Misodzi Muhombodo
JAYA racho rakanga riri mupoteri. Risingachazivi zvokuita uye richishushikana, maziso aro achiyangarara misodzi, rakakumbira Jehovha Mwari kuti arinzwire tsitsi nomutsa ndokubva rateterera richiti: “Isai misodzi yangu muhombodo yenyu.” (Pisarema 56:8) Jaya iroro raiva Dhavhidhi, rakazova mambo weIsraeri. Asi hombodo yaaireva yaiva chii, uye Mwari angaisa sei misodzi yedu muhombodo?
Dhavhidhi aiwanzoshandisa hombodo. Yaiva mudziyo waishandiswa kuisira mvura, mafuta, waini, kana majarini. Vafudzi vokuSahara, vakadai sevaTuareg, vachiri kushandisa hombodo, dzinenge dzakagadzirwa nedehwe rembudzi kana kuti rehwai. Hombodo idzi dzinogona kutakura marita akawanda emvura, zvichibva pakukura kwemhuka yacho. Hombodo dzinozivikanwa kuti dzinochengeta mvura ichitonhorera, kunyange zuva parinenge richipisa zvikuru murenje. Kare, madhongi nengamera ndizvo zvaiwanzotakuriswa hombodo. Mazuva ano, ungatoona hombodo yakaiswa pamberi pemotokari!
Mashoko aDhavhidhi anobaya mwoyo anotaura nezvehombodo ane zvaangarevawo kwatiri. Sei? Bhaibheri rinotsanangura kuti Satani ndiye mutongi wenyika ino uye kuti “akatsamwa kwazvo” muzuva redu. Ndosaka pasi pano paine matambudziko akaipisisa. (Zvakazarurwa 12:12) Saka kune vanhu vakawanda, saDhavhidhi, vari kushunguridzika mupfungwa, kana kuti vari kurwara, kunyanya vaya vari kuedza kufadza Mwari. Izvi zvinorondedzera iwe here? Vakashinga, ‘vachitosvimha misodzi,’ vanhu ivavo vakatendeka havamboregi kuedza kurarama vakavimbika. (Pisarema 126:6) Vanogona kuvimba kuti Baba vavo vokudenga vanoona kwete chete miedzo yavanosangana nayo asiwo kushungurudzwa kwavanoitwa nemiedzo iyoyo. Vanonyatsonzwisisa kurwadziwa kuri kuita vashumiri vavo, uye netsitsi vanoyeuka kutambudzika kwavo nemisodzi yavo, uye vanoita sokuti vari kuiisa muhombodo yavo.