RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 11/8 pp. 5-7
  • Matapurirwe Aunoitwa Nezvinodhaka Zvisingabvumirwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Matapurirwe Aunoitwa Nezvinodhaka Zvisingabvumirwe
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuita Mari Nyore Nezvinodhaka—Chinokwezva Chisingarambiki
  • Dambudziko Paunenge Wakadhakwa
  • Chiokomuhomwe Neuori
  • Ndiani Anobhadhara?
  • Hondo Yekurwisa Zvinodhaka Inogona Kuhwinwa Here?
    Mukai!—1999
  • Zvinodhaka—Nei Vanhu Vachizvishandisa Zvisina Kufanira?
    Mukai!—2001
  • Nyika Yapindwa Muropa Nezvinodhaka
    Mukai!—1999
  • Zvinodhaka—Zvinoshandiswa Navanaani?
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 11/8 pp. 5-7

Matapurirwe Aunoitwa Nezvinodhaka Zvisingabvumirwe

KUFANANA nechakuvhe chinodya matanda emba, zvinodhaka zvinogona kuparadza nzanga yose. Kuti nzanga yevanhu inyatsoshanda, inofanira kuva nemhuri dzakatsiga, vashandi vane utano hwakanaka, hurumende dzinovimbwa, mapurisa akavimbika, uye vagari vemo vanoteerera mutemo. Zvinodhaka zvinoshatisa munhu wese anobatanidzwa muzvinhu izvi zvinokosha.

Chimwe chikonzero chakaita kuti hurumende dzirambidze kushandiswa kwezvinodhaka zvisiri zvekurapa ndechekukuvadza kwazvinoita utano hwevagari venyika dzayo. Gore rega rega zviuru zvevakapindwa muropa nezvinodhaka zvinofa nemhaka yekuzviwanza. Vamwe vakawanda vanofa neAIDS. Zvechokwadi, inenge 22 kubva muzana yevanhu vane utachiona hweAIDS vanhu vanoshandisa zvinodhaka avo vakazvibaya netsono dzine utachiona. Aine chikonzero chakanaka, pamusangano uchangobva kuitwa weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose, Nasser Bin Hamad Al-Khalifa, wekuQatar, akanyevera kuti “musha wenyika yese wava kuda kuva guva renzanga remamiriyoni evanhu nemhaka yekutengeswa kwezvinodhaka zvisingabvumirwe.”

Asi hazvingotapuri utano hweanozvishandisa chete. Inenge 10 kubva muzana yevana vose vanoberekwa muUnited States havana chinovadzivirira pazvinodhaka—muzviitiko zvakawanda, cocaine—vachiri mudumbu. Marwadzo anoparirwa nokurega handiwo dambudziko rega ravanotarisana naro, nokuti kuwana zvinodhaka mudumbu kungaita kuti vacheche vakuvadzwe nedzimwe nzira—mupfungwa nemumuviri.

Kuita Mari Nyore Nezvinodhaka—Chinokwezva Chisingarambiki

Unonzwa wakachengeteka munharaunda yako kana kwasviba here? Kana zvisizvo, zvingangodaro iri mhaka yevanotengesa zvinodhaka. Kupamba nechisimba kunoitwa mumugwagwa, mukombe nechirongo nezvinodhaka. Vanoshandisa zvinodhaka vanowanzoita utsotsi kana upfambi kuti vawane mari yekutsigira muitiro wavo, nepo zvikwata zvinokwikwidzana zvichirwa nokuuraya kuti zvirambe zvichidzora kuparadzirwa kwezvinodhaka. Zvinonzwisisika kuti, mapurisa ari mumaguta akawanda anoona zvinodhaka sehonzeri yekuponda kwakawanda kwavanofeya-feya.

Mune dzimwe nyika, vapanduki vakaonawo kubetsera kwekumanikidza kwekutengeswa kwezvinodhaka zvinobhadhara. Chimwe chikwata chikuru chemagandanga chiri muSouth America zvino chinowana hafu yemari yacho nekudzivirira vanotengesa zvinodhaka. “Mari inowanwa kubva kune zvinodhaka zvisingabvumirwe inotsigira zvimwe zvezvitendero zvinotyisa kwazvo zvenyika yese nekurwisana kwemadzinza,” chinodaro Chirongwa Chokudzora Zvinodhaka cheSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose.

Dambudziko Paunenge Wakadhakwa

Vanoshandisa zvinodhaka vanoita kuti migwagwa ive isina kuchengeteka nedzimwe nzira. “Kutyaira motokari wakadhakwa nemarijuana kana kuti LSD nguva dzose kunogona kuva nengozi sekutyaira wakadhakwa nedoro,” anodaro Michael Kronenwetter, mubhuku rake rinonzi Drugs in America. Hazvishamisi kuti, vanoshandisa zvinodhaka vane mukana wokupinda mutsaona kubasa kakapetwa katatu kana kuti kana.

Zvisinei, zvimwe mumusha ndimo munonyanya kukuvadzwa nezvinodhaka. “Kusatsarukana kweupenyu hwemhuri nekushandiswa kwezvinodhaka zvinowanzofambirana,” inodaro World Drug Report. Vabereki vanovhiringidzwa nokuda zvinodhaka havawanzogovera vana vavo upenyu hwepamusha hwakagadzikana. Ukama hwepedyo hwemubereki nemwana—hunokosha kwazvo mumavhiki ekutanga eupenyu hwemwana—hunogona kutoganhurirwa. Uyewo, vabereki vakapindwa muropa vanowanzopinda muzvikwereti uye vangabira shamwari nemhuri dzavo kana kuti vangaguma vaburitswa basa. Vana vakawanda vanokurira mumamiriro akadai ezvinhu vanoenda kunogara mumigwagwa kana kuti vangatangawo kushandisa zvinodhaka pachavo.

Kushandisa zvinodhaka zvisina kufanira kunogona kukonzerawo kurohwa—kwemudzimai kana kuti kwemurume kana kuti kwevana. Cocaine, kunyanya ikasanganiswa nedoro, inokwanisa kuita kuti mumwe munhu uyo dzimwe nguva angave ari munyoro kwazvo aite zvechisimba. Maererano nekuongorora kwakaitwa muCanada kwevanoshandisa cocaine, 17 kubva muzana yevakabvunzwa yakabvuma kuti inoita zvechisimba painenge yashandisa zvinodhaka. Zvakafanana, mamwe mashoko ekubatwa zvisina kufanira kwevana muNew York City akawana kuti 73 kubva muzana yevana vanourawa nokurohwa yaiva nevabereki vaishandisa zvinodhaka zvisina kufanira.

Chiokomuhomwe Neuori

Kana musha uchigona kusiyiwa wava zinyekenyeke nezvinodhaka, zvakafanana zvinogona kutaurwa nezvehurumende. Panguva ino zvino yava mari yezvinodhaka, panzvimbo pezvinodhaka pachazvo, inokanganisa gadziriro yose. “Zvinodhaka zvaparira vakuru vakuru vehurumende, mapurisa uye mauto kuita zvechiokomuhomwe,” akachema kudaro mumwe mumiririri anobva kune imwe nyika yekuSouth America. Anowedzera kuti chitsama chemari chinongotenderera “muedzo mukuru kwazvo” kune vaya vasingawani mari yakakwana yekurarama nayo.

Munyika nenyika, vatongi, mameya, mapurisa, uye kunyange vakuru vakuru vekudzivisa zvinodhaka vave vachibatwa mumusungo wekuita zvechiokomuhomwe. Vezvematongerwe enyika vangave vakatsigirwa nemari nevakuru vakuru vezvinodhaka kuti vasarudzwe vanoisa zvimiti munzeve pavanokumbirwa kuti vaderedze kutengeswa kwezvinodhaka zvisingabvumirwe. Vakuru vakuru vakawanda vakatendeseka vakava neushingi hwekupinda munhimbe yekurwisana nezvinodhaka vakapondwa.

Kunyange ivhu redu, masango edu, uye marudzi ezvisikwa anogara imomo ari kutambudzwa nenhamo yekushandiswa kwezvinodhaka munyika yese. Chikamu chikuru kubva muzana chekugadzirwa kweopium necocaine chiri mumaruwa maviri ane mhoteredzo inonyanya kukuvadzwa: masango anogara achinaya ekumadokero kweAmazon neayo eKumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweAsia. Kuparadzwa kuri kuitwa munzvimbo idzi kwave kuri kukuru. Kunyange kuedza kuparadza zvirimwa zvinogadziriswa zvinodhaka zvisingabvumirwe kunorumbidzwa kunokuvadza kwazvo nemhaka yemishonga yekuuraya sora ine chepfu inoshandiswa.

Ndiani Anobhadhara?

Ndiani anobhadhara kukuvadzwa kwese kuri kuitwa nezvinodhaka? Tese tinobhadhara. Hungu, tese tinobhadhara nokuda kwekushaikwa kwekubudirira, mari yekurapwa, zvinhu zvinenge zvabiwa kana kuti zvaparadzwa, uye mari yevanoona nezvekuchengetwa kwemitemo. Mashoko eDhipatimendi Revashandi rekuUnited States akati “kushandiswa kwezvinodhaka munzvimbo dzebasa kungaita kuti mabhizimisi nemaindasitiri zvekuAmerica zvirasikirwe nemari iri pakati pematiririyoni $2 850 ne$3 800 gore rega rega . . . nemhaka yenguva inenge ichipambadzwa, tsaona nekutarisirwa kweutano kunodhura, uye mari inobhadharwa vashandi.”

Mari yose iyi inoguma yabva muhomwe dzevanobhadhara mitero nevatengi. Kuongorora kwakaitwa muGermany muna 1995 kwakaratidza kuti mari yese yegore negore yekushandiswa zvisina kufanira kwezvinodhaka i$4 560 pamugari wemo ega ega. MuUnited States, imwe nhamba yaifungidzirwa yaitova pamusoro kwazvo—$11 400 pamunhu.

Zvisinei, zvinotodhura kwazvo, kukuvadza kunoita zvinodhaka nzanga. Ndiani anogona kutaura kuti kuputsika kwemhuri dzakawanda, kubatwa zvisina kufanira kwevana vakawanda, chiokomuhomwe chinoitwa nevakuru vakuru vakawanda, uye kukurumidza kufa kunoita vanhu vakawanda kunoita marii? Zvese izvi zvinorevei kana tichitaura nezvevanhu? Nyaya yedu inotevera ichaongorora kuti zvinodhaka zvinotapura zvakadini upenyu hweavo vanozvishandisa.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]

ZVINODHAKA NEUTSOTSI

ZVINODHAKA ZVAVE ZVICHIBATANIDZWA NEUTSOTSI MUNZIRA DZINENGE INA DZAKASIYANA-SIYANA:

1. Kuva nezvinodhaka nekutengesa zvinodhaka zvisingabvumirwe imhosva dzeutsotsi mune inenge nyika yega yega munyika yese. MuUnited States mega, mapurisa anosunga vanhu vanenge miriyoni gore rega rega vanopomerwa mhosva dzezvinodhaka. Mune dzimwe nyika gadziriro yekutongwa kwemhosva dzeutsotsi iri kuvhiringidzwa nekuwedzera kwemhosva dzezvinodhaka idzo mapurisa nevematare vasingambogoni kugadzirisa.

2. Sezvo zvinodhaka zvichidhura chaizvo, vakapindwa muropa nazvo vanowanzoita zveutsotsi kuti vabhadharire muitiro wavo. Akapindwa muropa necocaine angada mari yakawanda se$38 000 pavhiki kuti abhadhare kupindwa muropa kwake! Hazvishamisi kuti, kupazwa kwezvivako, kupamba, uye upfambi zvinowedzera zvinodhaka pazvinodzika midzi munzanga.

3. Humwe utsotsi hunoitirwa kuti kutengeswa kwezvinodhaka, rimwe remabhizimisi anobhadhara chaizvo pasi pano, kuve nyore. “Kushandiswa kwezvinodhaka zvisingabvumirwe neutsotsi hwakarongwa zvinoda kufambidzana,” inotsanangura kudaro World Drug Report. Kuitira kuti zvinodhaka zvirambe zvichipfuurira kufamba nyore kubva kune imwe nharaunda kuenda kune imwe, vatengesi vacho vanoedza kuita zvechiokomuhomwe kana kuti kutyisidzira vakuru vakuru. Vamwe vanotoshandisa mauto avo pachavo. Mibhadharo mikuru inoitwa nevakuru vakuru vezvinodhaka inokonzerawo matambudziko. Mari yavo yakawanda yavanowana inogona kuita kuti vapomerwe mhosva yekubatanidzwa muutsotsi zviri nyore kudai mari yacho yaibudiswa pachena kuti inowanwa zviri kunze kwemutemo, saka mabhangi nemagweta vanoshandiswa kuti vavharidzire kufambiswa kwemari yezvinodhaka.

4. Kutapura kunoita zvinodhaka pachakwo kungaparira utsotsi. Nhengo dzemhuri dzingabatwa zvisina kufanira nevanoshandisa zvinodhaka nguva dzose. Mune dzimwe nyika dzemuAfrica dzatambudzwa nehondo yevagari vemo, utsotsi hunotyisa hwave huchiitwa nemasoja achiri pwere akadhakwa nezvinodhaka.

[Mufananidzo uri papeji 6]

Kacheche kangatapurwa nokushandisa zvinodhaka kwamai

[Kwazvakatorwa]

SuperStock

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe