RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 1/8 pp. 13-15
  • Ndingararama Sei Ndisina Vabereki Vangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingararama Sei Ndisina Vabereki Vangu?
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Ndiani Achandichengeta?’
  • Mutoro Wemhuri
  • Kuzvitarisira
  • Kutarisana Nemamiriro Acho Ezvinhu Akaoma
  • Nei Ndichifanira Kugara Ndisina Vabereki Vangu?
    Mukai!—1998
  • Neiko Ndichifanira Kuva Gotwe?
    Mukai!—1992
  • Ndingawirirana Sei Nevamwe Vana Vomumba Medu?
    Mukai!—2010
  • Ndingawirirana Sei Nevana Vomumba Medu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 1/8 pp. 13-15

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingararama Sei Ndisina Vabereki Vangu?

“Pandaiva nemakore matatu uye hanzvadzi yangu ine mana, vabereki vangu vakarambana. Vakarwira kutichengeta mudare, uye pakupedzisira takatorwa namai vangu. Zvisinei, pandaiva nemakore manomwe, ini nehanzvadzi yangu takafunga zvokunogara nababa vangu.”—Horacio.

MAKORE anoverengeka gare gare, baba vaHoracio nemukadzi wavaigara naye vakabva—vachisiya Horacio nehanzvadzi yake. Horacio anoyeuka kuti: “Pazera remakore 18, ndomavire andakaita musoro wemhuri yaiumbwa nehanzvadzi yangu ine makore 19, nemwanasikana wababa vangu aiva nemakore 12—uyo akasarudza kusara nesu—uye neni.”

Sezvakaratidzwa nenyaya yakapfuura, mamiriyoni evaduku munyika yose anozviwana asina vabereki.a SaHoracio, dzimwe pwere dzakasiyiwa. Asi dzimwe dzakafirwa nevabereki kana kuti dzakaparadzaniswa navo nehondo kana kuti njodzi dzisingakonzerwi nomunhu. Chero zvazviri, kusava nevabereki kunogona kuoma nokutambudza. Uye kunogona kukusiya une mitoro yakakomba.

‘Ndiani Achandichengeta?’

Kuti unogona kubata nhau yacho zvakanaka sei zvinoenderana zvikuru nezera rako uye mamirire ako ezvinhu. Zviri pachena kuti, mamiriro acho ezvinhu akanyanya kuoma kana uchiri muduku kana kuti uchiri mumavambo okuyaruka. Kunyange kana zvirizvo, zvimwe hauna kusiyiwa uri woga zvachose. Zvichida sekuru, tete, kana kuti mumwe mukoma mukuru kana kuti hanzvadzi inoda kukuchengeta.

Pakati peZvapupu zvaJehovha, kutarisira nherera nechirikadzi kunoonekwa seimwe nzira yemanamatire avo. (Jakobho 1:27; 2:15-17) Uye kazhinji, vamwe vari muungano vachabatsira. Horacio nehanzvadzi dzake, somuenzaniso, vakanga vafunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye vaipinda misangano yazvo. Ikoko vakaona imwe mhuri yechiKristu yakatanga kuvabatsira. “Ndinoonga sei Jehovha nokunditungamirira kwaakaita uye kunditarisira norudo zuva nezuva!” anodaro Horacio. “Takakomborerwa nokubatsirwa nemhuri yemuungano yaikoshesa zvinhu zvomudzimu kwazvo iyo yaiva nevaduku vezera redu. Vakatiita sevana vavo, uye naizvozvo, zvakanga zvisati zvamboitika, takanzwa kuti taiva mitezo yemhuri, yataigona kuvimba nayo.”

Zvisinei, hadzisi pwere dzose dzine rombo rakanaka kudaro. Mushumo weUnited Nations Children’s Fund unotaura kuti: “Dzimwe nguva vamwe vana vasina vachengeti vanotorwa nemhuri dzinovabata zvisina kufanira, dzinovamanikidza kushanda pasina mubhadharo kana mukana wokufambira mberi, dzinovashandisa muchipfambi kana kuti kunyange kuvaita varanda.” Naizvozvo kana une mumwe munhu ari kukuchengeta zvakanaka zvine mufungo, tenda.

Zvinobvumwa kuti, kusava nevabereki vako kurasikirwa kukuru. Uye nomuzvarirwo ungarwadziwa kuti havapo kuti vakuchengete. Kuudzwa zvokuita nehama kana mukoma wako zvinogona kuwedzera kugumbuka kwako. Asi usapedzere shungu dzako pavanhu vari kuedza kukuchengeta. Bhaibheri rinotaura kuti: “Nokuti chenjerai kuti kutsamwa kurege kukusvitsai pakudadira [zviito] . . . Chenjerai, regai kurangarira zvakaipa.” (Jobho 36:18, 21) Yeuka musikana wemuBhaibheri ainzi Estere. Senherera, akarerwa nehanzvadzi yake yekwababamukuru Mordekai. Kunyange zvazvo akanga asiri mubereki wake chaiye, Mordekai ‘akamupa mitemo,’ yaakateerera, kunyange paakanga ava munhu mukuru! (Estere 2:7, 15, 20) Iwewe pachako edza kuteerera nokubatira pamwe. Zvichabatsira kwazvo kuderedza kutsamwirana nokuita kuti upenyu huve nyore kuvose vanobatanidzwa.

Mutoro Wemhuri

Kana une mukoma—kana kuti kana iwe pachako uri mukuru zvakakwana—zvimwe zvingaita kuti iwe nevana vamai vako mugare moga. Zvimwe ndiwe ungatofanira kuva musoro wemba—basa rinoita serakakomba kwazvo! Zvisinei, mumamiriro ezvinhu akadaro vaduku vakawanda vakaita basa rinoyemurwa rokutarisira vana vamai vavo.

Zvinonzwisisika kuti, ungafanira kubata nokumwe kunzwa kwokushatirwa. Kurangarira kuti unoda nokuchengeta vana vamai vako kungakubatsira kufunga nenzira yakanaka. Zvingabatsirawo kuona kuvachengeta sebasa rokupiwa naMwari. Pamusoro pezvose, vaKristu vanorayirwa kuchengeta vokwavo. (1 Timotio 5:8) Asi kunyange zvazvo ungaedza nepaunogona napo kuva baba kana kuti mai kuvana vamai vako, haumbofa wakava mubereki wavo chaiyeiye.

Kukarira kuti vana vamai vako vakuitire zvavaizoitira vabereki vako kukarira zvinhu zvisingafi zvakaitika. Kutaura chokwadi, zvingatora nguva yakati vasati vagadzikana nokukuona somutungamiriri. Naizvozvo pari zvino, edza kusaodzwa mwoyo. Dzivisa “shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose.” Nomuenzaniso wako, dzidzisa vana vamai vako kuti “[va]itirane mwoyo munyoro, [va]nzwirane tsitsi, [va]kanganwirane.”—VaEfeso 4:31, 32.

Horacio anobvuma kuti aimbokanganisawo: “Dzimwe nguva ndainyanya kuomesera vana vamai vangu. Asi kusvika kumwero wakati, zvaidzivirira, uye takaramba tine mufambiro wakanaka pamberi paJehovha.”

Kuzvitarisira

Kana vabereki vako vasipo kuti vakuchengete, kuzvitarisira kunyama pasina mubvunzo ndicho chinhu chikuru kwazvo chokufunga nezvacho. Zvichida mumwe mutezo weungano unogona kukubatsira nevana vamai vako, kana uinavo, kudzidza kubika, kutsvaira, uye kuita mamwe mabasa omumba ayo zvino unofanira kuita. Ko mari uchaiwana kupi? Zvichida hapana zvaungaita kunze kwekutotsvaga basa.

Zvisinei, mabasa, haawanzowanikwi nepwere dzine dzidzo shoma, dzisina makore oruzivo rwebasa, kana unyanzvi hwebasa. Naizvozvo kana zvichiita kuti upedze dzidzo inowanzokarirwa munhu kuva nayo—kana kuti kutodzidzira basa chaiko—ita kudaro. Horacio anoyeuka kuti: “Ini nehanzvadzi yangu huru takashanda kuti tiwane mari yechikoro changu nechemwana wababa vangu.” Kana uchigara munyika ichiri kusimukira, ungafanira kushandisa uchenjeri hwako kutsvaga basa.—Ona “Kuita Mabasa Munyika Dziri Kubudirira,” iri muchinyorwa cheMukai! yaNovember 8, 1994.

Munyika dzakati budirirei mune zvoupfumi, zvingatobvira kubatsirwa nemari nehurumende. Kazhinji kwazvo, kune vamiriri vehurumende kana vasiri vehurumende vanozvipira kubatsira vana vasina vabereki kana vakasiyiwa. Somuenzaniso, vamwe vamiriri, vangakubatsira kuwana zvokudya kana kuwana pokugara. Chokwadika, mari ipi neipi yaunowana inofanira kushandiswa nokuchenjera. “Mariwo chitaviridzo,” rinodaro Bhaibheri. (Muparidzi 7:12) Uye kutoti uchingwarira mukuronga nokuishandisa, mari inogona kukurumidza ku‘zviitira mapapiro.’—Zvirevo 23:4, 5.

Kuzviwanira zvaunoda kunyama ingasava nhau huru kana munhu mukuru achikuchengeta. Zvisinei, munguva yemberi, nguva ichasvika yauchafanira kuzvitarisira. Sezvo usisina vabereki vanokukurudzira kupfuurira nedzidzo, zvingada nhamburiko chaiyo kuti uise pfungwa dzako pazvidzidzo zvako. Zano romuapostora wechiKristu Pauro kuna Timotio pamusoro pokufambira mberi mumudzimu ringashandiswawo muzvidzidzo zvako zvokuchikoro: “Shingairira zvinhu izvi; uzviite nomwoyo wose, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe navanhu vose.” (1 Timotio 4:15) Pakuita kudaro, uri kupa avo vakakupoteredza muenzaniso wakanaka uye uri kuzvibatsira.

Chinokosha zvikurusa kuzvitarisira mumudzimu. Edza kuva nepurogiramu iri pakati nepakati yezvinhu zvomudzimu. (VaFiripi 3:16) Somuenzaniso, pakati peZvapupu zvaJehovha pane tsika yokukurukura rugwaro rweBhaibheri zuva nezuva. Wadii kuita izvi sechimwe chikamu chezvinhu zvaunoita nguva dzose? Kufunda Bhaibheri nokupinda misangano yechiKristu nguva dzose kuchakubatsirawo kuramba wakasimba mumudzimu.—VaHebheru 10:24, 25.

Kutarisana Nemamiriro Acho Ezvinhu Akaoma

Kurarama munhu asina vabereki kwakaoma, asi hazvirevi kuti upenyu haufadzi. Amai vaPaola uyo ane makore makumi maviri vakafa paaiva nemakore matanhatu bedzi. Baba vake vakafa paaiva nemakore gumi. Mumwe mukadzi ane mutsa akagara naye nevana vamai vake vana. Upenyu hwake hwanga husingafadzi zvachose here? Aiwa. Paola anoti: “Zvimwe hatisi hedu mhuri chaiyo sezvainofanira kunge yakaita, asi tine upenyu hwakangofanana nehwevamwe. Kutaura chokwadi, kudanana kwatinoita kwakasimba kupfuura mhuri zhinjisa.”

Mukoma waPaola Irene anowedzera kuti: “Kunyange zvazvo tisina vabereki, takangofanana nevamwe vaduku.” Zano rake rokupa vari mumamiriro ezvinhu aya? “Usanzwe sokunge kuti zvinhu zvakanzi zvinofanira kukuipira.” Horacio anotaurawo zvakafanana anotaura kuti: “Mamiriro acho ezvinhu akaita kuti ndikure nokukurumidza kwazvo.”

Kurasikirwa nevabereki ndechimwe chezvinhu zvinorwadza zvikurusa kufungidzira. Kunyange zvakadaro, ziva kuti, uchibatsirwa naJehovha, unogona kurarama nokukomborerwa naye.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Nei Ndichifanira Kugara Ndisina Vabereki Vangu?,” iri muMukai! yaDecember 8, 1998.

[Mufananidzo uri papeji 14]

Unogona kutsigirwa nevakuru vechiKristu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe