Iwe Mudi Wezuva—Dzivirira Ganda Rako!
NEMUNYORI WEMUKAI! MUBRAZIL
UNODA kupedzera zororo rako kumhenderekedzo here? Zvakadini nekukwira makomo? Saka kana zvakadaro uri mumwe wemamiriyoni anonakidzwa nezvinoitwa kunze kwemisha. Zvisinei, shoko renyevero: Izvi kazhinji zvinoreva kuva pazuva zvakanyanya. Pane ngozi iripo here apa? Kana iripo, unogona kuzvidzivirira sei?
“Ganda rako ndiro nhengo hurusa uye inonyanya kuonekwa pamuviri wako,” anonyora kudaro Dr. W. Mitchell Sams, Jr. Ganda rako rinodzivirira muviri wako kuti usapererwe nemvura nokuti udziyirwe. Rinokugonesa kunzwa kutonhora, kupisa, marwadzo, uye kuzungunuka, uyewo kunzwa pane man’aran’azha kana kuti panotsvedzerera. Ganda rako rinoitawo basa rinokosha mukugadzirwa kwevitamin D, inokosha pakugadzirwa kwemapfupa. Kugadzirwa kwevitamin D uku kunoitika nebetsero yezuva.
Zvisinei, pane ngozi inowedzera nokugarisa ganda muzuva kwenguva yakarebesa. Mwaranzi yezuva inosvika pasi pano inoumbwa nemwaranzi inonzi infrared nechiedza chinooneka, pamwe neultraviolet light ine marudzi maviri A neB (UVA neUVB). Sezvineiwo, mumhepo munotorwa macosmic ray, magamma ray, nemaX ray anobudiswa nezuva. Ozone layer yomumhepo inovharidzira mwaranzi yeultraviolet C (UVC) zvakakwana yobudisa yakawanda UVA neUVB. Nenzira isingafadzi, ozone layer iyi iri kuparara mune dzimwe nzvimbo. Masaindisiti akawanda anoshora zvimwe zvinhu zvinotonhodza nemaaerosol propellant padambudziko racho. Zvisinei, kuva muzuva kuri kuramba kuchitova ngozi kwazvo pautano hwako.
Panzvimbo pokungotsva nezuva, maultraviolet ray anogona kukonzera mavara mashava nokuitisa kuti ganda rako rirambe richikora nokuoma. Ultraviolet inogonawo kunetesa madzira eganda rako, zvichiguma nokukurumidza kuchembera, kubatanidza aya mafinya anotyiwa. Zvakatonyanya kuipa ndezvekuti, kunyanya kupiswa neultraviolet kunogona kukanganisa gadziriro yomuviri wako yokuzvidzivirira uye kukanganisa ganda nekenza reganda. Mukuwedzera, ganda rakakuvadzwa kana kuti rine hosha rinokanganisa chitarisiko chako uye pane dzimwe nguva, ringaita kuti unzwe usina kuchengeteka kunyange kuodzwa mwoyo.
Ungaite Sei?
Ganda rako rinoda kudzivirirwa pazuva mazuva ose sezvarinongoda kwazvo munhambo pfupi yokupisa kukuru. Chii chinogona kuitwa? Kunze kwekungopfeka mbatya dzokudzivirira nokuderedza nguva yokuva kwako muzuva, unogona kushandisa zano renyanzvi dzinokurudzira kushandiswa kwemafuta anodzivirira zuva. Unogona kusarudza sei mafuta anodzivirira zuva anonyatsoshanda? Tarisa sun protection factor (SPF) inenge yakaratidzwa nemugadziri. Kukura kwenhamba yacho, ndiko kukura kwedziviriro yayo. Vanhu vane ganda jena vanoda mafuta ekudzivirira zuva ane nhamba yeSPF yakakura kupfuura vaya vane ganda dema. Shoko renyevero: SPF inoreva kudzivirira kunoita mafuta acho pamwaranzi yeUVB chete. Saka, sarudza mafuta okudzivirira zuva akasiyana-siyana, ayo anodzivirirawo mwaranzi yeUVA.
Vana, kunyanyanya vaya vane ganda jena, vanoteta zuva kwazvo. Uyezve, rinodaro bhuku rinonzi Fotoproteção (Photoprotection), vana vanogara muzuva kwazvo kupfuura zvinoita vanhu vakuru. Kuita matanho okudzivirira ganda remwana wako pazuva munhambo yemakore ake eupenyu 18 okutanga kunogona kuderedza mikana yokutanga hosha yeganda, inodaro Fotoproteção.
Chiedza chezuva chinokosha paupenyu huri panyika. Uye ndiani asinganakidzwi nekunze kune mushana wakanaka? Asi usanyengedzwe nemifananidzo yakakurumbira inoratidzira ganda rakatsvukuruka sechinhu chikuru chorunako noupwere! Dzivirira utano hwako—dzivirira ganda rako pakunyanya kupiswa nezuva.
[Bhokisi riri papeji 17]
Dzivirira Ganda Rako!
1. Zvidzivirire pazuva kunyanya pakati pekuma10:00 a.m. na4:00 p.m., mwaranzi yezuva painenge yakanyanya kusimba.
2. Kunyange mazuva akunenge kune makore, shandisa mafuta okudzivirira zuva akangosiyana-siyana anodzivirira mwaranzi yeUVA neUVB uye ine sun protection factor ye15 kana kupfuura.
3. Zora zvakare mafuta okudzivirira zuva maawa maviri ega ega paunenge usiri mumba, kunyanya kana uchishambira kana kuti uchidikitira.
4. Pfeka hembe dzinodzivirira, dzakasimba. Mavara akasvibira anodzivirira kwazvo.
5. Pfeka heti zvimwe ine vharanda rinopfuura mainji mana nemagirazi ezuva ane malense anodzivirira ultraviolet.
6. Gara mumumvuri pose pazvinobvira.
7. Dzivisa zvinopenya, zvakadai semvura, jecha, uye chando, zvinopenyesa mwaranzi yakawanda inokuvadza yezuva.
[Kwazvakatorwa]
(Zvakatorwa mumagazini inonzi Skin Savvy, yakabudiswa neAmerican Academy of Dermatology)
[Mifananidzo iri papeji 17]
Dzivirira utano hwako nechitarisiko chako—dzivirira ganda rako
Kuzvitarisira kunopfuura kwenguva dzose kunodiwa munzvimbo dziya mwaranzi yezuva yadzinoratidzwazve