akapedza makore mashanu achitengesa cannabis kubva kuMorocco kusvika kuSpain. Akazvitanga sei? “Pandaishanda semuvaki, wandaishanda naye akatanga kutengesa zvinodhaka,” anotsanangura kudaro José. “Sezvo ndaida mari, ndakafunga kuti, ‘Ndiri kuregererei kuitawo izvozvo?’

“Zvaiva nyore kutenga cannabis kuMorocco—yakawanda kwazvo seyandaigona kutakura. Ndaiva neigwa rinomhanya raigona kunzvenga mapurisa zviri nyore. Ndangokwanisa kusvitsa zvinodhaka kuSpain, ndaizvitengesa zvakawanda, anenge makirogiramu 600 panguva imwe chete. Ndaingova nevatengi vatatu kana kuti vana, uye vaitora zvinodhaka zvacho zvese zvandaigona kuvaunzira. Kunyange zvazvo kwaiva nemapurisa aiongorora, zvinodhaka zvacho zvaikwanisa kupinzwa zvisina kubatwa. Isu vatengesi taiva nezvekushandisa zviri nani kupfuura zvemapurisa.

“Ndakaita mari yakawanda zviri nyore. Rwendo rwumwe chete rwekubva kuSpain kuenda kuNorth Africa rwaigona kuunza mari iri pakati pe$950 000 ne$1 140 000. Nenguva isipi ndakanga ndava nevarume 30 vaindishandira. Handina kumbobvira ndabatwa nemhaka yekuti ndaibhadhara musori kuti andizivise kana mabasa angu ava kuongororwa.

“Dzimwe nguva ndaifunga nezvekuti zvinodhaka izvi zvese zvingaitei kune vamwe, asi ndaizvigutsa kuti cannabis chaiva chinodhaka chisina simba rakanyanya chisina wachakambouraya. Sezvo ndakanga ndichiita mari yakawanda, handina kunyanya kufunga nezvazvo. Handina kumboshandisa zvinodhaka pachangu.”

Mari Yako Neupenyu Hwako!

Sezvinoratidzwa nemienzaniso iyi, zvinodhaka zvinotonga upenyu hwevanhu. Wangopindwa muropa chete, kuzvirega kwakaoma uye kunokanganisa pfungwa. Sezvinotaurwa nebhuku rinonzi Drugs in America kuti, “muOld West, makororo ainongedzera pfuti pachiso chevaaibira ndokurayira kuti, ‘Ndipe mari yako kana kuti ndinokuuraya.’ Zvinodhaka zvisingabvumirwe zvakaipa kwazvo kupfuura makororo ekare aiita zviri kunze kwemutemo. Zvinotora zvese.”

Pane chinogona kumisa simba guru kwazvo rezvinodhaka here? Nyaya inotevera ichaongorora zvimwe zvingagadzikisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita ari munyaya dzino dzakatevedzana akachinjwa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]

“MuOld West, makororo ainongedza pfuti pachiso chevaaibira ndokurayira kuti, ‘Ndipe mari yako kana kuti ndinokuuraya.’ Zvinodhaka zvisingabvumirwe zvakaipa kupfuura makororo ekare aiita zviri kunze kwemutemo. ZVINOTORA ZVESE”

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 10]

MWANA WAKO ACHARAMBA ZVINODHAKA HERE?

PWERE DZIPI DZINGAVA MUNGOZI ZVAKANYANYA?

a. Dziya dzinoda kuratidza kuti dzakasununguka uye dzinoda kuedza zvine ngozi.

b. Dziya dzisinganyatsoda kuvavarira zvekudzidza kana kuti zvinhu zvemudzimu.

c. Dziya dzinozviona sedzakasiyana nevamwe munzanga.

d. Dziya dzisina pfungwa yakajeka yechinhu chakanaka nechakaipa.

e. Dziya dzinoona kuti hadzisi kutsigirwa nevabereki uye dzinokurudzirwa neshamwari dzadzo kushandisa zvinodhaka. Vanoongorora vakaona kuti “ukama hwepwere iri kuyaruka nevabereki vayo hunoratidza kuti chinhu chakanakisisa chinodzivirira pakushandisa zvinodhaka.”—Tisu tatsveyamisa mabhii.

UNOGONA SEI KUDZIVIRIRA VANA VAKO?

a. Nekuva neukama hwapedyo nekukurukurirana kwakanaka navo.

b. Nekuvadzidzisa pfungwa yakajeka yechakanaka nechakaipa.

c. Nekuvabetsera kuti vave nevavariro chaidzo.

d. Nekuita kuti vanzwe kuti inhengo dzemhuri inofara nenzanga ine ushamwari.

e. Nekuvadzidzisa nezvengozi yekushandisa zvinodhaka zvisina kufanira. Vana vanofanira kuziva zvakajeka chikonzero nei vachifanira kuramba zvinodhaka.

[Kwazvakatorwa]

Mashoko: World Drug Report, yakabudiswa neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose

[Mufananidzo uri papeji 9]

Zvinodhaka zvakabatwa nehurumende muGibraltar

[Kwazvakatorwa]

Courtesy of Gibraltar Police

[Mufananidzo uri papeji 10]

Ndaiva neigwa rinomhanya rakafanana neiri, raigona kunzvenga mapurisa zviri nyore

[Kwazvakatorwa]

Courtesy of Gibraltar Police

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 9]

Godo-Foto

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe