Kubetsera Avo Vane Vhiringidziko Dzokudya
MAMIRIONI emhuri munyika yose aitofanira kugonana nomutezo une vhiringidziko yokudya. Chishuvo chikuru (zvokudya zvinorutsisa), kusava nechishuvo chokudya (kusakwanisa kana kuti kuramba kudya kunopfuurira), uye kunyanyodyisa kwokuzvimanikidzira (kudya kusingadzoreki) kwazova kwakapararira mune dzimwe nzvimbo.
Idzi vhiringidziko chinetso chavakadzi zvikurukuru. Dzinotapura vanhukadzi veanenge mazera ose, vose vari vaviri vasina kuroorwa navakaroorwa. Vasati vasvika zera rokuyaruka navayaruki, pamwe chete navakadzi vakura, kubatanidza vanambuya, vari pakati pavatamburi.a Sezvo vanopfuura 90 muzana vaavo vanotapurwa vari vanhukadzi, tichashandisa mazita anotsiva echikadzi pakutaura nezveavo vane chinetso chacho.
Kana mumwe munhu waunoitira hanya ane vhiringidziko yokudya, pasina panikiro unoda kumubetsera. Asi kungokumbira munhu ane chishuvo chikuru chenguva dzose chokurega zvokudya zvinorutsisa kwakafanana nokuudza munhu ane mabayo kurega kukosora. Usati wagona chaizvoizvo kubetsera munhu ane vhiringidziko yokudya, unofanira kuziva ndokupa ngwariro kuzvinetso zvikuru zvendangariro izvo kazhinji kazhinji zviri manyuko echinetso chacho. Nokudaro, unyanzvi—kwete vavarirowo hadzo dzakanaka—hunokosha. Pane dzimwe nguva chinetso chikuru chinobva mukushandiswa zvisina kufanira muvatano kwekare. Pachinodaro, mutamburi kazhinji kazhinji achada betsero chaiyo inobva kumupi zano anokwaniriswa.b
Taura Chinetso Chacho
Kuwana kuti mwana wako, mukwanyina, kana kuti shamwari ine chinetso chokudya hakusi nyore nguva dzose. Ikoku kuri nemhaka yokuti avo vane vhiringidziko yokudya vangava vanonyanyochengeta chakavanzika. (Ona bhokisi rinokumbanira.) Bva, vhiringidziko yokudya haisati ichizoperawo hayo pachayo. Apo mutamburi anokurumidza kutaurwa naye ndokupiwa betsero, bviro dzokuvandudzika dzichava dziri nani.
Zvisinei, usati wataura kumutamburi anofungidzirwa, ronga nokungwarira chokutaura uyewo nguva yakanakisisa yokuchitaura. Nguva yacho inofanira kuva apo unenge wakaterama uye sezvingabvira pangasava nevhiringidzo. Kusvika kusina kururama—kwakadai sokuita tyisidziro huru—kuchadzivisa kurukurirano uye kungaita kuti zvinhu zvinyanyoipa.
Apo unotaura nomumwe munhu waunofungira kuti ane vhiringidziko yokudya, usava anotongera, iva akananga. Somuenzaniso, ungagona kuti, ‘Marasikirwa nouremu hwakawanda. Zvipfeko zvenyu zvinoratidzika kuva zvakakura pamuri. Pane chikonzero nei here?’ Kana kuti, ‘Ndakunzwai muchirutsa mukamuri rokugezera. Ndinoziva kuti ikoku kunokwenudza, asi ndinoda kubetsera. Tinogona kusavanzirana here?’ Kunyange kana munhu wacho akapindura nehasha nokuramba, kusvika kwakanyarara kungamupesvedzera kukurukura nhau yacho. (Zvirevo 16:21) Kuita kurukurirano yapachena inharidzano chaiyoiyo nokuda kwekurukurirano yenyu yokutanga.
Vhiringidziko dzokudya kazhinji kazhinji dzinotanga apo mitezo yemhuri inoitira hanya zvinopfuura mwero ukuru hwomuviri uye apo vana vanorumbidzwa zvikurukuru nokuda kwechitarisiko chavo kana kuti zvinoitwa. Naizvozvo, mumhuri umo mumwe mutezo unenge une vhiringidziko yokudya, vamwe mumhuri yacho vangafanira kunzverazve zvimiro zvavo nezvinhu zvavo zvavanoita pakutanga. Mhinduro kuchinetso chomutamburi ingasanoda chinjo dzinoitwa nemitezo yemhuri. Zvamazvirokwazvo, nhamburiko dzavo kazhinji kazhinji mapfundo anokosha zvikurusa mukunaya kwomutamburi.
Dzivisa Kumanikidzira
Mune imwe mhuri vabereki vakatsamwiswa zvikuru vakaedza chaizvoizvo kutsokodzera zvokudya mumuromo wouyo aisava nechishuvo chokudya, asi musikana wacho akaramba ndokunzwa achizvifarira amene kuti aigona kudzivisa nhamburiko dzavabereki vake. Naizvozvo ziva kuti haugoni kumanikidzira mumwe munhu kudya kana kuti kurega kudya zvokudya zvinomurutsisa. Kana ukaedza zvikuru kumanikidzira mutamburi, hondo yacho ingava yechisimba zvikuru.
“Zvinhu zvainyanyoshata nguva dzose apo ndaitaura nhau yokudya kwake,” akabvuma kudaro Joe, uyo mwanasikana wake Lee akadokufa nokusava nechishuvo chokudya. “Ndaitofanira kurega chose chose kutaura pamusoro penhau dzokudya.” Mudzimai wake, Ann, akatsanangura chakabetsera chaizvo mwanasikana wavo: “Takamubetsera kunzwa kuti aigona kuzvidzora amene pasina kutendeukira kukunyanyisa kwakadaro. Ikoku kwakaponesa upenyu hwake.” Nenzira yokuchenjera, usanyanyosimbisa nhau yose yokudya. Betsera mutamburi kuona kuti paanodya, iye anoita kudaro nokuda kwake amene uye kwete nokuda kwako.
Betsera Kuvaka Chivimbo
Vanhu vazhinjisa vane vhiringidziko dzokudya vanhu vanogutsikana bedzi nezvavanofunga kuti zvakakwana. Vazhinji vakava nechinoitika chiduku nekundikano. Vabereki vavo—nevavariro dzakanakisisa—padzimwe nguva vakawedzera chinetso chacho. Seiko? Kupfurikidza nokuva vanonyanyodzivirira, vachiedza kudzivirira vana vavo panjodzi ipi neipi.
Naizvozvo mubereki anofanira kubetsera mwana kuziva kuti zvikanganiso zvake rutivi rwoupenyu uye musasarudza kufanira kwake kwomunhu oga. “Munhu akarurama angawa kunyange kanomwe,” inodaro Zvirevo 24:16 (NW), “uye iye achamuka zvamazvirokwazvo.” Mwana haasati achizoputswa nenjodzi kana akadzidziswa kuti kukunda ndokwenguva dzose, kunokurumidza kupfuura, uye kunogona kukurirwa.
Mubereki anofanirawo kugamuchira ndokunzwisisa kuva wechienzi kwomwana mumwe nomumwe. Nepo mubereki wechiKristu achiedza kurovedza mwana mu“kutungamirira ndangariro kwaJehovha,” iye anongofanira kubvumira mwana kuva munhu ari oga. (VaEfeso 6:4, NW) Usaedza kukodzeranisa mwana nechimiro chakasikwa mundangariro yako. Kuti akurire vhiringidziko yokudya, mwana anofanira kunzwa kuti kuva munhu kwake kunoremekedzwa uye kunokosheswa.
Tanga Kurukurirano Yapachena
Mumhuri zhinji umo mwana kana kuti mukwanyina ane vhiringidziko yokudya, kurukurirano yakashata irimo. Avo vane vhiringidziko yacho kazhinji kazhinji vane chinetso chokutaura kunzwa kwavo chaikoiko apo ikoku kunosiana nokwomubereki kana kuti kwomukwanyina. Ikoku kwakadaro zvikurukuru mumusha umo mutemo wave uri wokuti, ‘Kana usina chinhu chipi nechipi chakanaka chokutaura, usataura chinhu chipi nechipi.’ Naizvozvo mutamburi anotendeukira kuzvokudya kuti asayeuke kuvhiringidzika kwomukati.
Somuenzaniso, Matthew akanga asingakwanisi kubetsera mudzimai wake kukurira kunyanyodyisa kwake kwokumanikidzira. “Nguva dzose paanenge atsamwiswa iye anochema uye ipapo anoenda ndokudya,” iye akadaro. “Haatongondiudzi . . . chaizvoizvo chiri kumuvhiringidza.” Mumwe mupi zano akakarakadza kuti ivo vari vaviri vatsaure awa pavhiki kuti vakurukure vari voga uye kuti vaite majana vachitaura kunyunyuta kupi nokupi mumwe asingavhiringidzi. “Chakanga chiri chishamiso chikuru,” akadaro Matthew. “Ndakanga ndisina pfungwa yokuti Monica akanga asingafari kwazvo pamusoro pezvinhu zvakawanda kwazvo uye ndaigona kuva anozviruramisa kwazvo. Ndaifunga kuti ndakanga ndiri muteereri akanaka asi chaizvoizvo ndakanga ndisiri.”
Nokudaro, kuti ubetsere mukwanyina wako kana kuti mwana wako, iva anodisa kuteerera kukunzwa kwake kusina kutsarukana nokusagutsikana. Mukuwirirana naMagwaro, kuteerera ku“kudanidzira kwokunyunyuta kwowakaderera” kwakafanira. (Zvirevo 21:13) Joe naAnn vaifanira kudzidza ichi chifundo.
“Ndaitofanira kurega kumhanyira kumhedziso uye kuratidza kutsamwa kwangu apo Lee akanga ane murangariro wakasiana,” akabvuma kudaro Joe pamusoro pomwanasikana wake asina chishuvo chezvokudya. Mudzimai wake, Ann, akati: “Teerera kuicho mwana anoda kutaura. Usaedza kuisa mashoko ako mumuromo make. Teerera kuti iye anonzwa sei chaizvoizvo pamusoro pezvinhu.”
Ann akaenzanisira nhau yacho: “Munguva yakapfuura, apo Lee ainyunyuta kuti mumwe munhu akanga akuvadza kunzwa kwake, ndaimuudza kuti munhu wacho akanga asingadi chaizvoizvo kuzviita. Asi atonyanyotsamwa. Zvino apo iye anonyunyuta, ndinoti, ‘Ndinoziva kuti ikoko kunofanira kuve kwakukuvadza. Ndinogona kuona chikonzero nei kwaizokuita kuti unzwe zvakashata zvomenemene.’ Ndinoedza kunzwira tsitsi panzvimbo pokuchinja murangariro wake pakare pakarepo.” Naizvozvo teerera chaizvoizvo, uye usafunga kuti unotoziva vavariro dzomumwe kana kuti kunzwa.
Apo kunenge kune kurukurirano yapachena, mumwe anogona kuwana nyaradzo mukati menguva dzokuvhiringidzika uye haanzwi achimanikidzirwa kutendeukira kumiitiro yokudya yakashata. Dawn akatsanangura chikonzero nei asina kutongodzoka kukunyanyodyisa kwake kwokumanikidzira nokurutsa: “Pandinenge ndatsamwiswa, nguva dzose ndinogona kutaura kumurume wangu nemhaka yokuti iye anonzwisisa kwazvo uye anonyaradza.”
Ratidza Rudo Rwokuzvibaira
Mumwe baba anotambura ane mwanasikana airutsa akafa nokukundikana kwomwoyo akapa iyi pangiro: “Ida vana vako kunyange kupfuura zvaunofunga kuti zvakakwana.” Hungu, iva ane rupo namashoko orudo. Betsera mwana wako uye mukwanyina wako kunzwa kuti rudo rwako nokuda kwavo harutsamiri pachitarisiko chavo kana kuti zviitwa. Asi kuda mumwe munhu akabatwa mukudzora kwevhiringidziko yokudya hakusi nyore. Ndicho chikonzero nei nhungamiro iri rudo rwokuzvibaira, urwo Bhaibheri rinorondedzera sokuva nomutsa, kushivirira, uye kukanganwira. Kudisa kuisa fariro dzomumwe mberi kwedzako umene.—1 VaKorinte 13:4-8.
Apo vamwe vanyakuroorana vakadzidza kuti mwanasikana wavo akanga achirutsa, vakatambura pamusoro pechokuita. “Ndakanzwa kuti kana usina chokwadi chaizvoizvo pamusoro pechokuita, ita chinhu chomutsa,” vakatsinhira kudaro baba vacho. “Ndakaziva kuti akanga ari musikana anokosha uyo akanga ane chinetso chakakomba chomunhu oga. Chinhu chomutsa chokuita chakanga chiri chokumupa simbisiro netsigiro yemirangariro.”
Iye akabvunza mwanasikana wake, kuti: “Pangava nechinetso here kana mai vako neni tikakubvunza nguva dzose kuti wava papi nechinetso chako?” Akaratidzira kuonga nokuda kweiyi itiro hanya yorudo, uye naizvozvo vabereki vaizonzvera panguva nenguva.
“Paiva nenguva apo iye aigona kurarama mazuva mashomanene, ipapo mavhiki, ipapo mwedzi mishomanene zvisati zvamutangazve,” baba vacho vakatsanangura kudaro. “Asi paaibvuma kuti akanga aterazve, takaedza kumukurudzira uye kwete kuratidzika savakaodzwa mwoyo.” Mai vacho vakawedzera, kuti: “Taitaura zvikuru. Ndakamuudza kuti sezviri pachena akanga achiita fambiro mberi. Ndakati, ‘Usatongorega. Waita mavhiki maviri nguva ino. Ngationei kuti uchaita nguva yakareba zvakadini zvino.’”
“Chimwe chezvikonzero nei takakundikana kucherekedza miitiro yechienzi yokudya yomwanasikana wedu chakanga chiri chokuti taisadyira chirariro pamwe chete,” vakataura kudaro baba vacho. “Naizvozvo ndakachinja rudungwe rwangu rwebasa kuti ndive pamwe chete nemhuri nokuda kwechirariro.” Kuita gadziridzo iyoyo yokudya pamwe chete, pamwe chete nokugovera ngwariro yokushivirira neyorudo, zvakabetsera mwanasikana wavo kuvandudzika zvizere.
Nepo tichitamburira kuita zviri zvakanakisisa nokuda kwomutamburi, kunokosha kugovera chirango chinodikanwa, icho chiri ratidziro yorudo. (Zvirevo 13:24) Usadzivirira mutamburi pamiuyo yezviito zvake. Kumuita kuti ashandise mari yake amene kutsiva zvokudya zvinoshandiswa mukati mokurutsa, kana kuti kumuita kuti achenese tsvina iri mukamuri rokugezera yaparirwa nokurutsa kwokuzvinyengedza, zvinogona kumudzidzisa kuti iye ane mutoro nokuda kwomuitiro wake. Kupfurikidza nokuomerera kuti ararame kupfurikidza nemitemo ine mufungo yapamba, unoisa chivimbo chako chokuti anokwanisa kutarisira upenyu hwake nenzira yakafanira. Ikoku kunogona kutsigira kuzvirangarira sowakaderera kwakarovedzeka pakati paavo vane vhiringidziko dzokudya.
Nemhaka yenhamo yomukati, mutamburi angataura nehasha. Kana akadaro, edza kutarira zvinopfuura kutsamwa. Edza kuwana ndokubata namanyuko o“kutambudzika.” (Jobho 6:2, 3) Yakanga iri denho chaiyo nokuda kwaJoe naAnn apo mwanasikana wavo anorutsa akava anopandukira naanotuka.
“Takaramba tichiedza kumuratidza rudo panzvimbo pokungomurega akadaro,” akadaro Ann. Murume wake akati: “Takaramba tichinzvera betsero nokuda kwake uye taimuudza kuti taimutarisira zvikuru sei.” Muuyo wacho? Pakupedzisira akaziva kuti vabereki vake vanofanira kumuda zvikuru kwazvo, uye akavamba kukurukura navo.
Apo mutamburi anenge ari mwana, dzvinyiriro pavabereki, zvikurukuru mai, yakakura. Varume, naizvozvo, vanofanira kupa vadzimai vavo tsigiro inokosha yemirangariro. Usarega roorano yako nokuda kwokurwara kwomwana wako. Gamuchira ganhuriro dzako.
Mune zvimwe zvinoitika, ungada kutsvaka betsero kunze kwemhuri. Nzvera mapfundo ose anobatanidzwa, uye sarudza kuti rudzii rwebetsero ingava yakanakisisa. Kuchada kushinga kana mutamburi achiregeredza. Ngaazive kuti uchaita chiito kudzivirira upenyu hwake kana kuri madikanwa, asi dzivisa kutaura zvinhu izvo usingagoni kuita.
Pachava nenguva apo unonzwa usina simba uye mugariro uchiratidzika kuva usina tariro, asi usatongokanganwa kuvanzarika zvinetso zvakadaro mumunyengetero pamberi paMwari worudo. Iye anogona kubetsera! “Takaziva kuti kwakanga kuchipfuura mano edu okubata,” akabvuma kudaro Joe. “Chinhu chikuru chatakadzidza chakanga chiri chokuisa chose chose chivimbo chedu muna Jehovha Mwari. Iye haana kutongotiregeredza.”
[Mashoko Omuzasi]
a Ona “Who Develop Eating Disorders?” iri muchinyorwa chedu chechiNgezi chaDecember 22, 1990.
b Ona “Betsero Nokuda Kwavanyajambwa Vevatano Nehama Yokunyama” iri muchinyorwa chaApril 1, 1984, chemagazini biyayo yedu Nharireyomurindi.
[Bhokisi riri papeji 13]
ZVIMWE ZVIRATIDZO ZVEVHIRINGIDZIKO DZOKUDYA
◼ Kudya kwakaganhurirwa, kwakadai sokuzvinyima zvokudya kwakakomba kana kutsanya
◼ Kurasikirwa nouremu kwakanyanya kana kuti kuderera kwouremu
◼ Miitiro yechienzi yezvokudya, yakadai sokudimbura zvokudya kuva zvidimbu zviduku duku
◼ Rutyo rukuru rwokuva mukobvu, pasinei hapo nouremu hwakaderera
◼ Kunyanyobatikana nokutaura uye kwenguva dzose pamusoro pezvokudya uye/kana uremu, kazhinji kazhinji kwakabatanidzwa nomuitiro wakakomba wokurovedza muviri
◼ Kurega kuenda kumwedzi
◼ Kubva pana vamwe, zviratidzo zvezvakavanzika, zvikurukuru kupedzera nguva refu mukamuri rokugezera
◼ Chinjo dzemirangariro, dzakadai sokuora mwoyo nokutsamwiswa
◼ Kunyanyodyisa paunenge washatirwa, wava noruzazu, kana kuti wanyanduka
◼ Kushandiswa zvisina kufanira kwemishonga inoparira kubuda kweweti yakawanda, mapiritsi anoparira kusava nechishuvo chezvokudya, kana kuti mishonga yokuchenesa, yakadai semishonga yokugeza mudumbu
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kuteerera kwokunzwira tsitsi kunokosha