RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 4/8 pp. 18-20
  • Nei Ndisingagoni Kuwana Zvinhu Zvandinoda?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Ndisingagoni Kuwana Zvinhu Zvandinoda?
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Maonere Akadzikama Zvinhu Zvekunyama
  • Apo Unonyatsoda Chimwe Chinhu
  • Dzidza Kugutsikana
  • Ndingaita Mari Sei?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Zvipfeko Zvine Zita Ravagadziri Ndezvangu Here?
    Mukai!—1992
  • Ndinogona Sei Kushandisa Mari Yangu Nokuchenjera?
    Mukai!—1989
  • Ndinofanira Kuitei Kana Vabereki Vangu Vachipopotedzana?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 4/8 pp. 18-20

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Nei Ndisingagoni Kuwana Zvinhu Zvandinoda?

“Pane zvimwe zvinhu zvakanyatsonaka, uye ndingada kuva nazvo; asi vabereki vangu havagoni kuzviwana.”—Mike.

PANE zvinhu zvaunonyatsoda asi zvausingagoni kuwana here? Zvichida wanga uri kushuva zvakanyanya kuva nesitiriyo itsva, shangu idzo vamwe vana vose vari kupfeka, kana jini idzva rine zita romugadziri wacho. Vamwe vavaenzani vako vane zvakadaro—uye vanotodada—nezvinhu zvakadaro. Saka kana uchinge waudzwa kuti vabereki vako havagoni kuzviwana, ungaora mwoyo.

Asi kunyange zvakanaka chaizvo kuda zvimwe zvinhu zvokunyama, kune vechiduku vakawanda chido chokuva nazvo chinopfuuridza mwero. Zvizhinji zvacho zvinenge migumisiro yekuparadzirwa kwemashoko nezvinobudisa nhau. Kushambadza kunonyengera kweTV, kwemagazini, nekwemaredhiyo kunopa mashoko okuti kunze kwekuti wapfeka hembe dzakati kana kushandisa zvinhu zvine mazita avagadziri vazvo, uri mukundikani anosuruvarisa. Inga zvinotonzi vechiduku vanopedzera anopfuura madhora mabhirioni 3 500 pagore muUnited States moga!

Ipapo kune dzvinyiriro inobva kuvaenzani. “Munyika ine utsinye isingazivi zvakanaka yepwere dziri kuyaruka,” inodaro imwe nyaya iri mumagazini yeMarketing Tools, “kunzi wakasiyana neboka revaunoyemura haisi nhau yokungonzi haukwane pashamwari dzako, kana kurambwa chete: zvinoreva kuti Wakundikana. Kunzi “wakafanana” nevamwe kunorevei? Kumapoka akawanda kunoreva kuva nezvakanakisisa uye zvazvino uno muzvinhu zvokunyama. Zvakadini kana usingagoni kuzviwana? “Zvakaoma, kuoma chaiko,” inobvuma kudaro imwe pwere yechiKristu. “Uri kuenda kuchikoro nehembe dzisina zita romugadziri, uye munhu wese ari kukutsvinyira.” Mumwe musikana anobvuma kuti, “Ndinonzwa ndisingagamuchirike kuvaenzani vangu dzimwe nguva.”

Dzvinyiriro dzakafanana dzinganzwiwa nepwere dzinogara munyika dziri kubudirira, umo vanhu vanofondoka maawa akareba kuti vangowana zvokurarama nazvo chete. Kana izvozvo zviri zvechokwadi mumhuri yako, ungapanga sezvingakarirwa nzira iri nani youpenyu. Pashure pokunge waona zvinoratidzwa neTV uye mabhaisikopo anobva munyika dzakapfuma, ungavewo wakatanga kupanga hembe dzinodhura, misha, uye motokari dzinosimudzirwa muzvinoratidzwa izvozvo nemafirimu iwayo. Nemhaka yokuti pangaita sepasina tariro yokuwana zvinhu zvakadaro, ungazviwana iwe pachako washungurudzwa kana kuti kunyange kuora mwoyo.

Nyangwe uchigara munyika ine urombo kana yakapfuma, kutsamwa kana kuvhiringidzika nemhaka yokuti haukwanisi kuwana zvimwe zvinhu kunongokukuvadza chete. Kunogonawo kukutungamirira kugara uchipopotedzana nevabereki vako. Mubvunzo ndouyu, Ungaita sei?

Maonere Akadzikama Zvinhu Zvekunyama

Kutanga, ziva kuti hakusi kuda kwaJehovha Mwari kuti vanhu vake vararame muurombo kana kusava nezvinhu zvavanonyatsoda. Handiti Mwari akatoisa Adhama naEvha, kwete mugomba ramarara, asi mubindu rakaisvonaka rakazara nemiti inofadza meso. (Genesi 2:9) Gare gare, vamwe vabatiri vaMwari, vakaita saAbrahama, Jobho, naSoromoni, vaiva nezvinhu zvekunyama zvakawanda. (Genesi 13:2; Jobho 1:3) Inga zvinonzi Soromoni akanga aine ndarama yakawanda kwazvo zvokuti sirivha yainzi “haina murimo” panguva yokutonga kwake!—1 Madzimambo 10:21, 23.

Zvisinei, kazhinji vakawanda vevanhu vaMwari vave vane zvinhu zvishoma. Jesu Kristu pachake akanga ari murombo; aisatombova ‘nepaangatsamidza musoro wake.’ (Mateo 8:20) Zvisinei, hamuna kumborava nezvaJesu achinyunyuta kuti aisagona kuwana zvinhu zvaaida. Asi, akadzidzisa kuti: “Musafunganya muchiti: Tichadyei? Kana: Tichanwei? Kana: Tichapfekeiko? . . . Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi zvose. Asi, tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake, izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateo 6:31-33.

Izvi hazvirevi kuti Mwari anosungirwa kuzadzikisa kupanga kunoita mumwe munhu mafashoni kana mimwe midziyo yamagetsi. Mwari anogovera zvinodikanwa zvedu—kwete chaizvoizvo zvatinoda. Ndosaka Bhaibheri richitikurudzira kugutsikana chete ne“zvokudya nezvokufuka.” (1 Timotio 6:8) Asi ngatizivei kuti, kugara uchigutsikana hazvisi nyore. “Unogarorwa hondo pakati pezvaunoda nezvinodikanwa,” inobvuma kudaro imwe pwere inonzi Mike. Kunze kwekuwanzova kwedu vane udyire, tinofanira kurwisa pesvedzero yomuvengi mukuru waMwari, Satani Dhiyabhorosi. (1 Johane 5:19) Uye humwe hwounyengeri hwake hwekare kare kuita kuti vanhu vafunge kuti vari kurasikirwa nechimwe chinhu. Naizvozvo Evha akanyengetedzwa kuti afunge kuti akanga achinyimwa—kunyange zvazvo aigara muparadhiso yakakwana!—Genesi 3:2-6.

Unogona sei kudzivisa kuwira mumugariro wokusagutsikana? Zvinogona kunzwika senhau isingachashandi, asi pane zvikonzero zvakawanda zvokuonga zvikomborero zvako. Usashatswa nepfungwa dzakashata dzinoparadza pamusoro pezvinhu zvausina. Funga zvakanaka, uye zviyeuchidze nezvezvinhu zvauinazvo. (Enzanisa naVaFiripi 4:8.) Mike anorondedzera neiyi nzira: “Pane zvinhu zvakawanda zvandinonyatsoda, asi handirambi ndichifunga nezvazvo.”

Zvinobetserawo kunyumwira nezvekushambadza kweunyengeri kunotamba nepfugwa dzako.a (Zvirevo 14:15) Usati wamhanyirira mhedziso yokuti “ndichafa” ndisina shangu itsva idzi kana kuti compact disc yokuridza iyi, edza kuongorora zvinhu wakadzikama. Zvibvunze kuti: ‘Ndinoda izvi chaizvoizvo here? Zvine chazvinobetsera here? Zvandinotova nazvo zvakaringana here?’ Iva anonyanyonyumwira kushambadza kunotsigira mukurumbira wekuva muridzi wechimwe chinhu. Mashoko emuapostora Johane anowanikwa pana 1 Johane 2:16 anotiita tive vanofunga anoti: “Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza kwoupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi panyika.”

Apo Unonyatsoda Chimwe Chinhu

Zvakadini kana pane chimwe chinhu chaunoda chaizvoizvo? Usati wataura navabereki vako nezvacho, tanga wafunga nezvenhau yacho. Iva akagadzirira kutsanangura nomazvo nei uchida chinhu ichi, marongero awakaita kuchishandisa, uye nei uchifunga kuti chichakubetsera. Zvimwe vabereki vako vangawana mukana wekuchibatanidza pakuronga mari yemhuri. Zvakadini kana vasingakwanisi, zvichida panguva iyoyo? Ungasava nechisarudzo chikuru kunze kwokuzvininipisa. (Muparidzi 7:8) Dzino “inguva dzokutambudzika,” uye vabereki vakawanda havatombokwanisi kuwana zvinhu zvose zvingakumbirwa nevana vavo. (2 Timotio 3:1) Kana ukadzivisa kukumbira zvinhu zvisingakoshi kuvabereki vako, chaizvoizvo unogona kuita kuti basa ravo rakaoma rive riri nane.

Zvisinei, zvinogona kuita kuti unogona kutanga kuita chiito. Somuenzaniso, unotambira mari yokuzviyamura nayo here? Naizvozvo edza kudzidza kuronga mari yako nokuchenjera kuitira kuti ugogona kuchengeta chimwe chikamu chayo pamwedzi. Ungatokwaniswa kuti uvhure bhuku rokubhangi pabhangi riri pedyo. (Enzanisa naRuka 19:23.) Ndozvakaitwa nemusikana wechiduku anonzi Abigail. Anoti: “Ndinoisa mari yangu muzvikamu zviviri—imwe ndeyeakaundi yangu yokubhangi uye imwe yacho ndeyekushandisa.” Kana wati kurei, ungaedza kunyange kuita mabasa akasiyana-siyana kana kushanda kwenguva isina kuzara.b Muchiitiko chipi nechipi, kana vabereki vako vachiona kuti unoda chaizvoizvo kutenga chimwe chinhu uye kuti wakangwarira pakuchengetedza mari, vanganzwa vachida kugoverana chikamu chemutengo wacho newe, kana zvichibvira.

Kuchinja munzira dzaunotenga nadzo kungakubetserawo. Somuenzaniso, kana chinhu chichidhurisa, mungangotaurirana kuderedza mutengo. Kana zvakona, mira uone kana chinhu chacho chichizoderera mutengo. Tenderera kune zvimwe zvitoro uone kana ungawana chinhu chakafanana pamutengo wakaderera. Dzidza kunyatsoongorora unaku hwezvinhu; pane dzimwe nguva zvinhu zvavanhu vose zvakaisvonaka kutenga.c

Dzidza Kugutsikana

Zvirevo 27:20 inayambira kuti: “Sheori neAbadoni hazvitongoguti; nameso omunhu haaguti.” Hungu, kufanana neguva rine nhomba isingaperi, vamwe vanhu vanoramba vachida zvakawandisa—zvisinei hazvo nokuti vanotova nezvakawanda zvakadini. Dzivisa kufunga kwoudyire kwakadaro. Pakupedzisira, makaro haaunzi chinhu kunze kwokuora mwoyo uye kusafara. Pwere inonzi Jonathan inoti: “Kana mufaro wako wakangotsamira pakuwana zvinhu, haumbofa wakafara. Panoramba pachingova nechimwe chinhu chitsva chaunoda. Unofanira kudzidza kufara nezvaunazvo.”

Kana uchigutsikana, unogona kubata nedzvinyiriro dzinobva kuvaenzani. Wechiduku Vincent anoti: “Nemhaka yokungoti ndaona mumwe munhu aine shangu dzakanyorwa zita romugadziri hazvirevi kuti ndinofanira kuenda kundotengawo dzangu.” Chokwadika, nguva nenguva, zvingaramba zvichikunetsa kana usingakwanisi kuwana zvaunoda. Asi usambokanganwa kuti Jehovha anoziva zvaunoda. (Mateo 6:32) Uye munguva pfupi iri kutevera, acha‘gutsa zvinodiwa nezvipenyu zvose.’—Pisarema 145:16.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nhevedzano yenyaya dzinotaura nezvekushambadza dziri mumagazini yeMukai! yaSeptember 8, 1998!

b Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ndingawana Sei Mari?,” iri mumagazini yedu yaSeptember 8, 1998.

c Kuti uwane zvimwe zvezvikarakadzo zvokuwedzera zvinobetsera, ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ndinogona Sei Kuvandudza Zvipfeko Zvangu?,” iri mumagazini yedu yaFebruary 8, 1995.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]

“Uri kuenda kuchikoro nehembe dzisina zita romugadziri, uye munhu wese ari kukutsvinyira”

[Mufananidzo uri papeji 20]

Unogona kufara usingawani zvose zvaunoda

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe