Zvinotaura Bhaibheri
Chii Chinoita Kuti Munhu ave Mugari Wemunyika Akanaka?
PASHURE peHondo yeNyika II, vanhu vakawanda muEurope nemuJapan vaizviona sevakanaka, vagari vemunyika vanoteerera mutemo vakazviona voongororwa ndokuwanwa vane mhosva dzaiparwa muhondo. Pakati pavo paiva nevashandi vechiuto vane zvinzvimbo zvepamusoro, vasayendisiti, nedzimwe nyanzvi. Vachiedza kururamisa zviito zvavo, vamwe vevanamuparamhosva ava vakatsanangura kuti vaingoteerera mirayiridzo chete, sezvaizongotarisirwa kune mugari chero upi zvake wemunyika akanaka. Zvisinei, kuzvizivisa kwavo sevagari vakanaka vemunyika, kwakavaita kuti vapare mhosva dzakaipisisa dzavakaitira vanhu.
Asiwo, kune vaya vanozvidza chiremera cheHurumende. Vamwe vanoramba pachena chiremera chehurumende, nepo vamwe vakagadzirira kutyora mutemo chero bedzi ngozi yokubatwa iri diki. Zvechokwadi, vashomanana vangaramba kuti pane kudiwa kwekuteerera chiremera, nokuti dai chisipo nyonganyonga nekuvhiringidzika zvingadai zviripo. Zvisinei, mubvunzo ndewekuti, Kuteerera mutemo nokuitwa kwemabasa emunzanga zvinofanira kusvika papi? Chimbofunga nezvedzimwe nheyo dzinokosha dzakabatsira vaKristu vemuzana rekutanga remakore kuona zviri pakati nepakati mabasa avo avaiitira Hurumende.
Kuzviisa Pasi Pevane Simba kwemuKristu
VaKristu vemuzana rekutanga remakore nokuzvidira vakazviisa pasi pemitemo nemirayiridzo yevaya vaiva “vane simba zvikuru”—ndiko kuti, vane simba vaitonga muzuva racho. (VaRoma 13:1, NW) VaKristu vaidavira kuti zvakanga zvakarurama “kuti vave vanozviisa pasi uye kuti vave vanoteerera hurumende nevane simba sevatongi.” (Tito 3:1, NW) Kunyange zvazvo vaibvuma Kristu saMambo wavo wekudenga, vaivawo vanhu vaiteerera mutemo yevanhu vaivatonga uye havana kutyisidzira kuchengeteka kweHurumende. Zvechokwadi, vakakurudzirwa ku‘kudza mambo’ nguva dzose. (1 Petro 2:17) Muapostora Pauro akatokurudzira vaKristu kuti: “Naizvoizvo pakutanga kwezvose ndinorayira kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe; varevererwe, vaongerwe; madzimambo, navose vari vakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mwari kwose, nomugarire unokudzwa.”—1 Timotio 2:1, 2.
VaKristu vemuzana rekutanga remakore vachitungamirirwa nehana vaitera mitero chero ipi zvayo yaidiwa, kunyange zvazvo dzimwe nguva uyu waiva mutoro unorema. Vaitevera nhungamiro yakafuridzirwa nemuapostora Pauro panhau iyi: “Ripirai vose zvavanofanira kuripirwa, mutero kune vanofanira kutererwa.” (VaRoma 13:7) Mumaonere evadzidzi vaJesu, hurumende yeRoma nevakuru vakuru vayo yaitonga zvichitenderwa naMwari uye mupfungwa yakati vaishanda se“varanda vaMwari,” mukuti vaiita kuti pave nerugare rwakati nokugadzikana munzanga.—VaRoma 13:6.
“Vakazvigadzirira Kubata Mabasa ose Akanaka”
VaKristu vemuzana rekutanga remakore vaikurudzirwa kubvuma kuita mabasa emunzanga avaipiwa neHurumende. Jesu Kristu pachake akapa zano vadzidzi vake kuda pane dzimwe nguva kuita kunyange zvinotopfuura zvishomanana zvinenge zvakumbirwa kuitwa nezviremera zvenyika. “Aninani unokumanikidza kuenda maira imwe,” akadaro, “uende naye mbiri.” (Mateo 5:41) Vachitevedzera zano iri, vaKristu vakaratidza kuti vaisada kungorarama zvakanaka munzanga yakabudirira pasina zvavanoitawo. Nguva dzose vaiva “vakazvigadzirira kubata mabasa ose akanaka.”—Tito 3:1; 1 Petro 2:13-16.
Vaida vavakidzani vavo zvechokwadi uye vaitsvaka nzira dzokuvabatsira nadzo. (Mateo 22:39) Nemhaka yerudo urwu nokuomerera kwavo patsika dzakakwirira, vaKristu vemuzana rekutanga remakore vaipesvedzera nzanga yavo zvakanaka. Vavakidzani vavo vaiva nechikonzero chakanaka chokufara kugara pedyo nemuKristu. (VaRoma 13:8-10) VaKristu vairatidza rudo rwavo munzira dzakawanda kupfuura kungorega zvakaipa chete. Vaikurudzirwa kuva neushamwari uye kushingairira zvinodiwa nevamwe, ‘kuitira zvakanaka [kwete vavaitenda navo chete asi] vose,’ sezvakaitwa naJesu Kristu.—VaGaratia 6:10.
‘Kuteerera Mwari Semutongi Kupfuura Vanhu’
Zvisinei, paiva nemiganhu pakuteerera kwavo zviremera zvenyika yavo. Havaizoita chinhu chipi nechipi chaizoshatisa hana yavo kana kukuvadza ukama hwavo naMwari. Somuenzaniso, zviremera zvechitendero muJerusarema pazvakarayira vaapostora kuti varege kuparidza nezvaJesu, vakaramba kuteerera. “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu,” vakazivisa kudaro. (Mabasa 5:27-29) VaKristu vakaramba zvakatsiga kubatanidzwa mukunamata mambo kuri kunamata zvidhori. (1 VaKorinte 10:14; 1 Johane 5:21; Zvakazarurwa 19:10) Zvakaguma nei? “Vakabva vapiwa mhosva,” anodaro wezvenhau J. M. Roberts, “kwete nemhaka yokuva vaKristu, asi nemhaka yokuramba kuita chimwe chinhu chairayirwa nemutemo.”—Shorter History of the World.
Nei pachiitiko ichi ‘vakaramba kuita chimwe chinhu chairayirwa nemutemo’? Vaiziva kuti “masimba makuru” aishandisa simba nemhaka yekutenderwa naMwari uye saka aishanda se“mushumiri waMwari” mukuchengetedza mutemo nekurongeka. (VaRoma 13:1, 4) Asi vaKristu zvakare vaiona mutemo waMwari semukuru. Vaiyeuka kuti Jesu Kristu akanga avamba nheyo iyi iri pakati nepakati kuvaya vaizova vateveri vake: “Naizvozvo, ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” (Mateo 22:21) Mabasa avo avaifanira kuitira Mwari aifanira kuva pakutanga pezvairayirwa naKesari.
Kuti iyi yaiva nzira yakarurama zvinoratidzwa nezvakaitika apo vakawanda vaizviti vaKristu vakakundikana kutevera nheyo idzi dzakanaka. Somuenzaniso vatungamiriri vechiKristudhomu vakaramba kutenda, vakava “vanhu vanongobvuma zvese zvese [vanoshandiswa] sezvishandiso zvehurumende yemo, kunyanya mukupa nokutarisira mauto,” anodaro wezvenhau dzemauto John Keegan. Vateveri vavo vakagumisira vapindira muhondo dzakateura ropa remamiriyoni evasina mhaka. Keegan anoti: “Mutemo waMwari waisamboteererwa zvachose apo vanhu vainge vagumbuka.”
Zvisinei, vaKristu vemuzana rekutanga remakore, vanopa muenzaniso wakatanhamara wokuva pakati nepakati zvakarurama. Vaiva vagari vemunyika vakanaka. Vainyatsoita mabasa avo avaiitira hurumende. Asi vaiomerera zvakasimba kunheyo dzeBhaibheri dzakajeka uye vaitevera hana yavo yakarovedzwa neBhaibheri muzvinhu zvose zvoupenyu.—Isaya 2:4; Mateo 26:52; VaRoma 13:5; 1 Petro 3:16.
[Mufananidzo uri papeji 26]
“Naizvozvo, ipai Kesari zvaKesari”