RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 4/8 p. 21
  • Mbuya Nasekuru “Vatsva”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mbuya Nasekuru “Vatsva”
  • Mukai!—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Ndingava Sei Noukama Hwepedyo Navanasekuru Vangu?
    Mukai!—2001
  • Nei Ndichifanira Kuziva Vanasekuru Vangu?
    Mukai!—2001
  • Vanambuya Navanasekuru—Mufaro Nezvinetso Zvavo
    Mukai!—1999
  • Vanambuya Navanasekuru Pavanova Vabereki
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 4/8 p. 21

Mbuya Nasekuru “Vatsva”

“Munogamuchirwa kwaMbuya naSekuru—Kunojaidzwa Vana Wakatarisa.” Ndizvo zvakanga zvakanyorwa pachiratidzo chaiva pamusiwo wokupinda muimba yaGene naJane.

ZVISINEI, pinda mukati, uye hauoni vaviri vati kwegurei vari pazvigaro zvino vheya-vheya. Asi, uchawana vechidiki, vakagwinya vane makore ekuma40. Vasingamboregi mabasa avo se‘vanhu vanoremekedzwa munzanga,’ Gene naJane vachida kwazvo vakagamuchira kuva mbuya nasekuru. “Chokwadi, ndechimwe chezviratidzo zvidiki muupenyu chinoratidza kuti uri kuchembera,” anodaro Gene, “asi uyu ndiwo mumwe mubayiro wacho, muripo wokurera vana vako—vazukuru.”

Chimwe chirevo chekare chinoti: “Vazukuru ikorona yavatana.” (Zvirevo 17:6) Vanambuya navanasekuru nevazukuru kazhinji vane chisungo cherudo nokuva pedyo. Uye maererano nerimwe pepanhau rinonzi Generations, “chiverengero chisina kumboitika chevanhu munzanga yeAmerica ndivanambuya navanasekuru.” Chikonzero chacho chii? “Kuwedzera kwemakore anotarisirwa okurarama nemararamire matsva muupenyu hwemhuri,” inotsanangura kudaro nyaya yacho. “Kuchinja muchiverengero chevanhu vanofa nevanoberekwa kunoreva kuti chiverengero chinofungidzirwa chezvikamu zvitatu muzvina chevakuru vachararama kuti vave vanambuya navanasekuru . . . . Vanhu vazhinji vane zera riri pakati vanova vanasekuru navanambuya pazera rekuma45.”

Rudzi rutsva rwavanambuya navanasekuru rwakamukawo mune dzimwe nyika. Zvisinei, vazhinji, vari kuzviwana vachibatanidzwa kwazvo mukutarisira vazukuru vavo. Somuenzaniso, mwanakomana waGene naJane neaichimbova muroora wavo vakarambana ndokugovana vana. “Tiri kuedza kubatsira nokutarisira muzukurukomana wedu apo mwanakomana wedu anenge achishanda,” anotsanangura kudaro Jane. Maererano nekumwe kunzvera, vanambuya navanasekuru muUnited States vanotarisira vazukuru vavo vanopedza avhareji yeanenge maawa 14 pavhiki vachidaro. Iri ibasa rinokosha mari ingangosvika mabhiriyoni 29 amadhora pagore!

Vanambuya navanasekuru vanhasi vanowana mufaro wakadini? Zvinetso zvavo ndezvipi? Nyaya dzinotevera dzichapindura mibvunzo iyi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe