Vanambuya Navanasekuru—Mufaro Nezvinetso Zvavo
“Ndinoda kuva sekuru! Unofara nevazukuru vako usinganzwi mutoro kana kuti usingavatarisiri. Unoona kuti une zvaunoita paupenyu hwavo asi pakupedzisira hauna simba rokusarudza zvavachaita. Vabereki vavo ndivo vanaro.”—Gene, sekuru.
CHII chiripo pakuva mbuya kana sekuru chinogona kukonzera kutaura kwakadaro? Vanzveri vanotaura kuti zvikumbiro zvakajairika izvo vabereki nenzira yomuzvarirwo vanoita pavana vavo zvinogona kukonzera zvinetso zvizhinji kwazvo. Nemhaka yokuti vanambuya navanasekuru havawanzofaniri kuita zvikumbiro zvakadaro, vanogona kuva noukama husina funganyo nevazukuru vavo. Sekutaura kunoita Arthur Kornhaber, M.D., vakasununguka kuda vazukuru vavo “nemhaka yokuti vapenyu” chete. Vamwe mbuya vanonzi Ester vanoti: “Nevana vangu chaivo, pfungwa dzangu dzaiva dzakabatanidzwa zvakanyanya nezvose zvavaiita. Sambuya, ndinonzwa ndakasununguka kuva uye kuda vazukuru vangu.”
Uyewo pane kuwedzera kweuchenjeri nokunzwisisa zvinouyawo nokukura. (Jobho 12:12) Zvavachisiri vadiki uye vasina ruzivo, vanambuya navanasekuru vane makore akawanda oruzivo rwokurera. Vadzidza kubva muzvikanganiso zvavo, vangava vanonzwisisa kwazvo kurera vana kupfuura zvavaiva pavaiva vadiki.
Saka Dr. Kornhaber anogumisa kuti: “Chisungo cherudo chakanaka pakati pavanambuya navanasekuru nevazukuru chinodiwa kuitira utano hwakanaka hwepfungwa uye kufara kwezvizvarwa zvose zviri zvitatu. Chisungo ichi ikodzero yokuzvarwa nayo kuvana, . . . chipo chavakangosiyirwa nevakuru vavo chinobatsira munhu wose mumhuri.” Saizvozvowo pepanhau rinonzi Family Relations rinoti: “Vanambuya navanasekuru vanozvibatanidza uye vanoziva basa rokuva mbuya kana sekuru vanova nepfungwa yakawedzera yeugwinyi netsika.”
Basa Rambuya Nasekuru
Kune mabasa anokosha akawanda ayo vanambuya navanasekuru vanogona kuita. “Vanogona kutsigira vana vavo vakaroora,” anodaro Gene. “Ndinofunga kuti nokuita kudaro, vanogona kudzivisa mamwe mamiriro ezvinhu akaoma ayo vabereki vadiki vanozviwana vari.” Vanambuya navanasekuru vanogona kuitawo zvakawanda kutsigira vazukuru vavo pachavo. Mbuya kana sekuru ndivo vanowanzopfuudzira nyaya dzinopa mwana pfungwa yenhoroondo yekare yemhuri yavo. Vanambuya navanasekuru nguva nenguva, vanoitawo basa rinokosha mukupfuudzira nhaka yechitendero chemhuri.
Mumhuri zhinji, vanambuya navanasekuru vanoonekwa sevarayiridzi vanovimbwa. “Zvichida pane zvinhu izvo vana vanokurukura nemi zvavasinganzwi vakasununguka kutaura nezvazvo nevabereki vavo,” anodaro Jane, ataurwa munyaya yokutanga. Vabereki vanowanzogamuchira kutsigira kwakadaro kwekuwedzera. Maererano nokumwe kuongorora kwakaitwa, “vanopfuura 80 muzana yevadiki vari pakati pemakore 12 kusvika ku20 vanoona vanambuya navanasekuru vavo sevanhu vokutaurira zvakavanzika zvavo. . . . Chikamu chikuru chevazukuru vakura chinoramba chichionana navanambuya navanasekuru vacho vepedyo nguva nenguva.”
Mbuya kana sekuru vane rudo vanogona kuva vanokosha kunyanya pamwana asingarerwi zvakanaka pamba. “Mbuya vangu ndivo vaiva munhu anokosha kwazvo pakutanga-tanga kweudiki hwangu,” anonyora kudaro Selma Wassermann. “Ndimbuya vakapindira ndokundirera. Vaiva nerudo kwazvo, uye vaindigarisa pamakumbo avo, pavaindiisa ipapo, ndaiziva kuti ndakachengeteka. . . . Ndikuna mbuya vangu kwandakadzidza zvinhu zvinokosha chaizvo pamusoro pangu—kuti ndaidiwa uye ndosaka ndaigona kudiwa.”—The Long Distance Grandmother.
Kusanzwana Kwemhuri
Zvisinei, umbuya neusekuru hahusati husinawo kusanzwana nezvinetso. Somuenzaniso, mumwe mubereki, anoyeuka achiitisana nharo dzakakasharara namai vake pamusoro penzira yakanaka yokuita kuti mwana adzvove. “Zvakakonzera kusanzwana pakati pedu panguva yakaipisisa kwandiri.” Zvinonzwisisika, kuti vabereki vadiki vanoda kuti vabereki vavo vabvumirane navo pamusoro pemarerere avanoita vana vavo. Nokudaro zvikarakadzo zvemwoyo wose zvinobva kuvabereki vavo zvinogona kuvaita kuti vazvinzwe sekupikisa kunoparadza.
Mubhuku rake rinonzi Between Parents and Grandparents, Dr. Kornhaber anotaura nezvavabereki vaviri vane chinetso chinozivikanwa. Mumwe mubereki anoti: “Vabereki vangu vanopindira pazvinhu zvangu zuva nezuva, uye vanotsamwa kana ndisiri pamba apo vanouya. . . . Havafungi nezvangu—zvandinonzwa norusununguko rwangu.” Mumwe anonyunyuta kuti: “Vabereki vangu vanoda kutora kasikana kangu. Vanodya, vanorara, uye vanofunga Sussie maawa ose makumi maviri nemana pazuva. . . . Tiri kufunga zvokutama.”
Pane dzimwe nguva, vanambuya navanasekuru vanopomerwawo nezvekukanganisa vazukuru vavo nokuvapa zvipo zvakawanda. Chokwadika, rupo nderwemuzvarirwo kuna mbuya kana sekuru kungofananawo nokufema, asi vamwe vanoratidzika sevanonyanyisa panhau iyi. Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva, kunyunyuta kwevabereki kungabva pashanje. (Zvirevo 14:30) “Vabereki vangu vaindiomesera nokunditsamwira,” anobvuma kudaro Mildred. “Kuvana vangu vane rupo uye [havaomesi]. Ndine shanje nemhaka yokuti havana kuchinja zvachose maitire avo kwandiri.” Pasinei zvapo nevavariro kana kuti zvikonzero zvacho, zvinogona kukonzera zvinetso kana mbuya nasekuru vasingaremekedzi zvido zvevabereki pakupa zvipo.
Saka kuchenjera kuti vanambuya navanasekuru vangwarire pakuratidzira kwavo rupo. Bhaibheri rinoratidza kuti kunyanyisa kunyange pane zvakanaka kunogona kuva kwakaipa. (Zvirevo 25:27) Kana usina chokwadi nezverudzi rwezvipo zvakafanira, bvunza vabereki. Neiyi nzira ucha“ziva kupa . . . zvipo zvakanaka.”— Ruka 11:13.
Rudo Noruremekedzo—Ndizvo Zvinokosha!
Zvinosuruvarisa kutaura kuti, vamwe vanambuya navanasekuru vanonyunyuta kuti basa ravo savatarisiri vapamba nokurera vacheche rinoonwa serenhando. Vamwe vanonzwa kuti havapiwi rusununguko rwakakwana pavazukuru vavo. Asi vamwe vanoti vana vavo vakura vakaenda vasina kumbotsanangura chikonzero chacho. Zvinetso zvakadaro zvinorwadza zvinogona kazhinji kudziviswa kana vari mumhuri vachidanana nokuremekedzana. Bhaibheri rinoti: “Rudo rune mwoyo murefu, rune mwoyo munyoro; rudo harune godo . . . haruzvitsvakiri zvarwo, harutsamwi . . . runofukidza zvose, runotenda zvose, rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose.”—1 VaKorinte 13:4, 5, 7.
Zvichida uri mubereki wechidiki uye Mbuya vanoongorora kana kupa chikarakadzo chine musoro, asi chinotsamwisa. Chaizvoizvo une zvikonzero ‘zvokutsamwa’ here? Pashure pezvose, Bhaibheri rinoratidza kuti ibasa revakadzi vakuru vechiKristu kudzidzisa “vakadzi vaduku kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo, vave vakangwara, vakachena, vanochengeta imba.” (Tito 2:3-5) Iwe navanambuya navanasekuru hamudi izvozvo here—zvakanakisisa kuvana venyu? Sezvo “rudo . . . [rusinga]zvitsvakiri zvarwo,” zvichida zvakanaka kutarisisa zvinodikanwa zvemwana—kwete pazvaunofunga pachako. Kudaro kuchakubetsera kudzivisa “kuita tumatare” napakutadzirana kuduku kwose.—VaGaratia 5:26, NW, mashoko omuzasi.
Sezvinobvumwa, ungatya kuti rupo rwakanyanya rwuchakanganisa mwana wako. Asi kazhinji kazhinji mbuya kana sekuru vanenge vasina vavariro dzakaipa pakupa. Dzakawanda dzenyanzvi dzokutarisirwa kwavana dzinobvuma kuti nzira yaunodzidzisa nokuranga mwana wako inova inopesvedzera kwazvo kupfuura kupindira kwenguva nenguva kwambuya kana sekuru. Mumwe chiremba anopa zano achiti: “Kuita zvinosetsa kunobatsira.”
Kana une chikonzero chakanaka chokuva nehanya pamusoro pedzimwe nhau dzokutarisirwa kwavana, usaita kuti vabereki vako nevekwawakaroora kana kuroorwa varege kuonana nevana vako. Bhaibheri rinoti: “Pasingaranganwi mano anokona; asi kuna varayiri vazhinji ndokwaanosimbiswa.” (Zvirevo 15:22) “Nenguva yakafanira,” itai kurukurirano yokufungisisa uye taurai pachena kuva nehanya kwenyu. (Zvirevo 15:23) Nguva zhinji, zvinopedza zvinetso zvinogona kuonekwa.
Uri mbuya kana kuti sekuru here? Kana zvakadaro kuremekedza vabereki vevazukuru vako kunokosha. Zvechokwadi, unganzwa uchisungirwa kutaura kana waona kuti muzukuru wako anga oda kupinda munjodzi. Asi kunyange kwauri zviri zvemuzvarirwo kuti ude nokuva nechidakadaka navazukuru vako, vabereki—kwete vanambuya kana vanasekuru—ndivo vane basa rokurera vana vavo. (VaEfeso 6:4) Bhaibheri rinorayira vazukuru vako kuremekedza uye kuterera vabereki vavo. (VaEfeso 6:1, 2; VaHebheru 12:9) Saka edza kudzivisa kunetsa vabereki vavo nezano risina kukumbirwa kana kuzvidza chiremera chavabereki.—Enzanisa na1 VaTesaronika 4:11.
Chokwadi, kusazvibatanidza, ndokusataura—zvichida uchitura mafemo—nokuregerera vana vako vachiita basa ravo sevabereki hazvisi nyore nguva dzose. Asi sokutaura kunoita Gene, “kutoti vakakumbira mazano, unofanira kubvumirana nezvavanonzwa kuti ndizvakanakisisa pavana vavo.” Jane anoti: “Ndinongwarira kusataura kuti, ‘Ndomaitirwe azvo aya!’ Kune nzira dzakawanda dzokuita nadzo zvinhu, uye kana uchiomerera pane yako zvinogona kukonzera zvinetso.”
Zvinogona Kupiwa Navanambuya Navanasekuru
Bhaibheri rinoratidzira kuva navazukuru sechikomborero chinobva kuna Mwari. (Pisarema 128:3-6) Nokufarira vazukuru vako, unogona kuvapesvedzera kwazvo paupenyu hwavo, uchivabatsira kukudziridza mipimo yaMwari. (Enzanisa naDheuteronomio 32:7.) Munguva dzeBhaibheri mukadzi ainzi Roisi akaita basa rinokosha mukubatsira muzukuru wake, Timotio, kukura kuva murume akatanhamara waMwari. (2 Timotio 1:5) Saizvozvowo, unogona kuwana mufaro sezvo vazukuru vako vanogamuchira kurovedza kwaMwari.
Unogonawo kuva kunobva rudo nechidakadaka zvinodikanwa. Chokwadi, ungasafanana nemunhu uya anonyanyisa pakuratidza chidakadaka. Zvisinei, rudo rwakafanana nerwaMwari runogonawo kuratidzirwa nokufarira kwekuvimbika, kusina udyire pavazukuru vako. Munyori anonzi Selma Wassermann anoti: “Kufarira zvauri kuudzwa nemwana . . . kucharatidzira chaizvoizvo kuva nehanya kwako. Kuva muteereri akanaka, asingadzongonyedzi, asingatsoropodzi—zvose zvinoratidza kuremekedza, kuda uye kukoshesa mumwe munhu.” Kumuzukuru, kutarisirwa nerudo kwakadaro kunogona kuva chimwe chezvipo zvakanakisisa mbuya kana sekuru vanogona kupa.
Nokudaro kusvika pano kurukurirano yedu yanga iri yemabasa ambuya nasekuru vechinyakare. Zvisinei, vakawanda vavanambuya navanasekuru vanhasi, vanotakura mutoro unorema kwazvo.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 24]
“Ndikuna mbuya vangu kwandakadzidza zvinhu zvinokosha chaizvo pamusoro pangu—kuti ndaidiwa uye ndosaka ndaigona kudiwa”
[Bhokisi riri papeji 24]
Mazano Kuna Vanambuya Navanasekuru Vari Kure
• Kumbira vabereki kuti vakutumire mavhidhiyo tepi kana mifananidzo yevazukuru vako.
• Tumira “tsamba” dzakatepwa kuvazukuru vako. Kuvana vadiki, zvitepe uchiverenga nhau dzeBhaibheri kana kuti uchiimba nziyo dzinokotsirisa.
• Tumira vazukuru mapositikadhi netsamba. Kana zvichigoneka, tanga kunyorerana navo tsamba nguva dzose.
• Kana uchigona kuripira, ramba uchikurukura nevazukuru vako nenhare. Paunotaura nevana vadiki, tanga kurukurirano nokubvunza mibvunzo isina kuoma, yakadai seyokuti, “Madyei mangwanani?”
• Kana zvichigoneka, garo vashanyira kwenguva pfupi.
• Ronga nevabereki vavo kuti vazukuru vako vambokushanyira kumba kwako. Ronga zvinhu zvinonakidza, zvakadai sokuenda kunzvimbo dzinochengeterwa mhuka, mamiziyemu, nemapaka.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Vanambuya navanasekuru vakawanda vanobatsira kutarisira vazukuru vavo
[Mufananidzo uri papeji 25]
Kusanzwana kunogona kuvapo pamusoro penzira dzokurera vana
[Mufananidzo uri papeji 25]
Vanambuya navanasekuru vanowanzoita basa mukupfuudzira nhoroondo yekare yemhuri yavo