Hombe Zvikuru Nediki Zvikuru
“Usauraya chipembenene kana shavishavi.”—WILLIAM BLAKE (1757-1827).
WAKAMBOONA shavishavi richibhabhama here? Ndiani zvake kunze kwechisikwa chisina hanya zvachose asingambomiri paanofamba kuti ayemure kunaka nekufadza kwechipembenene chakatsvinda ichi? Uye anowanika mupasi rose akakura nekuumbwa zvakasiyana-siyana anonzi marudzi awo anobvira pa15 000 kusvika ku20 000!
Nderipi shavishavi hombe zvikuru rawakamboona? Kana uchigara muPapua New Guinea, ipapo ungave wakaona hombe zvikuru munyika—Queen Alexandra’s birdwing, rine mapapiro akareba mamirimita angasvika 280. Kana musha wako uri muNorth kana kuti muCentral America, ungave wakaropafadzwa kuona rinonzi Homerus swallowtail, rine mapapiro akareba mamirimita 150. Shavishavi hombe zvikuru muAfrica rinonzi African giant swallowtail, rine mapapiro akareba mamirimita angasvika 230.
Zvakadini nezvemashavishavi madiki zvikuru? Anowanika kupi? The Illustrated Encyclopedia of Butterflies, rakanyorwa naDr. John Feltwell, rinoti “North American Pygmy blue . . . zvichida ndiro shavishavi diki zvikuru munyika, rine mapapiro akareba mamirimita 15-19.” Shavishavi diki zvikuru muBritain nderebhuruu, rine mapapiro akareba mamirimita 24.
Mumativi akawanda enyika, mune dzimba dzemashavishavi maunogona kufamba-famba ndokunyatsorega zvisikwa zvakatsvinda zvine mapapiro izvi zvichikumhara. Unogona kudzidza zvakawanda kwazvo nezvechisikwa ichi chinofadza kwazvo nemararamiro acho—kuchinja kwachinoita kubva pakazai kadiki-diki kusvika chava gonye chozova chikukwa chopedzisira chave shavishavi rinogona kubhururuka. Saka nguva inotevera paunoona shavishavi richipfuura nepauri, mira, yemura, uye shamiswa. Uchange uchitarisa chishamiso—chingave chikuru kana chidiki!
[Mifananidzo iri papeji 24, 25]
Mashavishavi mahombe zvikuru nemadiki zvikuru, anonzi “Queen Alexandra’s birdwing” ne“pygmy blue” (ose ndokukura kwaakaita chaikwo)
[Kwazvakatorwa]
Mashavishavi: Allyn Museum of Entomology, Florida Museum of Natural History