Zvinotaura Bhaibheri
Kukweretesa Nokukwereta Pakati Peshamwari
“WAKAIPA UNOKWERETA, ASINGARIPIZVE; ASI WAKARURAMA UNE NGONI, UNOPA.”—PISAREMA 37:21.
“USAVA mukwereti, kana kuti mukweretesi; nokuti kazhinji kacho mari inorasika, uye ushamwari hunoparara.” Akanyora kudaro munyori wemitambo weChingezi William Shakespeare, achitaura nezvekuvapo kweuchenjeri kwenguva isingaverengeki. Chokwadika, zvishomanana zvoukama hwevanhu zvinogona kukuvadza sezvinoita kukwereta nokukweretesa mari. Kunyange nokuronga kwakanaka uye nevavariro dzechokwadi kwazvo, zvinhu hazviwanzoitiki sekutarisirwa kwazvanga zvichiitwa.—Muparidzi 9:11, 12.
Mamiriro ezvinhu angamuka anoita kuti zviome kana kuti zvisabvire kuti mukwereti azadzike zvaakavimbisa. Kana kuti mukweretesi angangoerekana iye pachake ave kuda mari iya yaakakweretesa. Panoitika zvakadaro, sezvakataurwa pachena naShakespeare, ushamwari neukama zvinogona kupinda mungozi.
Chokwadika, munhu angava nezvikonzero zvakanaka zvokukwereta mari. Asangana nemhinganidzo mune zvemari dzakakonzerwa netsaona yakaipisisa kana kuti kupererwa nebasa, angaona kuti izvozvo ndizvo zvakakodzera chete. Bhaibheri rinokurudzira avo vanogona kubatsira kuti vabatsire vari mukushayiwa kana vachigona kudaro. (Zvirevo 3:27) Izvi zvingabatanidza kukweretesa mari. Zvisinei, vaKristu vanopinda muchirongwa chakadaro vanofanira kuona sei zvavakavimbisana?
Nheyo Dzokumbofunga Nezvadzo
Bhaibheri harisi bhuku rinopa mazano mune zvemari. Harikurukuri mashoko ose ayo kukwereta kana kukweretesa kungabatanidza. Nhau dzakadai sokubhadharisa kana kusabhadharisa mari yomubereko uye kuti wakawanda sei dzinosarira kuvanhu vacho.a Zvisinei, izvo Bhaibheri rinogovera, inheyo dzakajeka, dzine rudo dzinofanira kudzora pfungwa nemaitire zvachero ani zvake ari kukwereta kana kukweretesa.
Chimbofunga nezvenheyo dzinoshanda kumukwereti. Muapostora Pauro akarayira vaKristu kuti vasava “nechikwereti nomunhu, asi chokudana.” (VaRoma 13:8) Kunyange zvazvo Pauro pano akanga ari kutaura nheyo ingashanda muzvakasiyana-siyana, zvechokwadi zano rake rinogona kubvumwa seyambiro pakuva nechikwereti. Dzimwe nguva zvakanaka kurarama usina pane kuva nemari yomumwewo munhu. Nei? Zvirevo 22:7 inotsanangura kuti “unotora chikwereti muranda wowakamupa chikwereti.” Mukwereti anofanira kuziva kuti kutozosvikira mari yacho yabhadharwa, ane mutoro wezvaakavimbisa. Pamutemo, zvinhu zvaanazvo hazvisi zvake chaizvoizvo. Kubhadhara chikwereti chake maererano nezvakabvumiranwa zvinofanira kuva nenzvimbo yokutanga muupenyu hwake, kana zvikasadaro zvinetso zvingangomuka.
Somuenzaniso, nguva zvainopfuura pasina kubhadhara, mukweretesi angatsamwiswa. Zvinhu zvinoitwa nemukwereti zvakadai sekutenga mbatya, kudyira mumaresitarendi, kana kuenda kumazororo mukweretesi angazviona nokunyumwira. Pfundepfunde inogona kutanga kuvapo. Ukama hwavo uye kunyange hwemhuri dzavo hungashatiswa kana kutoipa kwazvo. Yakadaro ingava migumisiro isingafadzi kana mukwereti asingachengeti shoko rake.—Mateo 5:37.
Asi zvakadini kana mukwereti akangoerekana akundikaniswa kuita maererano nezvaakavimbisa nemhaka yezvinoitika zvaasingakwanisi kudzora? Izvi zvinodzima chikwereti here? Hazvidaro hazvo. Wezvamapisarema anoti munhu wakarurama “haangazoshanduri shoko rake, kunyange zvikava zvakaipa kwaari.” (Pisarema 15:4) Pachinoitika chakadaro, chinhu chorudo nechokuchenjera chokuita chaizova chokuti mukwereti atsanangure zvinenge zvaitika kumukweretesi nokukurumidza. Ipapo vanogona kubvumirana pane dzimwe rongedzero. Izvi zvinoita kuti pave nerugare, uye zvichafadza Jehovha Mwari.—Pisarema 133:1; 2 VaKorinte 13:11.
Zvechokwadi, munhu anoratidzira zvakawanda nezvake nezvaanoita pazvikwereti zvake. Pfungwa yokusava nehanya, yakajairika pamusoro pokubhadhara chikwereti inoratidzira kusava nehanya nevamwe. Chaizvoizvo, munhu ane pfungwa yakadaro anoratidzira udyire—zvido nezvishuvo zvake zvinouya pakutanga. (VaFiripi 2:4) MuKristu anoramba noune uye achiziva kubhadhara zvikwereti zvake anokanganisa ukama hwake naMwari, uye zviito zvake zvingaratidzira mwoyo unokara, wakaipa.— Pisarema 37:21.
Mukweretesi
Kunyange mutoro mukuru uri pane mukwereti, panewo nheyo dzinoshanda kune ari kukweretesa. Bhaibheri rinoratidza kuti kana tichikwanisa kubatsira vanoshayiwa, tinofanira kuita kudaro. (Jakobho 2:14-16) Asi izvozvo hazvirevi kuti munhu anomanikidzwa kukweretesa mari, kunyange kana uyo ari kukumbira ari hama yechiKristu. “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda,” rinodaro Bhaibheri.—Zvirevo 22:3.
Kuziva nokunzwisisa misungo yacho chaiyo inobatanidzwa pakukweretesa nokukwereta, munhu anonzwisisa achafungisisa pazvikumbiro zvechikwereti zvaangawana. Chikumbiro chacho chinokosha here? Munhu wacho ari kukumbira afungisisa nhau yacho yose here? Mukwereti ari kutarisirwa akarongeka chaizvo uye anotaurwa zvakanaka nezvake here? Anoda here kusaina pepa rakanyorwa rinoratidza zviri kubvumiranwa? (Enzanisa naJeremia 32:8-14.) Akagadzirira chaizvoizvo kubhadhara here?
Izvi hazvisi kukarakadza kuti muKristu anofanira kuramba kukweretesa munhu anoshayiwa angangoratidzika seasingadzosi chikwereti. Zvinosungirwa muKristu pachake kune vamwe zvinopfuura kuva nemiitiro yakanakisisa yebhizimisi. “Asi kana munhu ane pfuma yenyika, akaona hama yake ichishayiwa, akamupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari runogara seiko maari?” anobvunza kudaro muapostora Johane. Hungu, vaKristu vanofanira kuva ne“[rudo kwete] neshoko kana norurimi, asi nebasa nechokwadi.”— 1 Johane 3:17, 18.
Mune zvimwe zvinoitika munhu angasarudza kusakweretesa kuhama yake inoshayiwa. Angada kumupa chipo kana rumwe rubatsiro rwakasiyana. Panheyo yakafanana, kana zvinetso zvikamuka mugadziriro yokukwereta, mukweretesi angasarudza kuita chiito chetsitsi. Angada kufungisisa nezvemamiriro ezvinhu anenge achinja omukwereti uye kuwedzera nguva yokubhadhara, kuzvideredza, kunyange kudzima chikwereti chacho zvachose. Izvi zvisarudzo zvomunhu mumwe nomumwe zvaanofanira kuzviitira pachake.
VaKristu vanofanira kuziva kuti Mwari ari kucherekedza zvinhu zvose uye achaita kuti tizvidavirire panzira yatinozvibata nayo nemashandisiro atinoita zvatinazvo. (VaHebheru 4:13) Zano reBhaibheri rokuti tibvumire ‘zvose zvatinoita zviitwe norudo’ chokwadi rinoshanda pakukweretesa nokukwereta pakati peshamwari.—1 VaKorinte 16:14.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchida mashoko okuwedzera panhau yokubhadharisa mubereko pazvikwereti, tapota ona magazini yeNharireyomurindi yaOctober 15, 1991, mapeji 25-8.
[Mufananidzo uri papeji 16]
“Muchinji Wemari Nemukadzi Wake” (1514), naQuentin Massys
[Kwazvakatorwa]
Scala/Art Resource, NY