RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 11/8 pp. 3-5
  • Nyika Yapindwa Muropa Nezvinodhaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Yapindwa Muropa Nezvinodhaka
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dambudziko Rezvinodhaka Rakakura Sei?
  • Mari Yezvinodhaka Nesimba Rezvinodhaka
  • Hondo Yekurwisa Zvinodhaka Inogona Kuhwinwa Here?
    Mukai!—1999
  • Matapurirwe Aunoitwa Nezvinodhaka Zvisingabvumirwe
    Mukai!—1999
  • Zvinodhaka—Nei Vanhu Vachizvishandisa Zvisina Kufanira?
    Mukai!—2001
  • Vechiduku Nezvinodhaka
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 11/8 pp. 3-5

Nyika Yapindwa Muropa Nezvinodhaka

NEMUNYORI WEMUKAI! MUSPAIN

MWANA achangoberekwa anopangura mhere muchipatara chiri muMadrid, Spain. Mukoti avhiringidzika anoedza kumunyaradza asi zvinoshaya basa. Mwana wacho ari kurwadziwa nokushaiwa heroin yaanga ajaira. Zvakatoipisisa ndezvekuti, ane utachiona hunokonzera AIDS. Amai vake vakanga vapindwa muropa neheroin.

Vamwe amai vekuLos Angeles vanotyaira motokari yavo vachipinda mumugwagwa wavasingadi unodzorwa nechikwata chinotengesa zvinodhaka. Vanosangana nebutiputi remabara, ayo anouraya kacheche kavo kasikana.

Zviuru zvemakiromita kubva ipapo, muAfghanistan, mumwe anozvirimira ari kusakura munda wezvinodhaka. Rave riri gore rakanaka; goho rakawedzera ne25 kubva muzana. Maopium poppy (zvinodhaka) aya ane mari, uye mhuri yemunhu anozvirimira uyu iri kuparapatika kuti irarame. Asi mapoppy akanaka aya achachinjwa kuva heroin, uye heroin inouraya upenyu.

Mumwe musikana wechiduku anonyara wekuSydney, Australia, anoenda kudhisiko usiku hweMugovera wega wega. Aisizviona zvakaoma kupinda mukati mevanhu vakawanda, asi nguva pfupi yapfuura piritsi rinonzi mafaro rakamupa chivimbo chitsva. Mapiritsi aanonwa akapinzwa zviri kunze kwemutemo muAustralia achibva kuNetherlands, kunyange zvazvo marabhoratori emunyika yacho ava kutangawo kuagovera. Piritsi rinonzi mafaro rinoita kuti mimhanzi yacho inzwike zviri nani, uye anotadza kuzvidzora. Anotonzwa awedzera runako.

Kana ari Manuel, mumwe anozvirimira akasimba kwazvo anorarama nokutamburira ari papurazi rake duku riri muAndes, upenyu hwakamupfavira zvishoma paakatanga kurima coca. Manuel ave kuda kurega kurima chirimwa chacho, asi anotya kuti izvi zvingazogumbura vanhu vasina tsitsi vanotarisira kugadzirwa kwecoca munharaunda yake.

Ava vanongova vanhu vashomanene vari kuparira dambudziko rezvinodhaka zviri kuparadza nyika yedu.a Vanhu ava vangave vari vatengi, varimi, kana kuti vanhu vanongotarisawo zvavo vasina mhosva, zvinodhaka zvave kutonga upenyu hwavo pasina zvekudzoka shure.

Dambudziko Rezvinodhaka Rakakura Sei?

Munyori Mukuru weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose Kofi Annan akataura kuti: “Zvinodhaka zviri kuparadza nzanga dzedu, zviri kuparira utsotsi, zviri kuparadzira zvirwere zvakadai seAIDS, uye zviri kuuraya pwere dzedu neramangwana redu.” Akawedzera kuti: “Nhasi kune mamiriyoni 190 anofungidzirwa kuti anoshandisa zvinodhaka munyika yese. Hapana nyika isina. Uye hapana nyika ingatarisira kudzivisa kutengeswa kwezvinodhaka munyika yayo iri yoga. Kutengeswa kwezvinodhaka munyika yese kunoda kuti nyika dzese dziise misoro pamwe chete.”

Zvakatoipisisa ndezvekuti, mumakore achangobva kupfuura zvinodhaka zvakasandurwab zvakatanga kugadzirwa. Makemikoro anogadzirwa aya anoitirwa kuti anoashandisa anzwe aine mafaro akanyanyisa kana kuti kungonzwa kunakirwa. Sezvo zvinodhaka zvakasandurwa zvichikwanisa kugadzirwa zviri nyore kunenge chero kupi zvakwo, mapurisa haana simba rekuzvidzora. Muna 1997 Boka Rinoona Nezvezvinodhaka reSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose rakanyevera kuti munyika dzakawanda zvinodhaka zvinogadzirwa izvi zvazova zvimwe zve“tsika inogaroitwa nevanhu” uye zvinofanira kuonekwa se“zvichaparira nzanga yenyika yese kuti ipinde mungozi inotyisa muzana remakore rinotevera.”

Zvinodhaka zvitsva hazvikundwi simba nezvakatanga. Cocaine inosvutwa inotopinda muropa zvakanyanya kupfuura isingasvutwi. Marudzi matsva ecannabisc anotonyanya kuonesa zvisipo, uye chinodhaka chitsva chakasandurwa chinonzi zaya rechando chingava pakati pezvinonyanya kuparadza.

Mari Yezvinodhaka Nesimba Rezvinodhaka

Chero zvazvo vanoshandisa zvinodhaka vangave vashoma, nhamba yavo yakakwana kuti ipe simba guru vakuru vakuru vezvinodhaka, vanhu vanoronga kugadzirwa nekuparadzirwa kwezvinodhaka. Vanhu ava vasingateereri mutemo vanoita bhizimisi rechitsotsi razova rinobhadhara zvakanyanya—uye guru kwazvo—panyika. Kutengeswa kwezvinodhaka zvino kungasvika inenge 8 muzana yezvose zvinotengeseranwa munyika yese, kana kuti inenge $15 200 000 000 000 gore rega rega. Mari yezvinodhaka sezvainotenderera munyika yese, inopfumisa zvikwata zvematsotsi, inoshatisa mapurisa, inoita kuti chiokomuhomwe chinoitwa nevezvematongerwo enyika chive nyore, uye inototsigira ugandanga.

Pane chinokwanisa kuitwa here kupedza dambudziko rezvinodhaka? Kutengeswa kwezvinodhaka kunotapura zvakadini zvinokuwanisa mari, kuchengeteka kwako, uye upenyu hwevana vako?

[Mashoko Omuzasi]

a Munyaya idzi, tiri kutaura nezvezvinodhaka zvinoshandiswa nokuda kwezvinangwa zvisiri zvekurapa zvinoparadzirwa zviri kunze kwemutemo.

b Chinodhaka chine makemikoro akachinjwa zvishomanene, chinowanzogadzirirwa kunzvenga mitemo inorambidza zvinodhaka zvisingabvumirwe kana kuti zvinoita kuti uone zvinhu zvisipo.

c Mashizha emaruva akaomeswa emiti yecannabis ndiwo anogadziriswa marijuana. Nhonje yomuti mumwe chete yacho inonzi hashish. Zvaunobudisa zvose izvi zvinosvutwa nevanoshandisa zvinodhaka.

[Mepu iri papeji 4, 5]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Kugadzirwa Nekutengeswa Kwezvinodhaka Kwenyika Yese

MIZINDA YEKWAZVINOGADZIRWA:

Cannabis—iri gwenzi (marijuana) uye nhonje (hashish)

Heroin

Cocaine

Miseve inoratidza nzira huru dzekutengeserana. Mashoko:

[Kwazvakatorwa]

World Drug Report yakabudiswa neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

U.S. Navy photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe