“Kudzidza Chifundo Chokushivirira”
SEZVO tinosvika mugumo wezana ramakore rechi 20, rudzi rwose zvaro rwomunhu rwati rwadzidza zvifundo zvipi nezvipi here zvinobva munhau yarwo yamasimba masimba chifo cha 1914? Federico Mayor, mutarisiri mukuru weUNESCO (United Nations Educational, Scientific, and Cultural Organization), akanga asina tariro zvikurusa munyaya yaakanyora nokuda kweThe Unesco Courier. “Nyika ine kubuda kunogona kuonwa . . . haisati ichikuchidzira mbavarira yomwoyo wose. Dzidziso yokurangarira zvinhu sezvazviri, urudzi, fungira mano akaipa yedzinza neyerudzi, kuvengwa kwavaSemite zvorudzidziso: mhepo dzorusununguko dzakakuchidzira mazimbe oruvengo. . . . Kuputsika kwenhevedzo yekare kwakasiya nzvimbo yakazarukira marudzi ose amavambo matsva, mamwe awo ane nyongano yokunyanyisa—uye masimba masimba anobudirira munzvimbo isina chinhu.”
Neiko masimba masimba achibudirira? Neiko vanhu vachivenga uye vachiuraya vamwe nemhaka bedzi yemisiano murudzidziso kana kuti mugariro worudzi? Mungava muyaichimbova Yugoslavia, muIndia, muNorthern Ireland, muUnited States, kana kuti kunzvimbo ipi neipi zvayo munyika, chimwe chezvisakiso zvikuru zveshiviriro chinoratidzika kuva chiri mudzidzo inotungamirirwa zvisina kururama. Panzvimbo pokudzidza kushivirirana nokuremekedzana, vanhu vakadzidza kusavimbana nokuvengana kubva kuvabereki vavo, kubva kuzvikoro zvavo, uye kubva munzanga yose zvayo.
Federico Mayor akapfuurira, kuti: “Ngatisiyei kushivirira ikoko kunopanikirika uko kunotibvumira kushivirira vasingashiviririki—varombo, vane nzara navanotambura vamamirioni avanhu. Kana tikadaro, tichanangana nokudziya kwomushana wetsitsi nouhama.” Iyi mifungo yakanaka. Asi mitooi inoshanda iriko inogona kuchinja mudzimu wakaputira nyika unotsigira inonzi nyika yakavhenekerwa?
Anopfuura makore 2 500 apfuura, Isaya akanyora aya mashoko aJehovha: “Vana vako vose vachava vanhu vanodzidziswa naJehovha, uye rugare rwavanakomana vako ruchawanda.” (Isaya 54:13, NW) Sezvo “Mwari ari rudo,” kunodaro kuti avo vanorarama chaizvo mukuwirirana nenheyo dzake vachadzidza rugare, kwete hondo; rudo, kwete ruvengo; kushivirira, kwete chinya.—1 Johane 4:8, NW.
Ndivanaani vari kusimudzira uku kudzidzisa kunotungamirira vanhu kurugare norudo nokushivirira? Ndivanaani vari avo vanorarama muchinzwano pasinei hapo namavambo avo orudzi? Ndivanaani vakagamuchira dzidzo yeBhaibheri yakachinja chimiro chavo chose kubva mune icho choruvengo kuenda kune icho chorudo? Tinorumbidza kuti iwe unzvere dzidziso nemiitiro zveZvapupu zvaJehovha kuti uwane chikonzero nei izvo zvamazvirokwazvo zvine chinzwano chenyika yose.—Johane 13:34, 35; 1 VaKorinte 13:4-8.