RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 1/8 pp. 10-12
  • Kuchengetedza Rusununguko—Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuchengetedza Rusununguko—Sei?
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuwana Chinoparira Kusadiwa Kwezvimwe Zvitendero
  • Nzira Yakanakisisa Yekurwisa Nayo Kusadiwa Kwezvimwe Zvitendero
  • Kubvumirwa Kwezvimwe Zvitendero Nechiri Kuseri Kwacho
  • Dzikamo Yakafanira Inogona Kunatsa Upenyu Hwako
    Mukai!—1997
  • Kushivirira—Kubva Kukunyanyisa Kumwe Kuenda Kune Kumwe
    Mukai!—1997
  • Kusadiwa Kwezvimwe Zvitendero Nhasi
    Mukai!—1999
  • “Kudzidza Chifundo Chokushivirira”
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 1/8 pp. 10-12

Kuchengetedza Rusununguko—Sei?

MUGUTA duku reRengasdengklok, Indonesia, mapoka edzinza aigara pamwe chete murugare kwemakore. Zvisinei, kwairatidzika sekubvumirwa kwezvimwe zvitendero kwakaguma musi wa30 January 1997. Masimba masimba akatanga 3:00 dzamangwanani dzisati dzanyatsokwana pazuva remabiko echitendero apo mumwe mutendi akatanga kuridza ngoma yake. Anzwa ruzha rwacho, mumwe murume wechimwe chitendero akanyomba muvakidzani wake. Pakava nekupopotedzana, uye matombo akatanga kukandwa. Kunze kwakaedza, uye chimurenga chakawedzera sezvo vamwe vakapindira mukurwisana kwacho. Pakaguma zuva racho, temberi mbiri dzechiBuddha nemachechi mana echiKristudhomu zvakanga zvaparadzwa. Pepanhau reInternational Herald Tribune rakashuma chiitiko ichi chine musoro unoti “Pfarivari Yekusabvumirwa Kwezvimwe Zvitendero Inobatidza Moto Wechimurenga Chedzinza.”

Munyika dzakawanda, mapoka edzinza maduku ane kodzero dzawo dzakachengetedzwa nemutemo anowanzozviwana asingadiwi. Kusimbisa rusununguko nemutemo nenzira yakajeka hakudzuri chinoparira kusadiwa kwezvimwe zvitendero. Idi rekuti kusadiwa kwezvimwe zvitendero hakunyatsooneka harirevi kuti hakupo. Kana pane imwe nguva mune ramangwana mamiriro ezvinhu akachinja uye zvimwe akaita kuti pave nekufungira zvakaipa, kusadiwa kwezvimwe zvitendero kwanga kusingaoneki kunogona kubuda pachena zviri nyore. Kunyange kana vanhu vasingatambudzwi zvakananga, vangave vachivengwa kana kuti pfungwa dzavo dzingavhariridzwa. Izvi zvingadzivirirwa sei?

Kuwana Chinoparira Kusadiwa Kwezvimwe Zvitendero

Sevanhu tinongowanzoramba kana kuti kufungira zvinhu zvinenge zvakasiyana kana kuti zvatisina kujaira, zvikurukuru mirangariro inosiyana neyedu. Izvi zvinoreva here kuti kubvumirwa kwezvimwe zvitendero hakubviri? Chinyorwa cheUN Elimination of All Forms of Intolerance and Discrimination Based on Religion or Belief chinoronga kusaziva nekusanzwisisa sezviri “pakati pemviromviro dzezvinoparira kusadiwa kwezvimwe zvitendero nerusaruro munhau yechitendero nezvinodavirwa.” Zvisinei, kusaziva, kunoparira kusadiwa kwezvimwe zvitendero, kunogona kurwiswa. Sei? Nedzidzo yepakati nepakati. “Dzidzo ingava nzira yekutanga yekurwisa nayo rusaruro nekusadiwa kwezvimwe zvitendero,” unodaro mushumo weUN Commission on Human Rights.

Dzidzo iyi inofanira kuvavarirei? Magazini yeUNESCO Courier inokurudzira kuti panzvimbo pekukurudzira kurambwa kwemasangano echitendero, “dzidzo yekubvumira zvimwe zvitendero inofanira kuvavarira kukurira zvinhu zvinoparira kuti vamwe vatyiwe nekudziviswa, uye inofanira kubetsera vechiduku kukwanisa kusarudza voga, kufunga zvakajeka nekurangarira zvakanaka.”

Sezviri pachena, vanobudisa nhau vanogona kuita basa rinokosha mukukudziridza “kufunga zvakajeka nekurangarira zvakanaka.” Masangano akawanda enyika yose anoziva simba revanobudisa nhau rekuchinja pfungwa nekukurudzira kunzwisisana. Zvisinei, kana vanobudisa nhau vachizokurudzira kubvumirwa kwezvimwe zvitendero panzvimbo pekukurudzira kusadiwa sezvinoita vamwe, kutora nhau kwakavimbika, kune chinangwa kunodiwa. Padzimwe nguva, vanofanira kuita mukupesana nemurangariro unogamuchirwa nevakawanda. Vanofanira kuva nevavariro yekunyatsoongorora netsinhiro dzekusasarura. Asi izvozvo zvakakwana here?

Nzira Yakanakisisa Yekurwisa Nayo Kusadiwa Kwezvimwe Zvitendero

Kubvumirwa kwezvimwe zvitendero hakurevi kuti vanhu vose vanofanira kuva nepfungwa dzakafanana. Vanhu vangasabvumirana. Vamwe vanganyatsonzwa kuti zvinodavirwa nemumwe munhu hazvina kururama zvachose. Vangatotaura pachena nezvekusabvumirana kwavo nazvo. Zvisinei, chero bedzi vasingaparadziri manyepo ekuedza kukurudzira kufungira zvakaipa, uku hakusi kusadiwa. Kusadiwa kwezvimwe zvitendero kunooneka apo boka rinotambudzwa, rinonangwa iro chete nemimwe mitemo, rinoderedzwa, rinorambidzwa, kana kuti mune dzimwe nzira rinodziviswa kutevedzera zvarinodavira. Muchimiro chakanyanyisa chekusadiwa kwezvimwe zvitendero, vamwe vanouraya uye vamwe vanofanira kufira zvavanodavira.

Kusadiwa kwezvimwe zvitendero kungarwiswa sei? Kunogona kufumurwa pachena, sekufumura kwakaita muapostora Pauro kusada zvimwe zvitendero kwevatungamiriri vechitendero vemuzuva rake. (Mabasa 24:10-13) Kunyange zvakadaro, pazvinobvira, nzira yakanakisisa yekurwisa nayo kusadiwa kwezvimwe zvitendero ndeyekushanda zvino tichifunga mangwana—kutsigira kubvumirwa kwezvimwe zvitendero, ndiko kuti, kudzidzisa vanhu kunzwisisa vamwe zviri nani. Mushumo weUN pamusoro pekupedzwa kwekusadiwa kwezvimwe zvitendero wambotaurwa nezvawo pakuvamba unoti: “Sezvo zvimiro zvose zvekusadiwa kwezvimwe zvitendero nerusaruro zvakavakirwa pachitendero kana kuti pane chinodavirwa zvakavambwa nepfungwa dzemunhu, naizvozvo chiito chinofanira kutanga kuitwa mupfungwa dzevanhu.” Dzidzo yakadaro ingaita kuti vanhu vanzvere zvavanodavira pachavo.

Federico Mayor, mutungamiriri weUnited Nations Educational, Scientific, and Cultural Organization, akanyora kuti: “Kubvumira zvimwe zvitendero ndirwo runako rwemunhu ane chivimbo.” Achinyora mumagazini yeRéforme, muprisiti weDominican Claude Geffré akati: “Kubvumirwa kwezvimwe zvitendero chaikoiko kunotsamira pachivimbo chakasimba.” Munhu anogutswa nezvaanodavira pachake sezvingabvira haanzwi aiswa mungozi nezvinodavirwa nevamwe.

Zvapupu zvaJehovha zvakawana kuti nzira yakanakisisa yekutsigira nayo kubvumirwa kwezvimwe zvitendero ndeyekutaura nevamwe vanodavira zvakasiyana-siyana. Zvapupu zvinorangarira zvakakomba uporofita hwaJesu hwekuti “evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose,” uye zvinonyanyozivikanwa nokuda kweushumiri hwavo hweevhangeri. (Mateo 24:14) Mubasa iri, vane mukana wekunzwa vanhu vezvitendero zvakasiyana-siyana—pamwe chete nevasingadaviri kuti Mwari ariko—vachitsanangura zvavanotenda. Uyewo, Zvapupu zvakagadzirira kutsanangura zvazvinodavira pachazvo kune avo vanoda kuteerera. Nokudaro zvinotsigira kukura muzivo nekunzwisisa. Zivo yakadaro nenzwisiso zvinoita kuti kubvumirwa kwezvimwe zvitendero kupararire zviri nyore.

Kubvumirwa Kwezvimwe Zvitendero Nechiri Kuseri Kwacho

Pasinei zvapo nevavariro dzakaisvonaka dzevakawanda nenhamburiko dzisina kukamukana dzevamwe, kusadiwa kwezvimwe zvitendero nenzira yakajeka kunoramba kuchinetsa nhasi. Kuti zvichinje chaizvoizvo, chimwe chinhuwo chinodiwa. Pepanhau rekuFrance Le Monde des débats rakasimbisa dambudziko racho kuti: “Nzanga dzanhasi dzinowanzotambura nekushayiwa zvinhu zvemurangariro nezvemudzimu. Mutemo unogona kudzivirira rusununguko pane vanorwuisa pangozi. Unogona uye unofanira kuita kuti pave nokuenzana kana pane mutemo, pasina kusarura kwekuzvidira.”

Bhuku rinonzi Democracy and Tolerance rinobvuma kuti: “Pachine basa kuti tisvike pakuita kuti pave nokunzwisisana nekuremekedzana mutsika dzinodiwa munyika yose.” Bhaibheri rinopikira kuti rudzi rwomunhu rwuchakurumidza kubatanidzwa mukunamata kwakachena kwaMwari mumwe wechokwadi. Kubatana uku kuchaguma nokubatana kwenyika yose kwechokwadi, kana kuti ukama, umo muchava nekuremekedza vamwe. Vanhu havazombonetswi nekusaziva, sezvo Umambo hwaMwari huchadzidzisa vanhu nzira dzaJehovha, nokudaro ndokugutsa zvinodiwa zvavo zveungwaru, zvemirangariro, uye zvemudzimu. (Isaya 11:9; 30:21; 54:13) Kuenzana chaikoiko nerusununguko zvichapararira panyika. (2 VaKorinte 3:17) Nekuwana nzwisiso yakarurama yezvinangwa zvaMwari nokuda kwevanhu, unogona kukurira kusaziva nekusadiwa kwezvimwe zvitendero.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 11]

Chitendero Chiri Pangozi

Mumakore achangobva kupfuura zviremera zvakaedza kuvhiringidza Zvapupu zvaJehovha muFrance nekusavabetsera zvakafanana nezvimwe zvitendero. Nguva pfupi yapfuura, mipiro yazvakawana yekutsigira mabasa azvo echitendero yakachanjwa mutero wakawandisa. Zviremera zveFrance zvakamanikidzira zvisina kururamisira mutoro wemutero we$1 500 000 000 (mutero nezvirango), nevavariro iri pachena yekuvhiringidza boka iri revaKristu nevayemuri 200 000 muFrance. Ichi chiito chiri pachena chekusarura kwechitendero chinopesana nenheyo dzose dzerusununguko, ukama, nekuenzana.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kusadiwa kwezvimwe zvitendero kunowanzotungamirira kumasimba masimba

[Mifananidzo iri papeji 12]

Pasinei zvapo nemabasa echitendero eZvapupu zvaJehovha, vamwe vakuru vakuru vehurumende veFrance vanotaura kuti havasi chitendero!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe