Vanambuya Navanasekuru Pavanova Vabereki
“Ndakanga ndichangosvika pamba ndichibva kumusangano kuHoro yoUmambo. Pamusuo pakagogodzwa zvine simba, uye vaiva vakamira panze mapurisa maviri nevana vaviri vaisemesa bvudzi ravo raiva netsvina uye vairatidzika sevasina kumbogezeswa kwemwedzi yakawanda. Waisagona kutaura kuti vaiva vana! Vaiva vazukuru vangu, uye mai vavo—munhu anogara akadhakwa nezvinodhaka—vakanga vavaregeredza. Ndaiva chirikadzi, uye ndaitovawo nevana vangu pachangu vatanhatu. Asi handaigona kungoti handidi.”—Sally.a
“Mwanasikana wangu akakumbira kana ndaigona kumuchengetera vana vake kutozosvikira agadzirisa mararamire ake. Ndaisaziva kuti akanga ava kugara akadhakwa nezvinodhaka. Ndakapedzisira ndava kurera vana vake vaviri. Makore akatevera gare gare, mwanasikana wangu akava nomumwe mwana. Ndaisada kumutora, asi muzukuru wangu mukomana akandikumbira, achiti, ‘Mbuya, hatingagoni kuwanira pokugara mumwezve here?’”—Willie Mae.
KUVA mbuya kana sekuru kwave kuchiwanzorondedzerwa se“kunofadza pasina mutoro.” Asi hazvisisina kudaro. Vamwe vanofungidzira kuti muUnited States chete, vana vanopfuura mamiriyoni matatu vanogara navanambuya kana navanasekuru vavo. Chiverengero chacho chiri kuwedzera nokukurumidza.
Chii chiri kuseri kwechiverengero ichi chinokangaidza? Vana vane vabereki vanorambana vangapedzisira vava kugara navanambuya navanasekuru vavo. Zvingangodarowo nezvevana vaya vanoregeredzwa kana vanobatwa zvisina kufanira nevabereki vavo. Magazini inonzi Child Welfare inotaura kuti nemhaka yezvainoita zvokuita muranda vabereki vakaijairira, ‘cocaine inosvutwa iri kuumba rudzi rwakarasika.’ Panewo mamiriyoni evana “asina vabereki” nemhaka yokusiiwa, kufa kwavabereki, nokurwara nepfungwa. Vana vanofirwa namai nemhaka yeAIDS vangapedzisirawo vava kurerwa navanambuya navanasekuru.
Kutakura mutoro wokurera mwana mumakore epakati kana kuti e“mazuva akaipa” eukweguru kungava kwakaoma. (Muparidzi 12:1-7) Vanhu vakawanda havana simba rokuramba vakatarisa vana. Vamwe vanambuya navanasekuru vari kutarisirawo pachavo vabereki vavo vari kukura. Asi vamwe ichirikadzi kana kuti vakarambana uye vanofanira kuzviraramisa vasingatsigirwi nevavakaroorana navo. Uye vazhinji vanowana kuti havana kugadzirira kutakura mutoro mune zvemari wakadaro unorema. Mune kumwe kunzvera, 4 mu10 vavanambuya navanasekuru vokurera vaiva nemari iri pedyo neurombo. “Vana vairwara,” anoyeuka kudaro Sally. “Ndakamanikidzwa kubhadhara mari yakawanda yemushonga. Ndaiwana rubatsiro rushoma mune zvemari kuhurumende.” Mumwe mukadzi wechikuru anoyeuka kuti: “Ndaifanira kushandisa penjeni yangu kuti nditarisire vazukuru vangu.”
Marwadzo Nokushungurudzwa
Hazvishamisi kuti kumwe kunzvera kwakaburitsa kuti “kutarisira vazukuru kwakakonzera marwadzo mupfungwa kuna vanambuya navanasekuru, 86 kubva muzana yavanambuya navanasekuru 60 pakunzvera vakataura kuti vano‘ora mwoyo kana kuti vanoshushikana nguva dzose.’” Zvechokwadi, vakawanda vanotaura zvinetso zvoutano. “Zvakandikuvadza munyama, mupfungwa, uye mumudzimu,” anodaro Elizabeth, mumwe mukadzi akatarisira muzukuru wake aive apfuura makore 12. Willie Mae, anotambura nechinetso chemwoyo neBP yakakwirira, anoti: “Chiremba wangu anofunga kuti zvine chokuita nemarwadzo okurera vana.”
Vazhinji havana kugadzirira kuchinjira kumararamiro ayo kurera vazukuru kunoda. “Pane nguva dzandisingakwanisi kushanyira nzvimbo,” anodaro mumwe sekuru. “Ndinonzwa ndine mhaka . . . pamusoro pokuvasiya nemumwe munhuwo zvake, saka pane kuenda kune imwe nzvimbo kana kuti ndiite chimwe chinhu, handiendi kana kuti handiiti chinhu chacho.” Vamwe mbuya vakarondedzera nguva yavo vari voga se“isipo.” Kuzviparadzanisa neshamwari nokusurikirwa zvakajairika. Vamwe mbuya vakati: “Pavari muzera redu dzakawanda dzeshamwari dzedu hadzina vana [vadiki] uye somugumisiro kakawanda hatiendi kwatinenge takokwa nokuti vana vedu [vazukuru] vanenge vasina kukokwa.”
Zvinorwadzawo kudzvinyirirwa kwepfungwa. Nyaya iri muU.S.News & World Report inoti: “Vakawanda vavo [vanambuya navanasekuru] vanorwadziwa nokunzwa urombo nokuzvipa mhaka nokuti vana vavo pachavo vakundikana sevabereki—uye vakawanda vanozvipomera, vachishamisika kuti ndepapi pavakakundikana savabereki. Kuitira kuti vagovere misha yakachengeteka neine rudo kuvazukuru vavo, vamwe vanofanira kukanganwa nezvevana vavo pachavo vanobata vana vavo zvisina kufanira kana kuti vanogara vakadhakwa.”
Kumwe kunzvera kunoti: “Vanopfuura chikamu chimwe muzvina . . . vakataura kuti kugutsikana kwavo neukama hwekuroorana kwavo kwakaderera nemhaka yokutarisira kwakadaro.” Zvikurukuru varume, vanowanzonzwa varegeredzwa sezvo vadzimai vavo vanoita chikamu chikuru chokutarisira. Vamwe varume vanofunga kuti havambogoni kukunda dzvinyiriro yacho. Mumwe mukadzi anoti nezvemurume wake: “Akangotisiya . . . Ndinofunga kuti ainzwa sokunge akanga akangobatwa mumusungo.”
Vana Vanoshungurudzwa
U.S.News & World Report inotaura kuti: “Marwadzo anowedzerwa nechokwadi chokuti vamwe vevana vanochengetwa [navanambuya navanasekuru] vari pakati pevanoda kubetserwa kwazvo, vazhinji vavo vakakuvadzwa chaizvo mupfungwa uye ndivo vane shungu kwazvo murudzi rwevanhu.”
Chimbofunga nezvemuzukurusikana waElizabeth. Baba vemwana uyu vakatoita zvokumusiya vachida zvavo pakona yemugwagwa apo Elizabeth aishanda kubetsera vana vechikoro kuyambuka mugwagwa. “Mwanasikana anoshungurudzwa,” anodaro Elizabeth. “Mwanasikana uyu anorwadziwa.” Vazukuru vaSally vane zvinetso zvakafanana. “Muzukurukomana wangu akakasharara. Anonzwa kuti hapana anomuda.” Kuva nababa namai vane rudo ikodzero yemwana kubvira pakuberekwa. Fungidzira kuti mwana anonzwa sei kana akasiyiwa, akaregeredzwa, kana kuti akarambwa navo! Kunzwisisa zvavanonzwa izvi kunogona kuva chinhu chinokosha pakubata nokushivirira navana vanova nezvinetso pazvavanoita. Zvirevo 19:11 inoti: “Kungwara kwomunhu kunodzora kutsamwa kwake.”
Somuenzaniso, mwana akasiyiwa angaramba zvaunoita kumutarisira. Kunzwisisa zvinotyiwa nemwana nezvaanofungisisa pamusoro pazvo zvinogona kukubatsira kuratidzira tsitsi. Zvichida kubvuma zvaanotya nokumuvimbisa kuti uchaita zvose zvaunogona kumutarisira zvichaita zvakawanda kunyaradza kutya kwake.
Kugonana Nedzvinyiriro
‘Ndave ndichirwadziwa kwazvo uye ndichizvinzwira urombo. Hazvina kufanira kuti izvi zviitike kwatiri.’ Vakadaro vamwe mbuya vanorera. Kana uri mumamiriro ezvinhu akadaro, unganzwawo saizvozvo. Asi izvozvo hazvitiiti kuti tisava netariro. Kutanga, zera ringaganhurira ugwinyi hwesimba rako, asi zera chinhu chinokosha kana totaura nezveuchenjeri, kushivirira, uye unyanzvi. Hazvishamisi kuti kumwe kunzvera kwakawana kuti “vana vanorerwa navanambuya navanasekuru chete vanoita zvakanaka kwazvo kupfuura vana vane mubereki mumwe aripo.”
Bhaibheri rinotikurudzira ku‘kandira kuna Jehovha kufunganya kwedu kwose, nokuti ane hanya nesu.’ (1 Petro 5:7) Saka nguva dzose nyengetera kwaari kuti uwane simba nenhungamiro, sezvakaita wezvemapisarema. (Enzanisa naPisarema 71:18.) Ngwarira zvinodiwa zvako pachako zvomudzimu. (Mateo 5:3) “Misangano yechiKristu nokuparidzira vamwe zvakandibetsera kupfuurira,” anodaro mumwe mukadzi wechiKristu. Pazvinobvira, edza kudzidzisa vazukuru vako nzira dzaMwari. (Dheuteronomio 4:9) Chokwadi Mwari achatsigira zvaunoita kurera vazukuru vako “pakuranga nokurayira kwaShe.”—VaEfeso 6:4.b
Usatya kutsvaga betsero. Kazhinji shamwari dzinogona kubatsira, kunyanya muungano yechiKristu. Sally anoyeuka kuti: “Hama nehanzvadzi muungano vaitsigira kwazvo. Pandaiodzwa mwoyo dzaivapo kundisimbisa. Dzimwe dzaitondibatsira nemari chaiyo.”
Usafuratira kubatsira kungawanikwa kuhurumende. (VaRoma 13:6) Zvinofadza kuti, maererano nokumwe kunzvera kwakaitwa pana vanambuya navanasekuru, “vakawanda havazivi kuti chii chiripo kana kuti ndokupi kwavangatsvaga betsero.” (Child Welfare) Vashandi vemagariro evanhu nemasangano emunzvimbomo anobatsira vakwegura angagona kukuendesa kwaunganobatsirwa.
Muzvinoitika zvakawanda, vanambuya navanasekuru vanorera vana mugumisiro we“nguva dzokutambudzika.” (2 Timotio 3:1-5) Sezvineiwo, nguva dzakaoma idzi chiratidzo chokuti Mwari nokukurumidza achapindira ndokusika “nyika itsva” umo mamiriro ezvinhu akaipa anotambudza mhuri dzakawandisa nhasi anenge ava zvinhu zvekare. (2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4) Munguvayi, vanambuya navanasekuru vanorera vana vanofanira kuita zvavanogona kugadzirisa mamiriro avo ezvinhu. Vamwe vari kubudirira kwazvo pane zvavari kuita! Nguva dzose yeuka kuti pasinei zvapo nokuodzwa mwoyo, panogona kuva nomufaro. Inga ungatogona kuwanawo mufaro wokuona vazukuru vako vachiva vanhu vanoda Mwari vakarurama! Izvozvo hazvingaiti kuti basa rako rakaoma rose rinzi rinokosha here?
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa.
b Bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri (rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York Inc.) rine nheyo dzakawanda dzeBhaibheri dzinobatsira dzingashandiswa navanambuya navanasekuru vanorera vana mukurera vazukuru vavo.
[Bhokisi riri papeji 28]
Nhau Dzemutemo
Kuti uwane tendero yapamutemo yokuchengeta vazukuru kana kuti kwete inhau inoda kungwarira uye yakaoma. Mary Fron, nyanzvi yenhau iyi anotsanangura kuti: “Kune rumwe rutivi, une kodzero shoma dzapamutemo usingavachengeti zvapamutemo. Muzvinoitika zvizhinji, vabereki vomwana vanogona kudzoka ndokutora mwana chero nguva ipi zvayo. Kune rumwe rutivi, vanambuya navanasekuru vakawanda vanozengurira kutsvaga kodzero yepamutemo, nemhaka yokuti izvozvo zvinoreva kumira pamberi pedare uchiti mwana wako mubereki asingakwanisi.”—Good Housekeeping.
Pasina kodzero yepamutemo yokuchengeta vazukuru vanambuya navanasekuru vanowanzozviwana zvakaoma kunyoresa vazukuru vavo kuchikoro kunyange kana kuwana kutarisirwa kweutano hwavo. Zvisinei, kuwana kodzero yepamutemo yokuchengeta vazukuru kunogona kudhura, kupedza nguva, uye kunetesa pfungwa. Uye kunyange kana ikawanikwa, vanambuya navanasekuru vangazviwana vasingachatsigirwi nehurumende mune zvemari. Saka bhuku rinonzi Child Welfare rinopa zano vanambuya navanasekuru “kutsvaga zano repamutemo kumagweta emunzvimbomo anoziva nezvemitemo yehurumende yacho pamusoro pemhuri, nhau dzokuchengetwa kwevana zviri pamutemo, nesangano rinoona nezvokugara zvakanaka kwavana.”
[Bhokisi riri papeji 29]
Kuverenga Zvinodiwa
Kuona mwana anoshayiwa—kunyanya weropa rako newenyama yako—zvinorwadza mwoyo. Uye Bhaibheri rinorayira vaKristu kutarisira ‘vokwavo.’ (1 Timotio 5:8) Kunyange zvakadaro, muzvinoitika zvakawanda kuchenjera kuti mbuya kana kuti sekuru vafungisise vasati vatora mutoro wakadaro. (Zvirevo 14:15; 21:5) Munhu mumwe nomumwe anofanira kuverenga zvinodiwa.—Enzanisa naRuka 14:28.
Nomunyengetero chimbofunga kuti: Munyama, mupfungwa, mumudzimu, uye mune zvemari unogona chaizvoizvo kusvitsa zvinodiwa zvemwana uyu here? Wawakaroorana naye anonzwa sei pamamiriro acho ezvinhu? Pane zvaungaita here kukurudzira kana kubatsira vabereki vomwana kuitira kuti vazvichingetere mwana wavo pachavo? Zvinosuruvarisa kutaura kuti, vamwe vabereki vakasindimara vanongopfuurira kutevera upenyu hwounzenza. Vamwe mbuya vanorwadziwa kuyeuka kuti: “Ndakatora vakawanda vevana vake. Asi akaramba achishandisa zvinodhaka uye kuva nevamwe vana. Ndakasvika panguva yandaifanira kutaura kuti kwete!”
Ukuwo, kana ukasachengeta vazukuru vako, chii chichaitika kwavari? Ungagona kubata nedzvinyiriro yokuziva kuti vari kuchengetwa nevamwe vanhu, zvichida kunyange vausingazivi here? Zvakadini nezvinodiwa nevazukuru vako zvomudzimu? Vamwe vangagona kuvarera maererano nemipimo yaMwari here? Vamwe vangagumisa kuti pasinei zvapo nezvinetso zvinobatanidzwa, havana zvekusarudza asi kutotakura mutoro wacho.
Izvi zvinhu zvinorwadza, uye munhu mumwe nomumwe anofanira kuita chisarudzo chake angave murume kana kuti mukadzi.
[Mufananidzo uri papeji 27]
Vanambuya navanasekuru vakawanda vanozviwana zvakaoma kugonana nezvinodiwa pakurera vana vadiki
[Mufananidzo uri papeji 28]
Vanambuya navanasekuru vanotya Mwari vanogona kuvimba kuti Jehovha achavatsigira pane zvavanoita