Vakadzi Vakava Nekugoverana Kwakakura
BASA rinokosha revakadzi vechiKristu pakuvaka bazu reZvapupu zvaJehovha muZimbabwe rakasimbiswa panguva yepurogiramu yekutsaurira, yakaitwa musi wa12 December 1998. Mumakore mana ebasa rekuvaka, vashandi vanozvidira vakabva kunyika dzakawanda—kubatanidza mazana evemuZimbabwe—vakapa nguva yavo,—simba ravo, unyanzvi hwavo, uye pfuma yavo kuti vavake zvivako zvakaisvonaka zvamunoona pamufananidzo uri pano.
Muchaona zvivako zvekugara zvitanhatu zvakakura zvakafanana kumashure. Chivako chikuru chiri pedyo kwazvo nazvo ndicho chine imba yokudyira, neimba yokubikira, uye neimba yokuwachira. Zvivako zvekugara zvine dzimba dzokurara 61, uye imba yokudyira inokwana vanhu vanenge 200. Nechekumberi, kuruboshwe, ndiko kune zvivako zvemahofisi. Pakati nepakati ndipo pane nzvimbo inosvikira vaenzi, uye kurudyi kune imba yokuchengetera zvinhu, umo purogiramu yekutsaurira yakaitirwa.
Ichi chivako chakaisvonaka chebazu muZimbabwe, chiri kumaodzanyemba kweAfrica, chinongova chimwe chete pakati pezvakawanda zvemabasa akadaro chakapedzwa kubvira pakatangwa purogiramu yokuvaka yamarudzi ose neZvapupu zvaJehovha muna November 1985. Mukai! Nha. 4 ya1991, yakatsanangura purogiramu iyi munyaya yaiva nemusoro unoti “Chimwe Chinhu Chitsva Mukuvaka Kwamarudzi Ose.”
Maererano nebasa revakadzi mupurogiramu iyoyo, Mukai! yakashuma kuti: “Vakawanda vakarovedzwa kusunga newaya simbi dzinosimbisa kongiri, kuisa matayera nokunama paanobatana, pamwe chete nokushandisa sendipepa uye kupenda. Vamwe vaitarisira mabasa emumba aidikanwa. Saka vose vaizvipira munzira yakaisvonaka kubasa panzvimbo dzokuvaka munyika yose.”
Panguva yepurogiramu yokutsaurira ichangopfuura muZimbabwe, George Evans naJames Paulson, avo vaitarisira basa rokuvaka, vakaenzanisa basa raiitwa nevakadzi pakuvaka bazu muZimbabwe nebasa raiitwa nevakadzi pakuvaka tabhernakeri yekare yaIsraeri. “Vakauya, mumwe nomumwe akamutswa nemwoyo wake,” Bhaibheri rinodaro nezvevaIsraeri, “vakauya varume nevakadzi.”—Eksodho 35:21, 22.
Vachishandisa nhau yeBhaibheri iyi, Hama Evans naHama Paulson vakasimbisa kukosha kwekuzvipira kwevakadzi. Vakadzokorora nhau yeBhaibheri inoti: “Vakadzi vose vaiva nemwoyo yakangwara vakaruka nemaoko avo, . . . vakadzi vose vakanga vamutswa nemwoyo yavo kuva vakachenjera.” Zvechokwadi, vakadzi vaiva pakati peavo vakazvipa nokuzvidira kuita basa. “Vakauya . . . murume mumwe nomumwe nomukadzi mumwe nomumwe aitendiswa nomwoyo wake kuti avigire zvokubata nazvo basa rose rakanga rarayirwa naJehovha, kuti riitwe naMosesi.” Eksodho 35:25, 26, 29.
Maererano nebasa rebazu reZimbabwe, vatariri vekuvaka vakati: ‘Vakadzi vaiita basa rose iro varume vaiita.’ Izvi zvaibatanidza kusunga simbi nekushandisa michina mikuru. Hama Paulson vakataura kuti vakadzi vaichengeta marori avo ekongiri nemimwe michina mikuru zvichipenya, zvisina mavara, chiri chinhu chavakacherekedza kuti kazhinji varume havazviiti.
Zvechokwadi, tinoonga nokuda kwezviuru zvakawanda zvevakadzi izvo zvakagoverana pamwe chete nevarume mukuvaka kwenyika yose kwemahofisi ebazu uye Horo dzeUmambo dzeZvapupu zvaJehovha!
[Mufananidzo uri papeji 18]
Bazu reZimbabwe