Zvakatipoteredza—Zvazvinoita Pautano Hwako
NGUVA pfupi yapfuura, Dr. Walter Reed, weWorld Resources Institute, akaudza Nhepfenyuro yeUN kuti zviri kuitwa nemunhu pazvinhu zvakatipoteredza munyika yose zvawedzera kusvika pa“kudzongonyedza kutenderera kwezvinhu munzira huru zvikuru” kuri kuitwa nemunhu. Dr. Reed anotaura kuti kudzongonyedzwa kwezvakatipoteredza uku, kuri kuisawo utano mungozi munyika yose. Munyaya yaihwirudzura bhuku rinonzi World Resources 1998-99, magazini inonzi Our Planet, inobudiswa neUnited Nations, inonyora dzimwe dzengozi idzi pautano hwevanhu. Pakati padzo pane dzinotevera:
□ Kushatiswa kwemhepo mumba nepanze kwave kuchibatanidzwa nehosha dzekufema dzinopomeranwa idzo dzinokonzera kufa kwevana vanoda kusvika mamiriyoni mana gore roga roga.
□ Kushayikwa kwemvura yakachena neutsanana kunobatsirawo mukupararira kwezvirwere zvemanyoka izvo zvinouraya upenyu hwevana vane mamiriyoni matatu gore roga roga. Somuenzaniso, cholera, yakapedzwa kare kare muLatin America, yakatangazve imomo ndokuuraya vanhu 11 000 muna 1997 moga.
Zuva roga roga vana vanopfuura 30 000 vari munharaunda dzenyika dzine urombo zvikuru vanonzi vari kufa nezvirwere zvine chokuita nezvakatipoteredza. Chimboedza kuzvifungidzira—vanhu 30 000 zuva roga roga regore, vakakwana kuzadza zvigaro zvose zvendege huru yejeti anenge 75!
Zvisinei, ngozi yezvakatipoteredza pautano haisi yomunyika dzichiri kusimukira bedzi. Our Planet inotaura kuti “vanhu vanopfuura mamiriyoni 100 muEurope neNorth America vachiri mungozi nemhepo isina kunaka,” iyo inoparira kuwedzera kukuru kweasima. Panguva imwe chete, kuwedzera kwekushanya kwemarudzi akawanda nekutengeserana kwakaparirawo kuvapo kwezvimwe zvirwere zvinopomeranwa zvitsva 30 munyika dzakabudirira. Uyewo, magazini yacho yakataura kuti zvirwere zvakambopedzwa kare “zvadzokazve nekutsividza.”
Chinosuruvarisa ndechokuti zvakawanda zvezvirwere izvi zvine chokuita nezvakatipoteredza zvinokwanisa kudzivirirwa nezvinhu zvazvino uno zviripo nemutengo wakati dererei. Somuenzaniso, utano hwaigona kuvandudzwa zvikuru nokugovera vanhu vose mvura yakachena neutsanana. Zvaizoda mari yakawanda zvakadini kuti vavariro iyi iitwe? Nhepfenyuro yeUN inoshuma kuti maererano neUnited Nations Human Development Report 1998, kupa mvura yakachena neutsanana kumunhu wose kwaizoda madhora ane mabhiriyoni 38—iyo iri mari shoma pane inopedzerwa paaizi kirimu nevanhu vekuEurope mugore rimwe chete!
[Mufananidzo uri papeji 15]
Photo: Casas, Godo-Foto