Chitsauko 30
Ndinofanira Kutamba Mitambo Yemavhidhiyo Here?
“MITAMBO yepakombiyuta inonakidza uye inofarirwa nevakawanda,” anodaro mumwe mukomana anonzi Brian. “Mumitambo yacho unogona kuita zvimwe zvinhu zvausingambofi wakaita muupenyu—zvokuti kudai waizozviita waizopinda munyatwa.” Deborah anoti anonakidzwawo nokutamba mitambo yepakombiyuta. Zvisinei, anowedzera shoko rokunyevera achiti: “Inogona kudya nguva chaizvo zvokutoda kukupinda muropa.”
Pasina mubvunzo, mitambo yemavhidhiyo inopfuura kungova varaidzo yepamusorosoro. Chokwadi, inoedza unyanzvi hwako uye inokubatsira kuderedza kufinhikana. Asi inoita zvakawanda. Mitambo yemavhidhiyo inogona kuita kuti pfungwa dzikurumidze kushanda. Mimwe yacho ingatokubatsira kugona masvomhu uye kuverenga. Uyezve mitambo yemavhidhiyo yemazuva ano ndiyo yangova nyaya muzvikoro. Kana wakambotamba mitambo iyi, unowana zvokutaura nevezera rako.
Chokwadi, kana ukanyatsosarudza, uchakwanisa kuwana mutambo unonakidza uye wakakodzera. Zvisinei, nei uchifanira kungwaririra?
Zvayakaipira
Zvinosuruvarisa kuti haisi mitambo yose yemavhidhiyo isingakuvadzi. Mitambo yemavhidhiyo yakawanda iriko mazuva ano inosimudzira zvikuru zvinonzi neBhaibheri “mabasa enyama”—miitiro isina kuchena isingadiwi naMwari.—VaGaratiya 5:19-21.
Adrian ane makore 18 anotsanangura nezvomumwe mutambo wakanyanya kutengwa waiva uine “kurwisana kwemapoka, kushandiswa kwezvinodhaka, mifananidzo yakajeka yezvepabonde, kutaura kunonyadzisira, chisimba chinotyisa uye kuteurwa kweropa.” Mimwe mitambo inokurudzira kuita zvemidzimu. Uye mutambo mutsva mumwe nomumwe unobudiswa unoita sounonakidza kupfuura mitambo yakabuda kare kana zvoenzaniswa. Yakawanda yemitambo iyi inotyisa unogona kuitamba nevamwe vanhu paIndaneti chaipo. Kutamba mitambo iyi nevamwe paIndaneti kunoedza ruzivo rwako uye kunotonakidza zvikuru. James ane makore 19 anoti, “Uri pakombiyuta yako kumba, unogona kukwikwidzana nevanhu vanogara kune dzimwe nyika.”
Mitambo yepaIndaneti inotambwa nevanhu vachitamba zvinzvimbo zvevatambi vepavhidhiyo yacho yazokurumbira. Mumitambo iyi vanotamba vacho vanogadzira vatambi vepaIndaneti—vangava vanhu, mhuka, kana kuti mubatanidzwa wezviviri izvi—vanowanika munyika yemakombiyuta ine zviuru zvevamwe vatambi. Nyika iyi yemakombiyuta ine mashopu, motokari, dzimba, madhindindi, dzimba dzepfambi—munzira dzakawanda yakatofanana nenyika chaiyo. Vatambi vemitambo iyi vanokwanisa kutumirana pakarepo tsamba paIndaneti vatambi vavo vomukombiyuta pavanenge vachitamba.
Mapoka ematsotsi, varume vanoshandiswa nepfambi kutsvaga varume, mahure, makororo, mbavha nemhondi vanongova vamwe vevanhu vakaipa vanobuda mumitambo iyi yepakombiyuta. Vatambi vacho vanogona kuita zvinhu zvavasingambofi vakaita muupenyu chaihwo. Nokungodzvanya mabhatani mashoma, vatambi vomukombiyuta vanoita zvepabonde uku vanhu vanotamba mitambo yacho vanenge vachitaura nezvepabonde vachinyorerana pakarepo tsamba dzepakombiyuta. Mimwe mitambo inoita kuti vatambi vomukombiyuta vaite zvepabonde nevamwe vacho vakaita sevana. Zvinonzwisisika kuti vatsoropodzi vanonetseka kuti vanhu vangaita mutambo nezvinhu zvakaipa kudaro.
Nei Zvaunosarudza Zviine Basa
Vaya vanotamba mitambo iyi yechisimba kana kuti inoratidza pachena zvepabonde vangati: “Hazvikuvadzi. Hazvisi zvinhu chaizvo. Unongova mutambo.” Asi usanyengedzwa nokufunga kwakadaro kwenhema!
Bhaibheri rinoti: “Mukomana anoratidza kana basa rake rakachena uye kana rakarurama nezvaanoita.” (Zvirevo 20:11) Kana uchitamba mitambo yechisimba neyounzenza, unganzi uri munhu akachena uye akarurama here? Kutsvakurudza kunoitwa kunoramba kuchiratidza kuti kuona varaidzo yechisimba kunoita kuti vaya vanoiona vawedzere kuva nechisimba. Kutaura zvazviri, dzimwe nyanzvi dzinoti nokuti vatambi vane zvavanenge vachiitawo mumitambo yakadaro yemavhidhiyo, mitambo iyi inogona kuva nesimba kupfuura TV.
Kusarudza kutamba mitambo yemavhidhiyo inoratidza chisimba kana kuti unzenza kwakafanana nokusarudza kutamba netsvina yenyukireya inobudisa mwaranzi inokuvadza—kukuvadza kwazvinoita hakukurumidzi kuoneka, asi kunotoitika. Sei? Munhu akanyanya kupindwa nemwaranzi yenyukireya anogona kusvuuka mudumbu zvoita kuti mabhakitiriya ari muura apinde muropa, zvokonzera kurwara. Saizvozvowo kugarotamba mitambo inoratidza pachena unzenza uye chisimba chinotyisa kungakanganisa “pfungwa . . yetsika” kwobvumira zvishuvo zvenyama kuti zvipinde uye ndokudzora mafungiro ako nezvaunoita.—VaEfeso 4:19; VaGaratiya 6:7, 8.
Ndinofanira Kusarudza Mutambo Upi?
Kana vabereki vako vachikubvumira kutamba mitambo yemavhidhiyo, ungaziva sei kuti ndeipi yaungasarudza uye kuti inguva yakareba zvakadini yaungapedzera pairi? Zvibvunze zvinotevera:
Mutambo wandinosarudza uchaita kuti Jehovha andione sei? Pisarema 11:5 rinoti: “Jehovha anoongorora munhu akarurama pamwe chete neakaipa, mweya wake unovenga munhu wose anoda zvechisimba.” Nezvevaya vanoita zvemidzimu Shoko raMwari rinoti: “Vose vanoita zvinhu izvi vanosemesa Jehovha.” (Dheuteronomio 18:10-12) Kana uchida kuva shamwari yaMwari unofanira kuteerera zano riri pana Pisarema 97:10 rinoti: “Vengai zvakaipa.”
Mutambo wacho uchaitei kumafungiro angu? Zvibvunze kuti, ‘Kutamba mutambo uyu kuchaita kuti zvive nyore kana kuti zvindiomere here ‘kutiza ufeve’?’ (1 VaKorinde 6:18) Mitambo ine mifananidzo kana mashoko anomutsa zvishuwo zvepabonde haizokubatsiri kuti uise pfungwa dzako pazvinhu zvakarurama, zvakachena uye zvakanaka.—VaFiripi 4:8.
Ndichapedza nguva yakawanda sei ndichitamba mutambo wacho? Kunyange mitambo isingakuvadzi inogona kudya nguva. Saka nyora pasi nguva yaunopedza uchitamba mutambo wacho. Uri kukudyira nguva yaunofanira kuita zvinhu zvinonyanya kukosha here? Kunyora nguva yaunopedza uchitamba mitambo kuchakubatsira kuziva zvokuisa pakutanga.—VaEfeso 5:16.
Chokwadi, Bhaibheri harirayiri kuti upedze upenyu hwako hwose uchidzidza kana kuti kuita mabasa epamba. Asi rinotiyeuchidza tose kuti pane “nguva yokuseka . . . nenguva yokusvetuka-svetuka.” (Muparidzi 3:4) Zvisinei, zvakanaka kuziva kuti mashoko okuti “kusvetuka-svetuka” haangorevi kutamba mitambo asiwo kuita zvimwe zvinorovedza muviri. Saka wadii kushandisa nguva yaunenge wakasununguka kutamba mitambo inosanganisira kurovedza muviri pane kungoramba wakagara uchitamba mitambo yemavhidhiyo?
Sarudza Nokuchenjera
Hapana mubvunzo kuti kutamba mitambo yemavhidhiyo kunogona kunakidza, kunyanya kana uchiigona. Uye apa ndipo panoda kuti usarudze mitambo yako nokuchenjera. Zvibvunze kuti, ‘Zvidzidzo zvipi zvandinonyatsogona kuchikoro?’ Hazvisi zviya zvandinonyanya kufarira here? Kutaura zvazviri, zvinowanzoitika kuti paunonyanya kufarira chidzidzo, unobva wanyanya kuchiyeuka. Iye zvino chizvibvunza kuti: ‘Mutambo upi wandinonyanya kufarira? Mutambo uyu unondidzidzisa zvinhu zvipi zvakanaka?’
Pane kutamba mutambo nokungoti vezera rako vanoufarira, iva nesimba rokusarudza zvinhu zvaunozvizivira pachako. Zvinotonyanya kukosha, shandisa zano reBhaibheri rokuti: “Rambai muchiva nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kunaShe.”—VaEfeso 5:10.
Unofarira mimhanzi uye izvozvo zvinonzwisisika. Asi uri muranda wayo here?
RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU
“Imi vanoda Jehovha, vengai zvakaipa.”—Pisarema 97:10.
ZANO
Nyora muchidimbu zvaunoziva nezvomutambo mumwe nomumwe waunoda kutamba, uchitsanangura chinangwa chomutambo wacho uye nzira dzinoshandiswa kuzadzisa chinangwa ichocho. Enzanisa zvawanyora nemirayiro yeBhaibheri yataurwa muchitsauko chino, uye ibva waona kana mutambo wacho wakakodzera.
WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?
Kiriniki yokutanga munyika yose inorapa vanhu vakapindwa muropa nemitambo yemavhidhiyo yakavhurwa muAmsterdam, Netherlands, muna 2006.
ZVANDINORONGA KUITA!
Kana shamwari yangu ikandikumbira kuti nditambe mutambo wevhidhiyo une chisimba kana kuti unzenza, ndichati ․․․․․
Ndichaderedza nguva yandinotamba mitambo yemavhidhiyo kusvika ku- pavhiki, uye ndicharamba ndichidai kana ndika- ․․․․․
Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․
UNOFUNGEI?
● Mitambo yemavhidhiyo ingaitei pamafungiro uye manzwiro omunhu?
● Nei zvichikosha kufunga nezvemitemo yaJehovha yetsika pakusarudza mutambo?
● Ungabatsira sei munun’una wako akapindwa muropa nokutamba mutambo waunoziva kuti wakaipa?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 249]
“Mitambo yakawanda inoita kuti usaona kuipa kwezvinhu zvakadai sechisimba, kutaura kunonyadzisira uye unzenza uye ingaita kuti usangwaririra zvimwe zvinhu zvoupenyu. Unofanira kungwaririra zvikuru mitambo yaunosarudza kutamba.’’—Amy
[Mufananidzo uri papeji 250]
Kutamba mitambo yechisimba kana younzenza kwakafanana nokusarudza kutamba netsvina yenyukireya inobudisa mwaranzi inokuvadza—kukuvadza kwazvinoita hakukurumidzi kuoneka, asi kunotoitika