Kukweretesa Mari kumaKristu Biyedu
PEDRO naCarlos vakanga vari shamwari dzakanaka.a Ivo vakanga vari maKristu biyamwe, uye mhuri dzavo dzakatsaukana dzaiwanzofarikanya songaniro youshamwari neimwe neimwe. Naizvozvo apo Carlos aida mari yebhizimisi rake, Pedro haana kuzengurira kuzvipira kuikweretesa kwaari. “Sezvo takanga tiri shamwari dzakanaka,” anotsanangura kudaro Pedro, “handina kuva nebasa nazvo.”
Mwedzi miviri chete gare gare, zvisinei, bhizimisi raCarlos rakabhuroka, uye miripo yakamira. Pedro akaziva kukushamiswa kwake kuti Carlos akanga ashandisa yakawanda yemari iyo akanga akwereta kuripa zvikwereti zvisiri zvebhizimisi nokuwanira mari mararamire okupambadza. Nhau yacho haina kupedzwa kusvikira pagutsikano yaPedro kunyange pashure pegore reshanyo netsamba. Nokukangaidzika, Pedro akaenda kuzviremera ndokuita kuti Carlos—shamwari yake nehama yechiKristu—akandirwe mutorongo.b Ko iyi yakanga iri nzira yakafanira here yokutora? Tichaona.
Kusabvumirana nokusanzwisisana pamusoro pezvikwereti zvemari chisakiso chenguva dzose choushamwari hunoparadzwa pakati pavanhu kupota nyika. Padzimwe nguva kungatova chisakiso chegakava pakati pamaKristu biyamwe. Munyika dzakawanda zvikwereti zvebhangi zvakaoma kuwana, naizvozvo kunozivikanwa navose kuti vanhu vanoda mari vasvike shamwari nehama dzokunyama. Chinoitika chinosuruvarisa chaPedro naCarlos, zvisinei, chinoratidzira kuti kutoti nheyo dzeBhaibheri dzichisanoteverwa navose vari vaviri mukwereti nomukweretesi, zvinetso zvakakomba zvingamuka. Ndeipi, ipapoka, iri nzira yakafanira yokubata nayo nechikumbiro chechikwereti kumuKristu biyako?
Kurangarira Ndyiko Dzokukwereta
Bhaibheri rinodzivisa kukwereta kusiri madikanwa. “Musava nechikwerete nomunhu, asi chokudana,” anopa zano kudaro muapostora Pauro. (VaRoma 13:8) Naizvozvo usati watora chikwereti, rangarira ndyiko yokuita saizvozvo. (Enzanisa naRuka 14:28.) Pane chaizvoizvo dikano yokukwereta mari here? Inhau yokuchengeta kurarama kwako kuti utarisire mhuri yako here? (1 Timotio 5:8) Kana kuti mwero wakati wamakaro unobatanidzwa here—zvichida chishuvo chokurarama noumbozha zvikuru?—1 Timotio 6:9, 10.
Chimwe chinhu chinokosha ndechokuti kutora chikwereti kuchakumanikidzira kushanda maawa marefu zvikuru uye zvichida kuregeredza misangano nebasa romumunda here kana kuti kwete. Uyewo, unogona here chaizvoizvo kutsunga kupinza mungozi mari yomumwe munhuwo zvake? Zvakadiniko kana bhizimisi racho kana kuti basa rikakundikana? Yeuka, “wakaipa unokwereta, asingaripizve.”—Pisarema 37:21.
‘Kutaura Zvokwadi’ Kuvakweretesi
Pashure pokurangarira zvinhu zvakadaro, ungangova uchiri kunzwa kuti chikwereti chebhizimisi chiri madikanwa. Kana chisingagoni kuwanwa kupfurikidza nemitoo yenyika, hakusati kwakaipa hako kusvika muKristu biyako, nokuti kunozivikanwa navose kutendeukira kushamwari munguva yokushaiwa, sezvakataura Jesu pana Ruka 11:5. Bva munhu anofanira kungwarira ku“taura zvokwadi.” (VaEfeso 4:25, NW) Tsanangura nenzira yokutendeseka maidi ose anobatanidzwa—kubatanidza ngozi, kunyange idzo dzingaratidzika kuva dziri kure. Uye usagumbuka kana mukweretesi anokarirwa achibvunza mibvunzo yakananga yakawanda kuti agogona kuva nechokwadi chokuti ane murangariro wakarurama.c
Kungava kutaura zvokwadi here kukwereta nokuda kwechikonzero chimwe uye ipapo kushandisa mari yacho nokuda kwechimwe? Haisva. Mumwe mutarisiri webhangi muLatin America anotsanangura, kuti: “Bhangi ringadzima chikwereti chako, uye kana ukasabhadhara chikwereti chako nokukurumidza, ivo vangawana murairo wedare wokutora zvinhu zvako.” Kana mari ikakwereteswa pahwaro hwokuti ichawedzera mhindu yebhizimisi, kuishandisa nokuda kwerimwe donzo chaizvoizvo kunobira mukweretesi vimbiso yake yokuti chikwereti chinogona kuripwa. Chokwadi, ungasatya matsive apamutemo pakukwereta kumuKristu biyako. Kunyanguvezvo, “unotora chikwerete muranda wowakamupa chikwerete,” uye une musengwa wokuva akatendeseka naye.—Zvirevo 22:7.
Kushandisa Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe Mubhizimisi
Jesu akati: “Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo.” (Mateo 7:12) Kunokosha sei kuti uyu murairo utekeshere apo tinenge tichiita bhizimisi nomutendi biyedu! Somuenzaniso, waizoita sei kudai imwe hama ikaramba chikumbiro chako chechikwereti? Waizorangarira here kuti iyo haina kuvimbika kuushamwari hwenyu? Kana kuti waizoremekedza here maruramiro ayo okuramba chikarakadzo chako, ichiziva kuti ingasanoda mari yayo kana kuti ingayera ngozi sedzakakomba zvikuru kupfuura zvaunoita? Iyo ingapanikira nenzira yokutendeseka mano ako okutarisira mari nenzira inobudirira. Muchinoitika chakadaro, kuramba kwayo kungasanova kwose kuri kuviri kunoshanda nokworudo.—Zvirevo 27:6.
Kana shamwari ikabvuma kukukweretesa mari, udzame hunofanira kujekeswa mukunyora, kubatanidza kuti imarii yakweretwa, kuti mari yacho ichashandisirwei, zviri chipiko chechikwereti, uye kuti ichadzorerwa sei uye rini. Muzvimwe zvinoitika kunotova kuchenjera kuita kuti chibvumirano chinyorwe kana kuti kunzverwa negweta ndokuchengetwa nezviremera. Muchinoitika chipi kana chipi, chibvumirano chikanga changosainwa bedzi, “shoko renyu rokuti Hungu ngarireve Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa.” (Mateo 5:37, NW) Usashandisa zvisakafanira runako rweshamwari yako kupfurikidza nokukundikana kurangarira musengwa wako kwairi zvakakomba sezvawaizoita kubhangi.
Vakweretesi Vakangwara
Zvakadiniko kana ukasvikwa nokuda kwechikwereti? Zvakawanda zvichatsamira pamigariro inobatanidzwa. Somuenzaniso, imwe hama yechiKristu, kupfurikidza nechikanganiso chisiri chayo imene, ingawira mukubhuroka mune zvemari. Kana uchigona kuita saizvozvo, rudo rwechiKristu ruchakusunda ku‘mupa zvinodikanwa zvomuviri wake.’—Jakobho 2:15, 16.
Kwaizova kusina rudo sei kushandisa zvisakafanira nhamo yeimwe hama kupfurikidza nokuchaja mhindu muchinoitika chakadaro! Jesu akakurudzira, kuti: “Pfuurirai kuda vavengi venyu nokuita zvakanaka nokukweretesa pasina mhindu, musingakariri kudzorerwa chinhu chipi nechipi.”—Ruka 6:35, NW; enzanisa naRevhitiko 25:35-38.
Zvakadini, ipapoka, kana uri kungokumbirwa zvako kuwanira mari bhizimisi kana kuti kuwana chikwereti? Kazhinji kazhinji, nhau dzakadaro dzinosvikwa zvakanakisisa sokushandiswa kwemari kune mhindu. Bhaibheri nenzira yakajeka rinokurudzira ngwariro, richiraira, kuti: “Usava mumwe wavanozvisunga noruoko, kana vakazviita rubatso nokuda kwechikwerete.”—Zvirevo 22:26.
Zvakwakadaro, unofanira kutanga kuziva kana uchigona chaizvoizvo kushandisa kune mhindu. Kuchakuparira kubhuroka mune zvemari here kana bhizimisi rikabhuroka kana kuti mukwereti asingakwanisi kukubhadhara chikwereti chacho panguva? Kana uchigona kupa chikwereti chacho uye mhindu dzichizoitwa, unewo maruramiro okugoverana madziri kupfurikidza nokuchaja mhindu ine mufungo nokuda kwechikwereti chako. (Enzanisa naRuka 19:22, 23.) Zvirevo 14:15 inonyevera, kuti: “Usina mano anotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.” Vane mabhizimisi vanowanzova vakangwara vakaita nenzira yokusangwarira pakuita bhizimisi namaKristu biyavo. Muedzo wemibhadharo yemhindu yakakwira wakakwevera vamwe mukushandiswa kwemari nokuda kwemhindu kwokusangwarira umo ivo vakarasikirwa nezvose zviri zviviri mari yavo noushamwari hwavo namaKristu biyavo.
Nenzira inofadza, vatarisiri vamabhangi kazhinji kazhinji vanorangarira zvinhu zvitatu mukuyera kuti chikwereti chingava chine ngozi sei: (1) hunhu hwomunhu ari kukumbira chikwereti, (2) mano ake okuripa, uye (3) migariro yakatekeshera mubhizimisi rake. Kungasaratidza here “uchenjeri hunoshanda” kuyera zvinhu nenzira yakafanana pakurangarira kukweretesa mari yako yakawanwa nenzira yakaoma kumumwe munhu?—Zvirevo 3:21, NW.
Somuenzaniso, chii chiri mukurumbira wehama iri kukumbira mari? Inozivikanwa kuva yakavimbika neyakatendeseka here kana kuti isingangwariri neisina kudzikama? (Enzanisa na 1 Timotio 3:7.) Kana iyo ichida kukudza bhizimisi rayo, iyo yakaritarisira nenzira inobudirira kusvikira panguva ino here? (Ruka 16:10) Kana isina, rubatsiro runoshanda mukutarisira mari yayo rungava runobetsera zvikuru pakupedzisira kupfuura kuikweretesa mari ingabatwa zvisakafanira.
Chimwe chinhu angava mano ehama okuripa. Inowana marii? Zvikweretii zvainazvo? Kunongova bedzi kune mufungo kuti iye ave akajeka newe. Kunyanguvezvo, rudo rwechiKristu runongofanira kutekeshera. Iwe, somuenzaniso, ungada kuva nevimbiso yokubhadharwa kwechikwereti chacho nezvinhu zvinotengeseka zvehama. Mutemo waMosesi waishurikidza kubvuta mutoo womunhu wokurarama nawo kana kuti zvimwe zvinhu zvake nokuda kwokuva nevimbiso yokubhadharwa kwechikwereti. (Dheuteronomio 24:6, 10-12) Nokudaro, imwe hama yeSouth America iyo iri munhu webhizimisi inotaura kuti ichakweretesa bedzi kusvikira kuhafu yechitsama chezvinhu zvinotengeseka zvehama. “Uye handirangariri maturusi ebasa rake kana kuti imba yake sechinhu chinotengeseka,” inotsanangura kudaro. “Zvamazvirokwazvo ndingasada kubudisa hama yangu mumugwagwa ndokubvuta imba yayo kuti ndiwane mari yangu.”
Pakupedzisira, iwe unofanira kurangarira chaizvoizvo migariro yose yebhizimisi kwaunogara. Tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira,” mukati mawo vanhu vari “vadi vemari, . . . vanyengeri.” (2 Timotio 3:1-4, NW) Nepo shamwari yako nehama ingava yakatendeseka, vabiyake vake, vashandi, uye vatengi vangasava. SomuKristu, haagoni kutendeukira kupfumbamuromo nokureva nhema—unyanzvi uhwo vakwikwidzani vake vangashandisa kukubetserwa kwavo. Uyewo kunofanira kurangarirwa ndiko kuparadza kwe“nguva nechinoitika chisingadeyi kuoneka.” (Muparidzi 9:11, NW) Ukoshi hweshavo hunogona kuderera kamwe kamwe. Kukwira kwemitengo kunogona kuparadza bhizimisi kana kuti kuparadza ukoshi hwechikwereti chako. Umbavha, tsaona, kuparadza zvinhu, uye kukuvara izvomene dzisingafadziwo dzebhizimisi. Unofanira kurangarira izvi zvinhu zvose mukuita chisarudzo chako.
Kubhuroka
Padzimwe nguva, pasinei zvapo nengwariro dzose, muKristu haagoni zvake kuripa chikwereti chake. Nheyo yokuti Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe inofanira kumusunda kukurukurirana nguva dzose nomukweretesi wake. Zvichida mibhadharo miduku bedzi inobvira kwenguva yakati. Kunyanguvezvo, muKristu haafaniri kunzwa kuti tumibhadharowo zvatwo tunomupembedza kuita kurega zvimwe chaizvoizvo kuti azadzike misengwa yake. (Pisarema 15:4) Mukweretesi uyo ari muKristu anosungirwawo kuratidza rudo. Kana achirangarira kuti akabatwa naye nenzira yokunyengera, angashandisa zano riri pana Mateo 18:15-17.
Kubatanidza zviremera zvenyika, sezvakaita Pedro muchinoitika chadudzwa pamavambo, hakusati kwaizowanzova kune mufungo. Muapostora Pauro anoti: “Ko kana mumwe wenyu ane mhosva nomumwe, angatsunga kumukwirira kuna vasakarurama, akasamukwirira kuna vatsvene here? . . . Ko hakuna wakachenjera pakati penyu ungagona kutonga pakati pehama nehama yake here? Asi hama inokwirira hama achizviita pamberi pavasingatendi here? Zvino matova nemhosva kwazvo pakati penyu, zvamunokwirirana. Munoregereiko kutenda kuitirwa zvisakarurama? Munoregereiko kutenda kubirwa?”—1 VaKorinte 6:1-7.
Kungava nemigariro—yakadai seinobatanidza vabiyako vasingatendi, vagoveri venyika, kana kuti zvinhu zveinishuwarenzi—izvo zvinoratidzika kuva zvinoda gadzikiso mudare renyika kana kuti nesangano rehurumende. Asi muzvinoitika zvizhinjisa, muKristu aizoisva atambura zvake kurasikirwa nemari panzvimbo pokupinza ungano mumanyadzi ayo kusungisa hama pamusoro pechikwereti chisingabhadharwi aizounza.
Mumigariro mizhinjisa miuyo yakakomba yakadaro inogona kudziviswa. Seiko? Pamberi pokukweretesa kana kuti kukwereta kuhama, ngwarirai ngozi dzinobvira. Shandisai ngwariro nouchenjeri. Zvikurusa, “zvinoitika zvenyu zvose,” kubatanidza zvinhu zvebhizimisi, “ngazviitike norudo.”—1 VaKorinte 16:14, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita akachinjwa.
b Munyika dzakati kubhuroka nokukundikana kubhadhara zvikwereti kuchiri kuwanzoguma nokuiswa mutorongo.
c Vamwe vakakwereta zvitsama zviduku kuvakweretesi vazhinji. Mukweretesi mumwe nomumwe, asingawani maidi akazara omugariro wacho wose, angafunga kuti mukwereti achakwanisa nyore nyore kuripa.