RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 6/8 pp. 21-23
  • Ndingava Sei Noukama Hwepedyo Navanasekuru Vangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingava Sei Noukama Hwepedyo Navanasekuru Vangu?
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutanga
  • Tingaitei Pamwe Chete?
  • Nhaka Yokunamata
  • Vanasekuru Vari Kure
  • Nei Ndichifanira Kuziva Vanasekuru Vangu?
    Mukai!—2001
  • Ndinogona Sei Kugadziridza Sezvo Vanasekuru Vangu Vari Kugara Nesu?
    Mukai!—1992
  • Neiko Vanasekuru Vedu Vakauya Kuzogara Nesu?
    Mukai!—1992
  • Vanambuya Navanasekuru Pavanova Vabereki
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 6/8 pp. 21-23

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingava Sei Noukama Hwepedyo Navanasekuru Vangu?

“Vanasekuru vangu vose vanotaura nyaya. Nyaya dzavo dzinondibatsira kunzwisisa manzwiro angu.”—Joshua.

PAIMBOVA neimwe nguva pazvakanga zvakajairika kuti zvizvarwa zvakawanda zvenhengo dzemhuri zvigare zviri pedyo nepedyo—kazhinji mumusha mumwe chete. Kusonganirana kwepedyo navanasekuru kwaiva mararamiro.

Mazuva ano, kugara kure nokure kungaita kuti vechiduku vasaonane navanasekuru vavo. Uyezve, mhuri dzakawanda dziri kuparara nemhaka yokurambana. The Toronto Star yakataura kuti “vanasekuru vangakanganiswawo nokudimburwa kwomuchato votadziswa kuona vazukuru vavo vavanoda.” Mune zvimwe zviitiko, chinonetsa ndechokuti vanhu vaduku vakawanda vanoona vanhu vakuru zvisiri izvo, vanovaona sevechinyakare, vane maonerowo avo ezvinhu, vanoda uye vanofarira zvinhu zvakasiyana nezvavo. Mugumisiro wacho? Vaduku vakawanda havana ukama hwepedyo hwavaifanira kunge vanahwo navanasekuru.

Izvi zvinosuruvarisa. Sezvakaratidzwa nenyaya ichangopfuura munhevedzano yeino, kuva noukama hwepedyo navanasekuru—zvikurukuru kana vari vaya vanotya Mwari—kunovaka, kunobatsira, uye kunofadza.a Mumwe musikana ayaruka anonzi Rebekah anoti nezvavanasekuru vake: “Tinoseka tose nguva dzose.” Pwere inonzi Peter inotiwo: “Handityi kuvaudza manzwiro angu kana zvirongwa zvangu. Dzimwe nguva ndinonzwa ndakasununguka chaizvo kana ndinavo kupfuura zvandinoita ndine vabereki vangu. Ndinokwanisa kutaurira ambuya nasekuru vangu chinhu chose.”

Ko iwe? Zvichida waiva noukama hwepedyo navanasekuru vako pawaiva muduku. Asi zvino nokuti wayaruka, zvichida hauna kuita zvakawanda kunatsiridza ukama hwacho nguva ichangopfuura. Kana zvakadaro, nheyo yezano reBhaibheri iri pana 2 VaKorinde 6:11-13 ingashanda zvakanaka pano, inoti “wedzerai” kuvada. Mubvunzo ndowokuti, Sei?

Kutanga

‘Kuwedzera’ kuvada kunoreva kutanga. Ingawani Bhaibheri rinoti: “Munhu, wakafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.” (Zvirevo 3:27) Pawaiva muduku, zvichida waiva usina “simba” rakawanda rokuita chinhu chipi nechipi paukama hwako navanasekuru vako. Asi iye zvino nokuti wakura, sezvingabvira sowechiduku ayaruka, ungawana kuti pane matanho anoverengeka aungatora.

Somuenzaniso, kana vanasekuru vako vachigara pedyo, ungaiita tsika kugara uchivashanyira nguva dzose. Zvinofinha here? Zvingadaro, kana ukagara wakati zi-i ikoko. Saka tanga kutaura! Mungataura nezvei? Nheyo yeBhaibheri iri pana VaFiripi 2:4 inobatsira. Inotiudza ‘kusaramba tichiva nehanya nezvinhu zvedu zvomunhu oga, asi tichiva nehanya nezvinhu zvevamwe somunhu oga.’ Nemamwe mashoko, farira vanasekuru vako. Ita kuti vataure zvinhu zvavane hanya nazvo. Vanonzwa sei? Vaimboitei? Vangafarira kutaura zvinhu zvekare. Saka vabvunze kuti upenyu hwakanga hwakaita sei pavaiva vaduku. Kana kuti baba naamai vako vakanga vakaita sei pavaiva vaduku? Kana vanasekuru vako vari vaKristu, vabvunze chakavaita kuti vade chokwadi cheBhaibheri.

Vanasekuru vako vane nhoroondo yakakura isina kunyorwa yemhuri, uye zvichida vanoda kwazvo kukuvaraidza nenyaya dzinonakidza. Zvechokwadi, ungatochinja nguva yaunopedza unavo kuva chirongwa chinonakidza. Edza kubvunzurudza vanasekuru vako, zvichida uchinyora zvinonyorwa kana kuvatepa vachitaura kana kuti kuvatora vhidhiyo. Kana usina chokwadi kuti wobvunzei, batsirwa nevabereki vako kuunganidza mibvunzo yakakodzera. Zvingangoita kuti uchadzidza zvinhu zvakawanda zvichakubatsira kunzwisisa vanasekuru vako, vabereki vako, uye iwe pachako. “Vanasekuru vangu vose vanotaura nyaya,” anodaro Joshua. “Nyaya dzavo dzinondibatsira kunzwisisa manzwiro angu.”

Kunyange zvazvo zvakadaro, usakanganwa kuti vanasekuru navanambuya vako vanofarira upenyu hwako uye zvaunoita. Kana ukavaudza zvauri kuita, uri kuvabatanidzawo muupenyu hwako. Izvi zvinotoita kuti muve pedyo nepedyo. Imwe pwere yokuFrance inonzi Igor inoti: “Ini naambuya vangu tinofarira kunwa tii pamwe chete muchitoro chokudyira, tichitaura zvatinenge tichangobva kuita.”

Tingaitei Pamwe Chete?

Kana mangotanga kutaura mose, zvichida munogona kupfuurira kuita zvimwe zvinhu pamwe chete. Wambofunga, ungatsvaka zvinhu zvakasiyana-siyana zvamungaita mose. Wechiduku anonzi Dara anoyeuka kuti: “Vanambuya vangu vose vakandidzidzisa kubika, kuchengetedza zvokudya kuti zvisaora, kubika chingwa, kurima zvirimwa, uye kugadzira bindu.” Amy akaita kuti vanasekuru vake vekwababa nevekwaamai vave pamwe mukuungana kwemhuri nokuvhakacha. Zvichitsamira pazera ravo, vamwe vanasekuru vachakasimba. Aaron anoda kutamba gorofu naambuya vake. Joshua anoraura uye anoita mamwe mabasa epamusha navanasekuru vake.

Kana vanasekuru vako vachinamata Jehovha, zvingatonakidza zvikuru kuita navo zvimwe zvine chokuita nokunamata Jehovha, zvakadai sokuudza vamwe zveBhaibheri. Igor akaenda naambuya vake kukokorodzano yemarudzi ose yeZvapupu zvaJehovha muPoland. “Chaiva chiitiko chisingakanganwiki chatakava nacho tose, uye tinogarotaura nezvacho,” anodaro. Chokwadi, havasi vanasekuru vose vanokwanisa kufamba. Kunyange zvazvo zvakadaro, zvinokosha kupedza nguva navo.

Nhaka Yokunamata

Munguva inotaurwa muBhaibheri mukadzi anonzi Roisi akaita basa rinokosha kubatsira muzukurukomana wake, Timoti, kuti ave murume anoda Mwari kwazvo. (2 Timoti 1:5) Hazvishamisi kuti vanasekuru vakawanda vechiKristu vanoita basa rakadarowo nhasi. Joshua anoti nezvavanasekuru vake: “Vakashumira Jehovha nguva yakareba kupfuura nguva youpenyu hwangu, saka ndinovaremekedza kwazvo, kwete nemhaka yokuti madzisekuru angu chete asi nokuti vakatendeka.” Amy anoti: “Vanasekuru vangu vanogarotaura kuti vanokurudzirwa uye vanofara kundiona ndichishumira Jehovha nokutendeka. Asi, kuona muenzaniso wavo wakanaka uye kushingairira kwavo Jehovha semapiyona [vaevhangeri venguva yakazara] kwandibatsira kuramba ndichipfuurira mubasa rangu roupiyona.”

Chris anoti nezvaambuya vake “ndivo munhu akandikurudzira kwazvo kudzidza uye kukura.” Anowedzera kuti: “Handimbokanganwi pavakataura kuti ‘kana ari Jehovha tinofanira kumuitira zvakanakisisa.’” Vanambuya vaPedro vakaitawo basa guru kuti akure mumudzimu. Anoti: “Mano avo akandibatsira kwazvo. Nguva dzose vanambuya vangu vanoenda neni kunoparidza, uye ndinozvionga kwazvo.” Hungu, kuva pedyo navanasekuru vanotya Mwari kunogona kukubatsira kushumira Mwari zvizere zvikuru.

Vanasekuru Vari Kure

Zvakadii kana vanasekuru vako vachigara kure? Kana zvichigoneka, edza kuvashanyira kakawanda. Paunenge usingavashanyire, ita zvaunogona kuti murambe muchikurukura. Hornan anoona vanasekuru vake katatu chete pagore, asi anoti: “Musi weSvondo woga woga ndinovaridzira nhare.” Dara, anogarawo kure navanasekuru vake, anoti: “Vanofarira upenyu hwangu, uye tinoridzirana nhare kana kunyorerana tsamba inotumirwa nomukombiyuta inenge vhiki yoga yoga.” Tsamba inotumirwa nomukombiyuta nokuridzirana nhare zvine zvazvinoitawo, asi usatorera pasi muitiro wakanaka wekare wokunyora tsamba. Vaduku vakawanda vakashamiswa kuona kuti vanasekuru vavo vakanga vachengeta tsamba imwe neimwe yavakanga vavanyorera kubvira vachiri vaduku. Tsamba dzinogona kuverengwa kakawanda—uye kukosheswa. Saka iva nechokwadi kuti unovanyorera!

Vanasekuru vanowanzoda chaizvo vazukuru vavo. (Zvirevo 17:6) Kune nzira dzakawanda dzokuvaka uye kuchengetedza ukama hwepedyo navanasekuru vako, pasinei nokuti vanogara pedyo kana kure. Kana zvichibvira, edza nepaunogona napo kuva pedyo navanasekuru vako.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Nei Ndichifanira Kuziva Vanasekuru Vangu?” iri mumagazini yaMay 8, 2001.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe