Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Pane Ngozi ipi Neipi Mumitambo Yokuedzesera Here?
“Kufungidzira zvakakwana. Imwe nguva uri n’anga. Imwe nguva uri murwi. Unogona kuva chero vatambi vakawanda vakasiyana-siyana vaunogona kufungidzira. Hapana miganhu.”—Christophe.
“IVA zvose zvausingagoni kuva.” Imwe magazini yakataura mashoko aya payairondedzera mumwe mutambo wekufungidzira une mukurumbira. Kumamiriyoni epwere, kutizira munyika yekufungidzira yemitambo yokuedzesera kunonakidza kwazvo. Zvisinei, chaizvoizvo chii chinombonzi mitambo yokuedzesera?
Maererano nebhuku rinonzi Jeux de rôle (Mitambo Yokuedzesera), “mutambi wega wega anomiririra mutambi wemungano ane zvaanoda kuita kana kutsvaga obva agadzirira kunangana nezvinhu zvine ngozi munyika yokufungidzira.” Chinangwa chemutambo wacho ndechekukwidziridza mutambi uyu wokuedzesera nokuwana unyanzvi, mari, zvombo, kana simba remashiripiti rinodiwa kupedza zvaari kuda.
Mitambo yokuedzesera yakatanga kukurumbira kuma1970 nemutambo wainzi Dungeons and Dragons.a Kubvira ipapo, yava bhizimisi remamiriyoni emadhora, rinobatanidza maboard game, makasa, kuchinjana mabhuku, mitambo yemukombiyuta, iyi mitambo chaiyoiyo vatambi vanoiita vanenge vachitoedzesera. Zviri pachena kuti, muUnited States mune vatambi venguva dzose vanopfuura mamiriyoni matanhatu uye mazana ezviuru muEurope. MuFrance zvikoro zvakawanda zvesekondari zvine makirabhu emitambo yokuedzesera, nepo muJapan iri mitambo yemavhidhiyo akakurumbira kwazvo.
Vatsigiri vanoti mitambo iyi inokurudzira kufunga, inoratidza unyanzvi hwokupedza zvinetso, nokusimudzira kuva pamwe kweboka. Zvisinei, vanopokana vakati mitambo iyi ine chokuita nekuzviuraya, zveumhondi, zvekubata chibharo, dura rezveunzenza, uye zvekunamata Satani. MuMadrid, kuSpain, vaduku vaviri vakasungwa, vanyumwirwa kuuraya murume ane makore 52 vachitamba zvavo mutambo wokuedzesera wepasikirini. MuJapan mumwe wechiduku anopfuura makore 12 akauraya vabereki vake ndokuzvicheka maoko sekuguma kwakanga kwaita mutambo wakafanana. Zvechokwadi, izvi zvatinyanyisei—vatambi vakawanda vakachenjerera uye vanonakidzwa nazvo. Kunyange zvakadaro, vaKristu vechiduku vanofanira kuzvibvunza kuti, ‘Mitambo yokuedzesera yakandinakira here? Pane kudikanwa kupi nekupi kwekuchenjerera here?’
Chisimba Nezvemashiripiti
Mitambo yokuedzesera inosiyana munzvimbo nenzvimbo, ichisiyana muzvose zviri zviviri rudzi rwayo nezvainazvo. Kunyange zvakadaro, chisimba chirimo muyakawanda yemitambo iyi, kana isiri yose. Zvechokwadi, munyika dzokufungidzira dzinogadzirwa nemitambo iyi, chisimba kazhinji ndicho chinhu chikuru kwazvo chinoita kuti ubudirire—kana kurarama. Saka, kana zvakadaro, kutamba mitambo yakadaro kungatsinhirana sei nezano reBhaibheri? Zvirevo 3:31 inoti: “Usaitira shanje munhu unoda zvechisimba; usambofa wakatevedzera mafambiro ake.” (New Jerusalem Bible) Bhaibheri rinotikurudzirawo ku‘tsvaka rugare uye kurutevera’—kwete chisimba.—1 Petro 3:11.
Chimwe chokufunga nezvacho ndechokuti mashiripiti ndiwo anowanzokurumbira kwazvo mumitambo iyi. Nguva zhinji, vatambi vanogona kuva varoyi kana kuti vamwe vane masimba ezvemashiripiti. Zvibingamupinyi kana kuti vavengi zvinobva zvakundwa nenzira dzemashiripiti. Maererano nemamwe mashoko akataurwa, mumwe mutambo wakakurumbira “unobvumira vatambi kutamba seNgirozi kana kuti Madhimoni vachishandira Ngirozi Huru kana kuti Madzimambo eMadhimoni . . . Kuvenga zvinhu zvitsvene kunoratidzwa nezviito zvisinganyatsooneki kunoita kuti zvirambe zvichinakidza.” Mumwe mutambo wemukombiyuta unotobvumira mutambi kuti ave nesimba kwazvo nokungotaipa shoko rokuti “Satani.”
Vamwe vaKristu vechiduku vakafunga kuti hapana chakaipa nemitambo yokuedzesera chero munhu asingapedzi nguva yakawandisa achiitamba chete. “Ungori mutambo,” mumwe muduku anodaro. Zvingadaro. Asi Mwari akanyevera vaIsraeri nezvekubatanidzwa mune zvemashiripiti. Mutemo wakapiwa Mosesi wakazivisa kuti “unouka, kana unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi, kana n’anga, kana unobvunza masvikiro, kana muuki, . . . izvi [zvi]nonyangadza Jehovha.”—Dheuteronomio 18:10-12.
Saka, kuchenjera here kutamba mutambo chero upi zvawo unosimudzira mashiripiti? Kutamba sevaya vane masimba emashiripiti hakunganzi kuchera zvinhu “zvakadzika zvaSatani” here? (Zvakazarurwa 2:24) Mumwe muduku anobvuma kuti: “Pandainge ndapedza kutamba mutambo wokuedzesera muswere wese wezuva, ndaitya kubva pamba. Ndaifunga kuti ndaizorwiswa nemumwe munhu.” Chinhu chipi nechipi chinosimudzira kutya kwakadaro kunokuvadza chinogona kuvaka here?
Zvimwe Zvinopesvedzera
“Nguva ipfupi,” inodaro 1 VaKorinte 7:29. Saka chimwe chikuru chokufunga nezvacho inguva inowanzopedzwa nemitambo yokuedzesera. Mimwe mitambo inopedza maawa, mazuva, kana kuti kunyange mavhiki kuitamba. Zvakatonyanya ndezvekuti, mutambo wacho unogona kubata pfungwa kwazvo, kunyange kupinda muropa, zvokuti zvimwe zvinhu zvose hazvo zvinova zvisingakoshi. “Pandaipfuura nhanho imwe neimwe,” anobvuma kudaro mumwe muduku, “Ndaida zvibingamupinyi zvakatonyanyooma uye zvinoita sezvechokwadi. Chaizvoizvo ndakapindwa muropa.” Kupindwa muropa kwakadaro kungaitei pabasa rechikoro remuduku uye pamabasa ake omudzimu?—VaEfeso 5:15-17.
Muduku wekuJapan anoyeuka kuti: “Ndaigara ndichifunga nezvezvandaizoita mumutambo wacho, kunyange pandaiva ndisingatambe. Kuchikoro nepamisangano, zvandaigona kufunga waiva mutambo wacho. Zvakasvika pandaisagona kufunga nezvechimwe chinhu chipi nechipi. Umudzimu hwangu hwakanga hwaparara zvachose.” Christophe, ataurwa pakutanga, anotaura kuti akanga “asingachaenderani nezvinhu chaizvoizvo zvinoitika.” Chokwadi, pane ‘nguva yokuseka nenguva yokupembera,’ asi varaidzo inofanira kubvumirwa kuvhiringidza mabasa edu omudzimu here?—Muparidzi 3:4.
Fungawo nezvekuti mafungiro erudzii anosimudzirwa nemutambo wacho. Imwe magazini yokuFrance inotsoropodza mutambo wokuedzesera nemashoko aya anotevera: “Uchanangana nezvinoitika zvakasiyana-siyana zvinoodza tsika, zvisingavaki, uye zvakashata, zvakarongwa nokuitirwa kuti zvikutyise uye zvichinje maonero aunoita nyika nokusingaperi.” Mafungiro akadaro anotsinhirana nezano reBhaibheri here rokuva “vacheche pazvakaipa”? (1 VaKorinte 14:20) Christophe akazosvika pakugumisa kuti mitambo yaaitamba yaive “isingawirirani netsika dzemuKristu.” Anowedzera kuti: “Handaigona kuzviona ndichiparidza, ndichipinda misangano, uye kudzidza nezvezvinhu zvakanaka, zvakadai serudo rwechiKristu, panguva imwe chete ndichitamba mutambo usinei nechokuita nechiKristu. Zvaiva zvisina musoro.”
Ndezvekufungidzira Here Kana Kuti Zvinhu Chaizvoizvo?
Vaduku vakawanda vanokweverwa kumitambo iyi senzira yokutiza zvinhu chaizvoizvo. Asi zvinovaka here kuti mumwe munhu azvinyudze munyika yokufungidzira? Nyanzvi yezvemagariro evanhu yechiFrench Laurent Trémel anotsinhira kuti: “Nyika chaiyo, inodzorwa nokusava nechokwadi nezvenguva yemberi, . . . inosiyana zvinosuruvarisa nenyika dzokufungidzira asi dzinoita sedziripo chaizvoizvo, umo maunopedzisira wava kuziva mitemo yacho uye maunogona kutevedzera mutambi kuratidzira zvauri kana zvaungada kuva.” Nyanzvi yezveutano hwepfungwa Etty Buzyn anopfuurira kuti: “Pakutamba, vaduku vane pfungwa yokuti vari kurarama upenyu hune ngozi, vari kugadzirisa nyika, asi chaizvoizvo, vanenge vasiri pangozi chaiyoiyo ipi kana ipi. Vari kubva munzanga nemiganhu yayo.”
Pakupedzisira, kuzviisa munyika yokufungidzira kwakadaro kunongokonzera kusurukirwa, sezvo zvinhu chaizvoizvo zvoupenyu zvichizovapo mutambo paunopera. Pakupedzisira zvinhu chaizvoizvo izvi zvinofanira kunanganwa nazvo. Zvechokwadi, hapana kubudirira kana kuti kutsvaka mumutambo wokufungidzira kuchazombofa kwakatsiva kukundikana kana kuti kuva pakati nepakati mukurarama chaiko. Chinhu chakanaka chokuita ndechokunangana nezvinoitika chaizvoizvo zvoupenyu—nangana nazvo! Rodza pfungwa dzako nokunangana nezvinoitika chaizvoizvo zvoupenyu. (VaHebheru 5:14) Iva neunhu hwemudzimu huchakugonesa kukunda zvinetso zvako. (VaGaratia 5:22, 23) Kuita kudaro kunogutsa kwazvo uye kunopa mubayiro pane kutamba mutambo upi noupi.
Izvi hazvisi kureva kuti mitambo yose inobatanidza kuedzesera yakashata. Kare munguva dzeBhaibheri, vana vaduku vaitamba mitambo yaibatanidza kufungidzira uye kuedzesera zvishoma, zvokuti kana Jesu pachake akazvicherechedza. (Ruka 7:32) Uye Jesu haana kushora varaidzo dzakanaka. Zvisinei, vaduku vechiKristu, pamwe chete nevabereki vavo, vanofanira “kuramba [va]chiva nechokwadi chezvakanaka kunaShe.” (VaEfeso 5:10, NW) Paunofunga nezvemutambo, zvibvunze kuti, ‘Unoratidzira “mabasa enyama” here? Uchavhiringidza ukama hwangu naMwari here?’ (VaGaratia 5:19-21) Nokufunga nezvemibvunzo yakadaro, unogona kuita chisarudzo chokuchenjera pane zvemitambo yokuedzesera.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Mukai! yechiNgezi yaMarch 22, 1982, mapeji 26-7.
[Mufananidzo uri papeji 29]
Mimwe mitambo yokuedzesera inosimudzira mafungiro erudzii?