Hosha Dzekudya—Chii Chinogona Kubatsira?
KANA mwanasikana wako ane hosha yekudya, anofanira kubatsirwa. Usaverengere zvinhu uchiti chinetso chacho chichapera choga. Hosha yekudya chirwere chakaoma kunzwisisa, chine zvimwe zvinhu zvinobatanidzwa zvemuviri nezvendangariro.
Chokwadika, nyanzvi dzakapa ndandanda inovhiringidza yemitoo yekurapa nayo hosha dzekudya. Vamwe vanokurudzira mishonga. Vamwe vanobvumirana nokurapa pfungwa. Vamwe vanotaura kuti mubatanidzwa wezvose zviri zviviri ndiwo unonyanya kushanda. Panewo kupiwa zano kumhuri, uko vamwe vanotaura kuti kunokosha kunyanya kana murwere achiri kugara pamba.a
Kunyange zvazvo nyanzvi dzingasiyana mumabatire adzinoita nhau yacho, vazhinji vanobvumirana pachinenge chinhu chimwe chete: Hosha dzekudya haisi nhau yezvekudya chete. Ngationgororei dzimwe dzenhau huru dzinotofanira kunyanya kubatwa nadzo panenge pachibatsirwa mumwe munhu ane anorexia kana kuti bulimia kunaya.
Maonere Ari Pakati Nepakati Echitarisiko Chomuviri
“Ndakasiya zvachose zvokutenga magazini efashoni pandaiva nemakore anenge 24,” anodaro mumwe mukadzi. “Kuzvienzanisa nevanhu vanopfeka mbatya dzokushambadza kwakandikuvadza kwazvo.” Sezvambokurukurwa kare, vemapepa vanogona kuvhiringidza maonere emusikana echinonzi runako. Chokwadi, vamwe mai vemusikana ane hosha yekudya vanotaura nezve“kubudiswa kwakanyanya mumapepanhau nemagazini neterevhizheni dzedu kunoshambadza kutetepa, kutetepesa.” Vanotaura kuti: “Tose tiri vaviri ini nemwanasikana wangu tinoda kuva vatete, asi kunyanyiswa kwazvo kunogara kuchiitwa kunozvichinja kuva chinhu chinokosha zvikuru kupfuura zvose muupenyu, pamberi pezvinhu zvose.” Zvakajeka kuti, ane hosha yekudya kuti apore zvingada kuti munhu ave nemaonere matsva ezvinhu zvinoumba runako.
Bhaibheri rinogona kubatsira panhau iyi. Muapostora wechiKristu Petro akanyora kuti: “Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokunze, kwokuruka vhudzi, nokushonga ndarama, kana kupfeka nguo; asi ngakuve munhu wakavanzika womwoyo, wakashonga zvisingaori zvomweya munyoro wakanyarara, unokosha, zvikuru pamberi paMwari.”—1 Petro 3:3, 4.
Petro ari kuti tinofanira kunyanyokoshesa mavara omukati kupfuura chitarisiko chokunze. Chokwadi, Bhaibheri rinotiita tive nechokwadi chokuti: “Nokuti Jehovha haaoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.” (1 Samueri 16:7) Izvi zvinonyaradza, nokuti kunyange tisingagoni kuchinja zvimwe zvinhu zviri pamuviri wedu, tinogona kuramba tichichinja rudzi rwemunhu rwatiri.—VaEfeso 4:22-24.
Sezvo hosha dzekudya dzichidheerera kwazvo munhu asingazviremekedzi, ungafanira kuzviongororazve somunhu. Chokwadi, Bhaibheri rinotiudza kuti tisanyanyozvikoshesa kupfuura zvatinofanira. (VaRoma 12:3) Asi rinotiudzawo kuti kunyange neshiri imwe inokosha mumaziso aMwari, richiwedzera kuti: “Munopfuura shiri duku zhinji.” (Ruka 12:6, 7) Nokudaro Bhaibheri rinogona kukubatsira kuva nekuzviremekedza kwakanaka. Koshesa muviri wako, uye uchautarisira.—Enzanisa naVaEfeso 5:29.
Asi zvakadini kana zvechokwadiwo uchifanira kuderedza uremu? Zvichida zvokudya zvakanaka uye purogiramu yokurovedza muviri zvichabatsira. Bhaibheri rinotaura kuti “kurovedza muviri kunobatsira,” kunyange zvazvo zviri zvishoma. (1 Timotio 4:8) Asi usambofa wakashushikana pamusoro peuremu hwako. “Zvichida chinhu chokuchenjera chikurusa chokuita, kurovedza muviri kwakawanda—nokuzvibvuma sezvauri pane kuedza kuzvigadzira kuti uve chimwe chinhu chakayerwa uye chisingaiti,” akagumisa kudaro mashoko okunzvera. Mumwe mukadzi ane makore 33 muUnited States akawana maitiro aya achibatsira. “Ndagara ndine mutemo mumwe chete wakapfava,” anodaro. “Shandira kuvandudza chinhu chaunogona chaizvoizvo kuchinja, uye usapedze nguva uchinetsekera zvimwe zvasara.”
Kana ukaona upenyu nemutoo wakanaka wowedzera pazviri zvekudya zvinovaka muviri nepurogiramu isiri yokunyanyisa yokurovedza muviri, chero makirogiramu api zvawo anofanira kubva achangobva.
Kutsvaga “Shamwari Yechokwadi”
Apedza kuongorora vakati kuti vane bulimia, Purofesa James Pennebaker akagumisa kuti, zvokuramba vachidya nokubudisa zvaimanikidzira kwazvo vakadzi ava kurarama humwe upenyu husingazivikanwi nevanhu. Anotaura kuti: “Vanenge vose zvavo vakacherechedza mawandire enguva nekukura kwekuedza kwaidiwa kuti vavige miitiro yavo yokudya kuti shamwari dzepedyo nemhuri vasaone. Vose zvavo vairarama upenyu hwokunyepedzera uye vaizvivenga.”
Naizvozvo, danho rinokosha pakunaya, kutaura. Vane anorexia pamwe chete nevane bulimia vanofanira kutaura pamusoro pechinetso chacho. Asi kunaani? Chirevo cheBhaibheri chinotaura kuti: “Shamwari [yechokwadi, NW] inoda nguva dzose; hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.” (Zvirevo 17:17) “Shamwari yechokwadi” iyoyo ingava mubereki kana kuti mumwe munhu mukuru. Vamwe vakaonawo vachifanira kutaura zvakavanzika kune mumwe munhu agara nebasa rokurapa hosha dzokudya.
Zvapupu zvaJehovha zvine vamwe vokuwedzera vazvinogona kuona—varume vakuru veungano. Varume ava vanogona kuva “soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.” (Isaya 32:2) Chokwadika, vakuru havasi vanachiremba, naizvozvo mukuwedzera kuzano ravo rinobatsira, kunyange zvakadaro ungafanira kurapwa. Zvisinei, varume ava vakakwaniswa mumudzimu vanogona kukutsigira zvakanaka kwazvo kuti unaye.b—Jakobho 5:14, 15.
Zvisinei, munhu mukurusa waunogona kuudza zvakavanzika Musiki wako. Munyori wePisarema akanyora kuti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.” (Pisarema 55:22) Hongu, Jehovha Mwari anofarira vana vake vapasi. Naizvozvo usamboregeredza kunyengetera kwaari pamusoro pezvinhu zvinonyanyokunetsa. Petro anotirayira kuti: “Kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuchengetai.”—1 Petro 5:7.
Apo Munhu Anenge Achifanira Kupiwa Mubhedha
Kupiwa mubhedha pachako hakusi mushonga. Zvisinei, kana musikana akashaya zvokudya mumuviri nemhaka yeanorexia yakakomba, angafanira kutarisirwa zvinopfuura zvinowanzoitwa. Zvinobvumwa kuti, hazvisi nyore kuti mubereki aite izvi. Funga nezvaEmily, ane mwanasikana aifanira kupiwa mubhedha pashure pokunge upenyu, semataurire aEmily, “hwaoma kwaari nekwatiri.” Anowedzera kuti: “Kumuisa muchipatara achichema, chaiva chinhu chakaomesesa chandati ndamboita, zuva rakaipisisa randati ndambova naro.” Zvakanga zvakafanana kuna Elaine, uyo aifanirawo kuita kuti mwanasikana wake apiwe mubhedha. “Ndinofunga kuti nguva yakaipisisa yandinoyeuka, ndeiyo yaaiva muchipatara uye achiramba kudya uye vaifanira kumudyisa nechubhu. Ndakanzwa sokunge kuti vakanga vachirwisana nechishuvo chake,” anotaura kudaro.
Kupiwa mubhedha ingasava pfungwa inofadza, asi dzimwe nguva kunofanira kuitwa. Kuvanoverengeka veavo vane hosha dzekudya, ndiwo mavambo okunaya. Emily anotaura nezvemwanasikana wake kuti: “Aifanira kupiwa mubhedha. Kwaiva kupiwa mubhedha kwakamubatsira kuti atange kuva nani.”
Kurarama Pasina Hosha Dzekudya
Seimwe nzira yokunaya nayo, ane anorexia kana kuti bulimia anofanira kudzidza kurarama asina hosha yekudya. Izvi zvinogona kuoma. Kim, somuenzaniso, anofungidzira kuti paaiva neanorexia, akaderera uremu nemakirogiramu 20 mumwedzi gumi. Asi kuwanazve makirogiramu 15 iwayo kwakamutorera makore mapfumbamwe! “Nokutambura kukuru kwazvo,” anodaro Kim, “zvishoma nezvishoma ndakadzidzazve kudya sezvinoita munhu wese, ndisingaverengi calorie rose, kuyera zvokudya, kudya zvokudya ‘zvisina ngozi’ chete, kuvhunduka pandaisaziva zvainge zvabikiswa zvimwe zvokudya, kana kuti kunodyira chete kumaresitorendi ane nzvimbo dzinotengeswa miriwo mimbishi.”
Asi kunaya kwaKim kwakabatanidza zvimwe zvinopfuura izvozvo. “Ndakadzidza kuziva nokutaura manzwire angu nemashoko panzvimbo pezviito kana kuti madyiro,” anodaro. “Kuziva nzira itsva dzokupedza nadzo kusawirirana nevamwe kwakandipa mikana yokuva neukama hwapedyo neshamwari nemhuri.”
Zvakajeka kuti, kuti ane hosha yekudya anaye ibasa rakaoma, asi pakupedzisira kufira zviripo. Izvozvo ndizvo zvinodavirwa naJean, ane mashoko ataurwa mune yokutanga yenyaya dzino dzakatevedzana. “Kutangazve kudya zvakavhiringidzika,” anodaro, “zvaizofanana nokudzokerazve mujeri wambogara wakasununguka kwechinguvana.”
[Mashoko Omuzasi]
a Mukai! Haina mutoo upi noupi wokurapa wainokurudzira. VaKristu vanofanira kuzvifungira voga zvokuita, vachiva nechokwadi chokuti chero kurapa kupi zvako kwavanowana hakupesani nenheyo dzeBhaibheri. Vamwe havafaniri kutsoropodza kana kuti kutaura kuti vanoona zvisarudzo zvakadaro zvakaipa.
b Nokuda kwemamwe mashoko pamusoro pokubatsira kwaungaita vane anorexia nebulimia, ona nyaya inoti “Kubatsira Avo Vane Vhiringidziko Dzokudya,” iri muMukai! yaMarch 8, 1992, uye nyaya dzakatevedzana dzinoti “Eating Disorders—What Can Be Done?,” dziri mune yechiNgezi yaDecember 22, 1990.
[Bhokisi riri papeji 31]
Rongedzero Dzokuti Anaye
UNOFANIRA kuitei kana ukafungidzira kuti mwanasikana wako ane hosha yekudya? Zviri pachena kuti, haugoni kungosiya zvakadaro. Asi unoitanga sei nhau yacho? “Kumubvunza zvakananga dzimwe nguva kunoshanda, asi kazhinji kunoguma nekunzwa sewataura nemunhu asina nzeve,” anodaro munyori anonzi Michael Riera.
Nokuda kwechikonzero ichi, kuzviita nounyoro kungava iko kunobudirira. “Paunotaura nemwanasikana wako,” anokurudzira kudaro Riera, “anofanira kunzwisisa nokunzwa kuti hausi kumupa mhaka yechimwe chinhu chakanganiswa. Kana ukagona kuita izvi, vayaruki vazhinji vachakuudza chokwadi, kunyange kutonzwa vanyevenutswa. Vamwe vabereki vakabudirira pakunyora tsamba kupwere yavo vachitaura kuti vanoitira hanya uye vanotsigira. Saka, pavanozokurukura, rongedzero inenge yatoitwa kare.”
[Bhokisi riri papeji 32]
Chinhu Chakaomera Vabereki
KUVA nemwana ane hosha yekudya kunopa vabereki zvinhu zvakaoma zvinoverengeka. “Unofanira kunge wakagadzirwa nesimbi kana kuti nedombo,” anodaro mumwe baba. “Uri kuona mwana wako pachako achiparara pamberi pako.”
Kana une mwana ane hosha yekudya, zvinofanira kukarirwa kuti dzimwe nguva unzwe wagumburwa nemuitiro wake wokusindimara. Asi shivirira. Usamborega kuva nerudo. Emily, ane mwanasikana aiva neanorexia, anobvuma kuti izvi zvakanga zvisiri nyore nguva dzose. Zvisinei, “Ndakaedza kuramba ndichibata; ndakaedza kumumbundira; ndakaedza kumutsvoda. . . . Ndakafunga kuti kana ndikarega kuva noushamwari naye nokurega kumuda, hatizombozvigonizve.”
Imwe nzira yakanakisisa yokubatsira nayo mwana wako kunaya pahosha yekudya ndeyokukurukura naye. Pakuita kudaro, ungafanira kuteerera zvakanyanya kupfuura kutaura. Uye dzivisa kuda kumuvhiringidza nekutaura kwakadai sokuti “Hachisi chokwadi ichocho” kana kuti, “Haufaniri kunzwa saizvozvo.” Chokwadi, ‘usadzivira nzeve yako kuti urege kunzwa kuchema kwomurombo.’ (Zvirevo 21:13) Kana pane kukurukurirana kwakasununguka, pwere ine kwokuenda panguva dzokutambudzika uye kashoma kuti ipedzisire yava kuenda kumiitiro yakaipa yokudya.
[Mufananidzo uri papeji 30]
Zvinoda mwoyo murefu, kunzwisisa, uye rudo rwakawanda kubatsira vane hosha dzekudya