RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 31
  • Zvii Zvandinofanira Kuziva nezvemaVideo Game?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvii Zvandinofanira Kuziva nezvemaVideo Game?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo nezvemavideo game
  • Zvaakanakira
  • Zvaakaipira
  • Zvaunofanira kuita
  • Ndinofanira Kutamba Mitambo Yemavhidhiyo Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndinofanira Kutamba Mitambo Yekombiyuta Kana Kuti Yevhidhiyo Here?
    Mukai!—1996
  • Pane Ngozi ipi Neipi Mumitambo Yokuedzesera Here?
    Mukai!—1999
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 31
Mukomana ari kutamba video game

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Zvii Zvandinofanira Kuziva nezvemaVideo Game?

  • Mibvunzo nezvemavideo game

  • Zvaakanakira

  • Zvaakaipira

  • Zvaunofanira kuita

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Mibvunzo nezvemavideo game

MuUnited States bhizimisi remavideo game rinounza mabhiriyoni emadhora. Munyika iyi . . .

  1. Izera ripi rinonyanya kutamba mavideo game?

    1. 18

    2. 30

  2. Ndevapi vanonyanya kuatamba?

    1. Pavanhu 100 voga voga 55 varume; 45 vakadzi

    2. Pavanhu 100 voga voga 15 varume; 85 vakadzi

  3. Izera ripi rine vakawanda vanotamba?

    1. Vakadzi vane makore 18 zvichikwira

    2. Varume vane makore 17 zvichidzika

Mhinduro (dzatorwa patsvakurudzo yakaitwa muna 2013):

  1. B.

  2. A.

  3. A.

Nhamba idzi dzinongokuudza nezvezera uye nezvevanhu vanotamba mavideo game asi hadziratidzi zvazvakanakira kana kuti zvazvakaipira kuatamba.

Zvaakanakira

Pane zviri kutaurwa pasi apa nezvemavideo game, unobvumirana nezvipi?

  • “Kuatamba kunonakidza uye kunoita kuti uwirirane nevomumhuri uye neshamwari dzako.”​—Irene.

  • “Anobatsira kuti umbokanganwa nhamo dzako.”​—Annette.

  • “Anoita kuti ukurumidze kufunga.”​—Christopher.

  • “Anoita kuti ugone kugadzirisa matambudziko.”​—Amy.

  • “Anoita kuti ushandise pfungwa wobva waziva zvokuita.”​—Anthony.

  • “Mamwe magame anoita kuti muite zvinhu pamwe chete seshamwari.”​—Thomas.

  • “Mamwe magame anokuitisa maekisesaizi.”​—Jael.

Unobvumirana here nezvose zvataurwa pamusoro apa? Mavideo game anogona kukubatsira kuti uve noutano hwakanaka uye uwedzere kushandisa pfungwa. Hapana chakaipa nokuatamba kunyange zvazvo mamwe acho ari okungovaraidza nguva uye ‘achibatsira kuti umbokanganwa nhamo dzako’ sokutaura kwaAnnette.

● Bhaibheri rinoti “zvose zvinoitwa pasi pematenga zvine nguva yazvo,” kusanganisira nguva yokutamba.​—Muparidzi 3:1-4.

Zvaakaipira

Mavideo game ari kukudyira nguva here?

“Kana ndangotanga kutamba, zvinondiomera kurega. Ndinoramba ndichingoti, ‘rega ndimbotambazve kokupedzisira!’ Ndinozokaruka kwakutoona kuti ko inga nguva zvayafamba ndichingotamba!”​—Annette.

“Mavideo game anogona kukudyira nguva yakawanda. Unotamba kwemaawa uye wonzwa sokuti pane zvine musoro zvawaita nokuti wahwinha magame 5, nepo chaizvoizvo pasina chawaita.”​—Serena.

Mukomana ari pamubhedha achitamba video game

Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kana ukarasa mari, unogona kuzowana imwe asi kana iri nguva, kana yaenda yaenda. Chazvinoreva ndechokuti nguva yakakosha kupfuura mari. Ngwarira kuti usatambisa nguva!

● Bhaibheri rinoti: ‘Shandisai uchenjeri pamashandisiro amunoita nguva yenyu.’​—VaKorose 4:5.

Mavideo game ari kukanganisa mafungiro ako here?

“Mhosva dzaizoita kuti upinzwe mujeri kana kuti utongerwe rufu dziri kuparwa mumavideo game pasina kana kufunga kaviri.”​—Seth.

“Mumagame akawanda kuti unzi wahwinha unofanira kukunda vavengi vako uye kazhinji kacho unenge uchifanira kuvauraya uchishandisa nzira dzoutsinye.”​—Annette.

“Dzimwe nguva paunenge uchitamba neshamwari dzako, unogona kutaura mashoko anotyisa okuti waisazoataura kuri kuti hamusi kutamba game. Unogona kutaura mashoko akadai sokuti ‘Uraya’ kana kuti ‘Nhasi ndiri kuda kukuuraya!’”​—Nathan.

Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Usatambe magame anoda kuti uite zvinovengwa naMwari zvakadai sokurwa, unzenza, uye kuita zvemidzimu.​—VaGaratiya 5:19-21; VaEfeso 5:10; 1 Johani 2:15, 16.

● Bhaibheri haringotauri kuti Jehovha anovenga munhu anorwa nevamwe asi rinoti, ‘anovenga munhu wose anofarira zvokurwa.’ (Pisarema 11:5) Kunyange zvazvo mavideo game aunotamba asingarevi kuti ndizvo zvauchazoita, anogona kuratidza kuti uri munhu akaita sei.

Funga nezveizvi: Bhuku rinonzi Getting to Calm, rinoti “mavideo game okurwa anokanganisa pfungwa dzevana kudarika zvinoitwa neTV nokuti mumavideo game acho vana ndivo vanenge vatori gamba racho. Mavideo game anokudzidzisa zvokuita sezvinongoita ticha mukirasi saka vana pavanotamba magame aya vanenge vachidzidziswa kufarira zvokurwa.”​—Enzanisa naIsaya 2:4.

Zvaunofanira kuita

Vana vakawanda vava kugona kutamba magame zviri pakati nepakati. Pane mienzaniso miviri iyi.

“Ndaisitamba magame kusvikira pakati pousiku, ndichingozviudza kuti: ‘Handiti ndinongoda kurara kwemaawa 5 chete? Rega ndimboti tambei.’ Iye zvino handichadaro. Ndava kuziva kuti hapana chakaipa nokutamba mavideo game asi chinodiwa kusanyanyisa.”​—Joseph.

“Handichanyanyi kutamba mavideo game, saka ndava nenguva yakawanda yokuita zvimwe zvinhu! Ndava kugona kubatsira vamwe kuti vanzwisise Bhaibheri uye kubatsirawo vandinonamata navo, uye ndakatodzidzawo kuridza piyano. Pane zvakawanda zvaunogona kuita panzvimbo pokutamba mavideo game!”​—David.

● Bhaibheri rinoti pazvinhu zvatinoita tinofanira kuziva pokugumira. (1 Timoti 3:2, 11) Izvi zvichaita kuti tiwane nguva yokumboita zvinovaraidza asi tichiziva pokugumira.​—VaEfeso 5:10.

Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kutamba mavideo game kunonakidza kana uchiziva pokugumira. Saka usaite kuti akudyire nguva yako kana kuti kukutadzisa kuita zvinhu zvinokosha muupenyu. Hazvisi nani here kuti panzvimbo pokupedza nguva uchitamba mavideo game ushandise nguva iyoyo pakuita zvinhu zvinokosha zvichazokubatsira muupenyu?

ZVINOTAURWA NEVEZERA RAKO

Madison

“Kana mavideo game ako achigara maunorara, uye zvichikuomera kurega kuatamba, tsvaka kumwe kwokuaisa! Zviri nyore kutaura kuti ndicharega kutamba kana nguva dzakati dzakwana, asi kana video game yacho iri maunorara unogona kurara uchitamba usiku hwose.”​—Madison.

Corbin

“Zvokutaura kuti ndichangotamba kwemanitsi 10 kana kuti 20 hazvishandi. Dzimwe nguva unotofanira kudzima game yacho wotanga kuita zvimwe zvinhu. Wadii kumborega kutamba mavideo game kwemazuva mashomanana wobva waita zvinhu zvakadai sokutamba bhora kana kuekisesaiza?​—Corbin.

Alexandria

“Kana uchitamba mavideo game kusvika 1:​00 dzousiku kana kudarika, zvava kureva kuti video game ndiyo yava kukuudza nguva yokurara. Zvinokanganisa utano hwako uye hazvisi izvo zvingakusweresa wakaneta mangwana acho.”​—Alexandria.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe