RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 4/8 pp. 12-15
  • Ndinoonga Jehovha Nokuda Kwevanakomana Vangu Vashanu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinoonga Jehovha Nokuda Kwevanakomana Vangu Vashanu
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuchinja Kwekufunga
  • Kurovedza Vanakomana Vedu Vashanu
  • Izvo Vanakomana Vangu Vanotaura
  • Zvinoita Kuti Tifare
  • Matambudziko Nezvikomborero Zvekurera Vanakomana Vanomwe
    Mukai!—1999
  • Kuswedera Pedyo naMwari Kwakandibetsera Kukurira
    Mukai!—1993
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Jehovha Akandibatsira Kurera Vana Vangu 5
    Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 4/8 pp. 12-15

Ndinoonga Jehovha Nokuda Kwevanakomana Vangu Vashanu

Yakataurwa Nahelen Saulsbery

Musi wa2 March 1997, wakanga uri rimwe remazuva anosuruvarisa zvikuru eupenyu hwangu. Shamwari dzinenge 600 nenhengo dzemhuri dzakaungana muWilmington, Delaware, U.S.A., nokuda kwemariro emurume wangu anodiwa, Dean. Aiva murume mukuru wechiKristu uye mutariri anotungamirira weimwe ungano yeZvapupu zvaJehovha. Sezvandinofunga nezvemakore edu 40 okufara takaroorana, ndine zvakawanda zvekuonga. Ndinoziva kuti Dean akachengetedzwa munzvimbo yakanyatsochengeteka, mundangariro dzaMwari Wamasimba Ose, Jehovha, uye kuti tichaona Dean munguva yemberi.

DEAN akanyoresa mumauto anorwa ari mudenga paakapedza kudzidza pachikoro chepamusoro muna 1950. Akanga asingaiti zvechitendero uye anenge aisabvumirana nedzidziso dzeChechi yangu yeKaturike yandaida zvikuru panguva yacho. Asi takabvumirana kurera vana vedu sevaKaturike. Usiku hwoga hwoga taipfugama tonyengetera chinyararire. Ndaidzokorora minyengetero yangu yekuKaturike, uye Dean aitaura chipi nechipi chaiva mumwoyo wake. Mumakore akatevera, vanakomana vedu vashanu vakaberekwa: Bill, Jim, Dean Muduku, Joe; naCharlie.

Ndaive ndakatendeka pakuenda kuchechi uye ndaienda nevakomana vacho. Asi ndakaodzwa mwoyo nechechi yacho, kunyanya nekubatanidzwa kwayo muHondo yeVietnam. Mushakabvu Kadhinari Spellman akaudza vanhu vangapokana kodzero yevavariro yeUnited States kuti: “Ndinotsigira nyika yangu pasinei zvapo nekuti yakarurama here kana kuti kwete.” Ndaisagona kubvumira vanakomana vangu kuti vaende kuhondo, kunyange zvazvo chechi yangu yakanga ichibatanidzwa. Asi, ndainyengetera kuti dai mumwe chete wavo zvake aizovawo mupristi uye kuti murume wangu azova muKaturike.

Kuchinja Kwekufunga

Mumwe musi weMugovera manheru ndakanga ndichitandara nedzimwe shamwari dzechiKaturike nemupristi wemunharaunda. Takanga tichinwa nekutandara zvedu pakabvunzwa mupristi nemumwe mukadzi kuti: “Baba, chingava chivi chinourayisa zvechokwadi here kana tapedza kutandara seizvi, ukatadza kumuka mangwana kuti uende kuMisa?”

“Kwete, kwete,” akapindura kudaro. “Hazvina kuipa. Usiku hwemusi weChipiri tinoita Misa paimba yamufundisi. Nenzira iyoyo unogona kuuya kuMisa woita zvaunofanira kuita.”

Ndakanga ndadzidziswa kubvira ndichiri mudiki kuti unofanira kuenda kuMisa musi weSvondo chero zvodini. Pandakaramba kubvumirana naye, akandituka uye akataura nehasha kuti mukadzi haafaniri kururamisa mupristi.

Ndakafunga kuti, ‘Izvi ndizvo zvandave ndichinyengeterera kuti vanakomana vangu vazova here?’ Kunyange zvazvo ndaiziva kuti vapristi vose vakanga vasina kudaro, zvakaita kuti ndisave nechokwadi.

Nechapakati pema1960, Zvapupu zvaJehovha zvakatishanyira muPhiladelphia, Pennsylvania, uye gare gare muNewark, Delaware. Kunyange zvazvo ndaiyemura kushingaira kwazvo kwechiKritsu, nguva dzose ndaingoti: “Ndine urombo. Handizvifariri nekuti ndiri muKaturike.”

Saka, mamwe mangwanani aitonhora emwedzi waNovember muna 1970, Zvapupu zvacho zvakadzokazve. Zvakabvunza mubvunzo pamusoro peBhaibheri ndokurava Pisarema 119:105 inoti: “Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.” Mashoko iwayo akandiorora. Ndinoyeuka ndichifunga ndega kuti, ‘Bhaibheri! Zvimwe ndiro mhinduro, asi handina kunyange rimwe.’ Ndakanga ndadzidziswa kuti vaKaturike vaisafanira kuva neBhaibheri, kuti raizotivhiringidza, uye kuti Bhaibheri rakanga riri revapristi chete kuti varave nekutsanangura. Ndaifunga kuti ndakanga ndichiva muKaturike akavimbika nekusava naro.

Zuva iroro ndakabvuma bhuku rinobetsera kufunda Bhaibheri reZvapupu rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi. Ndakarirava vhiki iyoyo ndokubva ndangoziva kuti ndawana chokwadi! Zvapupu zvacho zvakadzoka nemaBhaibheri maviri, rimwe reshanduro yeKaturike. Ndakashamiswa nekuona kuti magwaro aitorwa mashoko mubhuku iroro rinobetsera kufunda Bhaibheri aiva muBhaibheri reKaturike chaimo. Panguva iyoyo fundo yeBhaibheri yepamusha inofambira mberi yakatangwa neni, uye ndakabhabhatidzwa muna August 1972, pamwe chete navakoma vangu Sally, avo vakanga vavambawo kudzidza Bhaibheri.

Murume wangu, Dean, haana kumbondishora, asi akashamiswa kundiona ndichifarira chimwe chinhu chisiri chitendero cheKaturike. Nguva dzose aiteerera nokutarira. Pakutanga, zvairatidzika sekuti nguva dzose ndaipopotera vakomana kuti vateerere. Asi ndakadzidza kuti Bhaibheri rinonyevera kuti tisaita “hasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose.” (VaEfeso 4:31, 32) Kunze kwaizvozvo, haurovedzi vana nekuvapopotera. Kamwe chete, ndakanzwa murume wangu achiudza mai vake nezveZvapupu zvaJehovha kuti: “Mai, vanhu ivavo vanoita zvavanoparidza!” Nguva pfupi izvozvo zvaitika, akabvuma fundo yeBhaibheri. Dean akava Chapupu chakabhabhatidzwa muna January 1975.

Kurovedza Vanakomana Vedu Vashanu

Pandakatanga kuenda kuHoro yoUmambo, ndaifunga kuti misangano yacho yakanga yakati rebei kuvanakomana vangu. Saka ndaivasiya kumba nababa vavo. Zvaindifadza nekundizorodza kuenda ndega. Asi, panguva iyoyo, achitaura nezvekureba kwemisangano yechiKristu, mumwe mukurukuri aiva pamusangano wedu akabvunza kuti: “Makambofunga nezvekureba kwenguva iyo vana venyu vanogona kugara vachiona terevhizheni here?” Ndiko kwaiva nevanakomana vangu panguva iyoyo chaiyo! Saka ndakafunga kuti, ‘Hakuchinazve zvinhu zvakadaro! Ndinouya navo!’ Murume wangu akabvuma kuti ndiende nevakomana vacho, uye nekufamba kwenguva akatanga kupindawo.

Kupinda misangano nguva dzose kwakapa mhuri yangu chimiro nekutsiga. Asi paiva nezvimwe. Ini naDean takaedza nguva dzose kuvandudza unyanzvi hwedu hwekurera vana, tichibvuma patainge takanganisa nekushandisa mitemo yeBhaibheri nokungwarira. Hatina kumbofa takabvumira mitemo miviri. Zvakanga zvakarurama kumurume wangu neni zvakanga zvakaruramawo kuvanakomana vedu. Kuparidzira vanhu vose nguva dzose kwaiva kwekumanikidza.

Panyaya yevaraidzo, hapana mabhaisikopo echisimba, eunzenza aibvumirwa. Nguva dzose tainakidzwa nemabasa akanaka emhuri pamwe chete, kubatanidza skating, bowling, kutamba gorofu pachedu, kuenda kumapaki anovaraidza, kuva nemapikiniki, uye kunakirwa nepizza manheru emisi yeChishanu. Uye Dean aiva musoro wemhuri yedu ane rudo. Muupenyu hwedu hwose hwekuroorana, takaziva kuti iyi ndiyo nzira yazvinofanira kuva zvakaita.—VaEfeso 5:22, 23.

Pandakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha muna 1970, Billy aiva nemakore 12, Jimmy 11, Dean Muduku 9, Joe 7, uye Charlie 2. Vakanga vatorovedzana nokuenda kuchechi, asi zvino vakanga vave kudzidza Bhaibheri. Zvaitifadza. Ndaivaudza kuti: “Tarirai! Tarirai ichi! Uyai kuno!” Vaiuya, uye taifara kukurukura nezvechimwe chinhu chitsva kwatiri. Nefundo yedu yechiremera chikurusa panyika, Bhaibheri, vakomana vaidzidza kuda Jehovha uye kunzwa vachifanira kuzvidavirira kwaari saMwari wavo neMusiki—kwete kuna baba namai vavo chete.

Tisati tadzidza chokwadi cheBhaibheri, takanga tazvipinza muzvikwereti zvakawanda. Kuti tibhadhare mamwe emabhiri acho, takatengesa musha wedu ndokurenda imwe imba. Takatengesawo motokari yedu itsva ndokutenga yakamboshandiswa. Takaedza kuchengeta upenyu hwedu hwakapfava sezvaikwanisika. Izvi zvakandibvumira kugara pamba nevakomana pane kushanda basa rekunyika. Tainzwa kuti vanakomana vedu vaida mai pamusha. Izvi zvakandigonesawo kupedza nguva yakawanda muushumiri hwechiKristu vakomana pavaiva kuchikoro. Pakupedzisira, muna September 1983, ndakakwanisa kuva piyona (mushumiri wenguva yakazara). Chokwadi, vakomana vedu vakanga vasingagari vane zvinhu zvokunyama zvakanakisisa, asi havana kunzwa vachinyimwa zvisiri madikanwa. Mumwe nemumwe wavo akaenda kuchikoro chepamusoro chinorovedza unyanzvi uye vakadzidza mabasa akadai seekurima, kuveza, kugadzira motokari, uye kudhirowa mifananidzo. Saka vakanga vakashongedzerwa kuti vawane chekurarama nacho.

Nguva zhinji ndaifunga nezveupenyu hwemhuri yedu ndokutaura ndega kuti, ‘Ndinofungidzira kuti tiri imwe yemhuri dzinofara zvikurusa papasi rino, kunyange zvazvo tine zvishomanene zvekunyama.’ Nenguva isipi, Dean akatanga kusvasvavirira mitoro muungano, uye vakomana vakaitawo izvozvo. Muna 1982, Dean akagadzwa kuva mukuru wechiKristu. Makore masere gare gare, muna 1990, mwanakomana wedu mukuru, Bill, akagadzwa kuva mukuru. Panguva iyoyo Joe akagadzwa gore rimwe iroro, Dean, Muduku muna 1991, Charlie muna 1992, uye Jim muna 1993.

Ndinoziva kuti takaita zvimwe zvinhu zvisina kururama sevabereki, uye hazvisi nyore nguva dzose kuyeuka zvinhu zvatakaita zvakarurama. Imwe shamwari yakabvunza vanakomana vangu zvavanoyeuka nezvemakore avo ekutanga sevaKristu uye zvikurukuru nheyo dzeBhaibheri dzavakadzidza pavakatanga kurovedzwa dzakavabetsera kusvasvavirira kuti vagone kuva vakuru vechiKristu. Zvavakatsinhira zvinofadza mwoyo wangu.

Izvo Vanakomana Vangu Vanotaura

Bill: “Zvatakadzidza muna VaRoma 12:9-12 zvakanyatsopinda mupfungwa dzangu. Rutivi rwayo rwunorava kuti: ‘Pakudanana sehama dananai zvikuru kwazvo. Pakukudzana tungamiriranai. . . . Pisai nomudzimu. . . . Farai patariro.’ Vabereki vangu vaikwanisa kuratidza zvazvinoreva kuda vanhu. Waigona kuona kuti kuratidza rudo kune vamwe kwaivaita kuti vafare. Ndirwo rudo rwaiva mumusha wedu rwakaita kuti chokwadi cheBhaibheri chive rutivi rwekufunga kwedu. Ndirwo rwakatichengeta tiri muchokwadi. Vabereki vangu vaida chokwadi cheBhaibheri zvakazara. Semugumisiro, hazvina kumbofa zvandiomera kuda chokwadi, uye hazvina kumbofa zvandiomera kuchibatisisa.”

Jim: “Imwe yenheyo yekutanga yandinoyeuka ndiMateo 5:37 inoti: ‘Asi shoko renyu rive: Hon’o, hon’o; kwete, kwete; zvinopfuura izvozvo zvinobva kune wakaipa.’ Ini nevakoma vangu nevanin’ina taiziva nguva dzose zvaitarisirwa nevabereki vedu kwatiri, uye takaona kwavari mienzaniso mipenyu yezvinofanira kuva zvakaita vaKristu. Ivo vari vaviri vaiwirirana nguva dzose. Havana kumbofa vakakavadzana. Kana vakambotadza kubvumirana pane chimwe chinhu, isu vakomana hatina kumbozviziva. Vakanga vakabatana, uye zvechokwadi izvozvo zvakatiorora zvikuru tose. Taisada kuodza mwoyo Mai naBaba uye, kupfuura zvose, Jehovha.”

Dean: “Zvirevo 15:1 inoti: ‘Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa; asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.’ Baba vaiva munhu munyoro. Handiyeuki ndichikakavadzana navo—chero pandaiva ndichangoti pfuurei makore gumi nemaviri. Nguva dzose vaiva vanyoro kunyange pavainge vatsamwa. Dzimwe nguva vaindiudza kuti ndiende kukamuri rangu kana kuti vaibvisa mamwe maropafadzo, asi hatina kumbokakavadzana. Vaisangova baba vedu chete. Vaivawo shamwari yedu, uye taisada kuvaodza mwoyo.”

Joe: “Pana 2 VaKorinte 10:5, Bhaibheri rinotaura nezveku‘tapa mifungo yose kuti iteerere Kristu.’ Mumusha wedu takadzidziswa kuteerera mirayiridzo nezvinodiwa naJehovha. Chokwadi chaiva upenyu hwedu. Kupinda misangano yaiva nzira yeupenyu. Pfungwa yekuita chimwe chinhuwo zvacho usiku hwemisangano ichiri itsva kwandiri. Ushumiri hwechiKristu hwaivawo rutivi rweupenyu hwedu nguva dzose—hahuna kumbofa hwava hwechisarudzo. Shamwari dzedu dzaiva kuHoro yoUmambo. Pakanga pasina kudiwa kwekuti tidzitsvake kune dzimwe nzvimbo. Chii chimwe chingaitwa nababa kuvanakomana vavo chinopfuura kuvapinza munzira inoenda kuupenyu!”

Charlie: “Ndinoramba ndichiyeuka Zvirevo 1:7. Inorava kuti: ‘Kutya Jehovha ndiko kuvamba kwezivo. Mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirirwa.’ Vabereki vangu vakatibetsera kuona kuti Jehovha ndewechokwadi uye kunzwisisa kukosha kwekukudziridza kumutya nekumuda. Vairangarira nesu, vachiti: ‘Musaita izvi nemhaka yekuti isu tinokuudzai kusazviita. Imi munofungei? Munofunga kuti Jehovha anonzwa sei paanoona izvi? Munofunga kuti Satani anonzwa sei?’

“Izvozvo zvaitibetsera kunyatsoona nhau yacho chaiyoiyo. Baba naMai vaisagona kuva nesu nguva yose. Izvi ndizvo chete zvavaigona kuita kuti vapinze chokwadi cheBhaibheri mumwoyo yedu nepfungwa. Taiva tega kuchikoro, kubasa, uye neshamwari dzedu. Kutya Jehovha kwakanaka ikoko kwakatisiyanisa zvikuru—uye tichakadaro nanhasi.

“Uyewo, Mai vaitaura nguva dzose nezveushumiri hwavo hweupiyona nezvaiitika zvakanaka zvavaiwana. Vaigara vachitaura zvakanaka nezveushumiri, uye izvozvo zvakaita zvinhu zvinoshamisa patiri. Takatanga kuda vanhu sezvavaiita, uye takanzwisisa kuti basa repasuo nesuo rinogona kunakidza zvikuru.”

Zvinoita Kuti Tifare

Vanakomana vangu vakaroora zvino, uye ndine varoora vashanu vakanaka, vose vari kubatira Jehovha vakatendeka. Ndakakomborerwawo nevamwe vakomana vashanu—hungu, vazukuru vashanu! Vose vari kurerwa vachidzidziswa kuda Jehovha nekuchengeta zvakasimba Umambo hwake huri pakutanga muupenyu hwavo. Tinonyengetera kuti rimwe zuva vazova vakuru, sezvakaita vanababa vavo uye sezvakanga zvakaita sekuru vavo.

Pasina nguva refu Dean afa, mumwe wevanakomana vangu akanyora kuti: “Ndichasuwa baba vangu zvechokwadi, nekuti zvino vavete. Zvino havasisiri kurwadziwazve. Havasisiri kutambura. Hapachina zvekuvhiyiwa, tsono, uye kudya nechubhu—rugare chete. Handina kukwanisa kuvaoneka vasati vafa. Zvinhu hazviiti sezvaunenge waronga nguva dzose. Ndinogona kungoti ndakatsunga kuita zvakanakisisa muupenyu hwangu kuitira kuti ndisazopotsa kuvagamuchira!”

Ndinoonga zvakadini Jehovha nokuda kwemurume ane rudo uye tariro yechokwadi yerumuko! (Johane 5:28, 29) Uye ndinomuonga zvakadini nokuda kwevanakomana vangu vashanu!

[Mufananidzo uri papeji 15]

Helen Saulsbery nemhuri yake nhasi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe